FINAL CHAPTER MARY Handina zvandaikwanisa kuita kana kuramba nokuti iye pachezvake ndizvo zvakanga achinzwa kuda. Hongu ndingakwanise kuramba zvanenge achida izvi, ini zvangu zvaiva zvakanaka nokuti mwana ndakanga ndava naye. NaPetty takatanga tisingataure tose nekuda kweizvi uye iye murume vangu kubvuma kunyengedzwa nezvisina basa izvi? Ndakatadza kuziva kuti kutora umwe mudzimai wechipiri kusagutsikana here kana kwaiva kusaguta munhu umwe chete. Zvose zvaiuya mukati mepfungwa dzangu apo ndaiva ndakagara ndichitamba nemwana vangu sezvo Mainini vaiva muimba yekubikira. Ndototi Mainini nokuti ndiye akauya kuzodenga plus apa vaiva vajaira chirungu zvino chituzevha vaikwanisa kuchigona here. Shasha yakabika sadza nemuriwo zvekuti ini handina kudya zuva racho ndaiva ndiri pamunamato vangu. Murume hameno kwaiva amukira zvake uye baba vakanga vaenda kushamwari yavo. Pavakadzoka vaiva vachiratidza kuva nenzara zvekuti vakasvikotora sadza ravo paraigara mazuva ose kana richinge rapakurwa. Hapana kuita nguva ndakanzwa ndodanwa zvakaita ndimhanye kuenda kwavakanga vari. "Baba ndanzwa kudana kwamandiita kwakanaka here?" Ndakadaro ndakaita kupfugama mberi kwavo nokuti atezvara vangu ndaivaziva hunhu hwavo. "Munonditi kwakanaka here kuita sezvinonzi mabika zvakanaka? Ndiani abika sadza nemuriwo uyu? Umwe wenyu ari kupi amai mudanei auye kuno" vakadaro vachiita kudya gaka mbisi chairo. Ndakafamba ndichibuda pana ndichienda kuroom kwaiva naPetty uko ndakasvika akatotambarara zvake serunyemba. "Mary! Unopinda muno kuita sezvinonzi ndemako sei? Kana kunzwa kunzi uri maiguru ndizvo zvinoita upinde muno ndisina kukupa mvumo here? Ndini ndakati utadze kubata murume vako zvakanaka here manje tichaona" akadaro ini handina kuita basa nazvo nokuti iye PATRICK kuroora kwakaita Petty akanga andiudza kare kuti ini ndini ndaiva ndichimushandisira mushonga ndosaka akanga asingachanditarise zvake avakuona Petty semunhu kwaye. Uye tsitsi dzangu dzinotsitsirira chaiko kuita hushingi hwekuchengeta nyoka mumba kana yaona kuti yakura haichina basa nokuti ndiani akandikudza or aindipa chikafu. Ndakaramba ndakamutarisa kusvika apedza kutaura kana zvandaida kumuudza ndakatadza kumuudza panguva yacho. "Petty baba varikukudana muimba yekubikira umo." Ndakadaro ndokufuratira zvangu. Ndakatora mwana vangu ainge achichema ndokuenda mumba makanga muna baba. Petty akapinda zvake tose taiva tachiita kugara. "Varoora! Ndirikuda kuziva kuti ndizvo zvamaibikira mwana vangu makore ose aya kudhorobha uku here? Kuita basa rekudyisa mwana vangu tsvina dzakadai idzi. Kuita kubika kunge mwana arikudzidzira kudai. Murikundiudza kuti mose muri vakadzi vakuru kudai nekukura kwenyu hanugone kubika sadza? Muriwo vacho mafuta kwayo mavegi ari kwavo kuita kunge urikubikira tsuro kudai." Vakadaro ini ndaiziva ndinogona ndakada kukumbira ruregerero asi ndakatangirwa naPetty. "Baba! Chiii chaitika nokuti kana neni sadza iri ndiro randatodyawo zvino zvamuri kutaura mashoko anorwadza kudai mati ndidiii? Ini handizi kubikira imimi asi ndiri kubikira murume vangu handingaite varume vaviri mumba." Kutaura kwaita Petty ndakaita kunyara chaiko kushaya kuziva ndotarisa kupi uku sadza raiva riri mbodza richiita kunhuhwa humbishi chaihwo. Petty ndakaedza kuda kumunyararidza asi nyaya yakapedzisira yava yangu zvakaita ndinzwe kurwadziwa. "Baba! Zvamataura tazvinzwa uye tichagadzirisa zvakare musatedzera uyu hana zvaanoziva" ndakadaro ndichikumbira ruregerero pane zvaiva zvataurwa naPetty. "Kana maona zvanetsa zvekubikirwa neni endai munoudza mudzimai wenyu akubikirei kana zvichiita munomufukunura handina ndakati afe musare muchinetsa isu pano. Ini ndakauya kuzoshandira PATRICK kwete imi" Ndakaona murume mukuru achiita kupupuma nehasha zvekuti vakabuda vasina amwe mashoko avakataura kunze kwekubudisa misodzi chete.. Ndakasara ndichida kuedza kudzora Petty nekuda kwemashoko makukutu aiva ataura aya. Asi munhu vacho akanga asingaudzike aiva akutozviona kunge hameno zvakaita ndisare ndingori nemwana vangu mumba umu pasina umwe munhu. Chokwadi zino irema rinosekerera newarisingadi chaiko ndizvo zvaitwa naPetty akanga asisandida kubva zvakangoita mudzimai vaPatrick nekumufurira kwaiva akaita. Pandakada kubuda panze ndakasangana naPatrick aiva achiratidza kushatirwa uye mashoko ake akanga achiita kurwadza chaiko kusvika pamoyo pangu apa.hongu ndakatadza kuziva zvaizviitira zvose izvi? Yangu mhosva ndeyei zvandakakumbira ruregerero wani ndikasiya Mabasa ose asina kufanira andaiita ndiyo andavakutukirwa here. "Pano uzive ukugarira mwana uyu chete. Ini newe hapana Rudo nokuti ndakakutarisa ndiwe vakakonzera ndiwe zvandiri izvi uye Petty akandiudza zvose uye kuti urikutoda kundidyisa ndosaka ndisiri kuda kudya zvaunobika apa uri kutukisa mukadzi vangu uriwe vabika chikafu ichi." Akadaro achiita kundibaya baya pahuma pangu. Handina kuda kutsvaka zvakawanda uye kuita sezvinonzi kwaigara vabereki vangu hakuko. Ndkapedza kurongedza kabag kangu ndokubata mwana vangu mamaoko angu. "Mwanakomana vangu! Handina mamwe mashoko Andingakwanise kuita kunze kwekuita zvandakuda kuita izvi, kana Mwari vaneni vachanzwa kuchema kwangu uku uye handina kwandinokwanisa kuenda newe kana baba vako vasingade ndavakumusiya mumaoko ababa vako ava." Ndakadaro ndokufamba ndichienda kwaiva naPatrick ndakasvika kumubatisa mwana ndokutora kabag kangu ndikati. "Patrick! Zvekushungurudzwa handidi zvangu zvakakodzera munhu aite zvehupenyu hwake unoti vabereki vangu zvavakafa uye kushaya kwekusvikira kwangu ndinonogara imomo musina marata mune matenga akadonha. Mwana vako ndasiya mumaoko ako zvauchaita naye handiziwe nokuti iropa rako iwe."ndakadaro ndokufamba nhanho mbiri kuenda mberi. Ndakanzwa baba vavakuti. "Zvamuri kuita ndiyo magumbeze nokuti pano muroora vandakagamuchira ndiMary uye uyu anoita vaima mupimbiri semakumbo ehuku uyu, imharadzi yakauya kuzoparadza ndiye achabva pano." Vakadaro vachibata Patrick noku.. PETTY moyo wangu unorwadza kwazvo kuburikidza nekufa kwakaita shamwari yangu Fungai. Ndakachema asi hapana zvazvaibatsira nokuti nyama yake yakanga yanzwa nekurwadziswa. Kunzwanana kwandakaita naMary kwaiva kusiri kwechokwadi asi kwaiva kuda kuona maaction ake nokuti kurova kwakaita shamwari yangu nekufa riri mumaoko ake kwakandirwadza ndakanyepera kuita sendaenda kunodzosera zvinhu ini ndokuenda kunotora umwe mushonga kune imwe n'anga wekuti Patrick akandiona anzwe kundida zvose nekundinzwira sugar sezvandakaita apa ndokuisa jambwa kuna sisi vachiti kufarirwa uye pamwana zvakatadzika nokuti midzimu yake yakasimba . Kutora masimba kwandakaita uye munhu wese aidya zvandabika kusiya kwababa. Rimwe zuva ndakashamisika kudanwa ndokunzwa mashura andakaudza zvekuti ndakati handinzwaro ini manjenjenje ndinotoda kuvedzera chironda ichi munyu icho chavakupora kare. Ndakataura mashoko akavarwadza zvokuti pakauya vangu murume ndakangoti.... To be continued. Thanks for your time and help guy's🙏🏻🙏🏻