Chapter 08 [Patrick] Ndakanzwa team yakuti ngatichitangai mutambo uya, asi ini ndaita kunzwa kuti pano kana vakauya vose ndinovakwanisa zvangu... Dzakauya shasha, asi uuummm zvinhu zvacho kunge zvine mhepo kune vamwe vose zvakaramba asi kune vangu zvakaita zvairwadza handidi kunyepa. Dai zvipa nyembe dzisina ne basa kuti kana vakauya vose zvavo ndinovakwanisa, ndakaita kunge ndichafa nemunhu hwani uyu..... Vakazobuda zvavo vachienda kuroom kwavo ini ndikasara ndakagara ndakazonzwa kunenge kupopotedzana kwevanhu ndakaenda ndichida kunonzwa zvaitaurwa ndipo pandakanzwa shasha dzichipopo tedzana nekuda kwangu.... Hanzi "iwewe ndiwe vazorara naye nekuti vakamugadzira kuti mushinhi usashande pane mumwe munhu chiona zvavaita manje...." Ndakaseka, shuwa kune vanhu vanoda zvinhu kunge Mary kuri kutya kutorerwa here.? Ndakazonzwa vachinja nyaya vakutaura yekunoda kutenga zvinhu ndikatoona zvakakodzera kuti ndiendewo nawo kuno tenga zvinhu zvacho ndichiona nzvimbo sezvo ndava bho manje.... Asi chimwe chinhu chaiuya mumusoro mangu semunhu akanga asina foni ndikaudza Mary hambo rambi sezvo akanditi "kana pane chaunoda taura kwete kungo nyarara" saka apa ndikatengerwa foni ndomuti ndirikuda kuenda kumusha ndinoziva kuti harambe kuenda neni kumusha kwedu... Pandakamuti "Mary ndinoda kukuona" haana kuramba akaita kubvumira padenga apa aine mufaro usingaiti ndikati "zvangu zvaita,dai akango bvuma zvandinoda chete....." "Mary ndakudanira kuti ndikuudze zviri mumoyo mangu uye handiziwe kuti unga zvigamuchira here " "Aaaa! ndongotadzab neyi kuzvigamuchira."akadaro Ndakambotanga ndakosora nhema ndichishaya matangiro enyaya yangu.... Hazvisi nyore kungomukira kutaura ka1, saka ndaitofanirwa kutanga ndaita kakunyengerera.... "Sezvo iwe vakanditi zvese zvaunoda unofanirwa kutaura, ndokuitira murume vangu. Ndandirikuda kuti sezvo iwe usati vakaenda kumusha kwedu kunoona vabereki vangu.....Ndandichida kuziva kuti tinoenda rinhi kunovaona nhai Mary? nekuvaudza kuti ndiwe mukadzi wangu vagare vachiziva..." Ndakaona shasha ichiratidza kakuvhunduka ikambotora nguva yakanyarara handiziwe zvaaifunga.... Ndakazonzwa ava kuti "zvinoita, asi ndichatanga ndafunga nezvazvo ndozokuudza kuti tingaenda rinhi kumusha..." Ndakanzwa kusununguka asi chakanga chasara kutaura nezvefoni apa ndipo pane nyaya.... "Ndine imwe nyaya Mary yandino kukumbirawo kuti haungakwanisa kundiitirawo here zvimwe zvandinoda....?" "OK!taurai makasununguka daddy musatya kutaura." Ndakataura nyaya yefoni shasha yakabvuma zvayo kuno tenga asi ndakanga ndisingazive kuti achanoitenga rinhi ndakazoswera zvangu ungori mufaro chete chete.... Ndakaenda mubath room kuno geza ndikaona tap isiri kushanda asi imwe yacho yaishanda ndakamudeedza akauya kuzoona akati inoda kugadzirwa ndichaona kuti ndingatsvaka munhu anokwanisa kuita plumbing here uye avha agadzirisa nemutoilet umo.... Takazoenda kwa Ok kuma past 3 kunotenga zvinhu apa takangoenda tiri two chete nababie wangu kunyangwe achichinja kuita nyoka ndomuda zvakadaro ini.... Takapinda mushop muya tikatanga kufamba tichitora zvataida ndakazoona mumwe musikana aingonditevera apa aitakundipa ziso risingaiti ndakazoramba ndakamuyeva ndikazonzwa ndanzi..... [Mary] Ndakanga ndazobvuma manje kuti Patrick apinde muchikwata, asi chakanga chasara chinhu chimwe chete haango pindi mune vamwe pasina muripo zvee... Parizvino tinombo mumirira tione kuti zveshuwa achinja here kana kuti ndezvenhema dzake... Ndakarohwa nehana paakanditi anoda kuenda neni kumusha kwavo uye nekuno udza baba vake kuti uyu ndiye muroora wenyu, but mudhara vacho handione tikanzwanana isu nokuti pane zvandakambo sangana nazvo hangu... Ndakazongomuti "ndichakuudza mamiriro azvinenge zvakaita" ndichiitira kuda kugadzirisa chivanhu changu sezvo tiri kuenda kwandisingaziwe saka unofanirwa kuenda vakakwana kana ukada kuitwa chii zvacho hapana chinoitika... Uuuummm pefoni apa ndipo pandakanga ndisingade kunzwa nezvapo. Ko, ndikamupa foni yacho yaari kuda hazotize here? kana kuudza vanhu nemamiriro akaita zviripamba pangu ipapa ndofanirwa kutanga ndapaongorora chete Kana zvaita ndozomutengera runhare rwake.... Ndakamuti ageze tiende kuno shoper munhu ava kunditi tap yafa ndakatanga kufunga kutsvaka munhu aizogadzira pamba pangu nokuti pane zvimwe zvaida kugadzirirwa mutoilet zvakawanda asi ndaifanirwa kutanga ndaisisa macamera pamba pangu kuitira pandinobuda. Nokuti ndikasaisisa macamera ndaigona kuzoruza zvinhu zvakawanda... Patakapinda maOk ndakaona maths dzose dzaitwa naPatrick, aita kunditarisa kuti ndaisaona here zvaakanga akatarisa mumwe musikana ndikatoti baba ava havasikuziva zvavo kuti mushinhi haunyatsoita kune vanhu wekunze... Ndakazonzwa hasha munhu ava kutoramba achiwedzera ndikamudonza ndikaenda naye kumota ndikarova mota kudzokera kumba ndainge ndatsamwa manje.... Handina kumubvunza zvangu nokuti ndakanga ndavabusy kutaura nevanoisa macamera kuti havakwanise kuuya mangwana vachitanga basa here.... Ndakapedza kutaura nawo ndikafunga kuda kuenda kwandakanotora Patrick kumabhiridha kuti ndinonzwa kana vachikwanisa kundiitira plumbing pamba pangu ndakazogaya kuti hazviiti, ndakazokumbira vamwe mai kuti kana pane vavaiziva anogona kuita zvekugadzira izvi wandipevo number dzenhare dzacho.... Vakandipa ndikataura nemunhu vacho akanditi aizouya nefriday kunoona ndikati atleast wemacamera anenge apedza.... Ndakati regai ndiende kuroom yangu isina ani anopinda, uuuummm zvandakaona ndakashaya kuziva kuti ndoita sei apa zvinhu zvacho zvakanga zvakundiomera hama dzangu ndakanga ndisisarara husiku nekuda kwekuti .... Ndakanga ndakunzi panodiva ropa remhuri yekwako kana kwana Patrick. Ndairara ndakagara ndaiti ndikangoda kurara zvinhu zvototanga kundinetsa kusvika ndabuda mumba ndikanorara mumota, asi zvakati unonyepa uri kuto tiza zvako manje ndakashaya kuziva kuti ndoita sei... Ndakazofunga kuti sezvo ini naPatrick tava vanhu vamwe chete zvakakodzera kuti ropa ribve kufamily yana Patrick asi ndaitotanga ndamunzwa munhu vacho.... Ndakazomuudza mamiriro azvanga zvakaita akanditi hazvinetse asi tanga vanditengera foni then tozoona kuti tingaite sei nenyaya iyi sezvo zvinhu izvi zviri kuda kuitwa zvipere nokuti ndikasadaro zvinhu zvose zvinoenda musango..... Ndakazoswera ndichiona vanhu vaiisa macamera, vakanyatso maisa zvakanaka zvekuti munhu anosvika pamba pangu haamaone macamera acho sezvo ari pakahwanda.... Chakanga chasara kumirira bhiridha kuuya kwake nefriday kuzogadzira kumba kwangu..... Patrick akanga ava munhu kwaye zvekuti ndaimutuma achikasika kudzoka ndikaziva zvangu kuti shasha iyi hapana kwaichaenda yatova yepano chete..... Ndakazobatwa nehope masikati ndikarara sezvo manheru ndisinga rare nekuda kwenyoka dzangu idzi.... Ndakazomutsva naPatrick achiti pane munhu ari pagate arikuti ndauya kuzoona zviri kuda kugadzirwa kuitira kuti ndizotenga material yacho nguva ichipo...... Ndakamuti ngapinde hake Shasha yakaenda kugate ikauya nemunhu uya ndikaona zvaari bhiridha vandakamboona uya apa ndakazviudza kuti handibude pamba kusvika apedza chete iye Patrick kuita kunge asingamuziwe munhu uyu zvinova zvandakafarira zvangu..... Akazoenda zvake asi ndakasara ndichirohwa nehana. Ko, munhu uyu akazondinyangadzira madeal angu pano pamba ndinoita sei manje....? Ndaitofanirwa kuita plan yekuti asaonane naPatrick musi wefriday nokuti ndikasadaro madeal angu anoenda kusiriiko..... Ndakazoti regai ndibho tarisa macamera angu pandakanoti ndichivhura foni sezvo ndakanga ndakamati ndomaonera pafoni futi ndakaona...... End of chapter 08 Be blessed 🙏