Chapter 16 Muparidzi 7: 8,9 Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho, ane moyo murefu anopfuura ane moyo unozvikudza. Usakurumidza pamweya wako kutswamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachifuva chmapenzi. (BabaPanashe) Ndaita kushaya pekutangira. Mukadzi wangu akanditi "madii manotaura kune wemutemo, kuti mashaya munhu akadai. Uye nekubvunza vanhu vapindana nedambudziko retsaona kuti vaendeswa kupi...." Ndakaona iri pfungwa yakanaka, asi ndakanga ndisingade kumhanyira kuenda kumapurisa ndisati ndavane humbowo hwakakwana zvaizondinetsa kumberi. Chandakakwanisa kuita kunamata kuti asawana chinomuwana kwaari ikoko... Ndainamata zuva nezuva, uye nekutsanya pavhiki ndaigona kutsanya katatu... Ndaita kuramba hameno kwaari uye ndoziva kuti Patrick haana kuenda kuchipatara achauya zvake.... Mukadzi wangu akambo ndishingisa,asi mazuva akanga apindana zvekusvika pakushaya zvekuita chaizvo... Zuva randakanga ndati ndichaenda kunoona baba vake nekuvapira mamiriro azvakaita apo ndaitarisira kubuda mangwana makuseni... Ndakamuka makuseni ndichida kuenda kumusha ndakati ndavakubuda ndakasanganidzana na...... {Patrick} Zvaindirwadza ini muhupenyu hwangu handina kusangana nezvakadai. Ndaitofara kuti ndabuda ini ndisingaziwe zvirimberi... Ndakazonzwa driver wetruck akuti, "imi amai kana mashaya vanhu wenyu musada kutinetsa muno gara kupi....?" Ndakaona mota yeshasha yavakuenda ndikaziva kuti audzwa zvorwadza.... Takazosiva paMachipisa tikatanga kufunga kuti todii zvino, ndiripakati pekufunga handina kuziva kuti mumwe wangu ava kutocross road kare nemota mawandiro adzanga dzakaita.... Ndakazonzwa mota yaita kubata mabrake zvineruzha ndikatarisa vanei Mary atopasi nestick yake ari pamberi pemota ndakamhanya paakanga ari, ndikatanga kuridza mhere ukundichishedzera help asi hapana akakwanisa kundinzwa apa ropa raibuda rakawanda uku hembe dzakang adzisisa tarisika zvekuti pakazosvikawo mumwe murume akazotibetsera ndokumhanya naye kuchipatara. Tichisvika kuya ndakanzwa doctor wava kuti...... (MARY) ndakazonzwa munhu ava kundivhara muromo ndikatoziva zvaizviitira... Akazonditi "tasvika ngatichienda kuno tora makombi ekuenda kuChitungwiza" ndaitoti munhu ava kufamba ndisingaziva kuti asara akamira, ndakatanga kutatarika ndichienda nekwandisingazive. Mongoziva kufamba kwemunhu asingaone kwakangooma, uye ndakanza kuti pano ndopakuperera hupenyu hwangu mushure mekunge ndarohwa nemota.... Inzwi raPatrick ndakatanga ndicharinzwa kudzamara ndisisarinzwa. Mweya vangu waita kunge vakugumisirwa zvese zvakasara zvichiitika handina kuzozviziva ndakanga ndatokunyika yangu ndega... Ndakatanga kuona vanhu vakasiyana-siyana,uye newandakauraya vachiti hazviiti! ngadzokere atange anogadzirisa zvinhu zvake first apa ndaishaya kuziva zvavai edza kuda kureva chaizvo.... Vamwe vachiti nganotanga apedza mhosva dzake, uye arikutiona kuti hatina zororo mweya yedu irikungotenderera panzvimbo imwe chete kushaya kwekuenda nekuda kwake. Saka anofanirwa kutambura sezvatirikuita... Ndakachema,asi hapana akandinyaradza zvake... Pandakazomuka ndakanzwa kuti pano hapana kumira mushe, ndaita kunzwa muroom umu kuti murikurema apa hwanga huri husiku... Ndakatanga kunzwa munzeve dzangu kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka zvaita kuvharira room yose, ndakaziva kuti vanhu wemabasa avo watanga.... Ndakanga ndavapanguva yakaoma nekuda kwemushonga yandakanyengedzwa kunzii tora tiite mari, nhasi ndiyo yavakunditambudza apa ndakapedza hama dzangu dzose kwakasara anaSekuru kwandiri kunzi ndofanirwa kuenda kuno vaudza, manje ndinotangira papi kuno vaudza nezvandakaita izvii ...? Apa handitozive kwavatori pamwe vakatobva kwavaigara kwacho apa ndipo pandazonyatsoona moto chete..... Kushaya hope chaidzo manheru nekunetswa nehama dzandakagurisira hupenyu! ukuwo team rikutoda zvekundiuraya chaiko... Ndakatadza kuziva kuti vanaFungai wakanzwa nani kuti ndaita tsaona... Apa ndakanzwa mavoice avo uye hameno zvimwe zvinhu zvavakamwaya muroom mandaiva ndikatanga kurwadziva zvese nekutsvinyiva zvakanyanya ndakademba Patrick zuva Iri, akanga aenda kupi achindisiya ndiri ndega kudai..... (PATRICK) Ndaneta ini zvinhu zvose zviri kungoitika handichazviziva inI... Dai arega kufira mumaoko angu atange andisunungurisa kuna mudhara bcz ndiye ari kunzi anga kwanise kundisunungurisa kana pasina iye hupenyu hwangu hapana kwahuno enda... Ndaita zvekushaya ndiri muchipatara apa doctor vachitoshedzera zvavo zvimwe.... Hanzii kana usina Mari hapana kumubatsira kwatingaite,uye nekutenga mishonga inodiva... Ndaiwana kupi mari ini ndaishaya yekombi chaiyo?ndozoti yekurapisa munhu... Ndakakumbira mumwe murume mari yekombi akandibatsira ndikasiya ndati "doctor! kana pakauya vanhu vachida kumutora musabvuma kuvapa munhu uyu kunze kwangu chete." Vakabvumirana nazvo ndikaenda kumba ndaida kuno tsvaka mari kuna bamudiki wangu.... Apa ndakanga ndavanenguva yakareba ndisingaziwe kumba uye kugeza zvekuti mukombi mandakakwira vanhu vaingochema chema asi ini ndakanga ndisina basa nazvo... Ndakasanganidzana nababa mudiki vachiratidza kuti vakanga vanerwendo rwavo,asi vakazogurisirwa panzira neni... Ndakavakwaziva uye nekuvaudza zvandakasangana nazvo zvose nekurohwa kwakaitwa Mary nemota.... Vakanzwa tsitsi, uye nekubvunza kuti arisei ndakangovati "hasati ava kurapwa, handizi kuda kuti afire mumaoko angu" Apa Mainini wangu vaitotaura zvavanoda zvavo handisati ndaona vanhu vakadai ini uye vanemweya vakashata kudai.... Ndakazogeza ndikapedza ndikanzii hande tinoona kuti ava sei. Ndakamutakurira chikafu asi ndainzwa kurwadziva zvekuti ndaizonyaradzwa nababaPanashe apa misodzi ichingo buda yega... Dai ndaiziva kana hama yake imwe chete zvayozvaiva nani manje,akafa ndotangira payi? ndozvaingo ndinetsa chete... Ndakasvika ndikaudzwa nezvekuuya kwevamwe vasikana vainzi wanga vakuda kumutakura, uye vasiya vabhadhara mari yekuti arapwe... Ndakaziva vanhu vaitaurwa ava ndakamhanyira kuroom kuna Mary ndikasvikoona achita kutambura uye akanditi "ngatibude muno hamuna kumira mushe!tiri panguva yakaoma mhandu dzedu dziri pakutitsvaka...." Ndakazobuda kuno taurirana naDoctor asi vakamboda kuomesa musoro zvandakanga ndisisa nzwisise, ungati wanga vatengwa nevanhu ava.... Apa nguva dzavainzi vari kudzoka dzakanga dzavakutokwana zvekuti takazongo tsvaka mota yekuti takura apa ndipo pakanga pavakusvika team... Takarova pasi,chinenge chamuwana tozoona tavakumba ikoko pane kutorwa nevanhu ava... Patakasvika kumba ndakaramba kuenda naye kumba kwababa Panashe, ndaiziva mukadzi wavo kuti haadi zvisina basa saka ndakaenda naye kuroom yandaibhadhara mari.... Ndipo pandakanzwa Mary ava kunditi "ndinoda kukutuma kunana Sekuru wangu warikuMudzi kwaNyamukohwo kuno vaudza kuti...." Ndakaita kushaya pekutangira chaipo ndonosvika ndichivatii? [BABA PATRICK] Ndakambo muudza mukadzi wangu akaramba achitisa nharo,hezvo nhasi uno afuka rake ega... Nekuda kwenharo dzake zvese zvese anenge achingoti ndiri kunyepa ndichimuudza zviri kuitwa mwana wake... Apa aurayiwa nevana vake vacho nekuda kwemari... Ndozvanda karamba ini, uye ndakaita kuti akauraya mukadzi wangu asaone kusvika auya kuno taura ega... Ndakagara ndakazviona pakauya Patrick achiti mukadzi wake, hongu! ndinodawo muroora asi kwete type dzemunhu vakauya naye achiti mukadzi iye arimuroyi zvake... Ndakamutora ndikaenda naye pedu tega tinotaurirane sevarume asi akaramba kunzwisisa ndikamusiya akadaro ndaiziva kuti achadzoka zvake... Rufu rwemukadzi wangu rwakandirwadza, chokwadi ndakanga ndisingaziwe kuti mwana angauraya mai vake nekubvuma kunyengedzwa nemari zvayo,ndozvanda karamba izvozvo ndakaenda kunoita kuti munhu vacho anyanyorwadzivawo handizi kuda kuti afe izvozvi asi aone kurwadza kwazvoo.... Patrick paakauya nemfana wangu ndakamuti kuti tiwirirane enda unotora kamukadzi kako ndokangakwanise kukusunungurisa pasina izvozvo hapana.... "Ndinokupai mwedzi mitatu chete uye ikadarika chiregai kuuya zvenyu muchaona zvenge zvakuitika kwamuri ndapedza nemi," apa ndakanga ndagumbuka zvekusvika pakufunga kuda ku..... (FUNGAI) haaaa mhuka dzedu dzainetsa kuwana chokwadi! vaiti ukabvunza vanhu waikuti tavaona kwakati paunoenda hapana chaunoona.. Ndakazofara pakanzi Mary atsikwa nemota uye ari muchipatara... Ndakazviudza kuti ndotoendako chete, nokuti ndaida kumuisira mushonga wekuti afe kana kutotanga kupenga chaiko.. Chaindinetsa ndechekuti, sei Patrick ava kuona sezvo akanga asingaone? ndiye arikuti tadzisa mamissions edu munhu uyu,tofanirwa kutanga tauraya iyeye tozopedzisira neuyu... Asi kumutanga ndokunonetsa sezvo arimunhu anonamata chaizvo saka kumuendera kuhope ndochaiyo tomuurayirako... Ndakasvikoona Mary achiratidza kuti arikurwadziva uye kakasvinura ndakangoti"mufana unochiona chete nhasi toenda newe..." Doctor vakaramba kuti tiende naye ndikavati "hazvinetsi ndiri kudzoka nguva dzakati" vakabvumira uye kuratidza kutoti vari kundimedzerera mate asingazivi vanhu vavari kuda kutamba nawo... Patakadzoka vakaenda nesu kuroom kwanga kuna Mary uko takasvikoona nzvimbo yoga-yoga zvekuti ndakapererwa. Doctor kuzonditi ndine address yekwavaenda asi andikuudzei kusvika maita zvandoda. Ndakatoseka zvangu ndikati "muri kuda kuitirwei?" Hanzii hande kuoffice first, ipapo handina kuramba takaenda tikapinda iye kwakukiya door aifunga kuti ndiri mwana? hanzii "tangavarara neni ndozokupa address..." Ndakamuti tangavandipa uye haana kuramba zvake kundipa achipedza akatanga kubvisa nhumbi dzake kusaraa nekemukati chete... Akauya akatanga kundibvisa,ndakatyora zvangu... Paakanga akuda kuti achiita akangoerekana avakuona akabata. Ndikamuruma pamutsipa ndiye pasi dhii..... Ndikamusiya aita ku....... End of chapter 16 Be blessed 🙏