Chapter 1 Waiva musiwe China munguva dza 1pm, kunze kwaiva kune kamhepo kaivhuvhutira. Zuva rakanga richibuda richimbopinda mumakore akanga ariko apo. Mwanasikana anofamba achiita kuzvikweva kuita kunge asingade kufamba iye achida, pfungwa nendangariro dzake dzakanga dziri kure nokuda kwe kufunga zvakawanda zve hupenyu hwake. Akanga achitadza kuziva oita sei,apo akanga akapfeka shirt yewhite neskirt yake yemuto wenyemba inova ndiyo yakanga iri uniform yaipfeka pachikoro chavaidzidza. Mugumbo aiva akapfeka bhutsu yaiva isina kana sokisi zvaro uku mumaoko akanga akabata bepa rake rerudzi rweblue raiva riine mabook ake sezvo akanga asina bag. Ipapo mukufamba kwaiva achiita, anosviko gara pabridge akaisa makumbo kunorasira mvura akatarisa muonde vaiva uri mukarwizi aka. Mwanasikana anotanga kuyeverwa nezvakasiyana siyana achiona mashizha e muonde achirohwa nemhepo zvaita moyo unyewenuke,aripo kusvika pakukanganwa nhamo dzaiva nadzo muhupenyu hwake nezvaakanga achisangana nazvo zuva nezuva kuchikoro. Pakasvika vamwe vasikana vatatu vaidzidza naye muform two paChimoyo secondary School. Vasikana ava wakanga vasingabviri mukudenha; nokuti mwana uyu akanga asina kana ruzivo nekuda kwekuti akanga asingakwanise kuverenga kana kunyora zvakanaka. Dzaingova shungu zvadzo dzekuda kudzidza, asi mumusoro maiva makazara mvura chete chaizirikanwa pakanga pasina. Vasikana vatatu ava vanosvikobata bepa raiva nemabook aTarisai, vakatanga kuvhura mabook aye. "Grace shaaa! Shuwa huya uone zviri muno kana uti makanyorwa nemunhu here kana imhuka yakanyora apa? Iye mwana wekumba kwedu ari grade 1 hanganyore zvakadai zvinotosemesa izvi uzive zvirikubva nekupi hapana, shuwa nekukura kwaakaita uku kutadza kunyora here humwe hudofo haudi kudai." Akanga ari Sophia aitaura naGrace pamwe chete neumwe musikana vaiva naye anova iye Elizabeth. Vasikana vakatanga kubvuta mabook vachitiza nekuratidza vapfuuri wenzira uyu akanga zvino ochema nekuda kwezvaiitwa nevatatu ava, zvakaita moyo wake urwadziwe zvakanyanya. Shungu dzekuda kudzidza dzakanga dziripo, asi zvakanga zvaramba chaiko nokuti zuva nezuva akanga achisekwa nevamwe vana nekuda kwekushaya ruzivo kwake, ivo vaikwanisa nokuva neruzivo vaimuseka nokuti vaitoona munhu pasina kana chiripo asi kusekwa kunoita kuti munhu awane shungu kuwedzera chaiko. Chokwadi zongororo kugonya kugonya zvaro asi shungu rinadzo zvakafanana nemwanasikana akanga achisekwa asi shungu dzekuda kudzidza dzakanga dziripo zvadzo. Vasikana vatatu ava havana kuziva kuti munhu haashorwe nekuti ukaera nyoka negavi iyo iripo zvinonetsa.. Tarisai akanga ari musikana ane makore gumi nemana [14] apo akanga achiita form 2 yake paChimoyo. Mwanasikana akakura asina baba naamai, mushure mokunge baba vake vakashaya achiri mudumbu mai vake vaiva nenhumbu ine mwedzi minomwe. Mai vake vakazomusiya [kufa] pasina mazuva matatu iye achangobva kuzvarwa zvakaita asare nambuya vakazvara baba vake avo vakamuchengeta kusvika izvezvi paari apa. Baba vake vaiva vachizvarwa pamwe chete nehanzvadzi yavo yakanga yakaroorwa uyo aizirikanwa nokunzi. Monica Murakwe, vaiva vangori vaviri mumba mavo umu ndiye ega aikwanisa kubatsira mwanasikana wehanzvadzi yake iyi. Tarisai zvakaoma paiva ari hapana kumira zvakanaka uye kudirirwa mabook ake mvura nevasikana ava kwakaita afambe zvishoma nezvishoma achienda muclass room sezvo wekuchemera pakanga pasitorina kana kutsamwa haana nokuti akatoziva hapana zvaikwanisa kuita. Muclass room umu, Tarisai aifarira kugara pafront chaipo uku asina chaanoziva. Kupinda kwakaita muclass ndokugara paanogara mazuva ose zvake akatanga kuvhura vhura mabook ake aiva akanyorova zvainzwisa tsitsi zvekuti vakomana vaiva muclass room iyi vakatanga kumuseka. Vamwe ndivo vaimubata bata iye akaramba akanyarara uku akaita kuunganirwa aita kuiswa pakati chaipo. "Ndokumbirawo mubve pano nokuti nguva yekutaura nemi handina asi ndine nguva yekuda kuverenga" akadaro zvakaita vakomana vawedzere kuseka nokumuti. "Chii chaunoverenga uchinyora zvisingaverengeke izvi? Unoti tinokuda here or kungonakirwa nehudofo hwako uhu musikana akasvika sewe kutadza kana kuti "the" zvayo, haaaa unonyadzisa kana iye mukomana vako uchamunyirera tsamba zvaita sei usingakwanise kunyora kana kuverenga zvako." Uyu akanga achitaura ndiTobias akanga ari pamusoro petable yaiva yakaiswa mabook naTarisai achingotarisa tarisa zvake. Hapana kuita nguva makapinda umwe musikana aiva akachena asingaziwe zvinhu zvakare uyo akanga achinzi Theo Masiko. Vakomana vakatanga kumuseka zvakare vachisiya Tarisai achibudisa misodzi aita kutsiki tsira kusvika abatwa nehope ndokurara akatsamira book rake reHistory. Mwanasikana haana kuona nguva yelunch yadarika aiva akarara achiita kuridza magwiriri muclass room izvi zvakaita vamwe vana vamusiye akadaro kusvika Sir vauya. Theo kuona kwakaita Sir vachiuya uye kurwadziwa moyo vake nezvakanga zvichiita izvi. Akaona zvakakodzera kumhanya kunomutsa umwe vake aiva akarara hope dzehumambo kutokanganwa nhamo dzake. Asi zvose zvakashaya basa Sir vaiva vapinda kare. "Zvirikufamba sei muno? Iwe Theo ndiro basa rako uchitadza kuverenga unongoita basa rekufamba famba? Ndozvinonetsera vanhu vasingagone kuverenga semi imi." Vakadaro Sir Makuna vachifamba kuuya kwaiva naTheo vasati vaona Tarisai akanga achangobva mukumuka achiri kungozvamura zvamura. Ipapo vana vaiva muclass umu vaingoisa maziso umwe ndiye akati. "Sir arikubva kumutsa munhu aiva akarara uyu" akadaro achitendaka Tarisai. Sir vakafamba zvishoma nezvishoma vachienda paiva pana Tarisai vakasvikoona mabook ake akanyorova uye havana kuda kubvunza chaitora nzvimbo kunze kwekutanga kumutukirira nekuda kwehudofo hwaiva nahwo zvekuti akanga aita kutsikitsira musoro pasi shungu dzemoyo wekuda kudzidza dzaiva dziripo asi zvakashungurudza kunzwa mashoko akadai aya uye kusagona kwaisava kuda kwake. Ipapo Theo aiva aita kuzara misodzi pameso pake moyo vaita kurwadziwa nekutukwa kwakaitwa Tarisai kunyangwe hazvo Theo akanga asingajairiki zvekudaro asi vanhu vaitora advantage yekunyarara kwaiva kwakaitwa naTarisai zvokuti mwanasikana akaona kusekwa kwanyanya akangosimuka achida ku...... End of chapter 1 Kana mafarira musakanganwa kupinda mugroup, nokuti book iri hariende kumagroup ose ose zvaro. Ndinotenda nehutsigiri rwenyu urwu. Kune vari kuti PATRICK how far ndinoti book iri ssn1,2 ndakabatanidza kuita San imwe chete but takamirira ss3 kueditwa kwayo ngatifambei naShungu uyu. Be blessed 🙏