Chapter 5 THEO "Iwe Grace! ukasiyana neni unobvei chaizvo izvo. Unoti ndiwe unowana vanhu wekutamba nawo vakanaka here? iwe zvavakageza kudarika iye vakapihwa chii? Zvose zvatiri kuita ndezvepano pasi kudenga hakuna izvi, tinofanira kubatsirana pachezvedu kwete kudzikisirana kwatiri kuita uku." Ndaitaura nokuti ndakanga ndaona avakuenderera nekuda kwekuzviti anozivisa zvakanyanya, manje neni akanga asati adii hake. Ini ndaiva ndaita hushamwari naTarisai ndichida kumubatsira manje munhu vacho akanga akangofanana naGrace nevamwe vake kuda kuzviedza anozivisa ipo pasina nezviripo zvachose. Ndaiva ndamuudza zvakanaka zvekuti anokwanisa kuwana mari nazvo asi akanga achiita kunge munhu anemashavi chaiyo. Vabereki vangu hapana zvavaiziva kuti ndakanga ndine vakomana vaviri nezera randaiva ndinaro uku kuchikoro kwaitova kupedza nguva kuti nditi zvandaidzidza zvaibatika yaitova imwe nokuti nguva zhinji ndaitoti break kana lunch yanonoka kusvika ndinoonane nemukomana vangu sezvo pachikoro apa paiva ne1 umwe akanga akapedza kare. Zuva rakasvika Tarisai achida tiende tose kuchikoro apa yaiva iri Friday. Ndakanzwa mhamha vavakunditi. "Theo! Kudai hunhu hwako hwakaita sehweshamwari yako ndingafara chaiko nokuti anotaridza akarairwa akanzwisisa kudarika iye usinganzwe chaiko kudai ukamborohwa rimwe zuva nababa vako." Mashoko aya akandirwadza uye uyu akanga auya kuzoitei pamba pedu achitadza kumira uko. Zuva iri ndipo ndakarwadziva nemashoko ake nekuona kuti akanga achivhaira nekuva mhandara kwaiva ari zvekuti ndakanga ndichida kuita something chekuti ndione kuvhaira nehumhandara hwake hwaizosvika kupi. Takapedza kudzidza ndokuenda kumba. Ndakanga nduchinetswa neumwe mukomana akanga achindida ini ndaiva ndisingamude ndakaona kumushandisa ndiyo yakanga iri iyo nzira yakanaka uku ndichiziva hangakwanise kuhwinha pana Tarisai. "Moses kana uchida ini ndinoda tiite deal nokuti ndoziva zvauri kuda pandiri uye zvinodikanwa nemi vakomana hamudi zvinonetsa nekuti munoda kuita zvenguva iyoyo. So iwe tanga vabata mwana uyo chibharo then kuno ndinokupa zvose zvaunofarira kana iwe usingakwanise tsvaka vamwe vanokuitira uye vanogara vari pano kuitira paanouya votovati vamutevere nokuti ndiri kungoda vamubvise humhandara chete" Ndakadaro ndichiona zvose zvabudirira munhu adzoka kwandiri uku. TARISAI Ndakaona kuramba ndakatarisana naMbuya ava nezvavaiva hapana zvakanga zvichibatsira chakanga chiripo kutoita zvaitoita nokuti kurasikirwa neumwe munhu zvakare akandikoshera muhupenyu hwangu zvinhu zvinorwadza kwazvo. Ndakadziisa mvura inodziya ndokutanga kuvatova tova kusvika ndakunzwa kuti muviri vavo hauchanyanya kudziya sepakusvika kwavaita uye handina kuita zvimwe zvinhu ndakanamata kwenguva diki. Kupedza kwandakaita ndakaona vabatwa nehope ini zvezuva iri handina kurara nokuti ndaiva ndichirwadziva nemashoko akanga ataurwa natete vangu. Ndakatadza kuziva chandakatadza kwavari kusvika vandivenge zvakadai ini. Ndakarwadziva kusvika pakufunga zvakawanda mukati mepfungwa dzangu. Ndakaona zvakakodzera kushandisa mari iyi kutengera mbuya mishonga yaikwanisa kuvabatsira nokuti ndide kuno bhadhara kuchikoro zvinhu zvakaita manyama manyama kudai hapana zvazvinobatsira zvachose kunze kwekushandisa mari iyi tozoona zvinouya kana mbuya vavakunzwa zviri nani. Hongu shungu dzemoyo vangu dzaiva pakuda kudzidza kwazvo, asi kana zvadai ndingaita shungu dzekusungirira mari mumba nekuti ndinoda kudzidza ndichitadza kukoshesa hupenyu hwemunhu. Kunze kuchiedza ndakanga ndapedza kudzisa mvura yekuti ambuya vangu vanwe nokuti ndikasadaro hapana zvandinenge ndichiita sezvo zuva iri yaiva Sataurday. Ndakapedza kuvanwisa mvura yaiva nesalt ichidziya ndokumhanya kumashop kunotenga mapiritsi nezvimwe ndaiva ndichiita kufambisa zvekuti. Kusvika kwandakaita kumashop ndakatenga ndokuona shasha handina kutaura nayo asi mashoko akataura handina kana kumanzwa kuti akati. Ndaitoita kufambisa ndokuona ndiri kuteverwa nevakomana vaviri vandisina kunzwisisa zvekuti ndakatanga kumhanya ndikaona ivo vachiitavo zvimwe chete. Ndakapinda muchirwizi ndikafunga kuda kutevedza chirwizi ndikaona zvisingaite apa ivo vaiva vatosvika pedyo neni. Kudai dzimba dzaiva pedyo nesango iri uye ndakangoti chauya chauya kusiri kufa ndekupi. Umwe akasvika nekundirova mbama ndichidonha pasi. Ndokubatwa ndichidonzerwa muchirwizi chandaiva ndabva. Vakasvika kundivisira pasi. "Ngatiite zvinhu zvedu nekukurumidza shaa, hatina nguva nokuti tinganzwikwe pano." Akadaro umwe vacho ini misodzi yaiva yakuyerera nematama. "Plz ndiregerereiwo kana ndakakutadzirai hanzvadzi dzangu." Ndakadaro ndipo pavakagara pasi vakuda kunzwa zvandaitaura. "Hatizi hanzvadzi dzako isu chatiri kuda kubvisa chinokupa uvhaire nacho chinova humhandara hwako tione ndiani achakuda." Ndichinzwa izvi ndakaita kupererwa uye kushaya kuziva zvekuita. "Musati marara neni ndinokumbira kubvunza kuti munonzwa moyo yenyu kunakidza nekubhinya munhu pasina kuvirirana here? SEI muchida kuzvipa munyama nezvinhu zvisina kana nebasa rese uye uri iwe uchasangana nemusikana akadai unonzwa sei? Izvezvi mbuya vakamira rubatsiro rwangu imi muchiita zvakadai izvi." Ndakadaro asi hapana chainzwikwa vanhu vaikikiritsana kuda kurara neni ipapo ndaita kuramba ndakabatanidza makumbo angu zvekuti ndakatora dombo ndikarova umwe vacho naro mumusoro. Uyu aiva akaisa makumbo ake pandiri ndakangomurova pakati pemakumbo ake nekumuka ndokutiza zvekuti ndaiva ndaitwe ndaiva ndazvikanganwa. Ndakazozorora ndava kumba ndipo ndakaona kuti kapepa kaiva nemapiritsi pamwe chete nechange yakanga yasara maiva musina uku mbuya vaiva vachida zvinhu izvi. Ndakatanga kuchema ndakavatarisa uku vachingoita kakugomera. Ndakanga ndapererwa nezvekuita kuti ndidzokere kwandabva ndainopedziswa nevakomana ava. Kuti ndirege kuenda uku mbuya vaiva vasinganzwe zvakanaka zvinhu zvaindirwadza chaiko nokuti ndakanga ndichirwadziva nekukosora kwavaiita zvekuti vaiona vakusvipa mate akanga aneropa uku sasisakwanise kana kutaura zvavo. Ndakazvipa hushingi kudzokera kwandaiva ndichida kubatwa uku. Ndati fambe-fambe ndakaona vakomana ava vavavatatu ini ndaiva ndakaita kuhwanda nechimuti zvekuti hapana kuita nguva ndakaona Theo achisvika neumwe mukomana vachitoratidza kubatana batana zvavo. Ndipo ndakarangarira mashoko akanga ataura nezuro ndikaona yaiva tsoro yakanga yarongwa iyi. Ndakadzokera kumba muviri vangu vakangoita kuneta neta ndokusvika ndichiona mbuya vangu varara hope zvavo ndakafara ndokutanga kuvhura vhura mabook angu zvangu ndichitarisa tarisa. Kumanheru ndakabika ndikati panomuka ambuya ndipo ndichazodya chikafu uye handidi kumutsa munhu ari kurwara. Ndakabatwa nehope ndikarara paside paiva naGogo vangu. Musiwe Sunday makuseni ndakamuka ndichingoona mbuya vakarara marariro avaiva vakaita nezuro apa ndaiva ndabika porridge rekuti vadye asi kuvamutsa vaisamuka vakanga vakatorara zvavo ndakangoti pavachamuka ndipo ndichavapa zvose izvi. Ndakatora nhare ndikada kufonera tete ndivaudze kuti Gogo kubva nezuro masikati kusvika nhasi sunday manheru havasati vamuka ava. Ndaiva ndiri kurwizi vanhu vachinditi varisei mbuya vako ndaingoti vanofara vavakukwanisa kurara kubva zvavakanga vachitadza kurara. Pfungwa nemoyo ndakanga ndakunetsekana uye hapana chandakanga ndichiziva zvachose zvekuti musiwe Monday makuseni ndakamuka ndikaona vakangorara panzvimbo yavaiva vakarara ndakabuda ndokugeza ndikaenda kuchikoro zvangu. Zuva iri handina kuona Theo uye ndine zvandaida kubvunza sir Munetsi. Ndakabuda ndikaenda kuoffice kwavo ndakasvika vachimaka mabook avo. "Tarisai! I hope kwakanaka kwavauya muno kudai." "Hongu! Sir kwakanaka ndiri kuda kubvunza kuti munhu kana akaramba akarara mazuva matatu akatedzena asinga tsukunyuke kana kudii chii chinenge chichitika." Ndakadaro ndakaona Sir vachisimuka uye ndakanzwa hana yangu ichiita kurova uye kufamba kwavaita vachinyatsovhara Doke ravo vakatanga kufamba vachiuya kwandaiva vakasvika nekutura befu ndokuti..... "Tarisai! Handina kuziva kuti kusvika pazera rako kudai unotadza kuziva zvose izvi? Zvandaiti vakura izvo hauna kukura kwacho saka vaiti kungorara zvavo here kwemazuva matatu ose aya." Vaitaura vachiuya kunogara pedyo nepandakanga ndiri ini nekuudzwa kwandaiva ndakaitwa kunzi mateacher anoda vana vechikoro zvakanyanya ndakatanga kunzwa hana yangu kurova uye kusagadzikana chaiko. "Tarisai! Ndiri kuona uri kuvhunduka asi zvauri kufungira handizvo ini ndakasiyana nemamwe mateacher. I know what you think about mez but it's wrong. Ndauya kuzogara pedyo newe kuitira kukuudza izvi uye kana une hana bata izvi asi kana usina hana hameno zvako." Vakadaro ndokutura befu zvakare ini misodzi yaiva yakubuda zvekusvika paku...... End of chapter 5 Book harisi kutengeswa hama dzangu, asi kana une chido chekuda kubatsira munyori nedata vakasununguka zvako kuvabata apa +27676644458. Ndinotenda uye tichiri kutanga hatisati tasvika pamidzi yebook redu iri. Don't forget kuisa like and comment uye to follow my WhatsApp group or Facebook page and group for more book's Be blessed 🙏