Chapter 17 [Baba Taurai] "Mhamha taurai chokwadi nokuti muroora wenyu uyu ndinoziva hunhu hwake, zvose zvaari kufunga izvozvi ndiri kuzviziva. Regai nditaure ndichidai." Ndakadaro ndaona vanhu vanditarisa, uye ndakabhowekana nekuita kwaTaurai uyu akanga achiramba achingotaura. "Taurai! Ndiri kuona kuramba uchiita nharo kwako uku zvinoratidza kuti vakura zvakanyanya vavakuda kutonga pamba pangu ini ndiri mupenyu. Zvakatanga rinhi kuti ini ndini fambidzana newe pamukadzi wangu? Uri mwana rudzii chaizvo izvo? Kana vaona shavi rekuda mukadzi rakubata better uende unotsvaka mudzimai voenda kunogara kumusha pano pamba panoti ini panogarwa nemwana anoterera baba naamai. Kunyangwe tisinganzwanane iwe haukwanise kupindira nyaya yangu nemudzimai vangu nokuti uri mwana pachezvake. Ndinovimba uri kundinzwa zvandataura izvi, uye chekupedzisira ndechekuti. Hatikurambidze kuzviuraya unonga uchifunga kuti uri kuda kurwadzisa isu asi iwe ndiwe unenge uchitozvinetsa nokuti tinokuchema kwenguva iyoyo kana vafuchirwa tatokukanganwa tava kutodya rinopisa zvedu." Ndakadaro ndaiva ndaita kunzwa hasha nekuramba otaura kuti anoda kurara naMai vake ini ndiripo ndichiri mupenyu hangu. "Mhamha nhasi pamuri kuenda kumusha apa kana mangwana, ndinoda mutakure vaviri ava uye Taurai achanodzidza kumusha kwaChingwena ndiko kuti vadzidze hunhu." Ndakadaro ndikanzwa Mai Taurai vachida kutaura.... "Zvamati ndiri kuenda kumba kwedu wani zvazochinja papi zvakare? Uye imi munoda kusara muchiitei pano zviri nani Taurai aende naMbuya vake ini ndiri pano hapana kwandiri kuenda hangu." Akadaro Mai Taurai. "Ok, zvavataura ndazvinzwa rega nditaure ndichiti.. Tarisai haana mhosva! Uye ndaona vaita kuchinja face pane zvataurwa naMhamha kuti ndinoda kutora Tarisai kwete handingaita zvakadaro asi mwana anoda zvakawanda kubva kwatiri nokuti haana anomutarisa iwe vacho vakavenga mwana wehanzvadzi yako nekuda kwegodo rakakupinda. Nezuro nanhasi ndiko kwandabva kuna Tarisai, kubva kwandaita ikoko hazvirevi kuti ndavakuda mwana mudiki! Tarisai ane kodzero dzake dzaanoona dzinomuitira kunyanya pakutsvaka mukomana nokuti hazvingaita aroorwe nemunhu ane mhuri yake uye ini ndinomuona semwana vangu nokuti haana kusiyana naTaurai." Ndakadaro ndisati ndapedza ndakanga ndakuona iye ava kutaura. "Baba Taurai! Iye Tarisai anyanya kutaura zvakufadzai kusvika mumunzwire tsitsi kudaro sei? Musafananidza mwanakomana wangu nedofo riya zvaro uye kuenda kumabhawa kwari kuita mazuvano uku." Akadaro Mai Taurai asi ini nekuda kwemukomana vandakaona akanga auya naTarisai hana yangu yakarova kuti; mukomana uyu akafita kukanganisa hupenyu hwemwana asati apedza chikoro. "Hudofo hauna basa dear! Iye mwana vako anogona zvauno udza Tarisai kuti dofo? Iwewe vakatanga nekugona here kana ndizvo zvavaiita ? Chirega nditaure ndichidai. Kuti ndidzoke pano mashoko akataurwa nemwanasikana wehanzvadzi yako uyu. Pasina iye naSabhuku ndingadai ndisina kuuya pano zvachose tenda Mwari zvako kuti uchiri kudiwa uye munhu vausina basa naye vavakavenga ndiye anokuda kudarika anokusekerera zuva nezuva anenge asingakufarire zvachose. Tarisai haana mweya vakaipa pauri anototi kudai apihwa Rudo rwakakwana kubva kwauri asi iwe unomurasa chaiko. Uchachinja rinhi hunhu hwako uhu? Ndikunzwe kuti vakutuka kana kumurova uzive muchato vapera uye kuenda kujeri kwehupenyu hwako hwese Mai Taurai. Tarisai njere dzake dzakarodzeka ndinoshuvira kuti kudai Taurai achitamba naTarisai zvimwe zvingaita." Ndakadaro ndokuona munhu aita kunyarara chaiko. "Sorry zvako muroora handina mweya vakaipa kudaro uye, handina muroora vangu anoda kudyisa murume kana iwe uchida kuti ini newe tiwirirane tinzwanane pamwe chete nevamwe varoora varikumusha uku. Ita zvinhu izvi." "Support Mwana wehanzvadzi yako chese chaari kuda, handidi kunzwa kunzi apindana nematambudziko nekuda kwako. Tose tiri mhuri imwe chete hapana kuvengana apa, kunyangwe ari muroi mude zvakadaro haana kutadza mwana uyu. Kana une daka naMai kana Baba vake vakafa enda kwavari pavakarara unopaziva kwete kuda kupedzera shungu kumwana sikana. Moyo wako haurwadziwe here nezvazvo? Ukadzingwa pano nemwanakomana wangu uyu unoenda kupi? Anokutarisa hanti ndiye Tarisai uyu. Tarisai haazi kuzoroorwa mumusha mangu asi kwake ega hatingaita hudzvanyiriri hwakadaro isu. Paya ndaiva ndichida kuona action yaunotora chete.." vakadaro amai nokuti vakanga varwadziva nemafiro akaita Gogo vacho nekuda kwekushaya support kubva kwatiri isu. Ndakaona kutura befu kwakaita Mai Taurai, izvi zvakaita ndione mamwe maonero amwe Ndakaona pamatama ake pavakuyerera misodzi zvatakatadza kuziva chaiva chii chaita vatange kubudisa misodzi pane zvataurwa namhamha. Mukadzi vangu haana kuramba ari apa nokuti shungu dzaita kuoneka kuburikidza nekubuda misodzi uku. Ndega ndakaziva kuti mashoko ataurwa asvika kumubaya pakati nepakati pemoyo vake kuti dyooo. Uye kufungidziswa nezva Mai vake iye akanga asina kubvira a..... THEO Kubva zvakaenda Sophia achienda mu office ma Mr Makuna. Handina kuona kudzoka kwake. Zuva rakasvika pakuvira vanhu vakasvika pakuenda kumba hatina kuziva kuti akanga ari kupi. Ndakati kuda adzokerana nema shamwari ake uye ndakanga ndisinga vimbi naye. Ndaiti adzokerana nemashamwari ake sezvo moyo wangu wakanga uchiramba kuti ndibatane naye. Nokuti ndakanga ndichityira kuti mangwana zvinozondipa dambudziko. Ndakazvipira kuenda kuno bvunza mukomana akanga achinzi Pardon uyo akanga achifamba na Tarisai. Nokuti ndakanga ndaona Tarisai zuva iri akanga asina kuuya kuchikoro. Ndakasvika ndikamubvunza ndikati, "hesi Pardon, uri sei zvako. Ndinokumbirawo kubvunza kuti. Ko, Tarisai nhasi ari kupi handina kubvira ndamuona. Pano pachikoro.?" " Aaa shaa handisi kutozivawo kuti ari kupi, uye nhasi handisi kutonzwawo zvakanaka musoro wangu uri kutorwadza. Nokuti handina kubvira ndamuona kuti ndiwane simba rikuenda kumba kwavo nhasi handikwanisi. Ndichatoendako Mangwana ndinze kuti anoti kudii uye kuti ari right here? Ndinovimba kuti pane zvaitika chete kwaari. Zvaita kuti atadze kuuya kuchikoro sezvo ndanzwa vasikana avo vachiti vamuwana muroad, asi kuti ndizive chamutadzisa kuuya kuno kuchikoro chiii? Or adzokera munzira." Akadaro Pardon. Ini nechemu moyo ndakangoti Eliza na Grace pane zvavaita Tarisai. Uye nyaya iyi kana vane chekuita na Tarisai chete ndichaona kuti ndingaita sei. Ndakaenda kumba ndine umwe mufaro wakanga wakazadzwa. Nokuti ndakanga ndaudzwa na Sophia kuti zvinhu zvese zvichafamba zvakanaka. Ndakasvika ndikarara Mangwana makuseni ndakaenda kuchikoro asi Sophia haana kana kuonekwa. Ndakaona vabereki vacho vachisvika kuchikoro. Vanhu vakati vaiva vamuona aneni ini nyaya yose yakanga yakunzi iwe ndiwe uneumwe wako tiudze kuti ari kupi. Ipapo Mr MAkuna vakati, " Theo ndiwe waiva una Sophia vanhu vese vari kuti vakakuona uyi naye. Haana kuzoonekwa kuti akaenda kupi. Nokuti vaviri imi maiva Makavengana kana asina kuwanikwa uzive kuti uchatoenda kumapurisa chaiko. Uchano vharirwa chaiko nokuti ndiwe munhu ari kuwanikwa ane nyaya pano pachikoro hapana umwe munhu kunze kwako iwe na Tarisai muri vaviri imi. Ndimi muri kuziva kwaari nokuti Tarisai haana kuuya kuchikoro zuva iri." Ini ndakarwadziwa ndikati, "amai na baba ini handidii kukureverai nhema hongu ndaiva ndina Sophia nezuro. Asi kuparadzana kwandakaita na Sophia akanga achiti ari kuenda kunotora book rake kuna Mr Makuna ava. Uye ini headmaster handina chekuita nenyaya iyi. Ndinoziva kuti mukabvunza vanhu vakaona Sophia vacho vanoti akaenda kupi. Uye ku office kwava Makuna, asi ndizoziva kuti akafamba sei handizivi kuti akadzoka here? Zuva racho kana kuti akadii handizivi." "Nokuti mukuziva kwandinoita ndekwekuti Mr Makuna vane nyaya yava nayo. Nokuti takaramba kuita zvavakanga vachida tiite. So pamwe ndivo vari kuziva kuna Sophia." Ndakadaro ndichida kuedza kuzvinunura kudivi kwangu. Ipapo Mr Makuna vakasunga kumeso kwavo vakati, "ini mwana akauya akatora book rake akaenda. Ndino vimba kuti kana asina kutizira kutukomana twake; nokuti vana ivava vanetsa pano pachikoro. Nekuda kwevakomana hongu tingada kunhakurirana nyoka mhenyu,asi ngati tarisei kuti mwana uyu akanga ane hunhu hupi hwekuda kudzidza here kana kuti hwekuda vakomana. Nokuti hazvishamise akatosiya chikoro zvake." Vakadaro ndikanzwa headmaster nevabereki vake vachiti.... End of chapter 17 Be blessed 🙏