Chapter 21 MR MAKUNA Kupinda kwakaita Munetsi hana yangu yakarova zvakanyanya. Ndakambofunga kuti pamwe angadai anzwa nhaurirano yandaiva ndaita pakati pangu naEliza uyu. Ndakanzwa Munetsi avakunditi.. "Makuna! Mwanasikana abuda muno uyu anokufarira chaizvo hanti?." ndakanga ndakatarisira zvimwe zvisiri izvi. "Munetsi! Hazvina kusiyana newe naTarisai kuvirirana kwamunoita ndiko kuvirirana kweduvo ikoko." Ndakadaro ndikaona munhu avakuseka zvake zvakaita ndide kuziva chaiva achiseka. "Makuna unondinakidza zvako iwe, uchakura rinhi chaizvo izvo hako. Ini naTarisai hatifambidzane kunze kwekudzidzisana zvedu." Akadaro ndakaona uri ivo mukana wekumubvunza nezva Tarisai nokuti ndakanga ndisina kubvira ndakamuona pachikoro apa. "Ko, iye ari kupi Tarisai zvake ndava memazuva maviri ndisiri kumuona pachikoro pano uye nezuro kumanheru ndakauya kuroom kwako ndichida muriwo ndaiva ndaita vaenzi handina kukuona zvangu" ndakadaro ndichida kuziva kwaiva aenda. "Aaah Makuna ndaiva ndaenda kwaTarisai nokuti haazi kunzwa zvakanaka aiva ane musoro asi izvozvi avakunzwa zviri nani kana nezuro handina kuuya kubasa zvangu." Akadaro ndikaziva zvandaiva ndichimufungira zvakanga zvisiri izvo, uye ndakanzwa moyo vangu kufara chaiko ndikamuti. "Kana ini nezuro handina kuuya pabasa ndaiva ndaenda kuchipatara kunorapwa ndakanga ndisinganzwe zvakanaka. Uye ndanzwa headmaster vaChinake vachiti Sophia anonzi akatizira une ruzivo kuti akatizira kupi here mwana uyu?" Ndakadaro ndaida kuziva kwaiva akatizira nokuti ndakanga ndisingade kuti tsoro dzangu dzienda musango. "Makuna! Zvose izvi hapana chandiri kuziva ini, pano ndauya nekuda kwaEliza vandaona achibuda muno achichema usandiudze vaita zvimwe zvinhu kumusikana vako uyu, you know anoita chose zvacho nekuda kwerudo rwako naye." Akadaro ndakanga ndavakuda kuziva kuti Rudo rwangu naye uye akanga azvinzwa nani. "Jerry vakuenda kusiri kwako manje, uri kurevei kana uchiti Rudo rwangu naEliza nokuti handiziwe zvose izvi." Ndakadaro ndaita kuchinja meso angu manje. "Tonderai! Zuva ravakauya muoffice uchiti ndakafitana naTarisai hauna kutaura wega kuti unoda Eliza zvakanyanya here? Uye unotoda kuti aite mudzimai vako zvakare." Akadaro ini ndakanga ndakanganwa chaiko. "Munetsi unoziva uri umwe vangu iwe, handiziwe kana uchinditrust pane zvandoda kukuudza nokuti ndiri kutya basa rangu rinogona kungopera zvaro. Uchiona kudai mwana arikunetsera kuda kuroorwa neni ini handisati ndavakuda zvekuroora ini ndine zvandichiri kuda kugadzirisa." Ndakadaro. "Tonderai! Unoziva mwana uyu hakuzi kuda kwake kutaura izvi nokuti anezvanenge azviitira uye pamwe anonga avanepamuviri ndosaka achidai. Iwe uri kuti ausati vakuda kuroora asi kurara nevana wevamwe vanhu? Unombozivawo here kuti ukuuraya ramangwana revana nezvauri kuita uye kudzidzisa chaiko auchakwanisa nokuti nguva dzose unenge uchingofunga maskirt anonga akazara muclass?" Mashoko akataurwa neumwe vangu ndakaona akanga ari echokwadi uye ndakanga ndichida kuudza Munetsi zvaiva zvaitika asi ndaishaya matangiro azvo. Hameno Munetsi aiva akaita sei pose pandinofunga kuda kumuitira zvakashata ndinoerekana ndabvisa pfungwa iyoyo, zvekuti ndega ndaitozvishaya kuziva chaiva chii. Mashoko aiva ataura akanga apinda mumusoro mangu uye handina kufungira zvinhu zvingasvika pakudai ini. Ndakasiya padiki diki kuda kuchema asi ndakaona kuti kusimba kwaiva kuchiita Elizabeth akanga achiratidza kunge kuva nenhumbu chete. Asi hapana zvazvaibatsira nokuti ndakanga ndaita zvinhu zvacho kare uye kudzokera kun'anga zvakanga zvisingaite zvakare. "Makuna uri kufungei vangoti Munetsi pane nyaya yandinoda kutaura newe ukanyarara zvako unechokwadi here?" Akadaro ini ndaiva ndoshaya ndotangira papi nokuti basa rangu ndiro rakanga richita ndione kurarama zvino kana ndotadza kukoshesa basa racho iri ndoita sei? Kuti chokwadi chose chibude zvinhu zvaiva zvonetsa chaiko. "Munetsi zviri mupfungwa dzangu zvakawanda uye handichakwanisa kudzidzisa vana nekuda kweruchiva urwu, akandiroya chaiko akafa." Ndakadaro ndichisimuka pandaiva ndiri. Ndokufamba ndichienda pawindow raiva muoffice yangu ndakasviko tarisa ndikaona vana vaiva palunch vachitamba zvavo ndakavhara ketani kuti vari kunze vasaona zviri mukati. Ndadaro ndakafamba ndichienda kudoor ndakasvika kulocker door rangu nemukati nekuti zvandaiva ndafunga kuita panguva iyi hameno Munetsi akanga achizvigamuchira sei. Ndakaisa makiyi muhomwe ndokuenda pandaiva ndakagara paiva nemaText Book's akanga aripasi. Pasi pavo pakanga pane banga rangu rakanga richigara apa uye banga iri raiva rakaita kuti vakawanda vasiye basa zvose nekuurava naro. Ndakaribata ndokuriisa pamusoro petable yangu ndokutanga kutaura kuna Munetsi ndichiti.... [MONICA] Ndakarara nekuda kwemashoko akanga ataurwa zvokuti Mangwana makuseni ndakamukira kuenda kunoda kunzwa nezvemwana vangu akanga adya zvisiri zvake. Amwene ndakasiya vachigadzirira kuda kuenda kumba kwavo uye ini ndakamhanyira kwandaida kuenda. Kusvika kwandakaita ndakaona munhu vandaida ariko asi zvakataura zvakaitandinzwe kurwadziva zvakanyanya uye kunzwa kuda kuvenga murume vangu. Taurai akanga akwanisa kubatsirika nokuti ndaiva ndapihwa umwe mushonga vake. Ndaienda kumba ndakaita kutsamwa chaiko nekuda kweizvi. Shuwa munhu akanga achinyepera kuda kundivhara nhema zvake iye achiziva zvaari. Ndakasvika ndikaita zvandakaudzwa zvose zvakashanda zvakanaka mwana akabuda achienda kunotamba ndakasara nababa Taurai. "Baba Taurai! Ndinoda kubvunza ini nokuti zviri kundinetsa." Ndakadaro ndichinyatsogara zvakanaka. "Taura ndakaterera zvangu ini." Vakadaro ini ndokunyatso vatarisa zvakanaka naka hangu. "Mai wenyu vaiva vakufadzai zvakaita sei kusvika pakutaura zvakadaro? Maionererwa nawo kaaa, zvino zvavaenda muchaita manyemwe api sezvo Tarisai asipo pano?" Ndakadaro ndaiva ndichida kuziva zvangu. "Mai Taurai taura pane nyaya yako chaiyo uye kana kuri kunetsana kwangu newe usaisa Mai vangu mukati nokuti kuti uwe pano ndini." Akadaro ndakatoseka zvangu. "Baba Taurai! Unoziva chii ndakatoita mistake otherwise kudai pasina mwana uyu kudai ndisiri pano ini." Ndakadaro zvangu ndichito simuka kubva pavaiva nokuti ndakanga ndaita kutsamwa ndaiva ndisingade zvisina kana basa rose. Murume mukuru haana kutaura chinhu uye akanga achifunga ndaiva ndichireva nhema kuti muno mumba andichabika munhu anofanirwa kuzvionera ega. Ndakaswera ndakarara ndichitaura nemashamwari angu pafoni. "Mai Taurai! Ndakakuudza kare uye munhu ari kuhwandira mwana mudiki uya kudai uri umwe vatoenda kunomuudza agare achiziva chinhu chimwe chete muzukuru vako uya." Akadaro ini ndakapindura ndichiti. "Asikana ndaiva ndakasara shuwa kutosara musoro wega wega nekuda kweumwe munhu zvake huya muone ari kuwacha hembe dzake ega panze apa ini handiite zvakadaro." Ndakadaro mdokuenda pawindow ndikamutora mufananidzo kwakutumira vamwe vangu tose tikaseka. Nzara yakanga yandirova ndakaenda muimba yokubikira ndokuzvigadzirira chikafu changu ndikadya zvangu. Rimwe zuva munhu akabva kubasa akasuwa zvake uku mumba ngoma yaiva ndiyo ndiyo hapana chakanga chachinja.. "Baba Taurai! Zvamusiri kubika muri kudya kupi mazuvano?" Ndakadaro ndaiva ndaona vachienda kunorara vasina kudya. "Kudya kwangu kana kusadya hazvinei newe nokuti vakati zvose zvandinoda ndinonopihwa namai vangu. Ndiko ndabva ndadya nokuti pano zvakafanana nekurarama ndega pasina mukadzi zvake." Akadaro ini ndakaita kunzwa kushotwa chaiko. Ndakanga ndichiti ndagona asi hapana zvandaiva ndaita zvachose. Ndiyo nguva yakapinda Taurai. "Mhamha maswera sei, ndinoda kubvunza kuti zvinoita here ndiende hangu kuholiday kunotamba naTarisai kana tichinge tavhara." Akadaro uye munzeve dzangu ndakanga ndisingade kunzwa nezveZita iri zvachose. "Taurai! Hakuna kwauri kuenda uye unoda kubva ikoko vazara nhamo yega yega, vaita kusara musoro nekudya svinha kumba ikoko. Unoda kunodzidziswa chihure here nekanzenza Kaya." Ndakadaro handina kuziva zvaiva zviri munzeve dzababa Taurai. "MONICA! Unosvika rinhi neruwego urwu? Zvandaiti vanzwisisa izvo zvakapinda nekubuda hazvo? Unodii kusiya mwana azorore zvake nokuti vakamuramba kare uye unozvibvunzawo here kuti kubva zvakafa mbuya vake akakufonera achikumbira chinhu here? Unoti vanhu vanotadza kuita zvinhu zvavo nekuti Monica achati kudii. Iwe ndiwe uri kupedza nguva zvako. But anyway ndauya kuti ndikuudze nekutenda nezvavatumira zvadai kutekenyeka nesocial media iyi handina hangu basa nazvo uye kukuudza zvakare kuti ndichambobva pano kwemazuva akati wandei." Akadaro ndikaziva kwaiva achida kuenda uye ndakangoti. "Kunyangwe kwamuri kuenda ndiri kukuziva ndiri kutevera ikoko zvangu." Ndakadaro ndokutora makiyi emota ndikamaisa nechekure. Makuseni munhu akamuka nekuenda asina kana mota zvayo uye ini ndakatora makiyi ndokushandisa mota iyi kuenda kumusha sezvo yaiva Saturday, Taurai akasara kumba zvake ini ndokurova mota ndichienda kumusha. Ndakasvika paiva panaTarisai neumwe musikana akanga aripo aiva akakuvara achitadza kufamba. Tarisai achindiona akaedza kuda kundimhanyira ndikamuvharira kwakadaro uko. "Tarisai! Pano pava pamusha wekuitira chihure chenyuka!" Ndakadaro uye ndaiziva baba Taurai vaiva vauya kuno chete. "Tete zvamuri kutaura handizi kuzvinzwisisa ini." Akadaro ini ndokuti. "Usanditi tete vako nezvisina basa unoti ndiri mai vako here." Ndakadaro iye haana kutaura ndakanzwa kutaura kwemunhu aiva kumashure kwangu. "Monica pedzerana neni Tambudzai kwete kuda kuitira mwana hasha uyu. Uye kana asiri mwana wehanzvadzi yako muendese kuna baba vake zvee." Akadaro ini ndakatadza kuziva nekwaiva abva zvekuti ndanarwadziva kusvika paku... End of chapter 21 Be blessed 🙏