CHAPTER 10 Unedited.... TARISAI Mukomana uyu aindinakidza kwazvo zvokuti ndakanga ndakutadza kuziva zvekupindura. Akanga achinyanya kuita jokes zvekuti ndakatombofarawo kubva zvakanga zvafa mbuya handina kuzowana umwe munhu wekutaura naye. "Tarisai! Urimunhu Kwaye anehunhu zvakare ndoshaya kuziva sei vanhu vachikumaka kudai? Usazvinetsa uchagona ini handina zvangu godo ndoda upase uye ndanzwa tsitsi kuti mbuya vakakusiya usina tarisiro." Akadaro ndikamuti zvinowanikwa uye ndakanga ndisingade kuudza vanhu nwzvehunhu hwatete vangu. Wese aindibvunza nezvavo ndaireva nhema nokuti ndakanga ndichivada kunyangwe vasinga ndifarire. Mazuva akafamba ndichidzidziswa naPardon uyu zvekuti taiva tatova mashamwari tiri maform 2. Uku Sir vaMunetsi vaindibatsira nekoko zvekuti dzimwe nguva kana ndakundikana kuenda kumba ndiko kwandairara kana kurara kumba kwana Pardon nokuti baba naamai vake vaiva vachondifarira zvavo havana kuda kundimaka. Ndega ndakanga ndakutadza kuziva kuti ndini ndaigara ndiri kupunishement here. Rimwe zuva uri musiwe Friday makuseni seni takaona vanhu vakaungana uye kutaura zvakawanda pamusoro pangu naMr Munetsi. Kunyorwa kwaiva kwakaitwa pablack board ndaiva ndakuita kushaya kuziva kuti ndichakwanisa kuenderera mberi nechikoro here? Uye ndini ndakatadza kushandisa pfungwa pandakabvunzwa naSophia nezva Sir, Munetsi ndikataura zvose. Kudanwa kwatakaitwa kwaHead tose taiva munyaya iyi ndokupinda muoffice taingoona vanhu vakaita kuungana pawindow kuda kunzwa chakanga chichitora nzvimbo. "Mr Munetsi, Makuna, Theo, Tarisai, Tobias newe Sophia ndinovimba nyaya yaita muuye muno muri kuiziva zvenyu, uye umwe neumwe achandiudza zvizere uye ndinoda kuziva chikonzero chekuti anyore paboard vamwe vana vose vakazviona." Vakadaro head ndokutora nguva vakanyarara zvekuti Mr Makuna vakatanga kutaura. "Hakuna zvinhu zvinganyorwa munhu asina kuzviita. Hapana munhu anotadza kuziva kuti Munetsi naTarisai vanofambidzana kana mukabvunza vose vari muno ava vanopupura zvose." Akadaro head vaiva vakanyarara zvavo zvekuti ndakanzwa Theo aseka akatanga kuti. "Mr Makuna musazvinetsa henyu nokuti munhu anemadrama ose aya aripano, nanyakutumwa zvakare ari pano apa ini handidi kubvuma kupusiswa nezvinhu zvisina basa nokuti ndiri mwana wechikoro akafanana naTarisai handikwanise kureva nhema inozondipinza panjozi, kupupura chokwadi ndiko kuti ndikwanise kusunugurwa than kunyepa kwamunoda ndiite." Akadaro Theo zvakaita headmaster pamwe chete naMiss Gona vade kuziva zvakawanda pane izvi, asi ipapo Tobias akatanga kutaura zvake zvakare. "Head! Zvataurwa naSir, Makuna ichokwadi. Rimwe zuva vaMunetsi vakandituma kunotenga maprotection avaida kushandisa asi zuva racho vaiva naTarisai hapana kana nhema apa nokuti Tarisai anotomborara kumba kwavo uku mazuva mazhinji." Uyu akanga achida kudungirira ini navaMunetsi. Ndakanzwa head vavakubvunza inini zvakanga zvataurwa naTobias. "Ini handina chandinoziva kana ndizive munhu rume handina chandoziva Sir, hameno munyama vangu vakaita sei vakaita vanhu vandimake kudai. Chandoziva ndechekuti ndakatanga kutaura navaMunetsi nokuda kwekuziva zvakawanda kana munhu achinge achirwara ozorara hope kwemazuva matatu asina kumuka. Pandakaudzwa kunzi munhu anonga afa ndipo ndakachema ndikabuda muoffice mavo ndichichema ndipo ndakazoona Sophia achitarisa mataiva naSir, akafunga kuti zvimwe Sir vanga vachirara neni. Kuenda kumba kwavo kutsvaka kwandakaita basa rekuita kwavari nokuti vamwe vadzidzisi havadi kundiona, kana vari Sir Makuna vanotondinyima mabhuku ekuverenga vachiti ndiri dofo; ndikaendesa Book harimakwe vanoridzosa rakadaro vanoti handina nguva nemadofo ini plus vakamboda kundibata Bata muoffice mavo vakati ukangotaura chete unochiona." Ndakataura zvakawanda ndavakuita kuchema chaiko. "Zvakaoma chaiko nyaya iyi zvaitori hombe kwazvo! Ndanga ndiri kuti idiki izvo yakatangira kumateacher uku zvayo. Sophia ichokwadi here kuti vakaona Tarisai achibuda muoffice achichema iwe kupinda kwavakaita vakaita sei?" Vakabvunza head. "Ndakanga ndichitarisa tarisa handina chandakaona semunhu akanga ari pamission yandaiva ndatumwa ndakatanga kuseducer sir, ava pawindow paiva naTobias achitora video uku akakanda maprotection nepawindow. Mushure mokuona sir ava vasiri mumood uye kutaura kwavakaita kuti Tarisai aiva afirwa naMbuya ndakachinja hunhu ipapo." Akadaro ndokunyarara zvake. Miss Gona vakamubvunza kuti.. "Vati vaiva nemission kaa iwe? Ungatiudza kuti Mission yauri kutaura ndeyei here? Ndiani akanga akutuma kuita izvi?" Vakadaro ipapo pakamboita runyararo kwenguva refu sezvo padoor paiva paita knocker. Akanga aknocker aiva Pardon akanga oda kundipa mabook sezvo nguva dzekuenda kulunch dzaiva dzakwana zvadzo. Isu takanga torimo hameno nyaya yacho yaipera nguvai nokuti nyaya. "Ini ndaiva ndatumwa navaMakuna kuti ndiende uku nokuti vakanga vachiti Mr Munetsi vaiva vavashaisa mukana wekuti vadzidzise maform 4 kwavaimbodzidzisa nekuda kwevana vaiva nerate yekupass iri pasi. Kutaura chokwadi Mr Munetsi naTarisai Havana kana mhosva zvavo uye havana kufanana nezvinoita vamwe vadzidzisi vanoita basa rekurara nesu." Akataura zvose Sophia uku Mr Makuna vaingodanidzira unonyepa iwe handina kukutuma ikoko. Headmaster vakaita kushaya zvekuita apa sir, vaMunetsi vaiva vakanyarara hapana zvavakataura. Ipapo Sophia akabudisa nhare yake akatanga kuplay audio yaiva mufoni Make yavaiita nhaurirano vose vari vana zvokuti ndakaona Tobias avakuita kunyara chaiko kushaya pekutarisa kana vari vaMakuna vakaramba vachiita nharo dzekuramba zvaiva zvabuda pachena. "Ichokwadi chataurwa naSophia nokuti nesu taneta nekuitiswa zvinhu zvisina kana nebasa rose even vakauya mulesson rinopera pasina chavataura chinobatika kunze kwekubvunza kuti mangwana muri kundiunzirei vachireva vana wechikoro." Uyu aiva Theo zvekuti ndakatadza kuziva chaiva chamupa kutaura chokwadi chose ichi. Takaonekwa tisina kana mhosva zvedu ndokubuda tikaendatiri vana, vaMunetsi, Theo, Sophia neni kukasara vamwe ava zvokuti kubuda kwatakaita tichiseka kwakashamisa vanhu vakawanda kusanganisira mamwe mateacher aiva ataura zvakaita nekuda kwekuona zvaiva zvakanyorwa izvi. MONICA Ndaishaya kuziva munhu akanga achiri kuda kutaura zvakadarika kare uye kuita sezvinonzi ndini ndakauraya mhamha. Ndaiva ndakatogara ari masikati zvekuti pakabva Taurai kuchikoro ndokusvikoita zveHome work zvake. Vakazoti vauya baba wekwangu zvekuti ndakaona kuti munhu uyu anoda kutaurisa zvakanyanya ndakamugadzirira chikafu chaiva achifarira ndokunyarara hangu uye zuva iri ndaiva ndakamugadzirira size yake inokwana chaiko. Ndakavapa sadza ravo nenyama yemombe yandaiva ndanyatsokangirira zvakanaka naka ndokumupa murume mukuru haana kuramba kudya zvake nokuti ndakaziva aswera nenzara zuva rose. Ndakaona achiita kunhanzva tugunwe twake kuratidza kunakirwa ndikati vati vatii zvako iwe mwana wemuera soko, haundiziwe zvakanaka ini mwana wemuera tembo zvake. Ndakaona kutanga nyaya yangu iri iyo nguva yakanakisa iyi. "Baba Taurai saka imi muri kutoti ndini ndakauraya mai vangu hanti?" Ndakadaro ndikaona vamira kudya.. "Mai Taurai! Ndambozvitaura nguvai izvozvo ini? Handichaziva kuti ndambotaura nezvazvo tadii taita zvemhuri yedu tosiyana neizvo zvakadarika kare. Zvinobatsira chii munhu akatofa kare zvatirerutsira pamutoro kusupport uku." Kupindura kwakaita ndiko kwandakanga ndichida zvekuti kana panguva dzevakuru ndakanga ndichiita kumufadza kuitira asakanganwa uye kuona kushanda kwezvandaiva ndaita ndakanga ndisingade kufungiswa nezvakadarika kare nokuti mhamha vakaramba kugara nemwanakomana wangu vachida kuchengeta Tarisai zvino zvavafa tichaona achazvigona sei nokuti shungu dzangu ndedzekuda kumuona achiuya kuzopfugama mberi kwangu achindikumbira chose chaanoda. Ndakaita kupika chaiko kuti hazvife zvakaitika kuti mwana wehanzvadzi yangu agone kudarika mwana vangu. Uye kubva zvakauya kuno ari grade 6 aiva neruzivo asi nekuda kwekurwadziva uye shungu dzemoyo wangu ndaida kuona achisekwa nevamwe vana kuchikoro kuita kusemwa chaiko nokuti mhamha vaimupa nyembe dzaasina zvino tichaona kwazvinosvika kuti achararama sei. Ndakatoita kuteya nzeve dzangu kuda kunzwa good news dzekurarama kwake hupenyu hwakaoma uhu. End of chapter 10 Be blessed 🙏