CHAPTER 12 TARISAI Kusara kwandakaita ndakanga ndichiita kunge ndiri kurota chaiko kutadza kuziva chaiko. Sei, bamukuru vauya kuno wega vasina tete kana mwana wavo Taurai? Kungava kutsvene ikoku kwavanouya wega kana ndiyo madhara atinongonzwa nembiri kuti vanoda vana Mainini zvakanyanya uye ndiko kuda kutanga kwacho here? Manje kana zvinhu zvavauya nazvo zviri zvekuti ndizobhadhare pamberi apo handingazvikwanise nokuti ini handingaita zvakadaro better kuenda kune umwe munhu than Pana baba mukuru ava nehunhu huna tete kana ivo vakazvinzwa ndizvo zvirikuno vanoti kudii? Kuzotaura zvekuti ndisaudza tete kuti vaiva vauya kuno kuti pane chiri kuda kuitika here. Ndakanga ndava nezvakawanda zvaiva mufungwa dzangu idzi zvekuti ndega ndakazviudza kuti handizi kuzoshandisa zvinhu zvavo kusvika zvanaka ndaziva chinangwa chavo chaita vauye nezvinhu izvi. Ndakazvirongedza kwazvo zvega zvose hapana chandakabata kana kubika pane zvose zvavaiva vauya nazvo izvi. Ndichipedza ndakaona sekuru Sabhuku vachisvika vakabata kamuti kavo kavaiva vachifambisa zvekuti chiso chavo chakanga chichiratidza kusava nemufaro zvacho mumaoko vaiva vakabata muriwo nemadomasi avakandipa. "Muzukuru! Ndauya pano nekuda kwekuona mota yababa mukuru vako yabva pano iyo. Uye rega ndikupe mashoko maviri matatu anokupa rubatsiro rwako rwamangwana nokuti isu tinorwadziva kuzoona nherera yakaita sewe kudai vavakufamba nedunhu rino rose vavakukumbira rubatsiro kuvanhu zvinhu zvinoshoresa kwavo kunyanya mbuya vako vakafa ava vanoshorwa nokuti ndivo vaikuchengeta, unofanirwa kuzvichengeta uye kuita zvinhu zvako neshungu dzose." "Usabvuma kunyengurwa newe matrouse ava muzukuru nokuti chavanoda panguva iyoyo unochiziva, kuona chifuwa chako chadai vanoita kuhwidzana chaiko iwe uchitengerwa twese twaunoda uchiti kudiwa ndokuita zvose zvaanoda kusvika pakuita nhumbu voraswa hapana achakucheuka nokuti chaida akachiwana iwe unenge vatopera basa nokuti iye zvake zvaita hondo yasarira iwe.. ndinofunga vabata mashoko angu aya kunyanya baba mukuru vako vari kuuya wega ava vanenge vane zvavari kuhwandira chaiko ugwarire." Mashoko akataurwa ndaiva ndamanzwa uye ndaiva ndisina kuzviisira mumusoro kana kamwe chete zvekuti ndakada kubvunza nekuda kwezvaiva zvauya naBamukuru ndikaona zvisingaite. Sekuru vakaenda ndokusara ndiri umwe chete zvekuti handina kubika zuva iri ndichifunga neckless yangu yaiva yaenda naPardon.. "Tarisai! Neckless iyi haifanirwe kuonekwa neumwe munhu zvake uye kana mbuya zvavo nokuti yakakosha kwazvo uye ndipo pane hupenyu hwako hwese usabvumidza munhu kuibata kana kuitora zvako pauri." Mashoko aya airamba achiuya mukati nendangariro dzangu nguva nenguva zvekuti ndakatanga kunzwa kubatwa nehope. Ndakarara ndokumuka makuseni ndichigeza kuitira kuenda kuchikoro uye ndaiva ndiine mufaro vakanyanyisa. Ndakatora muriwo mushoma nemadomasi ndokuisa mupepa rangu raiva emabook ndikakasika kubuda kuenda kuchikoro ndaitira kuda kuona Mr Munetsi first. Ndaita kunzwa mufaro hameno kwavaiva vabva mufaro vacho. "Mamukasei vaMunetsi!" Ndakadaro ndichityora muzura zvangu ivo vakatanga kuseka zvavo. "Tarisai! Ndakakutii, uye chiii chiri mupepa umu." Vakadaro ini ndakabudisa madomasi muriwo ndikuvasvitsa vakaita kufara izvi zvaiva mumaziso aMr Makuna avo vakafamba vachiuya kwandaiva ndina vaMunetsi. "I know uri kushamisika Tarisai but ndinoti sorry pane kukuvenga kwandaiva ndakaita hameno chaiva chii chaingoita ndinzwe kukuvenga uye kukufungirai zvakashata mose muri vaviri." Vakadaro vachida kupfugama pasi ndakavarambidza nokuti zvaizomakisa uye ndakavanzwira tsitsi nokuti basa ravo rakanga rava pedyo kuda kupera vakazopihwa last chance nahead. Zuva iri raita kunakidza asi dambudziko ndaiva ndakagumbukira neckless yangu kuna Pardon. Teacher weMaths akashamisika nevamwe vana kuona ndichiwedzera kugona pasina munhu akanga ane tarisiro nazvo. "Sorry TARISAI! Neckless yako ndakaenda nayo kumba ndaiti ndichakupa nhasi asi ma1 pandakaiisa handichapaziva ndichatarisa ndasvika kumba zvangu.uye ndine zvandinoda kubvunza pauri iwewe pachezvako nokuti pane zvandoda kuziva." Akadaro takagara tiri vaviri panguva yebreak apa achifambisa maoko ake kuuya pamakumbo angu zvekuti handina kuvhunduka kunze kwezvandaingonzwa zvisinganzwisisiki. "Bvunza vakasununguka zvako Pardon." Ndakadaro ndichiita kutadza kugarisika. "Vakapedzisira kunamata riinhi? Uye why vakasarudza kusaita bible knowledge (bk)?" "Pardon! Mbuya ndiwo vainamata ini handaitozviziva zvose izvi hameno kuti chii, uye nguva zhinji painamata gogo ndainzwa kurwadziwa kusvika pakubuda panze ndovasiya vari wega zvavo ndokuzodzoka vapedza kunamata, kana zviri zveBK izvi handizvidi zvangu. Rimwe dambudziko nderekuti ndogona ndichitoziva zvose asi ndaiti kungopinda muclass or kupihwa bepa rekunyora matest ndinoshaya zvekunyora ndapedza ndakubuda padoor ndotoziva pandaiva ndakanganisa pose." Ndakadaro ndokuona Pardon achiita kupererwa chaiko. "Ok, ndakunzwa zvavataura ndakuda kuziva ichi! Sei, uchifarira neckless yako iyi yavakati vakapihwa naTete vako? Mbuya vaizviziva here?" Akadaro ini ndakashaya kuziva zvaaida kutaura uye kuti zviri kubva kupi.. "Izvi handiziwe ini ndoda kuziva kuti iwe vakaiona sei nepayaiva iri neckless iyi?" Ndakapedzisira nekumubvunza. "Ini handina kuiona asi baba vangu zuva randasvika pano nawo tichikuona vakagara kuseri kwemaclass uko vakanditi mwana uyu inherera asi anoda rubatsiro nokuti pane chinhu chiri paari chinoita asekwe nevamwe uye chirikumutadzisa kudzidza pano chinoita avengwe nemateacher nevamwe vana chinogona kuzomukanganisira hupenyu hwake ndinoda kuswedera pedyo naye umubatsire mwana komana wangu." "Ndozvandakaudzwa nadaddy vangu nokuti kuchurch kwavo muporofita uye zuva raitika nyaya idzi hauna kuziva nokuti kudai kutaura kuno usisadiwa pachikoro apa zvachose. Kuti ndione neckless iyi ndakanzi nadaddy enda unotarisa shamwari yako pakadai uchaona chinhu ichocho." Ndakaita kupererwa zvokuti ndakatadza kuziva kuti.. SOPHIA Hameno zvandakatanga kunzwa uye kuona Tarisai aiva ari munhu Kwaye asina dambudziko nemunhu pachikoro apa. Mweya wekumuvenga vakabuda mandiri kusvika pakuenda kunotaura chokwadi chose chandaiziva nokuti hapana zvazvinondipa kuitira munhu hutsinye. "Sophia! Unoshamisa chaiko mwana iwez shuwa kuenda kunotaura zvose chii chavawana kuna Tarisai vacho? Vakakwana here dear?" Akadaro Eliza achita kuchenyama zvake uyu Grace akanga achirovanisa maoko ake nechepadiwi. Ndakarangarira zvaiva zvataurwa naTheo kuti "Tarisai akanaka kudarika tose maform 2 zvachose uye runako rwake ndakaruona asi kungoti zvakaoma hazvo." Ndakatarisa Grace naEliza kubva kutsoka kusvika kumusoro uku... Ndikatanga kuseka zvangu ini nokuti ndaiva ndiri nani pane vaviri ava. "Grace newe Eliza mambozvitarisa here? Uye mune shuwa kuti munongovhurira maticha aya munoti kugona here? Hazviite mupass chikoro zvoita mufoire chaiko nokuti ivo vanenge vachireva nhema kwamuri zvenyu imi motii tatopinda zvenyu, musingaziwe musiwe kumakwa vanenge vasiko zvavo." Ndakadaro ndokuona vanhu vachiti ndiri kutaura Svina vakasiya vanditi hushamwari hwapera pano. "Hushamwari hauna basa nokuti ini ndakauya kuzodzidzisa pano kwete kuita hushamwari nokuti shamwari munofurira kana chaunovaka umwe vako hapana zvachose kunze kwekutaura mabasa akashata ekuita ini shungu dzangu dziri pakudzidza ndipass." Ndakadaro ndokuona vaviri ava vakufamba vachienda. Ini ndakabva pandaiva ndavakutsvaka Tarisai pane zvandaida kutaura naye asi ndakamuona aine mukomana vake Pardon vachita nyaya ndikati handingade kumhanya zvangu rega ndimirire vapedze nyaya dzavo ndozopinza yangu yandaida kutaura naye. End of chapter 12 Be blessed 🙏