CHAPTER 29 MAKUNA Ndakatoseka ndichiona mukomana akanga akagara mberi kwangu pedyo naTobias achitaura zvaakanga achitaura zvisina kana nemusoro wese. "Ndinoziva hatisati takamboonana zvachose kwehupenyu hwedu. Asi ini ndinorangarira zvamakaita hama dzangu musati ndakanganwa zvamakaita zvenyu." Akadaro ini ndakatanga kutoseka ndakatarisa Tobias aitoseka zvakare mashoko aitaurwa nekamwana kechikoro aka kainhuhwa mukaka zvako. "Ndiri kuona zvandiri kutaura zviri fun kwamuri zvoita museke, asi hamuziwe kuti kufa kwemunhu hakusekese. Hamuchaziva mabasa amakaita mumakore akadarika ayo." Akadaro ndokundiratidza mufananidzo wemurume nemunhu kadzi. Ndakapererwa nokuti ndaiva ndakauraya mukadzi nemurume vanova vadzidzi Mr Chikova and Mrs Chikova zuva rimwe chete pataibva kumasports ndakanova urayira kumba kwavo handina kuona mwana wacho kuti aiva ari kupi uye pai. "Changamire zvamuri kundiratidza handiziwe nokuti vanhu ava taidzidzisa pachikoro chimwe chete paChimoyo apa, kuti vakaurava nani handitoziwe zvachose." Ndakadaro ndichida kuona action yekamwana aka uye paiva nepfungwa dzake. "Kana mati hamuziwe zvakanakai, ini ndinoziva ndimi makauraya vabereki vangu uye musatomboita zvamuri kufunga kuda kuita, nokuti umwe achakura chavachirema pahuviri hwenyu uhu." Kakadaro kamwana aka ndakashaya kuziva kaiva kachitemba chii chaizvo izvo, kutaura zvakadai izvi. "Hooo! Saka kuuya kwavaita pano vati ndini ndakauraya vabereki vako here? zvauno mhanyira kutaura kwausina kuswera kudaro." Ndakadaro ndikaona ndabatwa huro zvine simba ndavakuita kutadza kufema nekuda kwekubatwa kwandaiva ndaitwa. Kudai pasina magaurd ndakaitwa zvimwe uye ndiko kuenda kwaakaita ndikati kuna Tobias. "Tobias munhu uyu muone kuti vamupfuudza here nekuti ukasadaro tose tiri kunyura anotaridza kuva nesimba rakanyanya." Ndakadaro ndichibata huro hwangu ndikaona ruoko rwaita kuzara ropa. [TARISAI] Ndaita kufara kuita kubata denga nekuda kwezvaiva zvaitwa namainini vangu ava. Chakanga chakundinetsa ndechekuti kuno ndakanga ndisati ndajairana nevanhu kufanana nekwandaiva ndabva, uye kuti Mangwana ndiri kunotanga kudzidza pane chimwe chikoro hameno kana paiva pane vavengi vangu zvakare pachikoro apa. Ndakambundirana Brendon kwenguva refu zvekuti misodzi yangu yakatanga kubuda ndakamumbindikira kudaro hameno chakanga chiri chii, zvekuti takazobva apa ndokutanga kufamba tichiona nzvimbo achindiratidza zvake uye takapedzisira tasvika pachikoro chandaida kuzotanga kudzidza Mangwana zvekuti ndakafarira nzvimbo iyi yaiva yakanaka chaiko. Takazobva ndokuenda paiva nerimwe group rainzi rinotambirwa bhora takagara mukati kwenguva yakakura tirimo imomo. "Brendon! Ungandiudzawo here kuti murume anotambira kumba kwenyu ndiani chaizvo nokuti kungomuona kwandoita ndinonzwa kuti pane zvirikuitika chaiko." Ndakadaro ndichida kuziva zvakawanda. "Murume upi? Anobatsira mhamha here nokuti iye imba yanogara haizi yake ndeyeumwe munhu uchamuona zvako nekufamba kwenguva kana ini ndinomutya nokuti zviito zvake zvinondibhohwa imi sisi musatambira pedyo naye nokuti munogona kuitwa zvimwe kana mhamha vaigara vakanetsana naDaddy nekuda kwekufambidzana nemurume uyu." Ndakapererwa nekutaura kwake ini ndaiva ndapererwa nokuti ndakanga ndanzi ndinofanirwa kunoshanda kumba kwake zuva nezuva kana ndabva kuchikoro zvino ndikarepwa kumba kwake ndinoudza ani chaizvo izvo. "Munoziva chii sisi, kudai ndiri ini handiende kumba uku nokuti zvinoitika ikoko handizvizive zvachose uye mhamha nemurume uyu panenge pane deal rakatorongwa vari kukuvharai chete ava nokuti ndakavanzwa rimwe zuva vasati vauya kuzokutorai vachitaura nezvekuroora izvi." Akadaro Brendon handina kunyatsonzwisisa zvakanga achitaura ndakangoti pamwe ndezvavo ndikasiyana nazvo. Ndakasimuka ndokumuti kunze kwasviba uku chihande kumba Mainini vangazopopota vakaona tanonoka kusvika kumba. Haana kuramba takatanga kufamba tichienda kumba uye ndakanga ndaona nzira kuti ndaizofamba sei kana ndavakuenda kuchikoro Mangwana. Kusvika kwatakaita kumba ndakanzi huya kuno ndinoda kukuratidza zvinhu zvichakubatsira kana vava kuxool. Ndakaenda muroom yaiva yanzi ndeyangu yacho, maiva mune zvinhu zvakawanda zvinotaridza zvinodhura. "Zvose izvi Tarisai zvakatengwa nababa Brendon vachitengera iwewe." Ndiyo mashoko avakataura ini nekubatanidza pfungwa kwandakaita kubva ndichangosvika makuseni zvavataura kuti havana mari uye baba Brendon vane nguva vasingaziwe kutumira mari, ko iyi yaiva yabva kupi yavatenga izvi? Mhamha, handizi kunzwisisa zvamuri kutaura apa nokuti mamboti makwereta murume uya ini ndini ndkchabhadhara chikwereti nekuwacha? " Ndakadaro ndichida kuziva. "Hongu! Tarisai uye ukangogona chete vachakuitira zvihombe zvakadarika apa nokuti unenge vavafadza chose" "Asi mhamha kungori kuwacha chete here nokuti munhu hangafadzwe nekuwachirwa chete uye hapana zvakavanzika zvandisiri kuziva here nokuti ini ndichiri kuzvekudzidza kana imi mavakundirongera zvevarume ndisati ndapedza chikoro zviri nani mundidzose kwamakanditora zvenyu. Nekuti mashoko enyu amakataura ekuti ndakura uye unofanirwa kuziva hupenyu aya ndakamabatanidza ndoona zvaireva. Kana baba Brendon vari ivo vatumira zvinhu izvi ndinokumbira kutaura nawo panhare yenyu yacho." Ndakadaro ndikaona Mainini vakuita kushatirwa chaiko. "Ndodambudziko rako Tarisai, hapana achada kugara newe apa vakutaura zvekupenga chaiko, unoti ndiani umwe achakwanisa kukuitira zvose izvi? Una mai nababa Valenti here kana uchiramba zvandakupa izvi?" Vakadaro vachiita kukwidza inzwi ravo pamusoro chaipo. "Saka zvandisina mai kana baba ndizvo zvavakuita mundiite yose yose? Kudai Musina kunditora ndaitorara hupenyu hwakanaka kwete uhu hwamunoda ndiite nokuti handisati ndavakuda zveizvozvo ndiri kuda kudzidza. Moyo wenyu unonzwa sei chaizvo izvo kutora zvinhu izvi kuna baba ava ini ndisingazive moti ini ndini ndichabhadhara." Ndakadaro ndokubuda husiku uhu nokuti imba yavo yavaigara ndaiva ndakaratidza ndaida kuziva zvakawanda pamusoro peizvi. Handina vandakaudza kana Brendon ndakanga ndaita zvekutiza chaiko. Kusvika kwandakaita ndakapinda ndokugogodza padoor pakabuda murume vandaiva ndaona achindiona akatanga kunyindura mazino ake aiva akaita seenjiri zvayo. "Ndazviziva kuti Tambudzai achakutuma kuno chete, uye pinda mumba umu.." vakadaro ini ndakapinda mumba hana ichiita kurova chaiko. Zvekuti akakiya door ndikanzwa kahana kangu murova. "Musikana kutaura chokwadi deal randakaita namainini vako nderekuti iwe ndiwe uchabhadhara muripo wese wemari dzandaivapa vachidya,zvandatenga vazviona here zvakare."vakadaro ini ndakda ndichida kuziva. "Munoti ini kubhadhara ndinoshanda here? Uye kana makarongana kuti ndizowe mukadzi wenyu musafa makazvifurira nokuti ini handizi kuita zvakapusa kudaro uye kana muchida kufira kujeri. Now ndivhurirei ndoda kuenda kumba." Ndakadaro uye havana kuramba kuvhura zvavo .. Ndichingobuda mumba umu ndakasangana namainini vakaita kutsamwa vakanditarisa neziso zvekuti ndakavasina nemurume uyu ndokuenda kumba inini naBrendon. Ndichisvika ndakanzwa Brendon avakundiudza zvimwe zvandakanga ndisingaziwe zvachose zvakaita nditange kubudisa misodzi chaiyo.. [Taurai] Handitoziwe chiii chakanga chichiitika pandiri apa. Hongu zvairwadza zvakanga zvichiitwa namhamha, uye hameno kamwe kamweya kandaingonzwa pandiri kunyanya kana vari pedyo neni ndainzwa kuda kupindura mashoko anorwadza chaiko. Kunyaya zuva rakabva baba vangu pababa nanhasi vasati vadzoka ndakarwadziwa zvekusvika pakuunza musikana panda. Zvekuti kubva zvandakarara nemusikana wangu hameno kuchinja kwakatanga kuita zvinhu ndaisaziva zvaitika pandiri kungonzwa kuda kuparadza zvinhu zvose zvaiva pamba apa. Dzimwe nguva ndaigona kurota mbuya vakabereka mai vangu vachitendeka kwaiva kuna Tarisai ainge akaita kuzara misodzi pameso pake uye pavanoda kutaura mhamha vaibudikira vachiita kupopota zvaisanzwisisika zvekuti ndaipedzisira ndanzwa kuvavenga. Kuputa mbanje kwaiva kusada asi mweya yaiva pandiri ndiyo yaiva yakaoma yaindituma kuita zvose izvi. Rimwe zuva musikana vangu Pamela akauya akagara pedyo neni ndokunditi. "Taurai, unozvitirei zvaunoita mhamha ava! Tarisa uone situation yavanayo izvezvi iwe uri kupedza kutora zvinhu uchienda kunotengesa zvako zvakanaka here zvauri kuita izvi?." Akadaro zvake asi ini ndakanga ndisingade kupindura nezvazvo. "Pamela, i love you and tinoziva tose tichiri vana uye zvazvadai hapachina chimwe chinhu kunze kwekurarama tose, zviri nani kugara newe pane kugara nemunhu vandinoti mhamha akaramba kunoona mai vake vaiva varwara kusvika pakufa vasina kuenda. Ndoti ndiri kugara namhamha pakadari here?" Ndakadaro ndikaona musikana wangu avakubudisa misodzi yekuratidza kurwadziwa nezvaakanga aona mhamha vakaita. Ipapo ndakanzwa avakunzibvunza zvakare nezve.... End of chapter 29 Be blessed🙏