Chapter 7 SOPHIA "Ndakaerekana ndaita zvandisina kuziva. Uye ndakaona Mr Munetsi vaiva vakasiyana nemamwe mateacher zvachose. Ndakatanga kunyarara kuona munhu achindipfekedza uku nyadzi dzandaiva nadzo ndakatadza kana kuvatarisa zvavaiva vakamira pamusiwo wehofisi yavo vakavharidzira kutindisabuda. "SOPHIA! I wonder why kuita hunhu hwakadai uye uri munhu akaita sei usinganyare kuita zvakadai mberi kwangu? Unoziva zvinoita ndirasikirwe nebasa rangu iri here zvaunoda kuita izvi.? Kana ndafunga zvekuda kufadza nyama dzangu ndinoenda kunze kwete kutorana nemwana wechikoro mutemo hautendere zvachose." Ndaita kushaya kuziva zvekuita pakanga pachitaurwa apa. "Zvamuri kuita zvichaita mutadze kupasa nazvo munhu koshesa muviri vako kwete kungoti chero zvazvaita handina basa nazvo. Chimwe SOPHIA unofanirwa kuziva vanhu wekutamba nawo kana uri pachikoro uye kuziva varikukupa mazano anokubatsira here? For example ndiri ini baba vako ndaita zvekutamburira kuti ndikwanise kuwana mari yako neye mabook kuti udzidze vakuuya kuzoshama mumaofisi emateacher. Uri iwe mubereki unozvitora sei ini ndiri mwana iwe uri mubereki vangu uye une shungu dzekuti ndidzidze ndizviitire zvinhu zvangu ndisazonetsa?" Mashoko aya ndakaona ari echokwadi nokuti zvandaida kuita zvakanga zvisina kufanira ndakanga ndichifunga zvimwe vakafanana regai ndivape temberi yangu iyi ndisingaziwe zvakashaya . "But Sir, APA mavakundiomesera achaiko. Honai tingori vaviri chete ingopedzisai nokuti kuti zviperere mukungoona kwamaita hazvingaite kani. Basa renyu haringapera nokuti tingori vaviri tega uye hakuna umwe munhu anoziva zvose zvinenge zvaitika pano kunze kwangu nemi chete." Ndakadaro ndichifamba kuenda kwavakanga vari ini zvandaiva ndaita ndoenda vasina kumbodii ivo vaona zvose vongondisiya ndakadaro here hazvaiita zvachose ndakasvika pavaiva vakamira ndokutanga zvandakanga ndichida kuita munhu aiva akamira zvake akaita kunditarisa asingadiii zvake. Uku shirt ndaiva ndakabvisa mabhatani kwangosara bra raiva riri mukati kuzasi ndaiva ndisina kubisa skirt. "Sophia! Ndanyataotaura zvaunonzwa chaiko handidi kutaura mamwe mashoko uye respect me pane zvandataura, sei uri kuzviratidza kuva cheap kudai? Handina kuti ndiratidze zvinhu zvako ini kasika kuvhara uri kutondisemesa chaiko uye ukaramba vakashama zvavakaita izvi uchaona ndakurasira panze chaipo ukuzvinzwa" vakataura vachidaro Sir, ini shungu dzangu dzaiva pakuda kuvapakurira poto zvekuti havaifa vakada umwe munhu zvake kunze kwangu asi ndakati zvimwe vachiri kunyarara zvavo ndicharamba ndichiedza zvangu. Ndakashaya kana nyadzi ndokuzvigadzirisa ndikadzokera kwaiva nevamwe muclass uye ndaiva ndakanyarara ndisina vandataura naye. "Sophia zvauri kungoita kunge vakapusa pusa muzuva ranhasi kwakanaka here?" Akadaro Elizabeth achigara pedyo neni. "Hapana dear ndiri kufunga zvangu kuti why tisina moyo tinoita basa rekuseka Tarisai uyu. Ko, zvatiri vamwe chete nokuti tose tiri vamwe chete uye we never know what will happen tomorrow kwatiri nezvatiri kuita izvi. Moyo yedu yakaita sei uye i feel sorry for her Kani" ndakadaro tumisodzi tuchitanga kubuda mumaziso angu aya. "Heeede iwewe kutanga kunzwira munhu tsitsi kwakanaka here amai mwana? You said urikumunzwira tsitsi kuti aita sei? Sei adzokera kumba nhasi." Aiva avakutondibhohwa nekuda kwekubvunza zvakawanda kwaiva achiita uku. "Grace and Eliza! Nguva ichiripo yekuti tirege kuona vamwe vanhu sevasina basa uye hatizi tose tinobva kumafamily anowana zvose zvatinoda girls. Zivai umwe neumwe anemararamiro ake uye musikana uya shungu dzemoyo wake dziri pakuda kudzidza isu ndisu tiri kutomukanganisa chaiko. Nhasi arasikirwa naMbuya vaimuchengeta ndosaka asipo pano kudai tine mari kana tikaita madollar dollar tamubatsira Hama dzangu kuva zvaari hakuzi kuda uye nezvaapindana nazvo izvi zvakatooma chaiko." Akadaro uye haana kupedza kutaura ndipo pakapinda vamwe teacher vakasvika neku... THEO Kuona kwandakaita Tarisai apa ndaiva ndine mukomana vangu takagara paveranda yeshop yedu. Haana kundimhoresa ini mumoyo ndakati tichaona uchavhaira nei kana uchinge vabatwa nhasi vaitwa zvinogara zvakadaro. Ndakanga zvino ndasara ndega mukomana pane kwaiva achimhanyira. Ndakaenda neuya akanga achindida uya zvekuti ndakasvika kuona vakomana vakarova srs chaiko. "Zvamakagara pano mapedza basa randakupai here?" Ndakadaro ASI vose hapana akakwanisa kundipindura kunze kwekundibata ruoko vachienda neni kwaiva kwakahwanda, ini ndaiti zvimwe Tarisai ndipo achakarara asi kwete akanga asipo. "Theo tarisa unone zvataitwa izvi zvauri kuda kutiitisa hazviiite zvachose." Akadaro umwe vacho uye ndakaerekana ndabatwa nechekumashure uku. Ndaiti zvimwe kutamba asi ndakaona ndavharwa muromo ndokubviswa nhumbi dzangu dzose munhu kwakutanga kuita zvanoita pandiri ndichiita kurwadziva chaiko zvokuti vakachinjana vose vari vaviri kusiya kweumwe 1, handina kuziva vangaita zvakadai pandiri uku vasina kushandisa kudzivirira zvakare. "Kurwadziva kwauri kuita ndiko kurwadziva kurikuita Tarisai nezvaunoda kumuitisa saka iwe ndiwe tati tiite izvi uye ukaudza munhu chete ziva uri kufa hatina basa nemari yako asi ona vamwe vanhu wevanhu kwete sehuku. But thanks zvako hatina kuziva unotapira zvakadai isu." Akadaro ndokuenda ini nekurwadziva ndakamuka asi hapana chandainzwa ndakangoti.. "Hongu magona zvenyu asi matova nacho chirwere nokuti marara neni musina kuziva status yangu yakamira sei.." ndakadaro ndokuona vanhu vachidzoka vachimhanya vakasvika ku..... ................ Kusvika kwakaita MONICA nemurume vake pamusha pamai vake sezvo pakanga pasina kana munhu zvake kunze kwematanda aiva aripo nemoto vaiva uchibvira panze. Monica haana kuona zvaiva zviripo akanga achongodana Tarisai chete. "Mai Taurai urikuona zvandiri kuona here pano kunge pane mabiko akabva kuitwa manje manje ano apa." Akadaro murume vacho achibvunza uye nguva iyi pakasvika vamwe vanhu akanga vachiratidza kuva wechikuru vakadzi vakasvika nekuchema zvainzwisa tsitsi zvekuti baba Taurai nemukadzi wavo vakatadza kuziva zvakanga zvichiitika apa. Ipapo Tarisai anobudikira nekumwe kuside akapfeka marengenya zvake achiona mbuya nasekuru vakabereka mai vake anoita kumhanya anosvika kuvambundikira achiita kuchema zvainzwisa tsitsi.. "Mbuya handina kuziva ndizvo zvichaitika izvi. Ndaiti ndichwchengeta gogo vangu asi vaenda ava moyo wangu uri kurwadziva zvakanyanya. " Akadaro achiita kuchema ipapo Monica akauya pedyo avakuda kunyatsonzwa zvakanga zvichitaurira apa. "Iwe Tarisai ndiri kunzwa kwazvoo here pane zvavataura izvi?" "Ehe tete mbuya vakaenda ava uye zuva randakufonerai musiwe Friday vaida kutaura nemi asi imi makatanga kundituka nekuda kwekusagona kwangu mukati tiri kuda kudya mari yenyu isu taiva tisingade nokuti vaiva vachorwadziva panguva yacho vachida kutaura nemi. Musiwe Sataurday ndakaenda kumashop ndikanonoka kudzoka mushure mokunge ndakuda kubatwa chibharo ndikapukunyuka nepaburi retsono chairo. Ndakasvika ndichiona gogo vasisagomera ndikati varara ini ndisina kuziva vakanga vafa zvekuti musiwe Monday ndipo ndakazonobvunza vanhu kuchikoro mateacher akandikudza kuti mbuya vaiva vafa." Akadaro akuita kutadza kutaura zvakaita munhu wese apererwe chaiko. "Tarisai! Ukureva kubva Sataurday kusvika Monday vairara nemufi mumba kwe 2days." Ava vaiva baba Taurai vaibvunza misodzi yaita kuzara kumeso kwavo vachingoita bvorongocho mumadhaka chaimo. Monica akanga achiumburuka nekunerimwe divi zvokuti akamuka nokusvika kubata Tarisai achimu.. End of chapter 7 Be blessed 🙏