Chapter 11 MONICA Ndaiva ndichifara kuti shasha yapedza kudya yakanyarara isina zvimwe zvayataura. Hakuna chinhu chinondirwadza kufanana nemunhu anotaura zvinhu zvakadarika kare kare kunge baba Taurai ava. Kubuda kwaakaita achiedza panze ndakasara ndichigadzirira kuda kurara nokuti zuva iri vakanga uri mufaro chete chete kwete zvekutamba. Mwana komana wangu aiva muhombe kuna Tarisai uye akanga achingoita zvinhu zvake chinyararire asina vaanotaura naye nehudofo hwake ihwohwo. Kana shungu dzekumubvunza nezvekuita homework nezvimwe ndakanga ndisina nokuti ndaiziva zvichachinja pamberi apo. Murume mukuru akadzoka ndokupinda mumagumbeze zvake.. "Mai Taurai handina kuziva kuti ungaita zvakadai ini. Shuwa kubva ndichikuroora handisati ndakadya chikafu chaunobika seichi." Paitaura murume vangu mukati memoyo ndaiva ndichiita kupururudza nokuti zvandakanga ndichida zvaiva zvaita, uku ndaifarira kurumbidza kwaiva aita nokuti ndaiva ndagona kubika zvekuti ndakati regai ndinzwe kuri kuenda nyaya yake. "Baba Taurai munotedzerwa here imi. Ndaiva ndoshaya mufaro nekuda kwekubvunza nyaya isina nematuro ose iyi. Zuva nezuva heee zvino zvikazodai. At least ndazorora." Ndakadaro ndichiona murume mukuru achiita kushaya zvekuita. "Chikafu chavabika ndadyira nzara semunhu aswera asina kudya zuva rose uye anga ari busy nebasa chairo. Kuona ndiri kubva panze kudai ndabva kunorutsa kana mudumbu hachina kugara zvachose uye chakuita ndinzwe kunhuhwa kwemukanwa mangu chaiko." Kutaura kwaakaitaizvi ndakanzwa kurwadziva ini ndaiva ndatofara nekuzviti ndaiva ndagona kubika chikafu chinonaka nemoyo wangu vose here. "Ok, mangwana ndichabika chimwe chiri nani chinodarika ichi murume vangu nokuti hakuna chinofadza kukuona uchitaura pandinokanganisa nokundiudza chokwadi uye kundinzwawo zvandinoda." Ndakadaro ndikanzwa avakunditi. "Mai Taurai! Ine shuwa kuti hausati vakafonera mwana wehanzvadzi yako uye zvanga zvakadii kumutora auye agare pano handione chakaipa ini nokuti Mhamha vako vakatadza kuvachengeta uye votadza kuchengeta muzukuru vako here zvakare? Unozosara nani kana Tarisai achinge afa?" Ndakatadza kuziva kuti izvi zvaiva zvauya sei nokuti munhu aiva abvuma now avakuchinja zvakare. Ndakamuudza kuti tinozotaura mangwana uye ndaiva ndaona kusashanda kwezvandaiva ndaita zvekuti makuseni ndakamuka kubika tea yavo nezvekudyisa ndapedza ndakadzokera kunorara ndokuona shasha yoenda kukitchen moyo vangu vakafara zvekuti pasina nguva ndakaona auya akati avakuenda uye anogona kutadza kudzoka nhasi pane kwaanoda kuenda. Ini nechemumoyo ndakanga ndichiti chero zvangu zvaita handina basa nezvako uye nekwavaida kuenda ikoko. Ndakazomuka ndokuenda muimba yekutandarira ndichiona muplate musina chinhu zvekuti ndakafara kani sezvo ndaiva ndaita zvinhu zvandakanga ndichida. Ndakazobuda ndokugara zvangu panze. Ko, hanty ndakanga ndichishandirwa here ndaitei hangu. Ndakaona Taurai achiuya akagara pedyo neni uku akaisa ruoko rwake papfudzi pangu zvekuti ndakafarira mwanakomana wangu uyu uye kushamisika kuti aiva asina kuenda kuchikoro nekuda kwei. Aiva achingonditarisa tarisa achiti. "Mhamha handina kuziva kuti Daddy vakawana mukadzi akanaka semi kudai yoooo. Kuita kubatana zvakadai zvekuti ndinototi kudai muri musikana wangu ndaikutorai chaiko kuzogara nemi." Akadaro ini ndaiti zvimwe mafanizi ake hake anovanzo taura dzimwe nguva. Ndakazopererwa kuona avakufambisa maoko ake kuda kupinza muhembe yandaiva ndakapfeka zvokuti ndakamubata asati adii. "Taurai unoziva ndiri mai vako here ini? Unoda kuita sei chaizvo zvauri kufambisa ruoko rwako uchida kuisa mukati mebra rangu.?" Ndakadaro ndapererwa chaiko ndikaona avakungozhinya zhinya zvimwe zviya. "Kana vashaya zvekuita enda unozvibikira tea unwe uko, ukuzvinzwa here." Ndakadaro ndikaona avakunditi. "Ndanwa tea Kare ini nguva yamagadzirira daddy uye ndiyo yandanwa ndikavaudza vakati hazvina basa vachanozviona kumberi kwavari kuenda." Ndakaita kurwadziwa uye kushaya zvekuita nokuti ndakanga nda... TARISAI Hongu Theo akanga akwanisa kutaura chokwadi chakaitika asi ndakanga ndisina kana basa nazvo. Ndaiti ndikangomuona moyo wangu vairwadziva zvakanyanya nokuti ndiye akanga akonzeresa kufa kwakaita mbuya vangu. "Tarisai plz taura neni shaaa uye believe me kuti handina kuita izvi uye ndinoda tidzokerane pahushamwari hedu hwema zuva aya." Kutaura kwaakaita ndakatoseka zvangu nechemumoyo ndakatoti Ishungu dzei munhu kubvisa mwana wemvana madzihwa. "THEO! Handina mashoko akawanda ekutaura newe uye ndikaramba ndakakutarisa kudai ndinogona kungoita zvimwe zvinhu nokuti hasha dzandinadzo dzakawandisa chaiko. Kudai uri umwe vafamba vaenda zvako nokuti handidi kukuona pamberi pangu zvachose kana pameso pangu uye handina kuti ndibatsire ndaitsvaka aiva akazviita kusvika ndamuona but thanks for your information my lovely sister..." Ndakadaro ndokufamba ndichienda kunobuda gate Ndakaona munhu akaramba achingonditevera chaiko. "Tarisai! Why uri kuita zvose izvi kwandiri nokuti ndiri kukumbira ruregerero kwauri iwe uri kuramba." Apa aiva amira mberi kwangu chaiko ini ndakaenda ndokugara pasign post yechikoro. "Theo ndakuregerera Kare nemurumo asi mumoyo mangu handina nokuti shungu dzemoyo vangu ddinorwadza nekuita kwako. Chii chavakawana pane zvose zvavakaita? Unoziva here kuti umwe munhu akafa nekuda kwemabasa ako aya avakaita? Unoziva here kuti ndiwe vakatuma vakomana kuda kuzondibata zuva randabva pamashop kuzotenga mushonga yambuya vangu uye kuda kundibata chibharo kusvika ndarwisa ndikatiza ndokurasikirwa nemapiritsi avo. Unoziva ndiro zuva rimwe chete rakafa mbuya vangu iwe votaura kuti hauna kutadza ikoko kutadza kushoma here?" Ndaiva ndakuita kutaura ndichichema. Ndakaona Theo oita kushaya zvekuita zvekuti Pardon akauya ndokunditora akandiperekedza kuenda kumba zvokuti ndaita kunzwa kufara kana ndinaye pedyo but kwete zvekumuda asi kuwa shamwari yangu chaiko. "Tarisai manga muchitaura kutii naTheo uyu? Uye sei mose manga muchichema kudai." Ndakaona kuti kutaura chokwadi kwakanga kusingaite zvachose zvaiva nani ndimunyepere. Ndakamunyepera ndokuona abvuma zvekuti akatanga kunditarisa akasanganidzana nekaneckless kangu kaiva muhuro. "Tarisai! Neckless yako iyi vakaiwana kupi uye vava nemakore mangani uchiipfeka?" "Pardon vakutoona zviri mukati mehembe dzangu iwe ndiwe vatanga kuiona after ndaipihwa naTete vangu ndiri grade 6 uye vakati ndidaudza Gogo kuti ndaiva ndapihwa neckless uye vaiti ndeye protection yangu." Ndakadaro ndakaona atora nguva akaibata apa ndaiva ndakuita kubvunda zvino uye kusamutrust nemaitiro akanga oita pasango apa. Akakumbira kuibvisa ndikamuti aibvise uye kubvisa kwaakaita ndakatanga kurwadziva nemusoro kusvika ndawira pasi zvakasara zvichiitika handina kuziva. Ndakamuka nditanga kuzvitarisa nokuti munhu ndaiva ndisingavimbe naye zvokuti akandiperekedza ndokuti neckless yako ndichakupa mangwana akadaro ini ndokuenda zvangu kumba. Ndakasvika kuona paiva pane mota asi mota iyi ndaiva ndaiziva pakauya vanatete nemurume vavo. Kana vanga vauya nemashoko ini ndaiva ndakavagadzirira mashoko mahombe chaiko. Ndakasvika ndokuona vari bamukuru apa vaiva vakazara misodzi kumeso kwavo uye vakasvikondimbundira zvakandishamisa. "Thank God mauya nenguva ndanga ndavakuda kudzoka uye ndaona kuti hazviite kudzoka ndisina kukuona mukadzi vangu." Vakadaro ini ndaida kuziva chaiva chaita vasvike kuno vari wega uye nekuchema kwavaiva vachiita. "Ndinotenda nekurangarira nherera yakaita seni kudai, ndaiti zvimwe kwaenda imbwa ndiko kwaenda tsuro uye hakuchina achandicheuka ndisingaziwe muriko zvenyu." Ndakadaro ndokuona vakutaura zvose zvakaitika nekusvika kwavaita. Vakazondipa zvavaiva vauya nazvo chikafu nehembe nemabook pamwe chete nemari yekubhadhara chikoro nezvikwereti zvandaiva nazvo uye kuti ndisaudza tete kuti vaiva vasvika kuno. Havana kugarisa vakaenda zvavo ini ndskasara uye ndsingonzwa kuda kuverenga so hameno kuti chaiva chii ichocho zvacho. End of chapter 11 For more information please feel free to call me anytime but no WhatsApp.... Be blessed