CHAPTER 26 Unedited MONICA Ndakakanda kahandbag pasi ndichiratidza kupererwa nezvandakaona nemaziso angu. Ndakasvika pakuda kubudisa misodzi nekuona izvi, room yangu yaiva yangosara musina chinhu yangova ground chete, hembe dzese maiva musina zvachose. Hapana zvandakakwanisa kuita kunze kwekufungira baba Taurai chete nokuti ndiye vandaiva ndanetsana naye. Ndakafamba ndichiita kuzvuva makumbo angu uku ndakaita kuneta. Taurai aiva aripo achiratidza kudhakwa akatopera zvake nehwahwa achingorotomoka chete. "Nhasi ndinoda ubve pamba pababa vangu, kana baba vangu vasina kudzoka nemi muchabva pano." Akadaro ini ndakabuda ndokuenda kuseri kwemba ndakaona musikana vake aiva achiwacha. Ndakafamba ndichienda pedyo naye ndikaona majira epabed akazara panze, pamwe chete nehembe dzangu. "Iwe musikana uri kuitei nehembe dzangu dzakawanda idzi?" Ndakadaro ndichimubvunza. "Mhamha! Ndinoziva hamundifarire zvenyu kubva zuva riya ramandiona ndine mwana wenyu, kwaisava kuda kwangu, uye i love your son zvakanyanya. Ndosaka makaona ndakanga ndiri pano kuti ndidzokere kumba kwedu hazviite nokuti ndakakanganiswa naTaurai." Akadaro achiita kunzwisa tsitsi, ini handina kuda kumunzwira tsitsi ndakatanga kumudhonza nzeve dzake idzi. "Ndiri kuda kuziva kuti mubed vangu uri kupi? uye majira aya ari kutsvakei pano?" Ndakadaro ndichibata majira ndichida kuona,ndokuona akazara ropa zvakandinetsa uye ndakanzwa kuda kuponda munhu. "Mhamha hongu hamundifarire zvachose, mubed ndakauisa mune imwe room Pamwe nehembe dzenyu, idzi ndidzo dzandiri kuwacha handina kuba kana imwe zvayo,asi ndakaitira Taurai aida kunotengesa ashaya mari yembanje, kunyangwe mukanditi henyu ndiri pfambi asi handizi nokuti mwana wenyu ndiye atanga kurara neni." Kutaura kwaaiita achichema zvakandifungisa Tarisai uye nekuona amwe maonero angu panguva iyi. Ndakasvika pakupererwa nezvekuita. "Saka iwe chauri kugarira pano chii uchitadza kuenda kumba kwevabereki vako?" Ndakadaro nekuti zvinhu zvacho. "Mhamha hapana kwandingaenda ini, ndinosvika kuvabereki vangu ndichitaura kuti ini ndatova nemazuva maviri ndiri pano." Akadaro ndakaita kuperererwa uye handina kuona huipi hwake ini ndini ndakanga ndakuda kumuvenga nezvisina basa. "Oky kana zvakadaro, unoziva mose muri vana wechikoro ini handione ukagara naTaurai kwenguva nokuti mbanje dzake idzi ma1 chaidzo.." ndakadaro ndikanza avakunditi . "Mhamha! Ndiudzei zvose zvamakaita pamwe ndinogona kukubatsirai nemazano nokuti ndinoona mwana wenyu ari munhu Kwaye asi ini pane zvamakamuita chete." Akadaro ini ndakaona zvisingaite zvekuti Taurai akauya patainge tiri apa akati.. "Mhamha kana muchida tivirirane ndiri kuda baba vangu pano uye ndinoda kuona Tarisai ndine zvandinoda kutaura naye tiri vaviri." Ini nekuvenga kwandaiva ndakaita Tarisai.zvaitondi svota nekuti ndaive ndisingadii kunzwa nezve Zita iri nxaa "Mhamha zvataurwa izvi ndizvo zvinoita mukwanise kuwirirana naTaurai mukasaita zvaanoda hameno henyu ini ndinenge ndabuda mazviri izvi" ndaiva ndisina imwe zvayo. Handina kutaura ndaiva ndichienda kupi. Ndakadriver ndichienda kubasa kwababa Taurai ndakaziva ndiko kwavanenge vari. Handina kutora nguva yakakura ndaiva ndatosvika pabasa pavanoshandira. Ndakafamba ndichipinda mukati sezvo ndakanga ndichiziva office yavo yavaishandira. Ndakasvika padoor reoffice yavo uye ndakafunga kuda kuknocker ndikaona zvisingaite ndakavhura nekupinda ndakaona mune umwe murume. "Mhamha tobatsirana nei zvamapinda musina kuknocker?" Akadaro ini ndakatadza kuziva chaiitika. "Very sorryy, kungoti munhu anoshandira muno ndiye vandaida kuona." Ndakadaro ndikanzwa avakunditi.. "Ndine hurombo, Mark hachashandire pano akasiya basa 4 days ago." Kunzwa izvi ndakaita kupererwa nekutobuda ndakaziva aiva aenda kuna mai vake chete. Ndakadriver kuenda kumusha asi ndakasvika neimwe statement zvekuti handina kugarako nezvandakaona paiva pasina zvakaita nditadze kuziva. muviri vaiva vakaita kunonzi kurukutika ndaiva ndakuona nhamo yangu ndega. Ndakada kudzokera kumusha kunopa Makiyi ndikaona zvisingaite. JERRY MUNETSI Ndaiti zvimwe Tarisai achaenda apedza kunyora matest izvo zvakangorongwa nekukasika. Semudzidzisi zvakandirwadza kwazvo kuona izvi asi chekuita pakanga pasina nekuti ndizvo zvakanga zviripo. Kwakatumwa munhu kuzondidana muoffice mandaiva ndiri zvekuti, handina kutora nguva ndakatanga kutevera mukomana uyu kusvika ndasvika kuoffice kwaHead. "Mr Munetsi zvandakudanira zviri srs zvinogona kubatsira iwe nehama dzako. uchiona nyaya iyi yaMakuna haizi diki! Uye ine makuva mukati, Makuna anogona kutuma vanhu." Vakadaro vachipanana muono. "Mashoko amataura akanaka handina kubvira ndakafunga nezvazvo izvi, zvazvadai ndakutuma munhu anova bvisa kwavari ndava murume uyu hainzwisisike." Ndakadaro uye ndikanzwa vakutaura nezvimwe. "Plz gara pano pachikoro tarira vamwe vana vakutoshaya mufaro." "Sir, chichemo ndachinzwa asi handina zvandinokwanisa kuita nokuti hupenyu hwangu ndihwo hwakakosha pano, ndikada kuramba ndiri pano ndinoitwa zvimwe havasi wese vanemoyo chena, vamwe vanoti kudai akuvadzwa asi ndinoda kubva pano before is zvisati zvaitika zvimwe." Ndakadaro ndikaona murume mukuru avakushaya kuziva zvekuita. "Handina kuona dambudziko rako, ndakaona zvawakatanga kudzidzisa maclass ekumusoro zvinhu zvakashanduka kana pass rate yavakuita zviri nani, zvino tichakusuwa Munetsi i wish you good luck kwauri kuenda ikoko nokuti pamabasa ako ose unotungamidza Mwari mberi, zvimwe zvose kumashure ndosaka basa rako richikufambira." Vakadaro head zvekuti ini ndega ndakaona ndaiva ndarwadzisa vanhu vakawanda. Handina kuita nguva ndiri umu ndakadzokera kuoffice kwangu uye ndakaona zvaiva zvataurwa yakanga iri chokwadi kuti ndibvise vabereki vangu kwavari uku. Sophia ndaifanirwa kuenda naye kwandainodzidzisa uku kunyangwe ndisati ndasvitsa hangu shoko kwaari. Zvose izvi zvaiuya mupfungwa dzangu ndakagara uye ndakaona Pardon apinda akabata book. "Sir, ndauya nebook iri ndakanzi natarisai ndizokupai." Akadaro ndakaramba ndakamutarisa zvekuti ndakamubvunza. "Pardon, ndinoziva vaitamba naTarisai nekuswera mose, hazvisi kukurwadza mumoyo mako kuti akaenda kure?" "Sir, kutaura chokwadi ndaimutyira nokuti munhu vakaenda kunogara naye handimuziwe zvachose ndakazofara pandakanzwa baba vangu vachinditi, shamwari yangu kwayaenda kwakanaka hakuna kuipa nokuti kunoita akanganwe nhamo dzake dzose nezvimwe zvakawanda paari. Hongu Mainini vake vanegodo zvavo asi havasvike pakusara kana kuitira umwe munhu hutsinye. Ndizvo zvakataurwa nababa vangu nokuti vanooneswa zvavo. Saka Tarisai musamutyire zvenyu pamwe hazvishamise muchisangana pachikoro chimwe chete zvakare." Akadaro Pardon ndakanzwa moyo vangu kufaranuka zvekuti ndakazonzwa ava kundibvunza nezva Sophia achiti..... [TAMBUDZAI] "Mhamha munorevei kana muchiti hunhu? Nekuti ndagara ndine hunhu kare." Akadaro mwana vasisi vangu Tarisai achida kuziva. "Tarisai, ndauya newe pano kuti ukwanise kuzorodza pfungwa nokuti uko vaiva vanzwa. Kubva nhasi kuchema kwako kwapera uye panodzoka Brendon mwana vangu uchamuona achaenda newe kumba kwababa ava, handidi ucheme nokuti vakachema kare. Mari yakadyiwa kare uye vakati ndinopota ndichiuya kuzoshanda kumba kwavo uye handina kuzivisa baba Brendon nezvazvo kuti ndakatora mari kwavari baba ava ndichida kunobhadhara asi dambudziko vati paMutoko district nzvimbo hapana vazoenda kuMutoko high hameno kana uchikwanisa kufamba kunosvika uko." Ndakadaro ndikaona mwana achiita kufara zvake uye ndakanga ndazvipira kuita chose zvacho kuti awane mufaro handaida kuona achichema sezvaiva achiita. "Mhamha basa ndinoita sezvo mati ndonowacha weekend chete uye moyo vangu vanga varwadza pandanzwa muchitaura nezvemadeal ndikati Mainini vakuda kundipa murume here ava." Akadaro ini ndakatoseka hangu. "Tarisai chandati zvavakura kudai ndavakuda hunhu nokuti why? Pandabva pamba pasabhuku paya zviito zvako zvoratidza vaida teacher ASi ivo vasingakude ndozvakaita ndikubvise ikoko zvako nekukasika, hunhu hwandiri kutaura ndehwe kuzvichengetedza samai tinoda kurumbidzwa nekupihwa zvinhu zvehumai zvakakwana kwete zvakashota, hongu ini ndokwanisa kuita musikanzwa asi handikurudzire mwana wangu kuita izvi. Dzidza neshungu unyadzise Satani, uye dzidza uchiziva hauna vabereki vanokubatsira nokuti ini handizirikanwe misi nenguva yangu yekufa ukasara usina pekubata." Ndakadaro ndikaona avakuita kuda kuchema chaiko. Chandakanga ndichida mufaro wemwana uyu. Murume uyu akanga ari murume weshamwari yangu nokuti ndakatya kuudza vangu murume aizotanga kupopota achiti ndakuda kuita zvisina basa. Ndaitya kuti kure kwaienda kuchikoro uko nokuti handaida afambe rwendo rwakakura kuenda kuchikoro asi rwudiki. Brendon akasvika kubva kuchikoro zvake uye akanga achiita grade 7 paakaona sisi vake mwana akanzwa kufara Kani kuita kubudisa musodzi chaiyo yemufaro. Vaviri vakambundirana kwenguva yakakura zvekuti Tarisai ndakaona ava...... End of chapter 26 SSN will be on sale Vanoda kufanobhadhara makasununguka zvenyu kubata munyori panumber yake uye vano bhadhara before ssn2 achiri ma15rand artym[Telkom and Vodacom] kana kuti 15rand Blu voucher, Ott voucher any type of voucher. +27 63 797 6857 Team Zim mongotenga buddie yeikoko Patrick stories Love's you guys Season 1 iri kuperera pachapter 30 Be blessed 🙏