Chapter 3 [Monica] Shuwa ndoita basa rekubhadharira munhu asina zvaari kuziva zvake kupedza mari nezvisina kana basa izvi. Ihwo hudofo hwacho hwavha hwaita kuita sei kuita kunge mweya yesvina iri paari chaipo. Mumabook anonyora zvakanaka kuzviverenga hakwanise zvachose imi Baba Taurai kana musina zvekuita nyararai nditaure nokuti mwana wehanzvadzi yangu uyu kunyangwe akagara pamba achichengeta mhamha hazvina kana basa nokuti chaari kuendera kuchikoro handichione ini. Ndaitaura ndakagara mushure mokunge ndabva kutaura namhamha avo vakandikumbirisa kuti mwana haana mabook akakwana kuno ndione nekupedza mari kwandaiva ndaita kwacho paari pasina kana chachinja. "Mai Taurai! Usaita mweya vakaoma kudai. Mwana uyu haana kusiyana nemwana vako vaunaye pano uye mwana wehanzvadzi yako chaiyo kwete yekutengwa, kana varamba kumubhadharira ini ndiri kuita plan even kumutora achiuya kuno nokuti hazvibatsire kuti zera rake ririkuenda kuchikoro iye onekwa achisara achichengeta munhu? Zvinobuda zvakanaka here? Kudai uri umwe vamuitira zvose vaona kuti kana apedza form 4 yake pasina change anoita sei nokuti ndinoziva mainini vangu shungu dzekuda kudzidza dziripo kwazvo. Zvavakuita Mangwana anochema newe." Aiva murume vangu akanga achitaura zvakaita ndinzwe kurwadziwa asi chekuita pakanga pasina zvachose. Kwakazoti kwava kumanheru ndakaona plz call back ndokufona nguva imwe chete. "Mhamha zvandataura ndizvozvo hapana chinochinja nokuti hudofo hwake hunotosemesa chaiko, kumhuri kwedu handisati ndakaona mwana akaita seuyu ini." Ndaitaura ndisina kupa nguva yekutaura munhu vacho. "Tete! Handipikisane nezvamataura ini, zvose zvakanaka nokuti chandiri kubuda nacho hapana. Shungu dzangu dzaiva pakuda kudzidza asi zvakati hamukwanise kubhadhara school fees nekutenga mabook hazvina mhosva pamwe kudai vabereki vangu vaivapo ndivo vaikwanisa kundinzwisisa zviri mumoyo mangu umu, asi maita basa pane zvamataura izvi ndaikumbirawo hangu madollar maviri zvayo ndinoda kuenda kwaMbuya vangu vakabereka mhamha kana zvichibvira sezvo mati kupedza nguva kuenda kuchikoro." Aitaura zvinyoro nyoro asi inzwi rake raiva kuratidza kushungurudzika mukati memoyo wake zvandakanzwa nepanhare ini. Kudrop kwakaita nhare ndakagara pasi ndokutanga kufunga nezvazvo uye zvakauya mufungwa dzangu zvakanga zvakawanda panguva yacho iyi. Zvino ndikatadza kumubhadharira Mangwana anochema neni? Mhamha havachakwanise kudiii nokuti vakura kushanda chaiko kwavakutonetsa ini ndini ndatova panyanga kuona zvose nokuti hapana mwana komana anokwanisa kuvacheuka vaviri ava kunze kwengu ini. Tarisai akadzamara aenda kwaMbuya vake uko akataura zvekuti akamiswa chikoro zvinhu zvinoratidza chimiro here kwatiri isu kana kuti zvinenge zvoshaya chiremerera chaicho. Zvose zvakanga zvichiuya mukati mepfungwa dzangu zvokuti ndakasvika pakuti..... TARISAI kunzwa kwandakaita zvakataurwa naTete handina kuchema kana kudiii. Moyo ndiwo vakarwadza kwekanguva ikako ndichinzwa kuti pano ndipo paperera dzidzo yangu handichakwanise kuenderera mberi. Hongu? Shungu dzemoyo wangu dzaiva pakuda kudzidza ndokwanise kuwana basa kana ndichinge ndapedza ndingowana kuchengeta mbuya vangu ava. Zvose zvakanga zvaramba chekuita pakanga pasina zvapo, nokuti chisi chako masimba mashoma. Dzakanga dzangova shungu dzembwa dziri mumoyo kuhukura ichida ndozvandaiva ndoita. Ndakafamba zvishoma nezvishoma ndokusvikotambidza mbuya nhare yavo ndikaenda muimba yandairara yaiva ine zvose. Ndakasvika ndikabata photo rakanga riri mumba rinababa namai vangu raiva kumadziro ndokuri kwatanura ndikariisa pamakumbo angu, ndakagara pasi chaipo Uku ndakanga ndavhura bepa raiva nemabook angu ose ndamaisa pasaga randairarira iri. Ari pamberi pangu ndakatarisana nawo. Ndakaona kuti mabook andaiva ndatora aya akanga achizoda kudzoserwa sezvo chikoro ndanzi ndisisaenda. Ndakanzwa kurwadziwa mumoyo uku shungu dzekurwadziva dzikati unonyepa. Ndakatanga kubata mabook rimwe nerimwe ndichivhura uku misodzi yaiva iri pamatama angu. Handina kuziva ndakabatwa nehope nguvai kusvika pakurara pamusoro pemabook angu ndakatsamhira photo revabereki vangu. Ndakamuka makuseni ndichiona mbuya vangu vachimarongedza. "Tarisai! Ita uchigadzirira kuenda kuchikoro nguva dziri kufamba muzukuru." Vakadaro ndikaramba ndakavatarisa pavaitaura. "Mbuya ini handichaenda kuchikoro, nokuti baba naamai vangu vakafa ndivo vaikwanisa kundipa mari yekudzidza izvezvi hakuna munhu achandida nezvandiri izvi. Ndiri kuona nyika yose yandifuratira chaiko wangu munyama ndatadza kuziva vakaita sei unoita munhu wese andivenge kudai ini. Zvoti kuchikoro nekumba zvose." Ndaitaura ndichipukuta misodzi yaiva yakuda kubuda. "Muzukuru usataura uchidaro nokuti kana tete vako varamba ini ndichaona ndingaita sei hazvifadze kukuona vakagara pano pamba, kusagona hazvirevi hauchakwanisa kudzidza zvachose. Shungu dzangu ndedzekuti udzidze nokuti ini handizirikanwe uye handiziwe mazuva angu ekupedzidira pamwe anytime ndogona kufuma ndakafa iwewe vozoita sei manje?" Kutaura kwakaita mbuya kwakandirwadza zvakaita ndikupure tsoka dzangu nokupfeka kubuda kuenda kuchikoro ndisina chandaiva ndadya uye ndaiti ndiro zuva rangu rekugumisira iri. NARRATED Kubuda kwakaita Tarisai achienda kuchikoro. Mbuya vake havana kuita nguva yakakura vari pamba vaiva vachishungurudzika nekuda kwemuzukuru vavo. Vakabuda ndokusiya vavhara madoor vakabuda kuenda kwavaisaziva. Mbuya vaiva vachifamba vachitsvaka basa rekuita nokuti chavakanga vachida imari yokuti muzukuru vavo akwanise kubhadhara mari yechikoro pamwe chete nokutenga mabook zvakare. Zvino vakasvika pane umwe musha apo vakaudzwa zvekunzi. "Amai! Basa riripo asi nezvamuri hatikwanise kuti mushande. Makore enyu ekushanda akadarika kare kare zvavo." Akadaro umwe mukomana achiunza mbuya ava. Vachinzwa izvi vakaita uturn kudzokera kwavaiva vabva pasina kutaura nemunhu zvokuti kusvika kwavakaita kumba vakatarisa maplate avaiva nawo mumba mavo avo ivo aiva achakanaka. Ndokuenda mumba mavairara vakatarisa iro gumbeze ravo ravaiva vakapihwa nemukuwasha vavo raiva iro gumbeze rehumai. Vakaritarisa kaviri katatu ndokubudisa musodzi vakatora pikicha yaiva nemwana komana wavo anova baba Tarisai. "Mwanangu Giribheti! I hope uchafara nezvandakuda kuita izvi handina imwe choice kunze kwekuita izvi zvinoita mwana vako avane mufaro kwazvo. Handina imwe nzira yandingakwanisa kuwana mari kunze kwekutengesa mudziyo mwana wako akwanise kupedza chikoro." Vakapedza ndokuisa photo ravo pasi ndokuenda kumashop uko vakasvika vakawana vanhu vaitenga mudziyo vakauya nawo kumba. "Amai mune shuwa mavakuda kutengesa midziyo munozodyira nekubikira pai kana Maita zvakadai izvi?" Akabvunza umwe murume achinzwa tsitsi. "Mwanangu ini handichagara pano ndosaka ndiri kutengesa kuti ndikwanise kuenda kwandinoda kuenda uku kuno andichadzoka." Vakadaro mbuya vaTarisai vachida kuona vanhu vakwanise kutenga zvinhu izvi. Kutengwa kwakaita magumbeze nemimwe mudziyo kwakafadza mbuya vaTarisai nokuti chavakanga vachida kuona muzukuru vavo achienda kuchikoro zvekuti haazi kugona rakanga riri rimwe drama iroro apa mumba maiva masara nemudziyo mishoma chete kunyanya zvinhu zvakasiirwa Tarisai nevabereki vake. Mwana sikana akadzoka kumanheru kubva kuchikoro apo akanga achishaya kuziva oita sei kuti akwanise kuenderera mberi nechikoro. Kusvika kwakaita kumba akasvika noku .. End of chapter 3. Be blessed 🙏