CHAPTER 20 [MUNETSI JERRY] Kusara kwandakaita pamba apa, uye nekuziva kwandaiita mutemo kunyanya panyaya dzakadai idzi. Ndakapedza kutova Sophia ndikatora nhare yake, yaaiva nayo ndokuisa battery randaiva ndakabvisa mufoni imomo. Ndakadial number dzaMai vake kumapast 10 am. "Mhamha munofara here, ndaikumbirawo kana zvichibvira musvike kuno imi nemurume wenyu mwana wenyu Sophia anoda kutaura nemi mashoko mashoma shoma." Ndakadaro uye havana kuramba nokuti vainge vachibva kuchikoro. Ndakavaudza kuti kana vasvika pamashops vondiudza ndonovatora ikoko. Ndakapinda mumba ndokuti.. "Sophia unofanirwa kuudza vabereki vako pane zvose zvakaitika nokuti nyaya iyi inofanirwa kukasikirwa chaiko uye umbowo huripo hwakakwana." Ndakadaro ndokunzwa nhare yangu yapinda sms ndakaivhura uye ndakaudza Sophia kuti ndainge ndichidzoka ndinoda kuona umwe munhu pamashops. Ndakabuda ndokuenda ndakasangana nababa naamai SOPHIA vachiratidza kupererwa.. "Mr MUNETSI musataura kuti nguva yose iyi maiziva ndimi kune mwana wedu uyu uye muchitadza kutaura chokwadi." Vakadaro mai vake ini handina kupindura kusvika tasvika pamba apa. Vachiona Sophia akaita kuzvimba kumeso pamwe nekutadza kufamba moyo wekubereka vakarwadza kusvika pakuda kuziva izvi. "Mhamha nemi daddy ndinotenda Mr Munetsi Ava nekundibatsira kwavakaita. Kudai pasina ivo ndingadai ndakafa kare uye ndinoda muzive kuti Elizabeth naMr Makuna ndiwo vaida kundiuraya nokuti ndakasvika kuvaona vachiita mutambo wevakuru muhofisi yavo zvakaita vandirove vakanodevharira kune chimwe chiimba kusvika ndabatsirwa naSir, ava." Akanga arondedzera zvose hapana chaakasiya, uye ndakatora imwe nhare yangu ndokuvaratidza mavideo andaiva ndatora zvekuti ndakaona kubatikana kwavo uku. "Manheru ndini ndakaisa massage nokuti ndakaona ndikataura zvaiva paground zvaiva zvisingaite, that's why ndakaita izvi." Ndakadaro zvose nekuvaudza vasamhanya nokuti ndaiva ndamirira kuendesa nyaya kumapurisa zvisati zvashata. Ndakaramba kuti vaende naSophia nokuda kwezvikonzero zvaiva zvakati wandei. TARISAI Zvakandinetsa kuti Pardon akanga achiseka chii. Zvandainge ndabvunza zvakanga zvichisekesa here? "Iwe Pardon, asi pane chiri kunakidza here pane zvese zvandabvunza izvi? Nokuti ini ndakarohwa nemusikana wako. Ayiwa na Grace pamwe chete na Eliza handizivi hangu zita rake kuti ndiyani. Handizivi kuti mhosva yangu iri papi." Ndakadaro ndichiudza Pardon. Pardon akangoramba achiseka ndokuti. "Tarisai! ini handina musikana, ndakauya manje manje ndichigori munyowani. Hapana munhu wandati ndakuziwana naye kunze kwako chete navadzidzisi vanondidzidzisa. Ava vauri kutaura handitozivi kuti ndivanani. Handina musikana wandakamboudza kuti ndino kuda kana 1. Akatokunyepera munhu iyeye pamwe munhu iyeye ari kutondida nehweseri. Achinyara kundiudza zvake ini, hapana chandiri kuziva uye iwe bvisa pfungwa iyoyo. Nokuti pano pachikoro takauya kuzodzidza. Hatina kuuya kuzoita zvekudanana; nokuti zvatakaviga pano pachikoro tinozviziva kuti zvii. Kana tava kusanganisa dzidzo nezverudo hazvingabudi zvakanaka. Tinofanirwa kuita chinhu chimwe chete chatakaviga pano apa. Uye kutadza kuuya kwandakaita kuzokuona pane zvakanga zvichiitika. Saka uri sei zvako, ndakaona hauna kuuya kuchikoro kwema zuva maviri." Akadaro Pardon ini ndikati, "ndiri boe zvangu. Zvavataura ndazvinzwa ndakanga ndichirwadziwa nemusoro ndino tenda Mr Munetsi vakandi batsira. Asi izvezvi ndapora hangu. Handisisina kana dambudziko." Ndakadaro ndokutanga hangu kuseka, ndokubva tabatana maoko na Theo ndokufamba tichienda mu class. Zuva iri takadzidza pasina kana dambudziko, nokuti zuva iri handina kana kuona kana Mr Makuna. Handina kubvira ndakavaona zvachose pachikoro apa. Zvakandinetsa kuti. Ko, why vaiva kupi kana Eliza wacho ayiita kunge akapusa pusa. Hameno kuti chaiva chiri chii, uye akanga asingataudzani neumwe wake Grace. Zvakatondinetsa ndikabvunza Theo kuti chii chakanga chichiitika. Ndakanzwa Theo, "achiti aaa ko, hausi kuziva here? Kuti nyaya iri kunetsa ndiyoyi ya Sophia uye hapana ari kuziva Sophia ari kupi. Ndiyo nyaya iri kunetsa", ini nechemu moyo ndakangoti muchaziva henyu. Hapana kuita nguva ndakaona vabereki va Sophia vachiuya pachikoro vakaenda paiva pana head. Theo akadaidzwa pamwe chete neni tikaenda. Takasvika pana head, head vakati vana vangu takudaidzai kuti tokukumbirai ruregerero pane zvese zvatakanga tichikufungirai . "Uye taona kuti hamuna mhoswa nokuti mwanasikana wavo awanikwa. Ari kuti akatizira, asi achadzoka handifungi kuti chikoro achaenderera mberi nacho. Nokuti tamirira minduro yake, asi haana kutaura kuti ari kupi. Ndokumbirawo ruregerero pane zvese zvakaitika nekukufungirai zvakashata." Vakadaro headmaster tichionekana nawo tichibuda tichienda. Zuva iri takadzidza zvakanaka pasina kana dambudziko. Uye ini na Theo takanga tichiwirirana zvakanaka zvokuti manheru ndakaperekedzana na Pardon kuno svika kumba kwavo. Pandaka svika kumba kwavo ndakasvika baba vake varipo mai vake vakanga vasipo. Ndakava mhoresa,"baba maswera sei?" Ivo vakapindura vachiti, "mwanangu ndaswera zvakanaka, kwanga kuri sei kuchikoro kwamuri kubva uku." "Kuchikoro kwanga kuri right zvako baba." "Zvinotendwa mwanangu." "Ndine mashoko maviri matatu andiri kuda kutaura newe pamusoro peupenyu hwako." "Ndiri kuona kuchema kumberi kwako, uye kuchema uku kuchakonzereswa. Nemunhu waunoziva iwe. Munhu uyu ihama yako, asi handinga tauri nezita; nokuti handidi kuzopesanisa vanhu. Nokuti nyaya yawakatarisana nayo ihombe mwanangu zvinotoda kushinga chaiko. Nokuti uchasangana nematambudziko akakura muhupenyu hwako. Pamwe pacho uchakwanisa kukunda. Asi pamwe pacho uchange uchitadza. Iyi yamunayo iyi handioni ichi kunetsai. Inyaya diki diki iyi uye hapana pane nyaya apa." Vakadaro ndokutura befu zvavo. "Nyaya ichanetsa ndiye kudai, nokuti ndiri kuona pane munhu ari kuuya manje manje ari munzira zvake. Asi achakusiya uine shungu dzekuti moyo wako uchakurwadza. Ucharwadziwa kusvika pakati nepakati pemoyo. Uchafunga kuti ko, why vari kuzvidai? Asi ndinoda kungokushingisa kuti wosimba kunamata. Nekutsanya kuti zvinhu zvako zvibudirire nokuti ndaona kubudirira kwako kwanetsa. Muhupenyu hwako uchange ungori munhu wekungo gara uchichema nguva dzese. Apa hausati watanga kuchema uchachema." Vakadaro baba va Pardon. Vachiratidza kuti vakanga vasinga seki uye ndakanzwa kurwadziwa nazvo. Nemashoko avo akandibata bata zvakanyanyisa zvokuti handina kana kudii. Ndakasvika pakuoneka ndokudzokera kumba . Ndakanga ndisisina mufaro zvachose zvokuti kusvika kwandakaita ndakasvika ndichiona Sophia akanga akunzwa zviri nani. Asi ayingoti muma Join ndimo muri kurwadza nemumbabvu umu ndimo muchiri kurwadza. Nokuti akanga arohwa rohwa zvakanyanyisa. Asi kutaura akanga achitaura zvake nokuti ndakasvika vachitaura nyaya na Mr Munetsi vachito seka havo. Zvakaita kuti moyo wangu unzwe kufara. MR MAKUNA Kuenda kwandakaita ku n'anga ndaida kuti, ini ndisavharirwe chete. Ndakasvika ndikaita kuti nyaya yose isarire Elizab nokuti hunhu hwakanga hwakuda kuitwa na Eliza hwakanga hwakundi shaisa mufaro zvese nekundi bhohwa. Saka ndakaona zvakanaka kuti ndobvisa Munetsi na Tarisai panyaya yekushaikwa kwa Sophia. Ndoti ndiye, nokuti ndakanga ndisisa mudii padhuze neni. Mwana uyu akanga ondishaisa mufaro nekuda kwake kuroorwa neni. Manje ndaisada kuita hunhu hwaka pusa kudaro. Ndakanyatso kuudza N'anga yangu kuti igadzire zvinhu zvangu tosiira Eliza nyaya yacho yese. Zvinhu zvangu zvakafamba zvakanaka ndokudzokera kuchikoro. Ndakasvika manheru hapana munhu wandakaona ndakasvika nokupinda mumba mangu nekutovata ndaizoona zvinotevera Mangwana. Makuseni ndakamuka ndokuita zvinhu zvangu zvese ndakaona vana vechikoro vakutanga kuuya. Ndakaona Eliza achifamba ari ega achiuya ku office kwangu. Ndakangoti neche mumoyo zviri kupera zvese izvi manje manje uri kuenda kuno vharirwa. Ndini ndaitoda kutanga kusimudza nyaya yacho. Pandakaona Eliza akusvika kwandaiva ndakaita zvinhu zvangu zvandaiva ndaudzwa kuti ndiite nekukasika. Zvekuti akazosara kusvika padhuze ndapedza. Paakapinda mu office mangu haana kutaura chinhu kunze kwekundi mhoresa chete nekubva abuda ndakaziva kuti zvangu zvaiva zvaita . Kwaiva kwasara kuti nditaure nyaya yacho ndobva ndatoisa iye munyaya yacho otorwa oenda kuno vharirwa ndosara hangu ndichafara pasina anondivhiringa. Ndiri pakati pekufara muoffice mangu ndakaona Mr Munetsi vapinda vakaita kutsvukisa ziso ravo zvekuti akasvika nekumira pamberi pangu. Akatanga kuti..... End of chapter 20.. More likes guy's kuti tifambidzane. Be blessed 🙏