Chapter 15 MR MAKUNA Kubva zvandakabva kwa head ndakanga ndichitorevawo nhema hangu kuti ndanzwisisa, asi mumoyo mangu. Ndakanga ndichiziva zvandiri; nokuti zvanga zvandirwadza ini kuti Mr Munetsi anopihwa ma subject andakanga ndichiitisa ma Form four ne form three. Ini ndokandwa kuma form one ne form two. Ndokunzi handisi kugona basa, ini ndirini ndakatanga kuuya pa chikoro panapa, manje izvi zvichaita mumwe munhu akure chava chirema. Uye handisi kuzomira kusvika ndaita zvandiri kuda kuita. Kusvika abva pano pachikoro, nokuti ini handina kana munhu anotambira mberi kwangu. Ndiye wandinenge ndichida kuona, uyu apa akandigona zvake . Ini handinzwaro ini, tichaona zvichaitika mberi ikoko. Uye ndinoziva kuti hakuna kwazvi chasvika. Ndichatongoenda ndoona ndingaita sei nokuti shungu dzangu ndedzekuda kuti abve pachikoro pano apa. Ndione mashamwari aanotamba nawo, kunyanya Tarisai ini ndaka tomuvenga. Ndakatomukumbira ruregerero zvenhema ndichida kuona ma action avo kuti vanoita sei. Asi ndakanga ndichirwadziwa kuona vanhu ava vaine mufaro nokuti, ini ndakanga ndichida Tarisai, asi zvakanga zvichiramba. Kune vamwe vana vese vechikoro vandakanga ndichida, ndaiva ndakwanisa kuita zvandaida. Asi Tarisai na Theo na Sophia vanga varamba zvandaida kuita. Nokuti kana kurara neni chaiko vaiva varamba. Zvakaita kuti ndivaise question mark. Uye kuvaisa mubook rangu rekuti vari wese pamwe chete na Mr Munetsi ava. Nokuda kwekunetsa zvimwe chete neka Miss ako Kari kuda kuonesa zvenhema. Ndinoda kuvagadzirira size yavo. Zvekuti ndaiti ndikaona mabook aTarisai neshamwari yake ndakanga ndisingatombo a mark. Ndaingoita zvimwe zviya zviya zvekuti zvindibve. Kune vanhu vandakanga ndichifarira ndivo vandaikwanisa kuita zvandinoda chete. Nokuti hakuna chinhu chinorwadza sekuona munhu waunoda aine umwe munhu. Izvi zvaindirwadza chose uye ndakatoona kuti ndakada kuramba ndichinetsana naye ndaizobva pano mission yangu ndisati ndaipedza. Uye ndisati ndaita zvandiri kuda kuita. Ndakateerera mashoko ese akataurwa na head ndakamanzwisisa uye ndikavaudzawo head kuti, "Saka imi munoona ini chete ndini ndine mhosva pachikoro pano apa? Ndini mudzidzise anongotaurirwa nyaya yake kuti arikudanana nevana vechikoro. Ko, iye Mr Munetsi wacho akambo kupai chii, chinoita mumutsigire. Mambotarisawo here kuona kuti chii .Ava vanga vachito nyepa hapana kana chokwadii. Matovharwa kumeso chaiko nokuti mwana akabuda achichema mu office mavo. Imi hamuna kukwanisa kuzviona, asi ini ndinogamuchira pane zvamataura zvese. Handikwanisi kupikisana nazvo nokuti ndiri mudzidzisi handisi headmaster, imi munoita zvamada. Why musina kuikwidza nyaya iyoyo kumusoro uko. Nokuti nyaya iyi inyaya hombe. Haingangopereri pamuri chete, nokuti imhosva chaiyo kuti mudzidzisi anowanikwa ayine mwana. Mwana obuda mu office make achichema. Munozviona zvichiita here Izvozvo, asi sezvo mataura kuti hapana nyaya. Ini ndini ndine nyaya ndino bvuma ndini ndakavatuma zvese nekuti ndine chandiri kuzviitira basa rangu." "Asi makamupa ma subject angu andaiitisa ma form four ini handina kubvira ndakaita Izvozvo. Uye rate iri kudzikira yevana vechikoro kupass hakusi kuda kwangu. Kana mwana ari dofo zvinganzi kuda kwangu here? Ini ndingakwanisa kudii kana ndichimupa homework ndichidii. Asi iye haaiti homework yacho. Ndopedzisira ndaora moyo nazvo; nokuti anenge asingadii kudzidzisika. Ndinokwanisa kudzidzisa vana vanoda kudzidziswa vacho. Kwete vasingadii kudzidziswa." Ndakadaro ndikaona head vava kundifinyamisira kumeso. Zvokuti ndega ndakatoona kuti apa handipa hwini. Uye kuti ndi hwine nyaya dzangu dzose ndaifanirwa kuita kuti Mr Munetsi vatambire Pana Tarisai. Kana achinge abvuma zvese zvandinenge ndichida ndoita kunge anodanana na Tarisai. Ndochishandisa iwoyo mukana kuita zvese zvandinenge ndichida. Kuti vaite zvandaida,ndapedza zvinhu zvangu odzingwa chikoro ndizvo zvandinenge ndichida kunzwa. [SOPHIA] "Unoziva chii Theo, ini ndakadzidza zvakawanda kubva pana Tarisai. Handina kana dambudziko naye, uye vaviri ava Grace na Eliza ndiri kuona kuti, pane zvavari kuzviitira. Uye na Tobias uyu tinofanirwa kuona kuti tingaite sei. Nokuti type ya Mr Makuna haisi riyo type iyi; nokuti ndakavanzwa nembiri kubva kudhara. Uye vakadzingisa vadzidzisi vakawanda tinofanirwa kungwarira kunyanya Mr Munetsi na Miss ava nokuti ndivo vanhu vakatariswa na Mr Makuna. Zviri kundirwadza shaa iwe unoonawo sei." Ndakadaro ndichitaura na Theo. Theo akanditi, "shamwari Sophia iyi nyaya handitorina kana dambudziko nayo. Nokuti ini yangu na Tarisai ndiyo iri kundirwadza. Nokuti namhamha vandibvunza kuti chii chiri kuitika. Ndatadza chero kuvaudza kuti chii. Nokuda kwekuti ndikavaudza vanogona chero kungondituka. Nokuti vandibvunza kuti shamwari yako mazuvano handichaioni kubva zvakango shaya gogo vake. Chii chiri kuitika, saka ini ndoshaya kuziva kuti, ndavaudza sei. Ndibatsirewo nemashoko ekuvaudza kuti ndinokwanisa kuvaudza ndichiti kudii." " Mumoyo mangu muri kurwadza shaa nokuti ndakakanganisa hupenyu hwangu. Ndikakuudza zvakaitika zuva rakanga richida kurepwa Tarisai. Ndini ndakazo chinjaniswa nevakomana vandakanga ndatuma. Vakandiita zvakandirwadza, hongu handina hangu kukuvara asi, ndakarwadziwa." " Zvinorwadza kubatwa pasina kana kuwirirana kubhinyiwa musina kuwirirana. Ndakanga ndichiti ndiri kugona asi zvakazodzoka kwandiri. Nekuda kwema basa andakanga ndaita aya zviri kundirwadza shaa ndibatsirewo. Iyi ya Tarisai na Mr Munetsi hainetsi tokwanisa kutaura kuti toita sei." Ndakarwadziva nekutaura kweumwe vangu uyu. Aita kutaura achiita kubudisa musodzi chaiko. "Theo chimwe nechimwe chine nguva yacho. Mupe mukana anokupindura nekukuregerera kwacho." Ndakadaro uye ndakatanga kuti. "Theo ndiri kuda kumhanya kuoffice kwa Sir, Makuna ndinoda book rangu ikoko sezvo tiri palunch kudai uye Tarisai vaziva kuti sei asina kuuya?" Ndakadaro iye akangoti tanga vamhanya kana uchinge vadzoka toona kuti tingabvunza Pardon here uyu nezva Tarisai Ndakafamba zvishoma nezvishoma uku maform 4 boys rainetsa ndainzwa tichingoti. "Maform 2 egore rino aita mbiri nemaTeacher hameno akatakura zvakaita sei kana kugeza kwacho zvinoita mateacher ade kuurayanirana ivo." Akadaro umwe mukomana ini ndakatanga kufamba kamwe kastep ndichida kudarika pavaiva vari zvekuti ndakaona tambo yebhutsu yasununguka mugumbo ndokukotama ndichisunga bhutsu yangu. Handina kuona kuti ndaiva ndakakotamira vakomana ava ndikanzwa vakupa macomment.. "Haaaa regai vatore mateacher newe tarisa kukotama here uku kana arikuda kutikwezva hake." Ndakangoti nechemumoyo matii zvenyu imi. Ndakasvika ndavakuda kupinda muoffice ndakanzwa zvimwe zvinhu zvandisati ndakanzwa, zvekuti ndakakaruka ndavhura door. Ndakasanganidzana naEliza akagara pamakumbo aSir, Makuna uku ivo vakaratidza kupererwa nokuti vaiva vasina kuzvitarisira. Eliza aiva akaita ku.... End of chapter 15 Be blessed 🙏