CHAPTER 19 [TARISAI] Ndakaramba ndakatarisa vaMunetsi avo vaiva vakabata Sophia aiva arariswa pasi. Ndakavabvunza chakanga chautika.. "Sir, aitwa sei Sophia uyu zvamauya makamutakura kudai? Zvaanenge ari kubuda ropa wani." Ndakadaro ndichivabvunza ivo misodzi yavo yakatanga kuda kubuda.. "Tarisai! Takasikwa zvakasiyana siyana. Muhupenyu ndakadzidza chinhu chimwe chete uye kutsvaka kwandaita Sophia uyu ndaitira iwe nokuti vaigona kunovharirwa kujeri usina mhosva." Vakadaro vaMunetsi vachitaura ini ndakashaya kuziva paiva nenyaya yacho . "Muri kurevei Sir?" Ndakadaro ndichivabvunza. "Tarisai! Vavengi vari pabasa uye usashamisika kunzwa kunzi ndaurava nokuti zvandanzwa nekuona nhasi haungazvibvuma ndikakuudza zvako. Kubva nhasi iwe shandisa foni iyi ine app uye ini ndavakushandisa kafoni kadiki aka. Then iyi foni ise pakanaka zvokuti hakuna munhu anokutorera ine zvakakosha zviri mukati umu hapana anofanirwa kuziva kunze kwengu newe chete even shamwari yako Pardon hafanirwe kuzviziva zvachose." Vakadaro vachindipa mafoni maviri mahombe ivo vakasara nekamwe kadiki kafoni. Sophia akangodya idya haana zvaakataura zvake zvakawanda nokuti akanga achirwadziva zvake. Ipapo ndakasara ndina vaMunetsi sezvo Sophia akanga arara. "Tarisai hanzvadzi handina kuziva vakanaka zvakadai uye hembe dzakanaka dzinoita kukufita zvakadai zvako." Vakadaro ini ndakatanga kunyemwerera zvangu. "Aaah! Sir, kudai pasina imi naPardon uyu makandibatsira ndiani umwe aikwanisa kundibatsira? Tete vangu ndinovada zvakanyanya asi handione vachindibatsira pane zvose zvandinoda, shungu dzemoyo wangu kuda kuzadzisa zvishuwo zvangu ndingowana murume akaita semi so Sir." Ndakadaro ndokuseka zvangu ivo havana kuseka ndakaona pamaziso avo pakubuda misodzi yavo. "Tarisai, unoziva uri zera rimwe chete nehanzvadzi yangu yakashaya iri grade 7 achiti Mangwana anoda kutanga kunyora maexam ake. Ndichikuona kudai ndatoona hanzvadzi yangu zvose zvandiri kuita ndiri kuitira iwe kuti ukwanise kuita shungu usasekwa nevamwe vanhu muhupenyu hwako, kana hupenyu hwako hwanaka usakanganwe kwavakabva, usakanganwa vakakukudza, usadadira munhu nekuti uri kuwana zvakawanda iye haana chaari kuwana muhupenyu. Kudadira munhu hakuunze makomborero zvayo asi ukabatsira munhu unowana maropafadzo akawanda." Vaita kutaura vachibudisa misodzi uye ndakarwadziva zvakanyanya, ndaiti zvimwe kuita izvi kwaive kundida asi hwakanga huri Rudo. "Handitambire mari yakawanda sezvaunoona kudai, iwe ndiwe wekutanga kubhadharira chikoro nokupa vabereki vangu zvavanoda zvose uye usaita uchizondinyadzisa nekuita zvevakomana izvi." Vakadaro ini ndakanga ndorwadziva kuti chokwadi anokuda kutorwa hana inenge iripo paunoida haikucheuke zvachose anonga achitoti kudai zvagara zvakadaro hazvo. Manheru ezuva iri handina kurara ndichidzidziswa maths nezvimwe zvakasiyana siyana zvekuti nguva yekurara ndakaita rinenge awa rimwe kurara. Pose pandakanga ndakunzwa kuda kurara ndakanzwa Si, vakunditi. "Tarisai! Kana uchida kuverenga uye uneshungu dzekupasa, ukanzwa vakuda kubatwa nehope unotora mvura inotonhora voisa mudish then kwakuisa makumbo ako imomo mumvura inotonhora vakatsika haukasike kunzwa hope. Usaona vanogona waya kuswera vachitira vamwe noise vanenge vaverenga manheru ega ega imi munoti toverengera muclass hapana chaunobata nekuda kwekuvhiringidzwa nevamwe vana vechikoro." Vakadaro ndakaona mashoko avakanga vataura achindibatsira. Ndakazomuka nekugeza ndakaenda kuchikoro zuva iri vaMunetsi havana kuenda kuchikoro nekuda kwekusara naSophia. Ndiri munzira ndakasangana naTheo uyo akanditi. "Tarisai pane nyaya yanetsa kuchikoro uku vaiva uri kupi nokuti uri kunzi ndiwe ukuziva kuna Sophia iwe" akadaro ini ndakaramba ndakanyarara nokuti ndakanga ndichiziva chokwadi chose. "THEO! Rega tione kuti vanotii" ndozvandakamupindura uye ndakaona Pardon achisvika pandaiva. "Hesi Tarisai! Varova umwe vangu vanga urikupi kusabatika kudai?" Akadaro ini kutaura kwake kwaitondibhohwa. "Pardon! Zvauri kundibvunza Enda unobvunza musikana wako nokuti ndiye ane godo risina kana nebasa rose zvake. Kurwara nemusoro kwandakaita ndiye akabdirova pamwe chete naGrace and Eliza now vakuda kuratidza hunhu nekuona ini" ndakamupindura ndikaona avakutanga kuseka zvake. MR MAKUNA Ndakatakura Sophia uyo wandaiva ndarova ndikanomukanda mugomba rataiva taona na Eliza, nokuti ndakaona kuti ayi fanirwa kufa kuti nyaya iyi ishaye basa kana kufungira. Ndichibva kuno kanda Sophia mugomba ndakaenda kunotora zvandaida,ndakadzoka ndichiona Eliza avapo achiti hande kuna Munetsi. Zvekuti hatina kuramba tiri apa takaenda kumba kwa Munetsi taida kusiya tamuponda wo zvakare, asi takawana mumba musina munhu hameno kuti ayiva aenda kupi husiku uhu. Pandakashaya Munetsi mumba make ndakabva ndafunga kunotarisa kwandaiva ndasiya ndakanda Sophia . Ndakabva ndaudza Eliza tikaendako ndichisvika ndakarohwa nehana ndichiona mugomba umu musina munhu ndakabva ndaona kuti nyaya iyi yaiva yaoma manje. Ko, Sophia ayiva aenda kupi? munhu wandaiva ndasiya asingagoni kana kumuka zvake angava atorwa nani ationa tichiuya kuno. Ndakafunga zvakawanda panguva imwe chete. Apa ndakanga ndakutya kuti nyaya iyi ikabuda chete tinofira mujeri uye basa rangu rinopera zvehupenyu hwese chaiko. Nokuda kwezvinhu zvandakaita izvi ndaiita kushaya kuti ndodii. Dzimwe pfungwa dzakanditi ndibve pachikoro apa, dzimwe dzikati ndiende ku n' anga pashaye anosimudza musoro kana kufungira kuti ndini ndakaita izvi. Ndakaita kugara pasi chaipo ndichishaya zvekuita nokuti ndikapusa nyaya iyi handiibudi ino ndiomera chete. Ndiri pakati pekufunga kuti ndodii nenyaya iyi. Ndakanzwa Eliza akutaura zvekuti, haachadii kuenda kuchikoro. Ava kuda kugara neni semudzimai wangu. Ndakaita kupererwa nemashoko ake panguva iyi, ndakaramba ndakanyarara hangu kuita sekunge handina chandanzwa. Nekuziva hunhu hwa Eliza zvaisabuda kuti aite mukadzi wangu izvo bodo chaiko. Apa chero zvisiri zvehunhu mwana wechikoro kana iwo mamwe ma teacher akanzwa kuti ndaroora mwana wepano pachikoro vanoti chii? hati vanobva vaona kuti zvaitaurwa zviya Ichokwadii. Ndaiva ndichifunga zvangu zvekutaura ndakanzwa Eliza oti kwandiri zvandataura mazvinzwa here? "Uye handisi kudzokera kumba kwedu ndatova mukadzi wenyu. Ndaneta nekushandiswa", ndakabva ndaona kuti paipa apa. Ndikapusa munhu anoramba kuenda kumba kwavo zvechokwadii. Ndakabva ndati "Eliza! shamwari pano pachikoro ndiwe 1 musikana wandinoda, ndagara chero iniwo ndakutoda kukuroora nokuti kugara ndega kwakubhohwa. Ndakudawo munhu anondivaraidza ndiwe Mai Makuna." Ndakadaro ndichitaura na Eliza ndakaona akuita kusekerera chaiko mwana wevanhu. Ndakamuti "Saka nyaya iri apa, iwe zvanhasi umboenda kumba ndokutora ndoda kutanga ndanoudza vabereki vangu kuti ndakuda kuroora ndochikutora ndoenda newe ikoko." Ndakataura naye ndichidaro Eliza akabva atenda hake kuenda kumba kwavo nokundipa mukana wekuti ndinoudza vabereki vangu nezvake futi. Ndakafara nokuti zvandaida kuita ndini ndaiziva apa ndakaitira kuti ndikwanise kubva apa zvakanaka chete. Nokuti ndakaona kuti ndikada kunetsana na Eliza madhiri angu anodhakwa chete nokuti ndiye one munhu ayiziva nyaya dzangu dzose. Saka ayisada kuitirwa dzungu munhu wacho. Kuenda kwakaita Eliza ndakasara ndichifunga kuti ndodii nenyaya dzangu idzi? zvinhu zvacho zvaiva zvandiwandira chaiko. Koti nyaya ya Munetsi na Sophia, kotiwo ya Eliza zvinhu zvacho ayiva ma 1 chaiwo. Asi ndakaona kuti kuenda ku n'anga ndiko kwaiva kwakanaka kwaikwanisa kundibatsira nekukasika hapana munhu ayifanirwa kufungira ini pakushaikwa kwa Sophia. Handina kuvata zuva iri ndichishaya kuti ndoita sei chaiko. Ndakaona zvakanaka kuti Mangwana ndoudza Head kuti ndiri kurwara ndobva ndaenda hangu ku n'anga yangu inondigadzirira zvinhu zvangu. Nyaya isati yaipa iyi. Kana zvichinge zvapera ndaifanirwa kunyararidza Eliza muromo vake wekuda kuroorwa neni uyu handingaita zvakapusa kudaro ini. ELIZABETH Ini ndaiva ndafunga kuramba hangu chikoro ndiroorwe na Mr Makuna. Nokuti ndiye munhu wandaiva ndakuda pachikoro apa. Zvekuti vaiva teacher vangu izvo yaiva imwe nyaya iyo. Nokuti ini ndakanga ndovanzwira sugar kana kuvaona vane umwe munhu wechikadzi ndairwadziwa chaiko teacher ava . Zvekuti vazoroora umwe munhu ini ndiripo izvo zvaisaita, kana ini ndichiri mupenyu hapana munhu ayiroorwa na Makuna kunze kwangu chete. Ndakaona kuti zviri nani ndivaudze chokwadii kana vachinge varamba totangira ipapo. Kuona kuti ndodii kusvika vandiroora ndakavaona hangu. Tabva kunotarisa kwataiva tarasira Sophia takawana asiko. Ndakaona vachiratidza kunetsekana chaiko. Ndakabva ndataurawo yangu nyaya vakamboramba vakanyarara. Ndokuzotaura mashoko akandifadza chaiko nokuti ndaiva ndaona kuti Mr Makuna vaivawo vanakirwa neni. Ndakafara kuti soon ndinenge ndakunzi mai Makuna. Ndakazoenda kumba pachiso changu pakazara mufaro chete chete. Nokuti ini zvechikoro ndakanga ndisisadii ini. Ndakanga ndakuda kugara samai vemba chaiko kwete zvekudzidza izvi ndakaona zvisina zvazvinondipa. Kuroorwa kwaiva nani ndaiita zvandinoda ndiri kumba kwangu... Ndakasvika kumba nekuvata sezvo vamwe vaiva vavata kare. Kuchiedza ndakamukira kugadzirira kuenda kuchikoro. Ndaida kuudza shamwari yangu Grace nezvekuroorwa kwangu na Sir Makuna. Ndakagadzirira ndikapedza ndakabva ndapinda muroad kuenda kuchikoro. Ndakawana Grace atovapowo ndakabva ndaenda paaiva ari tikatanga hedu kutaura nyaya dzedu. Ndakazonzwa shamwari yangu Grace akutaura kuti, "Mr Makuna ndivo vaiziva kwaiva Kuna Sophia." Zvakandibhohwa zvekuti kana nyaya yandaida kumuudza handina kuzotaura. Akaramba achida kundibvunzisisa nezvazvo. Kusvika ndamuudza zvekuti zviri nani tirege kutamba tose nokuda kwenyaya iyi. Ndakanzwa Grace achiti kana iye akanga asisadii zvekutamba neniwo. Nokuda kwekuti ndaimuvanzira nyaya dza Makuna dzekunyangarika kwa Sophia. Grace ayiti neniwo ndinozivawo kwakaendeswa Sophia na Mr Makuna. Ndakaona kuti kurega kutamba naye chinhu chakanaka ndotamba hangu na Mr Makuna vangu. Ndototi vangu Kaa nokuti manje manje vanenge vava vangu zvachose. Saka zvana Grace ndakanga ndisisina basa nazvo ini. Nokuti vaigona kuzonditorera handaivaonerwa mushe ini. End of chapter 19 Musakanganwa kupinda mugroup; nokuti book rinouya mugroup not kuinbox๐Ÿ™ Be blessed ๐Ÿ™ and Patrick stories Love's you guy's ๐Ÿ˜˜