Chapter 9 MR MAKUNA (Tonderai) "Iwe ita zvandakuudza chete, zvimwe zvose siira ini iwe ita zvandakuudza hapana anokuona zvachose uye zvinhu izvi zvinoda kuitwa kunze kwasviba vanhu vose vaenda kumba." Ndakadaro nokuti Mr Munetsi akanga andibhohwa zvakanyanya nekuita kwake. Ini ndakanga ndichida mwana uyu iye avakutaura zvakaipa uye kutoona ndiye ava kufambidzana zvaitondibhohwa. Ndakatanga kutaura naTheo naSophia vaiva varatidza kuramba zvandakanga ndichida kuti vaite. Ndakaona Tobias ndiye akanga akagwarira kuita zvinhu izvi uye ndakanga ndatoona akagwarira. "Sir zvamuri kuda tiite hazviite nokuti vaviri ava hapana kudanana apa, Tarisai ari kubatsira Mr Munetsi basa chete uye handione pane chakaipa zvacho asi izvi zvamakuda kuita kaaaa hameno." Ndakarwadziva nekuita kwevasikana ava. "Inzwai munzwe imi vaviri. Hapana anotaura izvi nokuti maramba ndikanzwa mazvitaura zivai kuti mose muchandiona zvachose; imi muri kuchema naMunetsi uyu nekuita kwake saka akambogara kumba basa rapera ndozvoita uye kaTarisai toona kachaita sei." Ndakadaro vasikana vakabuda vasina zvavataura zvavo. Ini kutaura chokwadi ndakanga ndisisa taura naMr Munetsi uyu zvachose. Kutanga ndakamboudza head nezvazvo asi havana kukwanisa kundinzwa but rwendo runo anonyura chete. Pa black board pakamuka pakangorwa zvandakanga ndichida zvokuti vadzidzisi vose vaivapo pamwe chete nahead master. Ndakatarisa Munetsi ndikaona achiseka zvakatondinetsa uye Tarisai misodzi yakanga yobuda. Ipapo kamwe ka Miss Gona akatanga kuti. "Izvi hazvina kunaka uye ndidzo nhema dzakanyorwa apa; hongu! Vadzidzisi mose makavenga Mr Munetsi pamwe chete naTarisai asi munhu anyora izvi anofanirwa kuzirikanwa" akadaro ipapo ndakaona Theo achifamba kuenda paiva naHead master akasvika akavazevezera munzeve dzavo ndipo pakanzi naHead. "Mr Makuna, Munetsi, Tobias newe zvakare Tarisai handei kuOffice kwangu pamwe chete nemi Miss Gona." Ipapo hana yangu yakatanga kurova, zvekuti patakasvika muOffice ndakapererwa zvakare kuona Sophia arimo akaita kugara zvake zvakandishamisa. [BABA TAURAI] Ndakanga ndichiona sedambe chairo, handina kuziva hupenyu hunoshanduka kwenguva diki diki chaiyo. Kubva zvatabva kunhamo zvinhu hazvina kundifambira zvakanaka uye moyo waiva uchirwadziva nekuda kwaambuya vangu vakanga vatisiya ava nokuda kwedu. Zvose ndinopa mhosva kwandiri uye kuita kurwadziwa nokuti ndakanga ndisina kuziva ndizvo zvinoita mudzimai vangu. Kana kudya ndakanga ndodya nenguva iri kure chaiko zvokuti ndaiti ndikarangarira mataurirwo azvanga zvichiitwa anenge ari ma1. "Baba Taurai! Idyai chikafu chichiri kupisa ichi; nokuti chikadzamara chapora hamuchachidya" Akadaro mudzimai wangu achiita kutaura nenzwi raiva pasi uye akanga aita kupera nemazuva maviri aya. "Icho chikafu chingapinda pakadai here Mai Taurai? Unoziva zvavakatiitira vakatiparira mhosva hombe kwazvo uye kuona kunge ini ndisingade hama dzako dzose. Unoona vakagona here zvavakaita izvi nokuti iwe unoti hazvikuise mumatambudziko, asi ritori dambudziko guru kwazvo." Ndakadaro ndokunzwa achiti. "Ndiri kutadza kuziva muri kutaura nezvei? Uye pamusoro pei, nokuti handina chandakatadza ini." Kutaura kwake kwaitonzwisa hasha chaiko. "Zvaunoti kufa kwakaita Mai vako, vakafa mune zvakanaka here? Kudai vakaterera mashoko akataurwa naTarisai akanga akanaka iwe vakuita sezvinonzi anoda kudya mari yako. Mweya rudzii uyu? Ida Hama dzako sekuda kwaunoita hama dzangu, kana kumba kwamai vangu ndichiendesa zvinhu nekwakowo zvakare. Shuwa mukadzi mukuru oita seasina kuzvara iwe uripo zvako. Zvatinoziva kuti kuzvara kunorwadza sei iwe mai votambura kudya nhoko dzezvironda uripo zvako. Moyo vako haurwadze vakaita sei? Kudai vaiva usina mwana ndingadai ndakakusiya kare nokuti zvinhu zvinobvisa chiremera kwatiri isu. Chiona midziyo vakatengesa kuti vakwanise kudzidzisa mwana wehanzvadzi yako iwe uripo zvako." Ndakanga ndaita kutsamwa nekuda kwemashoko ake. Hongu taiva tavanemazuva tabva uku ndisina kutaura nokuda kwemoyo vakanga uchindirwadza.... "Baba Taurai! Ko, ndini ndalavauraya here? Kudai uri umwe munhu uri kufara zvako nokuti zvinhu zvavakungoenda kumba kwamai vako uyo Tarisai akura avakukwanisa kuzvionera plus musikana anokwanisa kuwana munhu ane mari akamudzidzisa ini handina mari yekutambisa zvakadaro. Kana aona zvehupenyu hwake zvanetsa ngaende anotamba kuma bhawa anowana rubatsiro ikoko." Kutaura kwaakaita mudzimai vangu kwakaita ndimusikidze nembama nekuda kwehasha. Ndakarwadziwa uye kuona kushaya hanya nemwana wehanzvadzi yake zvekuti ndakasvika pakufunga kuda kutora Tarisai auye pano. "Kunyangwe mukada kundirova nembama zvandataura ndataura mukazvinzwa kwazvo hapana chichachinja. Kana muchida kumupa support mupei uye nhasi ndipo unotanga kuona nguva yose iyi vaidii kuenda nezvavaida zvacho?" Ndakatoona kuti kuramba ndiri apa ndaigona kuuraya munhu uyu ndakabuda pamba ndokuenda kunotsvaka doro rekubvisa ndangariro dzaiva dzangozara mumusoro mangu. Kubuda kwandakaita handina kutaura ndaiva ndichienda kupi uye nekuda kwekurwadziva chaiko nezvakanga zvichiitwa izvi. Taurai aiva asioo saka chekugarira pamba pakanga pasitorina zvachose. THEO "Munoziva handikwanise kukuregererai pane zvamaita uye muchazviona moga, manga muchiti magona kuchinjana ini." Ndaitaura zvekunyepa apa ndakanga ndichirwadziwa handidi kureva nhema. Ndakaita mazuva maviri ndisingaende kuchikoro nekuda kwemarwadzo nokuti ndakatoona kuti ndikaudza mhamha kana daddy yaiva itori nyaya hombesa. Kupora kwandakaita ndakaenda kuchikoro uye ndichinzwa kunzi mbuya vaTarisai vaiva vashaya ndakarwadziva uye kuona zvandaifunga zvakanga zvakashata uku ndaida kukumbira ruregerero kwaari asi ndakanga ndisingakwanise nekunyara pane zvandaiva ndakaita. "Theo dear! Zvavaivhaira naTarisai vavakupi nhasi." Akadaro Grace ini ndakaramba ndakanyarara zvangu. "Grace! Haukwanise kutaura nyaya isina kupinza Tarisai mukati here? Uchazondibhohwa manje iwe nekuita kwako uku aaaah." Ndakadaro iye akatoona kuti handizi kuda zvekutaudzwa taudzwa. "Ok, ndanga ndichida kukuudza kuti mukomana akauya uyu vamuona here kunaka kwakaita apa anomhanyira kuda kufamba nemunhu asingagone kugeza zvake achisiya isu tiri pano vasvinhu." Akadaro Grace. "Grace!." "Hee!" "Vapedza kutaura here zvavanga uchida kutaura?" "Hongu dear!." "Kana iye achida Tarisai iwe zviri kukubata papi? Siyana nevaviri ava vafambidzane. Kana uchida rega kugeza uitewo saTarisai tione haukwanise kuvana here. Imwe point of correction dear; ndeyekuti iwe usafunga kuti kutsvuka kwavakaita kudarika Tarisai vakanaka hauna zvachose nokuti Tarisai akanaka zvake kutldarika tose ingori ngamo plus kusviba zvake asi i black beauty mhamha" ndakadaro ndichida kumuudza chokwadi chose. Zvekuti kana ini kudai ndakanga ndiri mukomana ndaitomuchiva chaiko Tarisai nokuti akanga akanaka zvose nehunhu hwake hwaiva nahwo. Ndakarohwa mbama naGrace takatanga kukikiritsana kudzamara Sir, VaMakuna avo vakanditora vakaenda neni kuoffice kwavo. Ndakapinda ndokuona Tobias naSophia vakagara mukati umu. Ndega ndakaziva mabasa aya aiva atanga ekuda kutishandisa kwavo sir ava. Ndakazviudza ndega kuti kunyangwe zvikadii this time hapana chinobuda nokuti zvanga zvanyanya. Pakutanga vakazviita pandiri now vavakuda kurwadzisa Tarisai naSir ava vanhu vasina kana mhosva zvavo. Ndakaramba kuita zvavakanga vachida uye kubuda kwandakaita umu ndakanyora kapepa kandaida kupa Tarisai but ndakazokabvarura ndatoona akanga asingakwanise kukaverenga. Ndakamumirira pagate rechikoro ndichiti ndichawana munhu, asi yakanga ingori nzvimbo chete pasina chinhu. Ndakazonzwa nemukomana vakanga achitamba naye kuti akanga aenda kunoona Mr MUNETSI ipapo ndakafunga kaviri ndokuona kuenda kumba kurinani... End of chapter 9 Be blessed 🙏