CHAPTER 27 [TAMBUDZAI] Kuita nguva kwakaita vaviri ava vakambundirana kwakandirwadza kwazvo, ndichiona vachibudisa misodzi. Moyo vangu vakarwadza uye kuona zuva rafa sisi vachisiya mwana achiri mudiki uyu. Handaida kuona munhu aibudisa misodzi mberi kwangu nokuti ndainzwa kurwadziwa zvakanyanya. Chinhu chandakafarira ndechekuti Tarisai ava kugara pedyo neni, uye ndinenge ndichimupa rudo rwaano shuvira rwaakakura asina samai kudai. Hongu ndakaita makore ndisina kumuona nekuda kwekushaya uku, kwakaoma Kani, zvekuti pandakanzwa vabereki vangu vachiti vakabva kunhamo yambuya vake uye mwana haana kugara zvakanaka kwaari iwe Tambudzai ita uchicheuka mwana vasisi vako ndiwe vakasiirwa anoita kunge munhu asina mai iwe uripo zvako. Ndakarwadziva zvekusvika pakuita chose nechipi zvacho kuti ndikwanise kuwana mari yekupa mwana uyu. Ndakazobvisa vaviri ava kubva mukumbundirana kwavaiva vakaita zvekuti ndakapinda nawo mumba. Ndikatanga kuratidza Tarisai zvandaiva ndamutengera pamwe neroom yake. "Tarisai, iyi ndiyo room yako, uye hembe dzakavharirwa kumusha uko hadzichina basa ndakakutengera rimwe iri. Remember kuno kwasiyana nekumusha unofanirwa kuenda kuchikoro vakapfeka zvakanaka mwanasikana vangu ini ndiri pano mai vako." Ndakadaro ndichivhura zimonaki raiva riine hembe dzandakamutengera pamwe chete neuniform yake. "Ndinotenda Mainini handina kuziva mune Rudo rwakadai, ndichiona imi kudai, moyo wangu unofara nokuti ndaona mhamha vangu. But ndinokumbira muzotaure natete vangu ndinoda zvinhu zvandakasiirwa naMbuya vangu, uye tete ndinoda kutaura nawo zvakare." Akadaro ndikaona mwana aiva achida tete vake, hongu ndiyo hama yake yakanga yasara chete aivada zvakanyanya, zvekuti ndakafarira kusasarudza kwake uku. "Zvavataura ndazvinzwa Tarisai, ndichaita kuti holiday uende kumusha unoonana neshamwari dzako ikoko. Asi ndinoda ugare uchinamata nguva dzose, chero pavawana nguva pfungama unamate kuti Mwari ave newe muzviro zvako zvose" ndakadaro nokuti kunamata ndiwo vaiva mushonga wezvese. "Ndiri kuzvinzwa mhamha, ndinovimba ndichazadzisa zvishuviro zvangu zvose. Uye kusakunyadzisai zvakare. Kudai musiri imi pamwe ndingadai ndisina kuuya kuno." Aita kutaura achiita seanomzwisa tsitsi zvakandibata pamoyo pangu. "Tarisai, iyi foni hombe haizi yekuita zvisina basa ndeyekushandisa pazvinhu zvako zvechikoro nokuti ukasadaro hapana hapana yakabva kuna Daddy vako baba Brendon ava ndinovimba vanosvika kuno mumwedzi iri kutevera iyi." Ndakaona pameso paTarisai kufara zvekuti akazobuda achienda zvake naBrendon vake vachiratidzana nzvimbo. Brendon akafarira kuti ane munhu wekutaura nyaya nguva dzose zvakaita ndikwanise kufarawo ini. Vaviri vakanga vaneta nekutenderera vakadzoka zvavo kumba vaine mufaro uye ndakashamisika kunzwa achiti vatosvika kuMutoko high nenguva diki diki yavaiva vabva pamba apa. "Mainini ndinokutendai nerudo rwenyu makwanisa kumira samai, ini ndichaita zvinhu zvangu nemazvo sekutaura kwamaita uku." Akadaro ini ndakafamba ndokumubvumbamira zvangu mwana wasisi vangu. ELIZA Ndakazosimudzira rwendo rwangu apa nekwandaienda ndakanga ndisisaziva zvachose. Ndakanga ndakuita kunzwa nyoka dzemudumbu mangu kurwadza nekuda kwenzara, kunze kwaiva kuchangosvibirira ndakatadza kuziva ndoita sei kunze zvakwadai uye ndicharara kupi chaizvo izvo. Ndakafamba kusvika ndaona dust road ndakaiteedza uku mota dzaingopesana pesana zvadzo zvekuti ndakasvika paiva nemashop ndakarara paveranda ndakaita kuzvipeta ipapo. Hope hadzina kuuya nokuda kwekunzwa kachando ndaiedza kuzvishingisa asi zvaiva zvakaoma chaiko. Ndakasvika kuona kutanga kuoma kwehupenyu hwangu hwese zvose nekuzvipinza mumatambudziko ose aya. Kana Makuna akabatwa achataura chete kuti nditsvakwe nokuti handizive zvaanondifungira, zvose ndakanga ndichizvifunga ndiri apa zvekuti ndakanzwa kukukuridza kwemajongwe ndikaziva kunze kwaiva kwachena ndakasimudzirwa rwendo rwangu zvekuti kumberi kwangu kwakaita mota yakamira, mumota makaburuka umwe murume aiva wechidiki akafamba achiuya kwandakanga ndiri. Ini sekuziva kuti vanhu rume chii chavanoda ndakatanga kukwidzirira kadress kangu kumusoro uku ndokusiya zvidya zviri kuzasi ndikatanga kufamba sendinomodelar zvangu. "Sisi zvamuri kuramba muchifamba hamunzwi ndiri kukudanai here?" Akadaro ini ndakareva nhema kusvika asvika pandaiva ndiri apa. "Ndinoshaya kuziva unofamba muroad yakadai uri mumwe chete kudai unoziva nezuro manheru pakaurava munhu pamberi apo here aifamba husiku sezvauri kuita izvi?" Akadaro ini nematyiro andinoita ndakakaruka ndabvunza kuti... "Kupi? Handina kuziva ini" ndakadaro ndichiiratidza kutya iye akazviona zvekuti ndakanga ndangomira muzasi make, akanditi hande kwandiri kuenda uye totaura tava kumberi. Ndakakwira ndokugara zvangu kuseat rekumother uku ndakanyarara zvekuti iye akatanga kutyaira mota yake asingataure nemunhu zvake. Ini shavi rekwangu rekusada kuona vanhu rume raiva rabata ndakutoona ndapinda machena nemurume uyu, uku ndaiva ndakanganwa nhamo dzangu dzandaiva ndatiza idzi. "Tell me, uri kuenda kupi uchibva kupi nokuti nguva ino ungadai vakarara." Akandibvunza ini semunhu anoda rubatsiro uye kwandiri kuenda ndisingakuzive ndakangopindura zvinoenderana naye. "Handizive kwandiri kuenda nokuti kumba hakuna chekubata ndosaka ndiri kuenda kunotsvaka basa kuHarare uku." Ndakadaro kudai Harare yacho ndakanga ndichiiziva zvaiva zviri nani. Manje hwaitova husiku hutatu nokuti handaiziva Harare yaiva yakaita sei. "Ok, i understand me dear. Uye ndoshaya kuziva kuti mwana akanaka kudai anoshaya zvekuita nekuda kwei. Zvake" akadaro achitarisa panze zvake ini ndakati driver mati matii henyu ndakatanga kukunya kadress kangu ndichida anyatsoona zvakanaka kuti ndakanaka uye kuumbwa ndaiva ndiripo handingati ndiri mutsvuku zvakanyanya asi ndiri pakati nepakati. Ndakaona munhu akunditarisa ndikaona akuramba akaisa ziso rake pamakumbo angu. Hameno akanga asati akaona zvakadai here. Ndakanzwa akuti... "Zvino kuHarare unonogara kupi? uye kutangira kutsvaka basa rako kupi zvakare." Akadaro achindibvunza tumibvunzo twakawanda ndakushaya ndodaira kuti kudii. Ndakaona amisa mota muzasi memzira ndakashaya kuziva akanga avakuda kuita sei chaiko. "Dear handikwanise kuenderera mberi nekudriver nekuda kwako uku." Akadaro mukomana uyu. "Unorevei? Ini ndini ndaita sei zvauri kuti nekuda kwangu kunge ndinokutadzisa kudriver ini." Ndakamupindura uku maziso ake aiva aita kutsvuka chaiko ini ndaiva ndakangomuyeva chete. Ndakaona runako rwake mumaziso ake rwaiva rwakasiyana navaMakuna zvekuti ndakanga ndongoti kudai achingotaura kamwe chete ndizive pane kufira mumoyo kudaro. "Hongu! Nokuti zvauri kuita izvi ndikadriver ndichiramba ndakatarisa gumbo rako iri riri panze zvino pedzisira zvakonzeresa tsaona ndosaka ndaparker pano kuti titaure. Uye ndatonakirwa newe zvekuti unogona kugara neni zvehupenyu hwese sezvo usina kwauri kuenda plus ini ndiri kuperera maMurehwa." Akadaro ini ndaiva ndoshaya zvekuita apa akanga aisa ruoko rwake pagumbo rangu rekurudyi, achiita kufambisa zvishoma zvekuti ndakaita kunge ndiri kufambwa nemasvosve. Iko kuzoita kumerera kwandaiva ndoita zvekuti ndakaita kufemeka padenga chaipo kusvika ndanzwa iye ava kukosora achiti.. "Sorry handina kuda kuita zvakadai uye hazvina kunaka zvoita kunge ndatora machances kwauri." Akadaro ini ndaiva ndonzwa kuti dai aramba achibata nokuti ndaiva ndovhura makumbo angu kuti anyatso bata gumbo kusvika kwaari kuda apa ropa raiva romhanya zvino. "Aaahhh! Hapana zvavaita apa uye it's nothing zvako. Kungoisa ruoko rwako pagumbo ndozvinganzi...." Handina kupedzisa kutaura ndaiva ndanamwa muromo nekiss, mukomana akatanga achabata bata achipuruzira muzvidya zvangu uku ndaiva ndaita kudhanyarara kuti akwanise kubata. Hameno chii chakaitika akangomukira kundisundidzira kwakadaro ndokupukuta muromo vake. "Kwakanaka here kwamunoita zvakadai uku?" Ndakadaro ndichimubvunza, ndaiva ndaratidza kushamiswa nazvo nokuti handina kunge ndatarisira zvakadai ini. Handina kumboita kana nyadzi zvangu uye ndakaona atarisa kudivi, ndakangoti nechemumoyo hausati vandiziva zvakanaka zvako bvunza ana Makuna vainetsa asi vaiva voita kupenga neni mwana wechikoro. Ndakafambisa ruoko rwangu ruchienda pamusoro petrouser raiva akapfeka, ndakatanga kuita zvandaigona iye akaona kuti ndiyo yakanga yava kutambika akangondisundira kwakadaro zvakare. Ndakarovera negotsi ndakamuka ndine hasha ndichida kumurova mbama, ndaivandanonoka kare iye aiva ato.. End of chapter 27 3chapters left.... Be blessed 🙏