CHAPTER 14 TARISAI Ndakaerekana ndabvunza zvinhu zvandakanga ndisingade kubvunza. "Bamukuru! Handione zvamaita izvi zvakanaka; nokuti imi nemudzimai wenyu makarorana. Uye kuti murambe muchiuya kuno tete vasingaziwe, hazvina kunaka chose. Vanotiona tiri tose pano pamba tiri vaviri pasina umwe munhu vanofungei pakadai?" Ndakadaro ndichitaura nawo. "Mainini, ini handina kuuya kuzoita zvisina basa hangu; nokuti zvekuzokurwisanisa natete wenyu hazvina kunaka, ndangouya kuti ndifurwe nemhepo chete hapana chimwe chinhu chandinoda. Uri iwe mukadzi vasvika uchiona murume vako akabvisa nhumbi neumwe mukadzi unonzwa sei? Hongu munhu hashaye zvekutaura kutiona tiri vaviri kudai, asi nyaya yangu haiziiyo yekuti ndingatora advantage kwamuri IMI. Iwe unekodzero yekuroorwa pako wega; nokuti urikuda kuita mhuri yako uye handidi kurwadzisa nherera seyakaita sewe Tarisai. Mashoko ako akanaka chose avataura aya handina kunge ndazvifunga nekuda kwekutsamwa ini." Vakadaro vachitaura zvavo ini ndaiva ndorwadziva mukati memoyo wangu. "Makurirwa nekuda kwekuramwa bamukuru, mukatadza kumirira kuti munzwe zvaiva zvafamba sei kusvika pose apa. Madii kumira monzwa chakonzeresa; nokuti tete vakanzwa kuti muri kuuya pano zuva nezuva ivo vasingaziwe ndinopona here vakufunga ndavatorera murume vavo? Zvose zvamakauya nazvo handina kuzvishandisa zvirimo mukati umo." Ndakadaro ndokuona murume mukuru achiita kushaya zvekuita chaiko. "Mainini mashoko amataura ndamanzwa chose, hazviite ndirambe ndiripano nokuti zvingazokukanganisai kudzidza uye vanhu kuzofungira zvakashata regai ndiende kunonzwanana nemhuri yangu ndiziwe zvaitika kuti zvisvike apa." Vakataura vachidaro ini mumoyo mangu ndakanga ndifara nezvakanga zvataura baba mukuru. Havana kugara uye ndakavati vatore zvinhu zvavakanga vauya nazvo. "Mainini zvinhu hazvina kana nebasa rese izvi idyai zvenyu." "Bamukuru hazvingaite nokuti ini pandaida rubatsiro makatadza kundinzwa chose." Ndakadaro ndokuona murume mukuru achiisa zvinhu mumota nekurova pasi. Zuva iri ndakarara Hope dzehumambo zvekuti kunze kuchiyedza ndakanga ndine mufaro chaiko. Asi pfungwa dzakanga dziri kuna Pardon. Ndaiva ndiri munzira kuenda kuchikoro ndipo ndakasangana naGrace naEliza vakamira mberi kwangu. "Ndiwe zvako vaita tiparadzane neshamwari yedu nekuda kwako?" Akadaro Grace achiuya kuzondibata nzeve yangu. "Grace zvauri kutaura hapana kana chandiri kuziva ini, shamwari yauri kutaura ndeipi?" "Eeeeeh nyarara zvako uye handidi kukuona zvakare uchitamba nemukomana wangu Pardon tambira kure zvako ziva zvekudzidza or else uchaona zvandichakuita." Uyu aiva umwe musikana vandisina kuziva nokuti akanga asina uniform zvake. "Pardon akandiudza kuti haana musikana uye Pardon ndevangu haazi vako dear.." ndakadaro hameno chakaita nditaure mashoko aya. Ndakanzwa kurira kwembama ndokutanga kubuda ropa mukanwa nemumhino zvekuti handina kuzoenda kuchikoro ndakadzokera kumba ndichochema kudaro uku hembe yaiva yazara ropa. Ndakasvika nekuzvibvisa hembe kwakurara ndakadaro ndakazomuka kumanheru nekuda kwaSir Munetsi vakanga vauya.. "Ndanga ndauya kuzokutarisa kuti uri sei ndaona usina kuuya kuchikoro." Vakadaro ini ndakaramba ndakanyarara ndisingade kutaura zvaiva zvaitika. "Thank you sir, nerudo rwenyu urwu. Handiziwe kuti ndokutendai nei nezvamakanditira izvi uye kuchinja kwandaita uku." Ndakadaro ndikatoona vaMunetsi vava kunditi. "Hapana apa dear chandinoda udzidze upase usabvuma kunyengedzwa nevakomana nenzira dzisina kunaka." Mashoko aya ndakamabatisisa chaiko uye pane zvandaida kubvunza handina kukwanise kusvika pakuvaudza. "Tarisai! Ndinovimba mangwana uri kuuya kuchikoro uye ini ndavakuenda kunze kusati kwanyanya kusviba." Vakadaro vachibuda kuenda ini ndakasara misodzi iri pamatama uye kuti why Pardon asina kumbosvika achindiona. Ndakabatanidza mashoko akanga ataurwa nevasikana ava ndikaona ari ekurewesa. Ndakabatwa nehope ndokurara ndakazomuka ndavaku. [MONICA] Ndaiva ndingori pasi ndakatsimbidsirwa kudaro ndavakuita kushaya zvekuita uku akanga achikikiritsana neni zvekutoda kubvisa buurukwa rangu chaiko. Ndakaona kuti pano ndaiva ndaita kutsimbirirwa maoko angu uku iye akanga avakutoda zvekutoita ndakaona kuti ndikada kurwisana naye kwaiva kupedza nguva nesimba raiva ananaro. Ndakadzikama ndokuvhura makumbo angu zvishoma ndichida kuona zvaida kuita. Mwana akabvisa nekukasika ndokuda kuita ndiyo nguva yandakamusaidzira kwakadaro nekumupushira panze ndikavhandaona kuvhara door kwakanaka ndakakiya nemukati ndokukwidzira skirt yangu ndipo pandakasanga nezvinhu zvake zvaiva zvazara pamakumbo angu. Hongu akanga asina zvaita aiva angoperera mumakumbo chete. Ndakatanga kunzwa kurwadziwa zvakanyanya nokuti handiziwe zvaizopera sei chaizvo? Baba vabuda ava vanodzoka here. Zvino vakauya ndichavaudza kuti ndaiva ndaisa mupfuhwira zvingobuda here? The best way paiva pasina kunze kwekutaura asi nezvaitika. Ndakatora nguva ndakagara pabed ndichiita kuona zvose zvaiva zvoda kuitika izvi zvaikwanisa kundirwadza. Ndakatora nhare yangu ndokutii regai ndifonere Mhamha ndiko kuzvipedza zvose ndivaudze chokwadi chose. "Mai Taurai muroora vangu kwakanaka here kwaunodai kufona nehusiku hwakadai.?" Vakadaro Mhamha. "Hakuna kunaka uku nekuti muzukuru wenyu anditira mashura uyu, aanditira nhasi." Ndakadaro. "Mashura eyi iyayo iye murume vako hasati adzoka kubva kubabs here?" "Taurai aputa mbanje dzaita dzimutadzise kuita zvimwe ndaona andiwisira pasi kuda kurara neni, baba Taurai ndipo vapinda vachibva kubasa vakaona mwana ari pamusoro ini pasi.." "MONICA muroora vangu zvauri kutaura hazvi make sense nokuti, hapana angaziva chokwadi pamwe marara mose nemwana" Ndakashaya Zvekuita nekuda kwemashoko aya . "Mhamha hamunganzwisisa zvaitika uye hazvidi kutaura panhare izvi zvinoda muuye kuno chaiko.." ndakadaro havana kuramba vakabvuma zvaiva zvaitika zvokuti ndakaita kutadza kuziva zvekuita. Kunze kuchiyedza ndaiva ndavhura door asi handina kuona Taurai kuti akanga aenda kupi zvose izvi zvakanga zvichikonzerwa nekuda kwaTarisai chete. Ndakafamba ndichienda muroom Make handina kumuona kuti aiva ari kupi.. Ndakaenda mutoilet umo ndakaona door raiva risina kuvharwa ndakaona akagara achiputa mbanje dzake imomo uku madziro aiva akaita kunyorwa nesvinha yega yega.. "Taurai hunhu uhu vakauona kupi chaizvo izvo?" Ndakamubvunza. "Muri kubvunza inini hunhu hwangu, hwenyu munohuona hwakanaka here? Uye baba vacho havasi munhu here zvamunoita kunge murikutaura mhondoro chaiyo. Kana muchida ndirege kuita zvandiri kuda ndipei zvandiri kuda and muri kuziva zvinhu zvandiri kuda nokuti mukasadaro hameno zvenyu." Akadaro ini ndokutii.. "Unoziva ndiri mai vako here! Unoda kurara neni vakakwana here mwana iwe? Shuwa ndovhurira iwewe dress rangu kuti uri murume vangu here?" Ndakadaro ASI ndakapindurwa amwe mashoko. "Kuva mai zvine basa rei izvozvo! Imi wenyu makavachengeta here zvandainzwa muchitaura? Zvine basa rei kuti hapana chandinoziva here pane zvose zviri pamuri." Akadaro ndakaita kuperererwa paakataura nezvamai vangu ndakatanga kuzvibvunza mibvunzo uku akanga asina kuenda kuchikoro. Ndakatenda kuona amwene vangu vachisvika, ndakatombofara kuvaona uku. "Muroora handizi kuda kutaura zvakawanda uye zviri kuitika ndiri kuzviziva, ndafonera murume vako ari arimunzira kuuya anosvika in 15mins pano. Arikupi mwana vako?" Vakadaro ini ndaiva ndoita kuhuta nekutya chaiko. Chandakadya chaiva chopfuka manje. Pandakada kutaura ndipo pakabuda Taurai achitaura akanzi nambuya vake enda mumba mako tichaita upihwe zvauri kuda izvi. Ndiko kubvuma kwakaita. Ndakagara pasi muimba yekutandarira namwene wangu. "Muroora! Ndiudze kuti mwana kusvika pakutaura zvekuda kurara newe chii chaiva chaitika chaizvo? Usareva zvako nhema nokuti ndiri kuziva zvose zviri kuitika mwana uyu zvaari kutaura zvikuratidza kuti akadya mushonga chete." Vakadaro ini ndaiva ndakuita kushaya zvekutaura apa muromo vaiva voita sevabatwa nechando. Pandakanga ndakanyarara ndipo pakauya Taurai ndokuti.. "Nguva yamanditi ndimirire yadarika mukasaita izvozvo ndiri kuzviuraya pano nhasi chaiye..." Akadaro ndikanzwa nechekuchinzi.. "Unoda kuzviuraya nekuda kwei? Uye chii chaunoda upihwe naamai vako chinoita ude kuzvigurisira hupenyu hwako nguva isati yakwana. Zvakatanga rinhi kuti unoda mai vako Taurai..." Vakadaro baba vacho. Ipapo Taurai akavapindura achiti.. "Daddy mukadzi wenyu akanaka uye ndiye vandiri kuda kurara naye nokuti handione pane chakaipa kuti isu vaviri tichinjane pavari apa. Kubva zuva randanwa tea yenyu ndinonzwa kuvada uye kuona kubatana kwavo kwese zvokuti paya ndaida kuvaraper chaiko nokuti tea yamakati ndinwe ndiyo iri kudai." Ndakanga ndapererwa kusvika paku..... End of chapter 14 Be blessed 🙏