CHAPTER 6 TARISAI Kutaura kwakaita Mr Munetsi kwakanga kusina kundiitira apa vaita kundibhabhadzira mabendekete angu. "Tarisai zvavakutoda kuti ushinge chaiko! Zvino hauna imwe hama iri pedyo yaunokwanisa kuudza here nezvazvo ikwanise kukubatsira." "Sir kuuya kwamuri kudai kuratidza handina mumwe munhu vandinganzwanana naye kunze kwenyu chete, hongu tete hanzvadzi yababa vangu iriko asi kutori kumakata chaiko handikwanise kusvika kwavari nokuti kuita kwavo kwakandirwadza." Ndaita kutaura ndakazvininipisa. "Oky! I understand you dear but ndichaedza kukubatsira nokuti handizi munhu akaipa zvake. For now chidzokera kumba ini ndichaudza headmaster nezvazvo izvi kuti tingakwanisa kukubatsira here." Vakadaro ndakatenda kwazvo zvekuti pandakadzokera kumba handina kushandisa nzira yaienda nekumashop ndakanga ndootya zvino kubatwa zvakare. Ndakasvika kumba ndokupinda ndikaona zvandasiya zviri ndizvo zvakanga zviripo zvekuti ndakafamba ndichienda kwasabhuku ndakasvika varipo. "Tarisai! Kwakanaka kwaunouya vakaita kupfeka uniform kudai? Izvezvi vatanga kutiza malesson kuchikoro uchiona mbuya vako vachitamburira iwe kudai, unoziva vakanga vafa here musiwe Friday uye vakatenga mapiritsi avo here?" Mibvunzo yaiva yandiwandira ndavakushaya kuziva ndodaira upi uye kusaziva kwangu uku. Vasabhuku ndakanga ndangojaira kuvati sekuru ini. "Sekuru kuuya kudai kwamuri mbuya vangu vakapedzisira kunwa mvura musiwe Sataurday nenguva dza 8:12am uye pandakabva kumashop kunotenga mapiritsi avo ndakamarasa munzira nekuda kwevakomana vakanga vachida kundibata chibharo ndakaita zvekutiza, asi mapiritsi akasara achitorwa nevakomana ava uye kusvika kwandakaita ndipo ndakaona ambuya vangu vakarara namanje vachakangorara ava ndosaka ndauya kwamuri kuti ndikuudzei mukwanise kundimutsirawo gogo vangu." Ndakadaro misodzi ichiita kubuda uku vaita kudzokorora kundibvunza zvandaiva ndataura. "Oooh! Mai vangu shumba kani. Iwe Tarisai ukundiudza mbuya vakarara hope dzehumambo neSataurday kusvika nhasi Monday uchingorara nawo muimba imwe chete uye hapana mamwe mashoko avakakuudza here?" Vakandibvunza. "Havana kutaura kunze kwemusiwe Thursday pandakabva kuchikoro ndakasvika vatengesa zvose vachiti vanoda kuenda kunogara kune imwe nzvimbo uye musiwe Sataurday ndipo vakangonditi uite shungu dzekudzidza uye unofanirwa kushinga chaiko ndochete zvavakataura." Ndakadaro ndokuona murume mukuru aita kugara pasi. "Tarisai mwanangu, sorry kukuudza izvi ndinoziva zvinorwadza kuzvigamuchira asi ndizvo zvatovapo izvi. Mbuya vako hakuchina kurara hope kwauri kutaura vakatofa kare ava mweya wavo vaenda kumusoro kudenga nyama yavo ndiyo yasara yauri kuona iyo." Kutaura kwavakaita ndakaita sendabaiva netsono pakati pemoyo wangu. "Zvino tete vako vakavazivisa here nezvekurwara kwaMbuya vako ava uye akatii Monica uyu." "Vakati ndisavanetsa nokuti maplans enyu amuri kuda ndiri kumaziva uye handizi chipatara chinoporesa munhu ini ndiyo mashoko avakataura." Ndakaona vasabhuku vakunditi. "Foni unayo mufonere ndinoda kutaura naye." Ndakafona ikadairwa zvayo. "Tarisai plz rega kundinetsa kwazvo zvandakataura ndizvozvo handina mari ndiri kutotamburawo kuno uye nditori nemhuri inoda support yangu plz." Ndakazongonzwa yavakungorira nhare kuratidza yaiva yadzimwa. Takaedza kufona asi yakanga isisapinda zvachose. Moyo vangu vakarwadziva kuona mbuya vaiva vafa zvokuti vanhu vakaungana ndokuchengetedza mbuya vangu zuva rimwe iri sezvo vakanga vaita mazuva akawanda vari mumba uku ndaiva ndasara ndega ndisina kana chii chaizokwanisa kundibatsira ini. Ndakachema kusvika izwi rangu ravakusabuda. Zvisinei kubva zvakachengetedzwa gogo paiva papera mazuva maviri uye nhare ndaiva ndachinja line nekusada kunetsa tete vangu uye ndaingoda kuti vaone pavanouya kuti dzimwe nguva munhu kana achikufonera anenge asingade zvinhu zvako asi kuda kukuudza mashoko anobatsira mukurarama kwako. Mr Munetsi vaiva vachindibatsira nezvimwe asi dambudziko rakazouya nekuda kwe.... MONICA Shuwa munhu anongoramba achifona anoti ini ndine muti unomera mari here?. Ndaiva ndabhohwekana nekuita kwake Tarisai uyu... Zvekuti pandakasvika paiva naBaba Taurai vaiva vandidana ndakasvika kugara pasi chaipo kuratidza kuremekedza murume vangu. "Ndauya baba Taurai ndanzwa kunzi muri kuda kutaura neni?" Ndakadaro ndichibvunza. "Hongu ndine mashoko newe mai Taurai, handiziwe sei uri kuita nice Kuna Mai vangu nguva dzose asi kana iri hama yako like Tarisai hauzi kukwanisa kumubatsira nezvaanoda?" Mubvunzo uyu vakaita ndiseke zvangu. "Nokuti handichisiri part yefamily iyo kwandakaroorwa ndiko kwakandikoshera chaiko." Ndakadaro. "Inzwa umwe mukadzi, kunyangwe zvidiki zvinake or kutsvuka seropa sei usafa vakarasa hama yako kwavakabva nokuti ini pandiri pano kudai ndiri mutorwa pachezvake. Handina kukosha than Hama yako Monica Mwana wehanzvadzi yako naamai vako ndidzo hama dzako ini pandiri ndiri kutorwa uye ukadzingwa pano unoenda kupi?" Mashoko aya aita kundirwadza kushaya kuziva murume uyu aiva apindwa nei chaizvo kusvika pakutaura mashoko aya asina kana nemusoro wese. Hanzi heee ini handina kukosha uye handina basa. Mai vako ndiwo vanebasa nokuti vakakubereka uye mwana wehanzvadzi yako anoda support kubva kwauri hapana munhu akatanga nekungogona tose takabva neikoko kusaziva. Musiwe Monday ndakarambura nhare pandakanzwa ari Tarisai akanga achiita kundibhohwa chaiko nekunzwa inzwi rake. Ndakangoti nechemumoyo ndichauyako ndinoda kukuudzisa zvakanyanya nokuti munhu wepi asina shungu anoramba achingofona kuda kundinetsa. Vaiva musiwe chitatu ndapedza kutenga zvose apa murume vangu aiva asina kana mufaro zvavo hameno chaiva chii uku taiva tatenga chikafu nezvimwe zvekuti mhamha naTarisai vakwanise kubatsirika pachikafu apa. Thursday makuseni takamuka kugadzirira kuenda kumusha sezvo baba wekwangu vasina kuenda kubasa vaingoti hope dzandarota hadzina kunaka zvachose.. SOPHIA ndaivanzo tamba nemashamwari angu matatu aya. Grace pamwe chete naEliza. Tose taigona zvakafanana kwete zvembiri asi kwete kusvika pakuita dofo kufanana naTarisai uyu. Rimwe zuva ndakaona Tarisai achipinda muoffice yaSir Mr Munetsi zvakandinetsa uye kutora nguva kwavakaita vari vaviri. Ndaida kuziva chaitora nzvimbo pavaviri ava. Ndaiva ndiri pasingaoneke zvekuti pandakaona Tarisai achibuda achipukuta misodzi ndakatadza kuziva chaiva chaitika. Ndakazvigadzirisa zvakanaka ndokunyepera kubata book rangu muruoko. Ndakaknocker ndikanzi pinda. Kupinda kwandakaita ziso rangu rakanga richitarisa pasi kuda kuona kuti vaviri ava havana zvimwe zvinhu zvavanga vachida here. "Sophia! Tobatsirana nei zvavangopinda muno nekunyarara urikungotarisa tarisa ukutsvakei?" Ndakatanga kukwenya mhino nekasiyanwa ndokuti. "Asi sir shuwa munga vharirana naTarisai muno isu vanhu kwavo tiripo apa abuda kuno achiratidza kuchema." Ndakadaro ndikaona Mr Munetsi vachiseka zvakandishamisa. "Sophia zvauri kutaura zvitori out of topic zvachose. Tarisai auya kwandiri nokuda kwekuti arasikirwa naMbuya vake vakabereka baba vaigara nawo, ini pano ndakauya kuzodzidzisa vana kwete kuita misikanzwa sezvauri kuda kuita izvi." Kutaura kwavaita ini handizive chaiva chandibata kusvika pakurasa hunhu hweku...... End of chapter 6 Be blessed 🙏