CHAPTER 22 Unedited..... [TARISAI] Ndaiva ndangomira zvino ndakushaya zvekuita nekuda kwemashoko aiva ataurwa naTete vangu ava. Sophia aiva akaita kumira akazembera madziro zvake, achiona ndakaita kubatwa zvekuti kudai pasina kusvika Mainini Tambudzai ndingadai ndakaitwa zvimwe zvinhu zuva iri. Mainini Tambudzai ndaiva ndisati ndakavaona kubva chizvarirwo, zvokuti ndakaona kufanana kwavaiva vakaita naMhamha vangu misodzi yakada kumbobuda nekuda kwekuvaona kwandakaita. Ndaiva ndakufara kuti at least ndine munhu anondidavo muhupenyu hwangu uhwu. "Monica, monica! Ndakudana kangani aka." Vakadaro Mainini vangu vachisiya bag ravo pasi vachifamba kuenda paiva pakamira tete vangu. "Ndiri kuona vadriver mota yako, kubva kwese uko kuuya kuzotuka mwana vangu uyu, ndiye aita unetsane nemurume vako here? Kutadza kubata murume vako zvakanaka ndiko kwaita utizwe. Iwe vavakuti simbiri simbiri nemwana mudiki uyu? Bhutsu chaiyo hauzive kumutengera kana bhurugwa remukati chairo hauriziwe kuti ndererudzii? iwe voda kusimudza ruoko kurova mwana uyu, mai vake chaivo vakafa vasina kumurova." Vakadaro ndokuti zvakare. "Monica hauna nyadzi chaidzo iwe, mukadzi mukuru. Unoti murume vako auya kuno kuzodii? Vadii kumufonera unzwe ari kupi." Vakadaro vachiita kupopota zvakaita kuti sekuru Sabhuku vasvike nekuda kwekunzwa vaipopotedzana ava. "Tambudzai, nyarara zvako hapana chaunoziva nokuti kamwana aka katoita kudhamba nekurara nevanhu rume, hazvishamise kakavhurira murume vangu nhasi atiza achiuya kuno. Uye panyaya dzezvekupfeka usataura nokuti iwe vavakuonekera nhasi kubva zvakafa sisi vako." Vakadaro tete vangu uku handina kuziva Mainini vanogumuka zvakadai zvose kutaurisa kwavo uku. Nechemumoyo ndakati nhasi shasha yasangana nazvo, yaiva yajaira kundionesa moto manje nhasi wekwangu vapindira. "Tete! Ini handina kutadza pane zvandakaita nokuti murume wenyu akauya pano achida mazano kana mukabvunza sekuru ava vanokwanisa kundipupurira chaiko. Kudai muri umwe munhu musingataure mashoko anorwadza moyo vangu kudai, asi zvamataura izvi ndichaita sekudaro nokuti ndinoziva baba vangu havana kusiya vavaka musha zvavo imi pano pamba pamai wenyu. Ndavakutokumbira kuti ndipedze hangu kunyora maexam ndoona kuenda kwaMbuya wangu sezvo mati ndibve pamba pamai wenyu." Ndakadaro misodzi yangu ichiita kuyerera, handina kuziva zvinhu zvichaita zvakadai izvi. Chokwadi nherera inoguta musi vafa mai vayo seni kudai. "Mwanangu zvavakuita hazviitwe izvi! Uye usatamba uchitaura mashoko anorwadza mwana zvakadai iye achikuona anoti avana baba, asi iwe ndipo vakurasa mukanwa kudai Monica. Zvakatanga rinhi izvi zvauri kuita izvi. Ukarwara nhasi kana Mangwana kana kudzoswa kubva kumurume hama yako inokucheuka ndiyeyu mwana wehanzvadzi yako uyu. Tarira uonedzinza renyu rose hakuchina kana munhu umwe zvake vose vakapera kufa, mashoko makukutu avataura aya kumwana uyu oita sei achiri mudiki nokuti iye haana kana kubvira akaita zvakashata pamurume vako asi ndichamutora ndogara naye kumba kwangu kusvika apedza chikoro chake." Vakadaro vasabhuku vachiita kushaya zvekutaura Pandakavapa makiyi edzimba idzi moyo vaita kurwadziwa uye ndakada kubudisa zvose zvaiva mumba umu asi ndakanzi.. "Usatakura zvinhu zvamai vangu iwe imbwa yemunhu, tora tumabook twako netuhembe zvimwe zvose siya imomo." Handina kuda kuita nharo ndakaita sekudaro ivo ndokusiya vakiya vakataura zvavakataura ndokufamba vachinopinda mumota nekurova pasi zvavo. "Tarisai! Vakadii kutaura kuti ndizvo zvaunosangana nazvo zvinokushaisa mufaro even kudzidza chaiko haukwanise kudzidza uchiitwa zvakadai izvi." Vakadaro tete vangu ini ndaiva ndatarisa Sophia akanga angoita kuzvikandira agara pasi misodzi yoita kutanga kubuda nechichema. Ndakafamba ndichienda pakanga ari ndakasvika kumubata nekumubvunza kuti. "Nyama dzako dzavakurwadza here tikumhanyise kuchipatara?"ndakadaro ndokuona achidaira nemusoro vake kuratidza aiva nezvaiva zvamubata. "Tarisai! Ndinoziva ndakaita zvakashata kwauri handina kuziva ndihwo hupenyu hwaunorarama ini pano, uye ndarwadziva nekutaura kwatete nekukutuka kwavakuita uku." Akadaro asi ini ndaiva ndazvijaira nokuti wekuchemera pakanga pasina zvimwe kudai mai vangu vaiva vapenyu pasina zvose izvi. Hatina kuzoita nguva takaenda tose kumba kwasekuru uye vakatipa imwe room yaiva isingashande ndokuisa zvinhu zvedu imomo asi Mainini vangu vainge vakaita kubatikana chaiko nezvaiva zvaitika izvi. MUNETSI kutaura kwaiva kwaitwa naTonderai ndaiva ndichiona kuri kuda kuhwanda nyaya yake yakaita. Akanga achifunga kuti ndiri vanhu vakauraya here ini asingaziwe handaivhunduka munhu zvachose. Kunyepera kuda kuzviita munhu akanaka iye akazara zvivi zvega zvega mukati memoyo wake aiva asina kana tsitsi. Hanzi ndanzwa kunzi Sophia akatizira ungandiudza kwakatizira here ndine zvandinoda kutaura naye. Ini nechemumoyo ndakangoti unofunga ndiri mwana mudiki anobvuma kupusiswa here ini. Hapana kuita nguva akasimuka ndokuvhara ketani rake ini zvose zvaiva mumaziso angu kusvika akiye gonhi repa hofisi yake ini ndakagara pandaiva ndiri ndisingavhunduke zvangu. Akafamba achienda paiva akagara ndokutora banga rake akauya kunoritambisa mberi kwangu. "Munetsi! Unoda kunetsa sezita rako hanti? Rega ndidaiso. Ukuona banga iri rakauraya vanhu vanoda kutambira mberi kwangu zvisina ani, uye kutaura kwavasina kuswera kudai ndiri iwe ndataura zvose zvandinoziva ndisati ndafa nokuti rufu ndirwo rwatarisana newe kutaura kudai" akadaro ini ndakatanga kuseka zvaiva ataura izvi. "Makuna! Kudai vaiziva chinhu chavakabata hachina kana basa vanhu vavakaita izvo vaiva vakapusa kwete kwandiri ini mwana wemuera Shumba zvake, zviedze tione kuti zvinopera sei nokuti haazi ose madzinza anoitwa zvaunofunga izvi kungouraya munhu. Kuuya kwandaita muno ndati ndikuudze nezvavakaita uye Sophia arimumaoko angu aya maviri, usanyepera kuda kuzviita munaki iwe mumoyo makazara uipi zvavo. Zvandataura ndazvinzwa uye jeri ndiro ravadai kutarisana naro." Ndakadaro ndikatoona munhu avakusimudza banga kuda kundibaya naro zvekuti ndega ndakangoseka iye akaona richienda kunobaya pagumbo pake . Ndakamubata chirebvu chake ndokumuti. "Vatamba nemadhaka pasina mvura zvako, uye usazvinyepera kusvika pedyo nevabereki vangu zvavataura izvi, iwe nekamusikana kako mavakunoripa mhosva dzenyu idzi." Ndakadaro ndokumusiya achiyuwira zvokuti ndakatora makiyi ndikavhura door ndakaona pakamira Eliza hameno akanga achidei. Kuona kwakaita banga rakazara ropa akamhanya kuenda pamurume vake akadzoka kwandaiva akatii. "Handina kuziva muri mhondi kudai ini, chii chamaita Mr Makuna ichi." Akadaro zvakaita head nemamwe mateacher amhanye kuuya pataiva tiri. Vachisvika kuona izvi vakanditi nditaure zvakanga zvaitika mapurisa asati asvika. "Ini handina maoko akazara ropa nokuti ndinoziva maoko angu ari clean zvavo. Kunyangwe mapurisa akauya akanditi ndiri mhondi asi court ndiyo uchandisunungura. Imi vamwe vari pano ndiri kuona muri kurwadziva nezvaitika izvi uye makanganwa chazuro kuti murume uyu akaita huipi hupi zvose nekusanganisira kushaikwa kwaSophia pano pachikoro, kudai maiziva izvi muno kwanisa kubvunza Eliza Uyo nokuti nditanga kutaura ini vamwe muchanyura, asi parizvino regai ndikuudzei kuti handina kubaya baba ava inzwai chitapa manzwi ichi." Ndakadaro ndichivatambidza nhare yandaiva ndashandisa apa. Zvekuti ndakaona vanhu vachiita kupererwa kana Elizabeth handina kuona akanga afamba sei kubva paiva nevanhu apa. Zvakaita ndinzwe kuda ku.... End of chapter 22 Season 1 iri kuperera pachater 30. Then vanoda kuzoenderera mberi neseason 2 rinenge rava kutengeswa [onsale] God bless you all of you guy's 🙏