CHAPTER 28 ELIZA Ndakatanga kungopuruzira, iye akanga akuita kushaya zvekuita panguva iyi. Ndakaramba ndichinzwa uye handina kukanganwa zvaiva andiita zvekundisaidzira. Ndaiva ndichida kumurwadzisa sezvandaita ndoziva ndinomurwadzisa sei ndini ndakanga ndichiziva kumurwadzisa kwandinoda kumuita. Shasha yaiva yoita kufemeruka ini ndaiva ndaita kubata atenzi vaiva vagumbuka zvekuti iye akaona zvekubata makumbo zvarema avakuda kufamba achida kuno tambira kwazvakarehwa ndakahwandavhara makumbo angu zvakaita anzwe kubhohwekana. "Ndochirudzii chaunoita iwe?" Akadaro aita kutsvukisa ziso rake akanditarisa. "Handina zvandaita ini, iwe kwako kushaya matyira here? Uye kungoona munhu akaita zvandiri atenzi vakutopanduka uchitadza kuvadzidzisa hunhu." Ndakadaro ndikaona munhu aita kutsamwa zvekuti aiva achiita kurwadziva zvandakaona nemeso angu maviri. "Ndizvo vanga uchikwidzira kuti uone kutaura mashoko akadai? Manje hakuna zvakadaro." Akataura achida kundibata ini ndakamuti. "Baba! Ini handina kukwira mota yenyu kuti mundiite mukadzi? Kana madazvekurara neni tangai manobvisa totangira ipapo nokuti zvekushandiswa handidi uye kubata kwamaita kwaenderana nekukwira kwandaita mota yenyu. Mune lucky matobata pakuru chaizvo munotofanirwa kubhadhara nokuti mukasadaro." Ndakadaro ndikaona shasha yakuita kushaya zvekuita. "Ok, ndazvinzwa zvanga zvakadii toita tozoenda kunobhadhara kwacho kumusha kwenyu, tarira uone zvavandiita izvi uye ndiwe vakonzeresa zvakare." Akataura achiita kunge anoda kundinyengerera apa ndaiva ndisingade zvisina basa mberi kwangu. Hapana kuita nguva ndakanzwa kulockwa kwemadoors ndikaziva munhu pane zvakanga achida kuita chete uyu. Ndakanyatsomirira kuona zvakanga achida kuita. "Unoziva chii, vakanaka zvako asi vandiomesera zvavataura, ndinoda kubvunza kuti ndabvisa mari yose yekukuroora ndozoona pasina zviripo ndokuita sei nokuti ndingatokuita zvimwe." Akadaro ini nekuona kuti hapana hapana ndakabvumira padenga kuti. "Ukaona ndisiri mhandara unouraya zvako nokuti hazviiti kuti taonana nekutorara tose zuva rimwe chete here." Ndakadaro uye panenge oda kundiuraya ndinenge ndakatarisa kupi uye as long hama dzangu dzadya zvekuzoti ndiri mhandara inenge yava imwe nyaya. Ndakaona munhu achiita seanofara ndokumutsa mota akadzikisa handbrake ikatanga kufamba. Ndakanzwa avakunditi.. "Vakapedzisira kusangana nemvura rinhi? Uye zita rako ndiani." Akadaro ipapo ndakazvifemedza ndega ndikanwa zvakanga zvisisaita uku nditaure zita rangu chairo nezvakanga zvaitika zvaitonetsa. "Ndakapedzisira kugeza kuswera zita hangu, uye ndinogeza sei ndichingofamba. Zita ndiEliza." Ndakadaro ndikanzwa avakuti. "Ok ndazvinzwa chidzikisa window iro mhepo ipinde mukati kunze kuri kunyanya kupisa chaizvo nokuti hwema huri kubuda muno hauzi kuita.." akadaro achityaira mota ini nekuda kwemhepo yaiva ichipinda nekuda kwekumhanya kwemota ndakanga ndisingade kurivhara. Kusvika kwatakaita ndisati ndadii ndakaratidza mekunogezera ndisati ndaonana nevamwe. [THEO] Zvino Tarisai zvaenda kudai ndichasara nani manje ini. Uye Pardon hazoudze Tarisai nezvandiri kufunga here izvi. Zvose ndaingozvifunga nekutaura ndega ndiri munzira kuenda kuchikoro. Ndakanga ndasara ndisina shamwari nokuti Tarisai akanga aenda. Ndakasvika kuchikoro ndikaona Grace naPardon vasati vauya. Uku moyo vaiita kufara nekuti Mr Makuna vakanga vaenda kujeri. "Ndiri kuona uri kufara zvakanyanya Theo! Ndiudzewo tifare tose Kani asikana." Akadaro Grace akanditarisa ini ndakangomuti, "ndinotadza nei kufarira matest adai kutanga aya zvangu." Ndakadaro ndichivhara vhara nyaya yangu, kuti asaziva zvandaiplaner mupfungwa dzangu. Hapana kuita nguva Pardon akapinda ndakaramba ndakamuyeva zvangu uye kutoona ndatopinda machena chaiyo. "Hesi Pardon urisei nhasi." Ndakadaro ndichimumhoresa. Haana kurega kudaira zvake uye ndakaona kuti ndikada kutaura zvandaida zvinonetsa nekuti anokasika kuzofunga zvisiri izvo. "THEO! Unoziva maziso ako aya unosvika rinhi uchiita zvakadai uchitadza kudzidza. Usaita zvinhu zvinokushoresa umwe vangu kudai uri umwe vadzidza kubva pana Makuna naEliza, hunhu hwaitika pavari." "Grace ndiri munhu aribho ini zvauri kufungira handizvo dear nekuti ini naPardon tiri mashamwari nothing more uye handina mafeelings paari ini." Ndakadaro uye mashoko akataura ekuti ngatisaitai zvevakomana tisati tapedza chikoro zvinogona kuzoenda nepamwe. Ndakabvumirana naye uye ndakanzwa kufara kuona Sophia achiuya kuchikoro. "Mmmmmm ndandakusuwa shamwari apa kuita kunge vachinja kudai kwakanaka here or mukati mavanekanhu kaVaMakuna" ndakadaro ndichimudenha zvangu. Iye akatanga kuseka zvake achiramba ramba kuti hamaiva nechinhu mukati umu. Ndakanakidzwa asi takagurisirwa mufaro panzira nekuda kwaVaMunetsi vakatii. "Ndiri kuona girls muri kuratidza kufara zvakanyanya kuva mose kudai uye ndinokushuvirai kunyora matest nemoyo wenyu wese." Ndivo akava mashoko avo vachibva vaenda zvavo ndikasara ndichibvunza Sophia. "Sophia kwakanaka here kwaunopa nyemwerero yakadai kuna Mr Makuna ava." "Ndinotadza nei kana vari ivo vakandibatsira zvimwe ndingadai ndakatofa kare kare chaiko pasina ivo" akadaro achotofamba kuenda zvake uye Pardon handina kuona akanga afamba sei chaizvo kubva pataiva tiri. Panguva dzatakanga tichangobva palunch uye vamwe teacher vaitisa Geo vakauya vachidanwa vakabuda vachomhanya hameno kwaiva kwaitikei zvekuti hapana kuita nguva zvakare Pardon naSophia vakadanwa vakaenda zvakaita kuti vana vade kuziva zvaiva zvaitika kumaoffice emateacher uku. Hapana kuita nguva Pardon naSophia vakadzoka misodzi iri pamatama vachiita kushaya zvekuita kunyanya Sophia. Ndakafamba ndichienda paiva Ari ndichida kumubvunza asi akatadza kutaura kusvika abuda panze. Ndakaenda paiva pakagara Pardon akatsikitsira musoro vake pasi uku aiva aita kutsvuka maziso ake nekuda kwekuchema. "THEO zvakaoma dear, NdiSir, Munetsi vatanga tadanidzirwa kuoffice kwavo uku." Akataura achiwedzera kuchema zvekuti vana vakawanda vakaenda kunozara paoffice yava Munetsi. Hapana zvatakaoma kunze kwekuona mota yakasvika yekutakura varwere. Makaburuka vanhu vachimhanya vakapinda mukati vakabuda apa isu taiva tadzingwa kubva apa zvachose. Sophia akadanwa zvakare akaenda ikoko . Ini ndaiva ndakushaya kuziva chii chaiva chaitika kuna vaMunetsi uku. Vaiva vatakurwa kuendeswa kuchipatara. Head ndakaona mumaziso avo makaita kuzara misodzi vachingozunguza musoro vavo chete ini handina chandakaziva. "Pardon chii chiri kuitika pano?" Ndakadaro ndichimubvunza. "Theo! Mr Munetsi vadya zvinhu zvine mushonga hanzi Sophia ndiye auya nechikafu akatuma umwe musikana akapa vaMunetsi." "Mmmmmm no hazvingaita izvozvo Kani Pardon Sophia ndanga ndinaye apa." Ndakadaro asi zvaiva zvakaoma hazvo nokuti zvinhu zvacho kwazvanga zvavakuenda uku aiva ma1. "MAKUNA" Ndakanga ndichiita kubata denga nokuti munhu wese aiva akandisundira achasangana nemutengo vake. Hapana kuita mazuva maviri Tobi auya zvakare. "Sir, zvinhu zviri kuendeka hongu ndatadza kuona vabereki vake Munetsi anenge akavatizisa, so ndaita rimwe deal zvekuti muchanzwa kuti hakuchina Munetsi uku." Akadaro ini ndakaita kutsamwa chaiko nokuti ndakanga ndichida kumuuraya ndiri ini kwete zvekuisira mushonga izvi, ndaida kutanga kurwadzisa vabereki vake ndochizomupedzisa. Ndakabata Tobias hembe yake zvine simba. "Tobias, ndakakuti teera matsimba Ake kwete kumuuraya iwe vakutaura zvekuisa mushonga ndiani vavatambisa front yose iyi uye hazokudzokera kana kukunyudza here." Ndakadaro ndichiita kupererwa nokuti ndakanga ndarwadziva ndaida kuuraya Munetsi ndega. "Ndapa umwe musikana asi ashandisa kuti zvinhu zvabva kuna Sophia kwete kwandiri zvikangobuda ndokauraya kamwana aka now ndavakutsvaka Eliza ASI ndikamushaya ndichaita plan nevabereki vake ndisati ndatangana naSophia uyu uye jeri ratarisana naye zvakare." Akadaro Tobias moyo wangu vakanzwa kufara nekuda kwemashoko ake aya. Kana Munetsi afa zvinhu zvose zvanaka kana kudzokera kunodzidzisa ndinodzokera zvakare. "Tobias maths dziya dzakaramba kubuda wena uye ndine umwe munhu zvakare vandinoda unditsvakire ." Ndakadaro nekuona kutadza kwandaiva ndaita kubuda muchizarira . "Zvidiki diki izvi uye hamuna mazuva muri muno muchabuda manje manje zvenyu." Akadaro achisekerera zvekuti pakasvika umwe mukomana akanditi..... End of chapter 28 Be blessed 🙏 N