CHAPTER 25 TARISAI Kutaura kwakaita Mr Munetsi, kwakandirwadza pamoyo pangu. Handina kuziva tichaparadzana nenzira yakadai iyi? Ndakaedza kuzvishingisa ndakagara pedyo nawo tichitaura nyaya, asi misodzi yangu yakango ere kana yakubuda pasina zvandaiva ndaitwa. Ndakatoona ndikaramba ndiri apa zvasaita uye vaizofunga zvimwe ndachema nekuti ivo vataura nezvekuda Sophia, ndakaona zvakakodzera kusimuka. Ndakafamba ndichienda kuseri kwemba yasabhuku. Ndakasvika kugara pasi chaipo, nokuti ini ndaiva ndiri kuedza kuti ndisaenda namainini vangu nekuda kwekuramba ndichida kuona mashamwari angu aya pedyo neni. Moyo vangu vakarwadziwa uye kwekuvaona ndiko ndaizoshaya, ndaizosvika nei kwavanogara kuti ndivaone?. Ndakatanga kupukuta misodzi yangu ndavakuda kudzokera kwaiva kwakagara vaMunetsi. Ndakanzwa Mainini Tambudzai vaiva vari panhare vachiratidza vari kutaura nemunhu, ndakafamba zvishoma nezvishoma ndichiendako,ndakasviko mira pedyo ndakaterera zvavaitaura. "Ayewa! Ndinouya naye,apa ndiri kuda kutanga ndataura naye kuti zvinoita here auye onyorera matest ikoko, asi iwe uite munhu Kwaye kana achinge auya kwete zvedzungu" vakadaro Mainini ini ndaiva ndatadza kuziva munhu vaiva vachitaura naye ndiani.. "Mhamha! Ndikunzwa muri kutaura panhare asi muri kuda kudzokera nhasi chaiye here?" Ndakadaro ndichivabvunza. "Tarisai! Unoziva varungu wedu ava vavakutondinetsa, ipapa varikuti ngauye anyorera kuno. Ndizvo zvataurwa nemurungu vangu hameno unoti kudii?" Vakadaro ini pfungwa yavo yakanga isina kundiitira chaiko. "Mainini! Ini handione zvichiita zvamuri kutaura ndinoda kunyorera kuno pamwe chete nekuonekana nemashamwari angu, sei muri kuita zvinhu zvenhu nekukurumidza kudaro imi?" Kuita kwavo kwaiva kusisanzwisisika uye chekuita pakanga pasina kunze. "Tarisai hauna munhu anokutarisa! Ndiani achakwanisa kukutengera chikafu tarira varambwa natete vako pachena apa vakutaura zvemashamwari anokubatsirei muhupenyu hwako. Ukaona varuza mukana uyu hameno zvako." Vakadaro ini ndakavati ngavandipe mazuva ekufunga nezvazvo. Ndakafamba ndichienda kwaiva naSophia. Ndakasvika kuona akagara zvake uye kutoratidza akanga ari murima. "Tarisai zvavauya zvanaka, ndanzwa kuti vakura kubva kuno uku uchienda kure nesu, shuwa tichazoonana here kana kuti ndikokwatova kuonekedzana" mashoko aSophia aiva akanaka chose uye ndaiva ndisingaziwe shamwari yangu. "Sophia! Ndine zvandiri kuda kukuudza asi unofanirwa kuchengeta hana yako, Ne Munetsi vanokuda uye I'm happy for zvangu. Ndinokushuvirai kuita zvakanaka muhupenyu nokuti munokodzera kuve mose." Ndakadaro uku ndaiva ndichirwadzi moyo vangu. Munetsi aiva hanzvadzi yangu . "Tarisai ndakatarisa pameso pako uye ndirikuona maziso ako kutsvuka kudai zvirikuratidza uri kurwadziva zvakanyaya, kwete nekuti vakuda kuenda uko asi ndiri kuona nekuda kwerudo. Kutaura chokwadi unoda Mr Munetsi iwe ndiri kureva nhema here?" Akadaro ini ndakatadza kuziva ndopindura ndichiti kudii nokuti ndaiva ndabatwa. "Hongu! Sophia asi kana munhu achida iwe handina zvandingakwanisa kuita hazviite kuzvimanimidza panhu pasingaite, ndogamuchira zviripo pamwe kuenda kure nemi zvinoita ndikanganwe zvose izvi." Ndakadaro uye ndakazoswera ndakufara zvangu. Monday makuseni APA ndaiva ndichienda kuchikoro kekupedzisira sezvo ndaiva ndanzi Tuesday tiri kuenda tose nokuti Mainini vaiva vasingavimbe nasabhuku zvachose sezvo akanga achingotaura zvisingahwisisike. Ndakaona Pardon akatevedzana naTheo. "Tarisai zvavauya zvanaka dear, nyaya iri pano ndeyekuti ukandikuda ndokuitira chose chaunoda asi ini ndikakukunda unonditira zvandinoda." Akadaro achitoseka zvake ini ndaiva ndasuwa smile yake kunyangwe hazvo taiva tisiri mukomana nemusikana. "Tarisai, kuita kunge vasuwa kudaro kwakanaka here?" Akadaro Theo ini ndaishaya kuziva ndotangira papi kuudza umwe vangu uyu. "Tarisai! Ndirikuda kukubvunza zvangu." Akadaro achitaurira kunze dzangu. "Pardon! Zvavataura izvi handione zvichibudirira uye Mainini vakauya weekend iyi vakati vari kuda kudzoka Mangwana zvichireva ini handichadzidza pano pachikoro hameno tichazoonana rinhi zvachose , kudai ndaiva nefoni taipota tichitaura zvino zvose zvakakirirwa mumba naTete." Ndakadaro ndikaona Theo achiratidza kubatikana nekutaura kwandakaita uku. "Ok, ndazvinzwa Tarisai! Chandinokwanisa kukuudza kuti uzvichengete uye ubatsirike kwete kungoti sezvo ndiri nherera ndongomirira kutariswa, chimwe chinhu chihombe kunamata ukasanamata hameno zvako nokuti Satani ari pabasa rake. Ndinoshuvira uchaenderera mberi nechikoro zvako nokuti ukasadaro hupenyu hwako hunenge hwakatooma chaiko." Akadaro Pardon achindirova rova papfudzi pangu izvo ndaiti achatsamwa asi haana kutsamwa. "Theo ndinoshuvira kuti uchengete mukoma vangu uyu kuitira pandinodzoka handidi kunzwa zvakashata asi kunzwa zvakanaka. I hope muchawana vamwe Sir zvakare vane moyo kufanana naMr Munetsi." Ndakadaro ndikanzwa Pardon avakunditi. "Tarisai vakora vakutotakurana naVaMunetsi zvakare."akaratidza kupererwa uye ndakamuudza kuti ndaienda ndega ndisina umwe munhu. Zuva iri ndakaswera ndichionekans nevanhu kana mbuya vangu ndakavaoneka kunyangwe vakaenda vasina kuita good bye. Sophia, Munetsi, Pardon, Theo vakaratidza kupererwa uye kusiya kuda kuchema chaiko. Tuesday makuseni ndakaenda namainini APA ndaiva ndine mufaro ndichitoti murungu vavo akanga aine tsitsi kwazvo. Kusvika kwatakaita ndakanga ndichiti ndichaona baba mudiki, asi pakanga pasina munhu hanzii hameno kwavari kuSouth ikoko. "Mainini! Kuno kwatiri ndekupi nokuti ndatadza kuziva tiri kupi?" Ndakadaro ndaida kuziva zvakanyanya. "Imba ino iri maMutoko, uye uchanodzidza paMutoko district zvako kana munhu abvuma zvandinoda ndiite." Vakadaro uye shungu dzaive pakuda kupedza magwaro angu. "Tarisai! Kuno kwasiyana nekumusha uye kuno kune mitemo kwete zvenyu izvo, ndine munhu vauchange uchienda kunovachira hembe dzake zuva nezuva sezvo mari yekuti utange kuenda kuchikoro isati yavapo." Ndakatoshaya kuziva zvavakanga vavakutaura izvi. Hapana kuita nguva pakasvika umwe munhu takagara panze zvedu. "Tambudzai! Ndaiti ukureva nhema ini handina kuziva mwana wako akura zvakadai ini uye kana deal riya ndinoita chose nokuti vabereki vachema chema kumusha uku." Akadaro ini ndakatadza kunzwisisa zvaitaura zvacho. "Akura uyu kani maifunga ndaireva nhema here paya? Ndatouya naye ndaona angatambiswa kumusha uku nekusvika svika kwaakaita uku." Vakadaro Mainini ini ndaiva ndiri murima. Vakandibata ruoko vakapinda neni mumba mavo vakataura. "Tarisai, zvavadai vakura uye ndinoda udzidze hunhu. Murume uyu ndiye anonga achida kuitirwa basa uye umubate zvakanaka." Vakadaro tete vangu ini pandakada kubvunza mibvunzo yangu, vakavhava vhara vhara zvavo.... [TONDERAI MAKUNA] Ndakanga ndakwanisa Vhiki ndirimo muchizarira pamwe zvairwadza asi chekuita pakanga pasina. Ndaifunga ndobuda sei mukati umu. Ndakaona mugaurd achiuya pandainge ndiri. "Mr mune munhu anoda kukuonai panze apo." Akadaro ini ndakatadza kuziva akanga ari ani aiva achida kundiona iyi? Ndakabuda ndichienda kwaiva nevanhu vaiuya kuzoona vasungwa. Ndakatarisa ndatarisa handina kuona munhu zvakaita ndifungire Elizabeth. Ndakanzwa kubatwa bendekete rangu. Ndakacheuka ndikaona akanga ari Tobias. "Musavhunduka mudzidzisi vangu, kunyangwe ndakadzingwa chikoro,asi handife ndakakurasai nokuti ndakarwadziwa nezvandakanzwa kunzi muri muno.' akadaro ini ndakatofara nokuda kwekuti ndaiva ndazoona munhu wekutamba naye. "TOBIAS, taura nyaya yako handizi kuda kuramba ndiri muno uye ndinoda kuita something nokuti Munetsi, naSophia vanofanirwa kurwadziva chaiko ndoita sei. Uye ndiri kuda utsvake Eliza ndiye umwe anenyaya yose." Ndakadaro uye ndikaona avakunditi. "Sir, hapana imwe plan yatingaita nokuti musi weCourt unofanirwa kusvika mabuda muno ini ndichadeal nenyaya idzi ndinoda kutanga naMunetsi ndopedzisira naSophia nekutsvaka Elizabeth." Akadaro ini chandaida ndaida kuona Munetsi achichema mberi kwangu ndinoda kumurwadzisa zvehupenyu hwese. "Tobi, pano gara vabereki vaMunetsi unopaziva uye ndinoda kumurwadzisa unoziva zvazvinoreva i"ndakadaro ndikaona avakubata bata musoro vake. "Sir, ndine plan inoita mukwanise kubuda muchitiza. Torai kapanga aka and munoziva unoshandisa sei, mukazvicheka paruoko then vachakumhanyisai kuchipatara masvika ikoko muchaita mazuva uye munofanirwa kupukunyuka mumaoko avo ava kana zvaramba kuita izvi ndine imwe plan zvakare." Akadaro ndikaona zvaiva achitaura zviri izvo chaizvo zvekuti ndega ndskasekerera ndikapedzisira ndasunga kumeso kwangu ndikati..... [MONICA] Ndaishaya kuziva hunhu rudzi rwakanga ruchiitwa nemwana uyu uye kuita kwacho kwakaita kundirwadza. Kunze kwakasvika pakudoka asina kuenda kumba kwavo. Ndakatanga kubika ndapedza ndikati ndichadya kuma 7pm Taurai akapinda muimba yekutandarira nemusikana vake vakasimudza mapoto kwakutanga kudya vachidyira mupoto zvakandishaisa simba. Ndega ndakasvika pakubudisa misodzi zvekuti handina kurara pamba apa zuva iri ndakaenda kumashamwari. Mangwanani emusi wechitatu ndakadzokera kumba ndokusvikoenda kuroom kwangu ndakati ndichivhura ndikaona paiva nemubed hapana kunovhura munogara hembe dzangu ndakaona iri nzvimbo yega yega uku iye Taurai akanga akaita ku..... End of chapter 25 Ngationei munext kuti munei๐Ÿ‘‡ Mainini Tambudzai munhu akanaka here or kwete? Ndiani atora mubed vaMonica? Tobias na MAKUNA vanobudirira here? SSN 2 onsale.... Be blessed ๐Ÿ™