CHAPTER 8 Unedited TARISAI Ndaiva ndakarara pamakumbo ambuya vakabereka mai vangu ndichiita kushaya zvekuita nokuchema. Hongu pandakanzwa kunzi mbuya vaiva vafa handina kukwanisa kuchema ndakazochema ndatoona ndaiva ndarasikirwa nemunhu akakosha muhupenyu hwangu. Mbuya vaiva baba vangu ndivo zvakare vaiva Mai vangu, zvose zvandaida vainditira semwana vavo handifunge ndichawana umwe akaita saiwo ini. Zvinorwadza kusiwa nemunhu usina kana kutarisira uye haizi nyore kurara mazuva maviri nemunhu akafa mumba usingakwanise kuziva. Ndaiti ndikatarisa bamukuru ndaita kunzwa tsitsi nekubuda misodzi kwavaiita uye pakutanga vaifunga ndaireva nhema kuti mbuya vaive vafa. "Tarisai! Sei usina kundiudza kuti ndizvo zviri kuno? Vauraya mai vangu nekuda kwekuti ini ndikuitire zvose hanty?." Vakadaro ndakashingirira kuramba ndakanyara ndakaona zvakanga zvisingaite ndaitofanirwa kuvaoindurawo zvakare. "Ndingauraya munhu akandikoshera kuti zvidii? Kudai ndaida kuuraya ndakatanga imi nokuti hamuzive kukosha kwamai zvachose uye ini ndisina mai ndini ndinoziva kukosha kwavo nokuti handina. Manje imi munokoshesa mai kana vaona vafa, moyo yenyu yavakufara nokuti vaenda mavakusara muchiita zvamada pandiri. Kana mukabvunza Sabhuku anondipupurira pane zvose nokuti pandaikufonerai vaiva varipo muchiita kundituka muchifunga ndinoda mari yenyu iyi. Nhasi mavakuuya makaita kuzadza mota nechikafu hamuna kana basa nezvekurwara kwavaiita gogo ava." Ndaiva ndakuita kubudisa misodzi zvekuti mbuya vakandinyaradza vakati once zvapera handizi kusara pano. Ini ndakaramba nokuti hapana chandakanga ndichitya uye chandinotya ndiMwari kwete munhu akaita seni ini. "Mainini Tarisai! Mati makafona rutatu mukatukwa naTete wenyu ava uye nyatsotsanagurai timwe nokuti ini vanditi ndiTarisai arikungonetsa zvekurwara izvi ndatozvinzwira pano pamba handina chandiri kuziva ini." Akadaro murume vacho ini nekuona kuti ndingarwisanisa vanhu murume nemudzimai wake. Ndakasarudza kuvaudza vabvunze mukadzi vavo kwete ini nokuti mangwana zvinondiomera ndiye aifanirwa kutaura chokwadi chose. Hameno zvivindi zvekusatya ndaiva ndakazviona kupi chaiko uye ndakaona shasha yavakuita kunzwisa tsitsi uku ndakuinzwira tsitsi zvakare. Kana dziri dzimwe hama dzambuya dzakaita kushaya zvekuita pandakavaudza zvaiva zvakaitika nekutengesa kwakaita mbuya midziyo yavo. Havana kutsamwa kana kudii uye kuona paiva pakaiswa mwana wavo. Sabhuku ndivo vaiva vatsanangura zvose kuti sei vakachengetedza munhu nekukurumidza hama dzisati dzasvika. Mazuva aiva afamba apa ndaiva ndakuchitamba nhamo yangu ndega pasina umwe munhu kana ivo Tete kubva zvavakabva pavakauya havana kubvira vakafona kuti vanzwe ndaiva ndiri sei zvangu. Handina kuita basa nazvo nokuti kana ndakanga ndichida zvandaida ndaikwanisa tumaricho. Rimwe zuva ndiri muclass ndakaona Sophia achisvika pandakanga ndiri zvokuti Theo aiva akaita kuvhura maziso ake uku chiso chakaita kusungwa kunge hameno. "Tarisai! Ndinoda kukubvunza something but kwete muno mune vanhu umu hande panze pedu tega asi tanga kubuda iwe voenda kuseri kweblock uko nokuti kune vanhu vasingade kusaririra zvachose" Akadaro ini nekuda kuziva zvakangazvichiitika ndakatadza kuziva kusvika ndabuda panze. Handina kusiya mabook angu nokuti ndaiziva zvaisara zvichizoitika. "Sophia! Chii chavaita ndiuye pano taura nyaya yako nekukasika tione ndoda kunogara muclass ini." Ndakadaro. "Tarisai! Une Lucky zvako kuzvivanira munhu akanaka sa Mr Munetsi avo. Uye makore ako nawo anoenderana chaiko but ini ndakaedza zvose zvinaramba ndaifunga kuti pamwe ndikavapakurira poto sezvaakaita vachandida asi ndakarasirwa kure chaiko. Iwe ndiudze kuti uri kuzvigona sei?" Ndakada kuseka ndikati kwete rega ndione paiva nepfungwa dzemunhu uyu. "Sophia! Mirira nguva usamhanyire kuita zvose zvose uye kungoda kupa munhu zvaasina kukukumbira zvachose ehe ko ini ndini ndaita sei ndiri munhu wenyama ndinoda munhu anondinyaradzawo." Ndakadaro ndichitoreva nhema handina kuziva munhu akanga atotsamwa ndakaona nekakudaira kaiva achiita zvokuti akabva pandaiva achindisiya ndine mibvunzo yakawanda. Kana ari Theo aiva achigara akanyarara asina kana vaitaura naye uku taingopfuudzana. Nguva zhinji ndaitira basa Mr Munetsi uye vaindipa mari ndisina kuvakumbira zvavo. Vaiva munhu ane Rudo uye asingafarire zvekutaura zvakaita ndinzwe shungu dzekuda kudzidza ndisashorwe. Rimwe zuva ndaiva ndakatovarairwa zvangu ndakagara muclass ndakanzwa kubatwa musoro vangu nechekumashure uku ndakacheuka ndiine maziku hasha ndichida kurova munhu uyu mbama. Apa ndakaperera kuona aiva umwe mukomana aiva munyowani pachikoro akaita kunditarisa mumaziso chaimo ini ndakaratidza kupererwa chaiko kuita kunzwa kunge ndoda kuzvitira weti nekuda kwezvaiva zvakaita mukomana uyu handikwanise kutaura zvokuti pfungwa dzangu dzakamboenda kure chaiko. "Ndiri kuona uri kushamisika dear. Ndati Rega ndiuye pauri nokuti handina munhu wekutaura naye ndosaka ndasarudza iwe zvangu sepalunch kudai." Aita kutaura nekanzwi katete tete zvekuti ndaiva ndotadza kuziva zvandiri chaiko uye kungomhanyisa maziso kuda kuona kuti hapana akanga achindiona here. "Gara zvako necheapa asi handifarire kutamba nevanhu komana zvangu ndisati ndapedza zvakaita ndiuye pano uye shungu dzemoyo wangu dziri pakuda kudzidza ndipase ndikwanise kuzvichengeta nokuti handina munhu anonditarisa." Ndakadaro ndokuona mukomana andibata ruoko rwangu hameno zvazvaingoita so. "Tarisai! Tose takauya kuzodzidza kwete kuzoita musikanzwa pachikoro. Hazvina zvazvinobatsira uye kuva dofo hazvirevi hauchisiri munhu zvachose ndanzwa tsitsi nekutaurwa kwavanga uchiitwa nevanhu wemuclass muno ndosaka ndati ndiuye tiite mushandira pamwe tichibatsirana tichienda zvakadaro dear." Ndakafara kunzwa mashoko akanaka aya zvakaita ndiseke zvakashamisa vaiva umu nokuti hapana zuva rimwe zvaro randakabudisa zino rangu kunze kana kuseka nokuda kwezvaiitika. Iye akango nditi.... MR MUNETSI (JERRY) ndakanga ndichirwadziva nezvandainzwa mamwe mateacher achitaura. Kuvenga kwavaiva vakaita Tarisai ndaitadza kuziva kwaibva kupi chaiko kuzoti kudanana nevana wechikoro. Ini ndakanga ndakakuriswa nevabereki vangu uye vaiva vari vapenyu zvavo. Pachikoro chandaiva ndakadzidza chainzi Chatiza ndikazopedza zvidzidzo zvangu zveteaching ndikaunzwa pano dzimwe dzenguva ndaigara room yangu pachikoro apa ndisingade kuenda kumba zvangu. Kufamba kwaiva kuchindinetsa kuenda kumba nekudzoka zuva nezuva. Ndaiva ndine makore 33 ndakanga ndisati ndakura zvakanyanya. Ndakanzwira Tarisai tsitsi kwete kuti zvekumuda asi kungorwadziva zvangu ndakasvika pakumubatsira kubva zvakafa mbuya vake akanga ava kuwacha nekusuka maplate angu pandaigara ndomupa mari yekushanda kwaiva aita. Zuva rakaitika mashura muoffice mangu ndakadanwa kuoffice kwaHead ndakaenda ndiine mufaro asi ndakasvika kuudzwa zvakandinetsa. "Mr Munetsi! Ndati muye ndinoda kunzwa zvakazara pamusoro penyu naTarisai. Last time makati aida kubatsirwa and now anowanikwa kumba kwenyu zuva nezuva zvichirevei izvozvo nokuti mutemo hautendere kuti teacher adanane nemwana wechikoro basa rinopera." Ndakaita kunge ndichadonha nekunzwa mashoko aya. Ndakatadza kuziva kuti kwangu kubatsira kwaiva kwakaipei chaizvo uye ndakazviudzwa kuti ngavafungire zvavo izvozvo asi handizi kusiya basa rangu. Ndakabuda ndokudzokera kuoffice zvekuti pakauya Tarisai ndakamubvunza akati akanga azvitaura nokuti aiva achida kushotesa Sophia. Handina kuzotaura zvakawanda uye mwedzi pavakapera ndakamubhadharira nekutenga mabook nokuti mukomana vaiva akutamba naye ainge akumudzidzisa kuverenga avakugona. Dambudziko rakazouya rimwe zuva ari makuseni apo ndakanzwa kunzi muform 2 maiva makanyorwa mashora pablack board pamusoro pangu naTarisai zvekuti ndakaenda uku mamwe mateacher aiva azara and zvechokwadi ndakasvika nekupererwa nezvandakaona. Uye ndakapererwa nemashoko uku ndakatarisa Tarisai ndikaona akaita ku... End of chapter 8 Be blessed