Chapter 18 [MONICA] Hongu murume wangu akanga andiregerera, kubva muzvitadzo zvandanga ndamutadzira. Hameno kuti pfungwa yakanga yandipinda ndeyei. Kusvika pakutadza kuziva zvandaiva, zvose zvaikonzerwa nekusada kufungiswa zvinhu zvakadarika kukare. Ndizvo zvakanga zvichindirwadza hameno kuti chii. Chakanga chichiitika kwandiri. Kudai pasina Tarisai uyu ndingadai ndakatoendeswa kumusha kwedu. Asi Ndinotenda Mwari nokuti ndakaedza kutsanangura zvandakanzwa uye nezvakazotaurwa na baba Taurai kuti, Tarisai ndiye akanga akwanisa kuvadzora. Ndakamboda kutanga kupopota ndichidii, asi ndakaona kuti mashoko akataurwa navamwene vangu akanga ane marwadzo akandichenedza. Nokuti ini ndakanga ndisinga zivi, kuti vanhu vacho vandinenge ndichisekerera vanenge vasinga ndidii. Uyo wandinenge ndichivenga ndiye anenge achindida asi ini ndinenge ndisinga zvioni zvese izvi. Vakataura mashoko akawanda uye mamwe acho akasvika kundirwadza pakati pemoyo wangu zvokuti ndakatobudisa misodzi chaiko. Ndava kurangarira mai vangu vakafa nekuda kwangu. Kudai zvimwe ndakaterera Tarisai, ndakakasika kusvika ndakavaendesa kuchipatara, pamwe ndizvo zvakukonzeresa zvese izvi muhupenyu hwangu; nokuti handichaoni chii chiri kuitika mukati meupenyu hwangu. Ndaneta ini ndava kuda kuita munhu kwaye, ndakuda kusiya mabasa aya akaipa. Ndakachema zvese nekushungurudzika kuti, chokwadii pandaiva ndiri zera ra Tarisai vakanga vachindiitira zvese. Vachisarudza kuita chii zvacho zvose kuitira ini ndikwanise kuita raramo yangu yandava nhasi iyi. Ini ndipo pandovarasa zvakadai? ndakaona kuti ndakanga ndatadza zvakawanda misodzi yangu yakasvika pakubuda ndokusimuka paiva nevanhu ndokuenda muroom mangu ndakasviko zvivharira ndikatanga kuchema imomo. .Ndichitaura ndingori ndega. Hongu mhamha ndinoziva kuti ndakakutadzirai handina kuziva kuti zvakaitika izvi. Uye ndakakundwa nasatan kusvika pakupa mwana wehanzvadzi yangu neckless yandaiva ndakagadzirisa ku n'anga kuti aite dofo asakunde mwana wangu zvino mwana wangu ndiye ava dofo remakoko. Uku haachanzwi avakuita zvaanoda pamberi pangu zvinondoita sei ndiyo Shamhu yangu yava kundiranga nayo here? Iyi ekuita mabasa akaipa kwangu. Please ndinzwireiwo tsitsi mundiregererewo pane zvandakaita zvese. Ndakadaro ndichitaura ndega. Ndikaona kuti kuramba ndiri pano ndisina kuenda kunoona Tarisai zvinhu zvinogona kukonzeresa. Ndakafunga kunoona Tarisai asi, masvikiro ndiwo akanga achinetsa. Uye nyaya dza Taurai ndidzo dzakanga dzichida kugadzireswa nokuti akanga adya mupfuhwira . So akanga kurutsiswa nokuti akasarutsiswa angazoramba achinetsa. Ndaitofanirwa kudzokera ku n' anga kwandaiva ndaenda ndinonzwa kuti ndodii. Kana zvichinge zvaramba ndotoona zvekuita nokuti ndatambura naye. Ndakasvika paku chema ndiri ndega mumba. Hapana kuita nguva amwene vakapinda muroom mandaiva. "Muroora zvinowanikwa kwaiva kutaura kwekugumhuka chete uye ndiri kuona uri kuchema zvinonzwisa tsitsi kudai?" Vakadaro ini ndaiva ndarwadziva zvakanyanya. Ndakaerekana ndabvunza mhamha kuti..... MR MUNETSI Kunzwa kwandakaita nezvakanga zvaitika unekuona Makuna aiva ane ropa pahembe yake zvaindinetsa. Izvi zvakaita ndiedze kuda kubatanidza kana ainge akuvara, asi handina kuona paiva akuvara pacho. Ndakadzima pfungwa yekumufungira zvakashata iyi, nokuti ndakanga ndichifunga Tarisai kuti dai akasika kupora akwanise kunyora maexam nevamwe vana vechikoro e mid year. Ndakasimuka muoffice mangu apa ndaiva ndafunga kuenda kuna Tonderai, zvokuti ndakatanga. Kufamba ndichienda kuoffice yaMr Makuna, uyo aiva ari mukati muoffice yake zvake. Ndakaknocker nekupinda nguva imwe chete ndokusvika nekugara pamusoro petable yake. "Munetsi! Unosvika nekugara pamusoro apa kwakana here uye vauya kuzondiudza kuti vakazviita here kumusikana vako uya." Akadaro ini ndairamba ndichitarisa mukati umu pane zvandakaona panguva yandaifambisa maziso angu umu. Handina kuda kuchenjedza nyamukuta zvangu, nokuti ndaiva neimwe tsoro yaiita ndikwanise kubudirira. "Makuna! Unoona sei nyaya yekushaikwa kwaSophia iyi? Ini zviri kundinetsa uye moyo kuramba kuti akatizira nokuti ndinomuziva mwana uya plus anenge akapondwa chete." Ndakadaro ndikaona Makuna achiita kutura befu chaiko. Uye mastatement akataura handina kuda kumanzwisisa chaiko. Handina kubvira ndakamuchenesa panyaya iyi uye ndichagara ndakateya mariva angu kwaari pose paenda ndofanirwa kumutevera. Ndakada kumubvunza asi ndakaona ndinenge ndakasika ndakati regai nditange ndatsvaka umbowo hwakakwana kuti nyaya iyi ite. Ndakazobuda ndakudzokera uye dzakanga dzava nguva dzekumanheru ndakaona munhu atora kagubhu kuenda kuchibhorani zvaisaziva kuita ndakamutevera kumashure kwake ndokuona paiva neumwe musikana asi aiva akazvivhara kumeso kwake. Zvose izvi ndakanga ndichizviona ndakahwanda. Ndakaona asiya chigubhu pabhohoro akaenda nemusikana uyu ini ndaiva ndiri kumashure kwavo ndichiita zvekungo hwanda hwanda. Ndakasvika pedyo nepaiva apa ndakanga ndiri mukasango ndichiona zvose. "Eliza! Uri kuona zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Tinofanirwa kumukanda mugomba umu uye hafanirwe kurarama akararama chete pedu patiperera chaiko. Chimwe chinhu chandaona masikati ndechekuti, Munetsi anezvaanga ari kutarisa uye akaona ropa zuva riya. Izvi zvinogona kuti kanganisira madeal edu toita sei?" Uyu aiva Makuna Tonderai handina kuziva angaita zvinhu zvakaipa kudai. Ndaiva ndavatora video pavaitaura pose uye ndakanga ndakabvisa paflash sezvo kwakanga kune pamwedzi. "Bbie ukutaura chokwadi, kana zvichibvira tikapedza izvi tinoenda mumba make tosiya tamuuraya imomo hapana anofungira tisu tazviita uye imi muchitora Sophia kwaari uko ini regai ndimhanye ndinotora zvinhu zvacho zvekuti timuponde afe.." akadaro zvose zvaiva zviri munzveve. Ini apa handina kubvira ndabva nokuti ndakaziva Makuna achauya apa. Hapana kuita nguva yakakura zvokuti Makuna aiva akaita kutakura munhu aiva muchipepa. Akasvika kumukandira muchigoronga chaiva chiri apa ndokufamba achienda kwaiva abva. Panguva iyi ndakamhanyira kunobudisa Sophia nekunomusiya kure kwete zvakanyanya ndokuzadza zvimuti nezvimatyira zvakati wandei. Pandakanzwa mafootstep ndakabuda umu handina kuenda kure ndakanga ndichida kuona. Ndakaona kuti ndikaramba ndiri apa paigona kuitika zvimwe kana kuonekwa sezvo ndaiva ndanemaphoto nemavideo. Ndakatakura Sophia pafudzi pangu uku aiva achibuda ropa. Ndakanzwa kuti ainge ane foni muhomwe yake ndakaitora ndokuisa battery handina kuita on panguva yacho. Ndakafamba ndafamba ndakaona ndavakure ndipo ndakaita on nekutanga kupinda mamassage akawanda ndakakwanisa kuenda pane number dzaiva dzakanzi mhamha ndokutii.. "Maswera sei mhamha! Sorry nekusakubatai kwemazuva maviri aya uye kusaonekwa kwangu kuchikoro pamazuva maviri ava. Ndinoda muzive ndiri safe uye ndaiva ndatizira ndinouya ndokuudzai zvose musandityira zvenyu." Ndakadaro ndapedza ndakaiti send. Ndakaona ichiraridza yaiva yaenda. Ndakadzima nhare kuitira kunetswa. Ndakaona kuenda kumba kwanaTarisai kuri iko chete kwaisazirikanwa nevanhu nokuti ndaida kumusiya ikoko atange apora toona zvekuzoita kubva ipapo. Ndakafamba ndafamba kudzamara ndasvika pamba pana Tarisai uye akanga achiratidza aiva atorara zvake.. "Aaah Sir munouya kuno husiku kwakanaka here ndanga ndatorara ini." Akadaro achiratidza kupfeka mapush ake kuuya kuzovhura gonhi. Kuvhura kwaakaita Door ndichimuona kudai, akaita ku........ [TARISAI] Ndakaita mazuva maviri ndisingaende kuchikoro nekuda kwekurwadziva nemusoro vangu. Pose pandaingofunga Pardon vaita kakurwadza hameno chaiva chiri chiii nokuti ndakanga ndisina kusvika pakuda munhu zvakadai. Uye kurwadziwa kwandakaitwa ndichinzwa kunzi ane musikana iye asina kundiudza ndakaona zvakangonaka kusiyana naye pamwe vangu achauya sezvo akati ini ndiri hanzvadzi yake. Mr Munetsi vazongoita zvavo teacher vangu kudai vaiva vasiri uye ndinoda murume akaita saivo. Kupora kwakaita musoro vangu ndwkaswera ndichigadzirira Mangwana kuenda kuchikoro zvokuti kupedza kugeza kwandakaita ndakapfeka kamwe kaskirt kandaiva ndakatengerwa naMbuya vangu vachiri mupenyu. Ndokupinda mumagumbeze. Hapana kuita nguva ndichangobatwa nehope ndakanzwa kugogodzwa kwedoor ndakatanga kunzwa hana yangu ichiita kurova chaiko zvokuti pandakazonzwa kuti ndi vaMunetsi ndakanzwa kufara uye ndakazoti nechemumoyo. "Kwakanaka here zvauya nguva dzino?" Ndakarangarira mashoko akataurwa naTheo rimwe zuva achiti kana mateacher anokunzwira sugar, basa ndiro rinovasungirira chete. Ndakavhura door ndokuona vaMunetsi vachishandika nezvandaiva ndakapfeka zvokuti ndakavati pindai zvenyu mumba. Ndakazonyara kuona vachinogara pedyo nepaiva nemabhurukwa angu. Uyu Sophia aiva aiswa pasi pedyo nepandairara. Ko makanga mune mubed here? Imba yandairara ndeya mbuya sezvo paingova nembiri chete. Ndakabvisa pfungwa yekufunga zvisina basa ndokuvabvunza ndichiti.... End of chapter 18 Ndanyora nokuti ndaona kuchema kwenyu. Don't forget to join WhatsApp group...... Patrick stories Love's you guy's 🙏