CHAPTER 24 MAKUNA Ndakanga ndatamba nemadhaka pakanga pasina mvura chaiko. Kuita kwaMunetsi kwakaita ndishaye mate mukanwa chaiwo. Handina kuziva zvinhu zvichasvika pakuchinja zvakadai. Ndaiva ndiri kunzwa kuti ndiri mumarwadzo andakanga ndazvipa ndega kudai ndaiva ndakaziva ndisina kusvika kwese uku. Ndakabata banga ndichida kubaya Munetsi pachest pake. Asi zvinhu zvakaenda nepamwe zvezuva iri. Ndakatanga kutetemeka ndakaribata kusvika radonhera pamusoro pegumbo rangu richibaya ropa rikati ratanga kubuda. Ndakaedza kuzvishingisa semurume asi zvakaramba. Hapana kuita nguva pakauya mateacher uye ndaiziva vaiva kudivi kwangu vamwe vacho asi murume uyu akandikandisa mapfumo pasi chaiko. Zvinhu zvakataura zvakandikatya madza chose. Handina kuziva Munetsi aiva oita basa remapurisa iye ari muteacher kudai? Ndakazonyara pakabudisa zvose zvaiva zvichindisungirira. Ndakanyara kushaya pekupinda zuva iri zvekuti mumwe neumwe akanga achitaura zvake. "Mr Makuna! Ichokwadi here chatiri kuona nezvatiri kunzwa zviri kutaurwa apa?" Vakadaro headmaster vaChinake vachitaura neni. Ipapo ndakatsiki tsira musoro vangu pasi nekunzwa marwadzo andakanga ndinawo zvose nekubatwa nenyadzi dzezvose izvi. "Hongu! Zvose izvi ichokwadi chaiko." Ndakadaro uku ndaiva ndichisungwa gumbo rangu neumwe munhu zvekuti mateacher akaratidza kupererwa sezvo vaifunga pamwe Munetsi aiva areva nhema dzake ega kana kueditor zvake nezvavako mazuvano izvi. "Hanti unoziva mutemo zvaunotaura nezvavaita izvi. Nokuti zvinoreva waimanikidza vana kurara nawo iwe neumwe vako munofanirwa kurara mava kujeri nhasi chaiye. Uri munhu rudzii? Isu taiti mwana atizira iwe uchida kumuuraya, chaakatadza chii? Mateacher zvakamauraya kwaiva kuri kuda chigaro here." Vakataura zvakawanda headmaster uye nekutenda Munetsi nezvaaiva aita izvi. Ini basa raiva ratopera sekutamba uku ndakanga ndatarisana nejeri guru kwazvo. Mumoyo ndakazviudza kuti handizi kuzogarako ndichaita plan chete nokuti kunyadziswa naMunetsi ndiko kwaiva kusingaite ndichatoona ndingaita sei chaizvo izvo. Ndikadzamara ndabuda pakati pake iye naSophia pane munhu umwe chete achafa chete asi ndinotanga nevabereki vake kuti anzwe kurwadziwa. Mapurisa haana kunonoka kusvika apa uye kutsvakwa kwakaitwa Elizabeth haana kuonekwa pachikoro zvose nekumba kwacho kana vabereki vakatoratidza kubatikana nazvo izvi. Zvaireva Eliza akanga angwara kutiza mhosva achisiya ini, apa ndakanga ndati ndagona kuenda kun'anga ndisingazive ndakanga ndichizvicherera gomba ndega. Kusvika kwandakaita kujeri ndichiona vamwe vaivamo ndakamirira nyaya yangu kuzotongwa ndaiva ndichifunga dzimwe plan ndirimo nokuti Munetsi aiva aita basa rangu ripere uye kusvibiswa kwezita rangu hazvingopera zvakadaro azviite, ndaito fanirwa kutsvaka munhu anondibudisa muno. [MUNETSI] Ndakaona Elizabeth asisipo panzvimbo zvakaita ndishaye kana basa nazvo nokuti ndakanga ndichiziva mapurisa avakumutsvaka kutaura kudai. "Munetsi vaita basa guru kwazvo iri, vashoma vanokwanisa kuita zvakadai izvi" vakadaro Mr Chinake. "Sir ndaitira vana vatambudzwa ava uye vakanzwa kuti murume uyu aenda kujeri vachafara chose" ndakadaro ndichifamba nawo kuenda kuoffice kwavo sezvo yakanga iri Friday. Takasvikopinda mukati ndikatanga kutaura nawo. "Mr Chinake! Handiziwe muchazvigamuchira sei zvandinoda kutaura izvi uye hakuna umwe anofanirwa kuziva zvandichakuudzai izvi." Ndakadaro ndikaona murume mukuru avakuita kushaya zvekuita. "Munetsi, ndinovimba zvaunoda kutaura hazvisi zvekusiya basa nokuti uri kuona mateacher ari kushota pano pachikoro. Uyu Makuna zvadai hachadzoka pano." Vakadaro vachiedza kuda kundionesa uye zvandaida kutaura ndakanga ndichiitira hupenyu hwangu kwete umwe munhu. Ndakazvipira kutaura zvandakanga ndichida kutaura. "Handina dambudziko pano pachikoro, asi izvi ndiri kuzviitira nekuda kwehupenyu hwangu nokuti handiziwe vanondifarira nevasingandide pano pachikoro.ndaona zvakanaka uye kuti ndimbobva pano ndiende kune chimwe chikoro chiri kure nechino zvacho." Ndakadaro ndikaona murume mukuru avakushaya zvekutaura akaita kutura befu zvandakanzwa. "Zvavataura handirambe zvachose uye nezvaitika izvi ungafira pano pachikoro, asi tichasara takasurukirwa chose nokuti une rudo nevana wechikoro hauna rusaruraganda kumunhu." Vakadaro vachitaura nezvimwe zvaiva zvakawanda zvekuti neni ndakaona zvisina kunaka asi paiva pasina zvekuita. "Next term ndinenge ndava kudzidzisa kumwe kuMutoko high Sir" ndakadaro zvekuti ndakaona ndaiva ndarwadzisa murume uyu. "Ndinoshuvira kwauri kuenda uchabata basa rako zvakanaka sezvavaiita pano apa. Vakadaro zvekuti ndakazobuda ndokuenda zvangu ndiine mufaro asi ndairwadziwa nokuti Tarisai kana Sophia ndaisada varambe vari pano pachikoro apa. Uye pfungwa yangu hameno kana yaikwanisa kushanda sezvo vabereki vangu vakanga vakuda munhu anogara achivaona uye ndakaona kuti sezvo ndakuda kubva apa ndotorana naSophia anodzidza paChatiza achigara kumba kwedu. Pachikoro paChimoyo ndakanga ndichirwadziva kusiya nzvimbo iyi kunyangwe hazvo ndaida kukudziridzwa. Zuva iri handina kuenda kunoona Tarisai kana Sophia nekuda kwekuneta. Makuseni ndakamuka kumark mabook ose ndikapedza. Ndakageza ndikabuda kuenda kunoona Tarisai naSophia. Ndakasvika ndichiona pakavharwa zvakandinetsa Ndakazonzwa kunzi vakanga vaenda kwasabhuku uku zvekuti ndakaenda uku ndakasvika kuona variko neumwe mukadzi. "Sir zvamauya zvanaka uye ndoda kukuudzai nezvekuenda kunogara namainini vangu munin'ina vamhamha uyu." Akadaro Tarisai zvekuti ndakamubvunza ndichiti.... "Une shuwa nezvauri kutaura here? Uye hakuzoitike zvimwe here ikoko kwauri kuenda uko." Ndakadaro uye ndaiva nezvandakanga ndichida kumubvunza. "No Sir, uye ndichange ndichiuya kuzokuonai zvangu apa next term ndenge ndisisadzidza kuno zvangu uku ndenge ndakudzidza kunogara Mainini vangu ava." Akadaro ini ndakangoti hazvina kuipa hazvo nokuti ndiko kunenge kune hama yako kuno hakuna. "Tarisai ndati ndikuudze zvakare kuti ini ndiri kubva apa pachikoro zvakare next term ndinenge ndava kudzidzisa paMutoko high, hanti uri kuziva dambudziko raita ndibve apa nderei zvako. Asi ndinoda kubvunza kuti zvandinoda kuita zvoita here nekuti handiziwe ndotangira papi kutaura nyaya yangu uye munhu anochinja zvakare." Ndakadaro zvangu. "Sir taurai nyaya yacho hainetsi kukubatsirai." "Tarisai! Unoziva handisati ndakandoudza munhu kadzi kuti ndinokuda asi pana Sophia uyu ndaona kuti anokodzera kuti tifambidzane, zvakaitika zvakaitika kare now tava nezvimwe, hazvirevi kuti ndava kumugurisira chikoro panzira kwete anotanga apedza zvidzidzo zvake then tozoroorana mberi uko." Ndakadaro ndikaona Tarisai aita kutarisa kuside ndikaona avakuita seanopukuta maziso ake, akangosimuka asina kutaura achiii.. BABA TAURAI "Mark! Unonyanyawo iwe uye ndizvo zvavakuda kusira basa zvisina kana nebasa rose izvi? Kana iye achikufungira zvakashata pamusoro pako pekubatsira Mainini ingozviita zvee." Akanga ari shamwari yangu aitaura uye ini handina kutaura chii chaiva chanetsa nokuti handingataure kumunhu wese wese kunyangwe zvidi, handifukure hapwa pose pose. "Tarira uone izvi hazvifadze zvachose zvateketera nepa social media yose kuti ndizvo zvauri kuita." Akadaro achindiratidza ndikaona riri photo randaiva ndakagara ndichiwacha hembe dzangu zvakandinetsa ndiani aiva anditora kudai. Chokwadi hupenyu ivhiri, Mangwana zvinhu zvinomuka zviri pamwe. Kubva zvafa ambuya vangu hapana kugarisana kwandakaita naMai Taurai ava. Kana pakurara chaiko mumba tose taitova varume hakuna kubata umwe vangu kwandaiita nokuda kwekuti akanga asisandione seumwe vake zvakarwadza moyo vangu kusvika pakusiya zvose ndoenda kure kunotanga kurarama hupenyu hwangu husina umwe munhu. Pose pandaibva kubasa ndaisvika munhu ari busy nenhare yake uku mumba musina chinenge chirimo zvekuti unoita kupererwa nekuita kwake uku. Ndaisvika nekuzvibatsira nokuti ukamubvunza aikwanisa kukuudza kuti, muromo uri kuda kudya ndevangu here kana ndevako iwewe? Zvaita ndishaye zvekutaura uye kutoona iri mhepo chaiyo ndosaka ndazvipa nguva ndiri umwe chete. Ndakatoziva achaenda kumusha kuno nditarisa chete nokuda kwekufungira nhema. Zvakataurwa neshamwari yangu zvaiva zvisingaiti zvakaita ndisiye basa ndiende kunotsvaka rimwe basa. Mwana vangu ndaiziva kwandinomuwana nekumupa zvaanoda nekuti Monica zviito zvake zvinorwadza uye ndinoda kuona kuti anoita sei nehutsinye hwake. End of chapter 24 Next chapter ngatione kuti Tarisai achazvigamuchira sei izvi zvataurwa naMunetsi. Pardon paanonzwa kunzi Tarisai avakubva pachikoro apa anoita sei? .