CHAPTER 23 THEO Musi wanda bvunza Pardon nezva Tarisai kuti akanga ari kupi ndakanzwa moyo wangu. Kufarari Pardon, asi ndaishaya kuti ndomutanga sei. Mangwana acho Tarisai akabva auya kuchikoro. Asi ayiratidza kuti pane zviri kumunetsa nokuti akanga asingadii kutaura na Pardon ndakazoona vamira vakutaura ndakavasiya vachitaura kusvika vapedza nyaya dzavo. Tarisai akazouya achinditora tichienda ku class kwedu. Takadzidza hedu zvakanaka, asi ini moyo wangu wakanga uri kuna Pardon ndakanga ndonzwa kumuda chaiko. Nokuti ndakaona kuti Tarisai akanga asina basa nazvo. Saka ndakaona kuti kutoita nditore mukana iwoyo hangu kudanana naye ini. Asi kuti ndoita sei manje kuti ndimutange ndaishaya ndotuma ani. Kuti ataure naye nokuti munhu wacho ayiratidza kuti haadi zvisina basa padhuze naye. Ini moyo wangu waiva waperera paari chero ayiva asina hake kundida but ini ndaiva ndamuda chaiko. Tarisai wacho ndaishaya kuti ndomuudza sei. Nyaya yangu yaindinetsa . Nokuti Pardon akanga atora moyo wangu chaiko ndakanga ndamuda chaiko. Patakazodaidzwa na head ini na Tarisai pakasvika vabereki va Sophia ndakanga ndakutya. Kuti pamwe vauya kuzokwidza nyaya yekushaikwa kwa Sophia kumapurisa. Asi ndakazofara ndanzwa kuti Sophia akanga awanikwa ari mupenyu. Zvinhu zvakandifadza chaiko kunzwa zvakadai. Nokuti ndakanga ndisina kutarisira izvi. Patakabuda ndakaedza kuda kuudza umwe wangu zvaiva pamoyo, asi ndakanga ndichishaya matangiro plus nyadzi dzandaiwa ndinadzo. Takasvika kuenda kuweekend ndisina kuudza Tarisai zvandaiva ndichifunga, uye kunzwa kuti anoita sei. Weekend yakasvika pakupera ndisina kana kuverenga ndichingofunga munhu asati akandida uyu. Uye kuona ndatopinda machena chaiko nekuda kwemuface. Handina kuzvitsvaka nezvekuti Monday yaiva zuva rekutanga maexam emid year. Ndakamirira Tarisai pamashops makuseni ndaiziva achapfuura achinditora chete ndovhandamuudza nyaya yangu yandaifunga kana zvichiita. ELIZA Pandakaona kuti Mr Makuna vadzoka nhasi vakanga varipo. Ndakabva ndaenda ku office kwavo. Nokuti ndaida kuvabvunza kuti vakanga vazodii nenyaya yedu. Nokuti ini ndakanga ndakuda zvekugara navo chaiko. Ndakati ndichisvika ku office kwavo ndakaona vachiratidza kuti vakanga vasingadii kundiona pavari, asi ini handina kumboita basa nazvo. Ndakazorwadziwa nemashoko akataurwa na Mr Makuna. Ndakasvika pakuchema ndakabva ndabuda mu office mavo. Ndikaenda kwakanga kune vamwe vana asi ndakano gara kwangu ndega. Pasina nguva ndakaona Mr Munetsi vava kuenda ku office kwa Mr Makuna. Vakagara kwenguva chaiko vasina kana kubudamo. Ndakasvika pakuenda kuno mira pamu kova. We office yava Makuna ndakanzwa vanhu vachiita sevari kunetsana . Pasina nguva ndakaona Mr Munetsi vachibuda umu. Ndakatarisa mukati ndikaona Mr Makuna vakabaiwa gumbo nebanga. Ndakatanga kunetsana na Mr Munetsi kusvika head nemamwe ma teacher vauya kuzonzwa nekuona kuti chii chaitora nzvimbo. Mamwe ma teacher akanga akutaura kuti Mr Munetsi vataure nyaya yavo nekukasira mapurisa asati asvika. Asi zvakazotaurwa na Mr Munetsi ndizvo zvakandipedza simba. Chaiko ndakanzwa mamwe ma teacher akungotii aaa zvese nekubata muromo. Ini pandakanzwa zita rangu richitaurwawo zvese nekuziva nyaya dzangu na Mr Makuna. Ndakabva ndanyangarika payiva nevanhu. Ndakamhanya ndichienda kwandaisaziva chaiko nokuti, ndakaona kuti nyaya iyi. Yaizondiuraisa chaiko kuita kufira mujeri ndiri mwanana. Kana mhamha vangu handina kuvaudza kwandaiva ndaenda ndakabva ndatodzima phoni yangu kuitira kuti pashaye anokwanisa kundi phonera. Nokuti ndakaziva nyaya iyi mapurisa anotonditsvaka chete. Saka ndaida vatadze kundiwana ndaitoda kuti ndikakwanisa kuwana mukana ndaitoda kubuda munyika muno chaiko. Nokuti Jeri raiva ratarisana neni ndaisari kunda ndaifiramo. .. Ndakabvumawo kutamba nemhondi zvese nekufuririka kuitwa zvinhu zvakaipa. Ikozvino mabasa edu akuzoti zvimbira manje. Ndakashaya kuti Mr Munetsi vaiva vazviwana kupi zvinhu zvese zvavaitaura. Kuita kurondedzera zvese zvatakaitika chaizvo, ndakanga ndakungo famba ndakabatira hana mumaoko chaiko kuri kutya kungoona ndabatwa. Ndaiita kufambira musango nokuti muroad ndaitya kuti pamwe vanhu vatoudzwa nezve nyaya yangu ndikabatwa hangu , ndichiri kuda kufara ini. Kwete kuenda kujeri ndichiri mudiki hamenowo kuti, ndakabvuma kufuririka sei kupinda munyaya dzakadaii. Rudo chinhu chakaipa chaiko nguva yese ndaisaona kuti Mr Makuna vari kuda kutamba neni. Ndaiona sevanondida izvo vari kuitira kundishandisa havo. Ndaifunga zvese izvi ndichingofamba hangu ndiri mukati mesango kwandaienda kwacho ndiko kwandaisaziva. Chandaingoda chete kubva patsvimbo apa pachiri nenguva vanhu vasati vatanga kunditsvaka. Zvimwe zvese ndai zvozviona ndava mberi kuti ndodii sezvo ndaiva ndadzima phone zvese neku bvisa battery mukati macho. Ndakafamba kusvika ndanzwa kuti apa ndaneta chaiko . Ndakabva ndatsvaka paiva ne mubvuri ndikambozorora hangu. Ndichifunga nhamo dzangu. MONICA Ndakasvika kumusha nekutuka Tarisai handina kuona kuti Tambudzai akanga abva nekupi. Akaita kundiudza magara moyo akandirwadza chaiwo, zvekuti ndakabva ndasiya ndadzinga rumwana rwa sisi vake pamba pamai vangu. Tarisai wacho akamboda kutora zvinhu zvamai vangu asi ndakamurambidza. Nokuti zvinhu zvese zvaiva namhamha ndini ndaivatengera Saka iye ayizvitora akamira sani. Ndakatora ma keys edzimba dzose ndokupinda mumota yangu ndokudzokera hangu kumba kwangu. Ndakaona kurwadziwa kwa Tambudzai pamwe chete nekamwe kamusikana kaiva kachiratidza kuti ndiko kaigara na Tarisai pamba apa. Asi ini handina kuda kuita basa nazvo kana kunzwa tsitsi ndakarova mota yangu ndikasiya vanhu vose vakanditarisa. Ndakafamba hangu zvakanaka ndaitarisira kuti pamwe ndowana baba Taurai vave kumba but ndaizvi nyepera hangu. Ndivo vamwe vakanga vakuda kunditsvaka ivava. Manje ini ndaisada munhu anoda kuonererwa kana kundiendera mberi. Ndakanga ndatambisa nguva yangu kuenda kumusha ndichiti ndiko kwavari izvo hakusi. Zvakandinetsa kuti vaiva kupi chaiko baba ava. Ndakabva ndafunga kwamai vavo ndakaona kuti ndiko kwavari chete hakuna kumwe manje ndaida kuvavenga ndoda kunovaudzisa vese namai vacho. Vanodzidzisa mwana hunhu hwakafa kudaro manje ini ndaisaitirwa izvozvo. Vaindiona chete mangwana ndiko kwandaida kumukira makuseni seni chaiwo vanhu vasati vamuka. Ndaizvifunga zvose izvi ndichifamba kupinda mumba. Ndakaisa handbag yangu pasofa ndokugara ndakatarisa mudenga . Pandakatarisa pasi ndakaona bhutsu yechikadzi yaiva iri pasi apa ndakanzwa kubatikana ndikati hakuna umwe munhu ndibaba Taurai chete ava vauya kuzonetsana neni nezvakadai izvi. Ini ndakanga ndisingade zvisina basa mberi kwangu. Ndakabvisa bhutsu dzandaiwa ndakapfeka kwakutanga kufamba nepassage ndichiita kunyahwaira uku maiva makangozara hembe nebhurukwa raiva rakandwa padoor rebedroom yangu. Ndakaruma muromo ndichibata handle yedoor ndokuvhura zvishoma nezvishoma hangu, ndakapinda ndakatarisira kuona murume vangu, asi zvandakaona zvakanga zvisiri izvo. Akanga ari Taurai neumwe mukadzi akanga akaita wechikuru ndakaita kupera simba chairo. "Taurai! Hunhu rudzi hwauri kuita uhwu?" Ndakadaro ndichimubvunza. "Mhamha! Munopinda muno musina kuknocker kuti zvidii? Ini makamboona ndichipinda nekumubvunzai pamunenge makarara nemurume wenyu?" Akadaro ini ndikamuti. "Nokuti muno mumba mangu uye iroom yangu haiitwe zvisina basa izvi, hauone kuti munhu uyu muhombe kwauri here uyu?" Ndakadaro handina kuziva ndaiva ndaita kutokonya mago ini. "Izvozvo hazvinei nemi, zvekuti muhombe kana mudiki. Ndizvo zvandada plus imi hamukwanise kundiudzira zvekuita nokuti anoda kufadza nyama yangu ndini kwete imi, kutaurisa kwamuri kuita pamwe muri kutozvidawo munogona kungouya zvenyu."akataura izvi achiita kufamba kuuya kwandaiva ndiri ndakabuda ndichimhanya nokuti ndaitoona hunhu hwake hwaiva kusina kunaka kana kuchinja zvekuti ndakasvika pakuchema chaiko ndapererwa nemazano ekuita. End of chapter 23 Kubva paSsn 2 richange rakutengeswa. Be blessed 🙏🏻