Chapter 2 Kusimuka kwakaita Tarisai paiva akagara zvakaita munhu wese aiva muclass umu amhanyise maziso kuda kuona kwaakanga achida kuenda. Sir vaiva mulesson umu vachiona Tarisai achifamba kuenda nechekudoor. Vakamubvunza kwaaiva achienda nokuti munguva yavo yelesson vakanga vasingade kuona munhu anobuda buda kana varimo, vaitonzi mirira kusvika ndapedza vozoenda zvako. "Tarisai! Uri kuenda kupi iwe uchangobva kulunch izvezvi?" Vakamubvunza sir. "Ndiri kuenda kutoilet ndinoda kurohwa nemhepo panze, sezvo mati madofo tinonetsa." Akapindura achidaro zvekuti vamwe vana vakanzwika kuseka muclass umu zvakaita head vanzwe kusvika vauya kuzobvunza chaitora nzvimbo muclass umu maiva na Sir ava. Izvi zvakanga zvichirwadza Theo nokuti ndiye umwe aiva asina ruzivo rwacho. "Chokwadi kuita dofo rakaita se iri zvinhu zvakangooma hazvo." Vakadaro Sir vaidzidzisa Geography vachibuda kuenda sezvo lesson yavo yakanga yapera. Kwakauya umwe zvakare mulesson umu, uyu akanga asina zvake kunyanya kufanana nevaiva vabuda ava. Mr Munetsi vakanga vachidzidzisa Commerce uye vaiva neshungu dzekuti vasingazive vazive. Ipapo vakabvunza mubvunzo vanhu vakasimudza maoko zvakaita Tarisai arambe akatsikitsira musoro vake pasi. Mr Munetsi vaifamba vachida kuona munhu angakwanise kuvapa answer yavaida. Vakasvika paiva naTarisai uyo akanga akatsikitsira musoro vake pasi zvekuti vakamuti. "Hanzvadzi! Tiri tose here zvamusiri kusimudza ruoko?" Vakamubvunza "Sir! Handina chandiri kuziva, hongu! zvamuri kutaura ndiri kuzvinzwa. Asi hapana kana chimwe chete chiri kupinda mukati mepfungwa dzangu chikagaramo uye kuchibata zvakare." Akadaro Tarisai achiita kunzwisa tsitsi, ipapo Tobias naGrace vakaseka zvakanzwikwa naMr Munetsi Ava. "Tobias newe Grace! Mungandiudza chaita museke here muclass room muno? Pane chinosekesa here pane zvataurwa zvose izvi?" Vakadaro vachibvunza. "Sir munoti zvinga rega kutinakidza kuona mukadzi mukuru achishaya kana nechaanoziva zvake here." Akadaro Tobias achivedzera kuseka. "Tobias! Kuuya kwavakaita pachikoro pano kuzodzidza kwete kuseka umwe munhu, nokuti newewo vaitova zvaari izvi. Ndosaka zvichinzi Seka urema vafa nokuti hauna chaunoziva zvachose. Iye vauri kuseka kuva pano kuda kudzidza kuti akwanise kuita zvanoda muhupenyu hwake. Isu mateacher kudai imi vanaGrace, Tobi murikuseka nokuti munogona murikutsvakei pano nokuti isu takaunzwa pano kuzodzidzisa ava vasingakwanise kuziva zvavari imi muneruzivo mogara Kumba kwenyu kwete kuda kuzoseka vamwe vana pano pachikoro." Vakataura zvakawanda zvakaita lesson ripere pasina zvavaita vachitsiura vaiva vaseka Tarisai. Kupedza kwavakaita kudzidza kwezuva iri vakanga vabuda uyo Tarisai akaenda kuna Sir weGeo sezvo ndivo vakanga vachipa nekunyora vanhu vaitora mabook muraiburari vachizodzosa. Tarisai kunyangwe hazvo asina zvaiziva akamira mumutsetse maiva nevamwe wekutora. Akati zvino asvikwa vanhu vaidzidza nawo vamwe vaiva apa vakatanga kuseka zvakare. "Tarisai! Vauya zvakare? hauzi kupedza nguva yako here uye kuda kutora mabook usingakwanise kuverenga?" Vakadaro asi mwanasikana haana kupindura akatora mabook aida chinyararire ndokunyorwa akabuda kuenda kumba. Pakasvika pagate rechikoro akawana akamirirwa neumwe vake musikana akanga achinzi Theodollar uyo akanga ari mwana waBhizinesi man. TARISAI zvandakasvika pagate rechikoro iro rataishandisa kubuda naro tichienda kumba. Ndakaona Theo aiva akabereka bag rake uku vakomana vanogara vachindiseka vaiva varipo pagate apa. Zvokuti ndakadarikira musi uyu pasina akandidenha ndakatadza kuziva chakanga chiri chiii chaizvo izvo. Ndakaona umwe vangu avakuita kutevera achimhanya kuratidza aiva achiremerwa nebody yake semunhu akanga akati simbei kusiyana nesu taiva tisina kusimba. "Kuvha vanditiza zvakadai kwakanaka here Tarisai." Akadaro achiita kufemurika zvake mwana vanyamunhu. "Ndajaira kufamba ndega uye kutamba ndiri umwe chete nokuti hakuna anoda kutamba neni nezvandiri izvi." Ndakadaro iye akandibata ruoko rwangu ndikamira. "Unoziva pane zvandinoda kukuudza here Tarisai." Akadaro achitarisa tarisa kumadivi kuona hapana akanga achitinzwa here. "Theo! Ndinoziva iwewe unofarira zvevakomana ini handizi kuda kunzwa nyaya yako nemukomana vako uye chakaita ndiuye kuchikoro hauna chaunoziva zvako, zvekuti ude kundifurira kuita zvakashata handidi hangu." Ndakadaro ndichitanga kufamba iye akatoona ndokuchinja nyaya yezvaitaura. "Tarisai oky kwacho handichataura nezvazvo ndanga ndichiti zvimwe zvichakubatsira but kana vati haudi uchanzwa nekusekwa zvako." "Theo! Hapana munhu akafa nekusekwa nokuti tose tiri nhunzi dzasangana pasvina. Kusekana kana kusasekana tose takafanana tiri honye dzaunganira chakaora." Ndakadaro. "Unorevei kana uchiti tose takafanana tiri nhunzi dzaunganira svina or honye dzaunganira chakaora?" Akandibvunza. "Iwewe kuuya pachikoro kutsvaka ruzivo nekuda kwekudzidza? Zvakasiyanei nezvandataura? Nokuti nhunzi inobuda mainogara ichienda kwayanzwa kwabikwa zvimwe chete nesu tiri kutevera mateacher nokuti hatina ruzivo tinotoda ruzivo kubva kwavari. Ngatirege kusekana nokuti umwe haana chaanoziva asi tose tiri kuda kupass. Usaridza chikwee usati wabira rwizi nokuti zvinhu zvichazokutambudza mangwana." Ndakadaro uye ndakanzwa avakunditi. "Tarisai ndanga ndichiti ndirikukupa mazano manje yoo zvakatooma chaiko.but ndatoona kuti zviri muropa hazvibudi." Akadaro ini ndakavabata ndaita kunyarara ndakufamba. Akazosara pamashop sezvo ndipo pavaigara pane shop yavo. Ini ndakatanga kufambisa kuti ndisvike kumba kuchiri kuoneka ndikwanise kuwacha nekuita rimwe basa repamba. Ndakasvika ndokusweresa mbuya vangu avo vakanga vakaita kugara zvavo vachiratidza pfungwa dzaiva kure chaiko... "Tarisai muzukuru! Kana uchinge vapedza kudya uye pandiri ndinoda kutaura newe mashoko maviri matatu." Vakadaro ini hana yangu yakatanga kuti ba baa ndikaziva mashoko avakanga vachida kutaura akanga asina kumira zvakanaka kana aiva achizopedzisira ndachema. Handina kupedza kudya ndavakuda kuziva zvakanga zvichida kutaurwa naMbuya vangu. "Ndauya mbuya mati kudiii ." Ndakadaro ndichigara pamberi pavo ndakavaridza saga ndokugara pamusoro paro ndakatarisana nawo. "Muzukuru vangu! Now vava form 2 hapana kana chiri kuchinja zvachose hongu grade seven vakabuda ne27units tikati pamwe uchachinja kumberi zvino zvavakundishaisa mufaro ini, zuva nezuva paunobva kuchikoro ndinotarisa mabook ako asi change handiione zvachose ndoita sei? Baba vako aiva head boy pachikoro chauri kudzidza ichi. Akanga achigona uye mai vako vakanga vasiri dofo sezvauri izvi." Vakadaro ndokutora nguva vakanyarara zvavo. Ini ndakatanga kushungurudzika mukati memoyo wangu nekuda kwezvaitaurwa izvi? "Kudai ndaikwanisa ndakubatsira zvino meso angu akura uye panguva yatakakura taienda kuchikoro zvekuti tikwanise kunyora tsamba nekurevenga tichiri kuita zvema standard izvo. Izvezvi tete vako vandifonera masikati pandanga ndichida kuvabvunza nezvemabook pamwe chete nemari yako yechikoro. Zvino hanzi handikwanise kubharharira munhu asina zvaari kubuda nazvo zviri nani ugare yako pano nokuti shungu chaidzo dzekudzidza hautorina zvachose." Vakataura mbuya vachiita kubudisa misodzi pameso pavo. Ipapo ndakasimuka ndokuenda mukaimba kandairara ndakasvika kuzvivharira imomo ndikatanga kuchema ndakatarisana nemabook angu ndokubuda paiva ndambuya ndakasvika kutora nhare yavo ndikaenda kuseri kwemba. Ndakaisa please call back Kuna tete. Havana kuita nguva vakafona back ndakaidaira ndikawati..... End of chapter 2 Vanoda kubva pa1 join WhatsApp group, handipe munhu book KUINBOX kwangu unless uchitenga data. Be blessed 🙏