Chapter 4 Kusvika kwakaita Tarisai achiona mbuya vake vachangopedza kuwesa moto kuti vakwanise kugadzira kudya kwemanheru ezuva iri. "Mbuya maswera sei muzuva ranhasi. Sei muri kuratidza mufaro kudai nhasi? Muri kufarira kuti nhasi ndiro zuva rangu rekugumisira here kana kuti." Mwanasikana akanga achishaya kuziva chaiva chaita mbuya vake vave nemufaro wavakanga vanawo uyu. Anogara pasi chaipo achida kuudza mbuya nezvataurwa kuchikoro uku pamwe chete nekuvaudza kudzosa kwaive aita mabook ainge akatora achida kuverenga. "Tarisai! Ndiri kuona uri kufara kuti nhasi ndiro zuva ravapedzisira kuenda kuchikoro, hazvisi kukurwadza here muzukuru vangu?" Vakadaro vachibvunza muzukuru wavo. "Mbuya! Simba ishoma uye handina zvandinokwanisa kuita nokuti munhu aindibhadharira akati ini handina shungu dzekudzidza zviri nani ndiite zvekuchengeta imimi nokuti ndiro basa redu isu tisina zvatinoziva." Akapindura achidaro zvakaita mbuya vasimuke chinyara rire vachienda kunotora mari yavaiva vatengesa zvinhu vakauya ndokubata muzukuru wavo ruoko. "Tarisai, handione zvakakodzera zvakataurwa natete vako. Hongu zvinhu zvinorwadza kwauri uye zvinondiehungurudza chaiko. Kusara kwandaita ndafunga zvakanyanya nezvekudzidza kwako ndokuona kuti munhu vatiri kunetsa ane mhuri yake hachina basa nesu kana mwana wehanzvadzi yake nokuda kwemhuri yake iyi. Uchiona mari iyi ndeye materm maviri muzukuru mangwana uende kunobhadhara uye mabook tichaona yekutamba mberi uku as long takwanisa kubhadhara mari." Vakadaro vachikupa mari iye akatambira misodzi yakaita kuzara pamatama ake uye mumoyo akanga achifarira kudzoka kuchikoro kwaiva aita uku. Anofamba achienda mumba mairara anoisa zvinhu zvake pakanaka anobuda achienda panze anowana mbuya vapinda muimba yavo yekurara. Anotevera imomo anosvikovhura anoona mbuya vachichema vakagara pasi zvinomurwadza uye kuona mumba musina kana chinhu. "Mbuya! Zvinhu zvaenda kupi zvandisiri kuona muno mumba ini?" Akabvunza asi zvaida kuziva haana kupindurwa nambuya vake avo vakatanga kupukuta misodzi yavo. Tarisai akatanga kunyararidza mbuya vake akaziva zvakanga zvichireva kuchema kwaiita mbuya vake. "Ndinoziva zvakaoma mbuya asi hamaifanirwa kutengesa midziyo yenyu nekuda kwekuti ini ndinoda kudzidza? Handizive ndichatanga kugona chikoro rinhi uye ndizive zviri kuitika pandiri apa handitoziwe zvachose. Musapa mutoro tete vangu ini ndazvipira kurega chikoro, asi kana mati ndienderere mberi hapana chakaipa ndavakuita sezvamataura izvi." Ndakadaro ivo vaiva vasisachema. TARISAI ndakamuka makuseni ndikaita basa rose repamba ndapedza ndakapinda munzira ndiine mufaro uye pandakanga ndichifamba ndaiva ndichifunga mashoko akanga ataurwa naTheo. "Tarisai! Vakapusa iwe nezera rako iri uchiri kusekwa uchitadza kuactor zvakanaka zvekuti vanhu havaone hudofo hwako. Unoti ini mari yandinodya inobva kupi ndinopihwa nemukomana wangu ndiye anondipa hapana anomboziva kunze kwengu naye chete." Mashoko aya airamba achidzoka mukati mepfungwa dzangu uye ndakanga ndakati nakei kudarika iye Theo vacho akanga akanga akapihwa ganda rakanaka chete asi pasina zviripo zvapo. Ndakapfuura ndichimutora pamashop kuti tiende kuchikoro ndakasvika achangopedza kudya zvake. Ndakagara nguva diki diki ndokuzopinda munzira kuenda kuchikoro. "Tarisai unonyanya kunyarara iwe. Hona ini umwe Sir aivapo last year akamboda kundinetsa ndakapedzisira ndaita zvakaita afare kumupakurira poto ndikatozoona zvakanaka. Iwe ndinoziva kunetsana naSir weGeo vaye ingoenda kwavari unovapakurire chete uchaona zvako nokuti ukaita izvi hameno hako ndikukuudza." Akadaro umwe vangu hapana nyaya yakanga achitaura ine musoro kana nezvekudzidza. "Theo! Ndinoona zvauri kutaura zvisina kufanira zvachose uye kuuya kwatakaita pachikoro pano takauya nekuda kwezvakasiyana siyana dear. Tarira uone ini handina mai kana baba ndongopa munhu humhandara hwangu nokuti vasandishusha pane vanhu hazvikodzere zviri nani vatuke havo than pane kuita zvakapusa kudai ini ndakauya kuzodzidza kwete kusodanana nemateache. Zvinondipei mukati mehupenyu hwangu kuita izvi?" Handina kuziva umwe angaita zvakapusa kudai ndaiti anoda kutaura zvinhu kwazvo zvine musoro. "Theo! Ini kuti ndirambe ndichiita hushamwari newe hazvikodzere nokuti handide zvaunoita izvi hazvina chimiro." Ndakadaro handina kuziva munhu akanga anditsamwira chaiko. "Chii chino shamisira pauri ipapa nezuro vaiti tete vako varamba kubhadhara mari yechikoro ndakukuudza zvekuti uite uwane mari vakuti heee handide kuita sezvinonzi vakatakura gold rinotoshamisira. APA unotosemesa zvako, kuuya pedyo newe kuda kuti uitewo munhu Kwaye kwete kuita kunhuhwa weti sezvauri izvi apa hausati vakugona kugeza zvakare saka chako chaicho ndechipi." Mashoko ake haana kundirwadza nokuti ndakatoseka chaiko kuita kunge munhu audzwa mashoko kwayo asi ndaiva ndine zvandaona ndikadzidza zvakanyanya munguva diki diki yandaiva ndatamba naTheo uyu. Hushamwari hwakapera kwezuva iri zvekuti zuva nezuva ndakudarika pagate ndaita kusekwa kuita sendichadonha uye kunzwa hasha chaiko dzekuda kurova munhu asi ndakazvisimbisa kusvika pakusiyana nazvo. Ndakadzidza zuva iri ndikapedza ndokudzokera kumba ndakasvika gogo vasipo hameno kwavaiva vaenda kuti ndekupi. Nguva dzakasvika pafamba pasina chandaona ndipo ndakazoona vachiuya vakaiswa mubhara vachinzi vangonzwa dzungu nekudonha izvezvi vavanani nokuti tavapa chikafu. Ndakatenda vavakidzani ava ndokutora nhare ndichifonera tete kuda kuvazivisa zvaiva zvaitika izvi. "Tete maswera sei." Ndakadaro panhare. "Usandisweresa hako zvakanaka zvandakataura ndizvozvo hapana chinochinja." Vakadaro vasina kuziva zvandaida kutaura. "Ndafona kuti ndikuudzei nezvekusanzwa zvakanaka kwaMbuya ava hameno vango.." Handina kupedza ndakanga ndadamburwa kare. "Tarisai! Ndiri kuziva zvamunoda iwe namhamha. Munoda mari yekuti iwe uende kuchikoro manje hapana mari kana vasinganzwe zvakanaka kuno ndiko kunechipatara here chinorapiwa varwere? Enda nawo kuchipatara kwete kwandiri ndakukuzivai." Vakadaro vachikata nhare yavo ini nekuona kwangu nekurwadziva sezvo ndaiva ndisina kubhadhara mari yechikoro nekuda kwekukanganwa ndichiona zvaiva zviri apa. Ndakati zviri nani kunovarapisa nemari iyi ini ndinoona zvimwe nokuti hupenyu hautengwe uye mari haichengetwe ndiyo inochengeta munhu. Zvinobatsirei kugara vakasungirira mari imo mumba Maita dambudziko guru. Ndakarwadziva kusvika paku .. End of chapter 4 Be blessed 🙏