Chapter 1 Mangwe Ndaimuda ndichimuremekedza, ndaiita chero chaaida asi zvakaramba, isu vakadzi takakura kuchinzi murume ukamuitira zvose zvaanoda haambokusiyi. Ndinoshuvira kuziva kuti varume vacho vakaenda kupi, nekuti ava vemazuva ano chero ukavapa respect yakadii havafi vakakuremekdza. I wish to know kuti chii chiri kuitika pandiri. Chii chinokonzera kuti ndirwadziswe zvakadai. Ndinomuitira zvose zvaanoda ndinomuremekedza, family yake yose I respect them chero vana vadiki chaivo. Asi iye haazvioni zvose izvi. Chinhu chaanonditenda nacho ibepa re divorce. Shuwa Mathias Mhere aitaura chokwadi kuti usavimba nemunhu vimba na Jehovah Mwari wako. Nguva yose iyi ndaifunga kuti family yake inondida izvo ndaizvinyebera. Vamwene vangu ndaiva ndisingazivi kuti vanondivenga zvekudaro. Hapana kana umwe zvake anoratidza kunzwirana nesituation yangu. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ I'm nine pregnant Mike anoratidza kusava nehanya nemwana wandakatakura infact anoratidza kuti anomuvenga nemoyo wake wese. It's been days now asingauyi kumba, kana ndichimufonera haadairi runhare rwake. Handizivi kuti anofungei neni. Mazuva ose aya anofunga kuti ndiani anonditarisa. Kubva zvaakaenda akadaira runhare rwangu kamwe chete achindiudza kuti ari busy achandifonera kana ava free. Saka muzuva ose aya nazvino achiri busy. Nhasi ndapedzisira ndafonera Mai vake kuti vauye kumba kwedu nekuti ndinoda kuvaudza zvinhu zvose zviri kuitwa nemwana wavo. Zveshuwa vakasvika vakagara pasofa "Nhai muroora kubva wandifonera uchichema kwakanaka here?" "Mhamha ndaita problem pamusha pano" "Problem yeyi manje?" "Mike ava nesvondo asipo pamusha pano kana ndichimufonera haadairi runhare rwangu" "Haa haa hanzi ndiri kupi?" "Handizivi mhamha ndambomufonera kuswerazuro akati ari busy achandifonera asisiri busy asi nazvino haasati afona. Mazuva ose aya ari kupi Mike, uye anani kwaari?" "Dzora moyo mwanangu achauya Mike" "Rinhi mhamha, Mike andisiya pano ndega nepamuviri paakakonzera iye uye anoziva kuti ndinogara ndichirwara " "Eish mwanangu kana zvinhu zvakadai uchandiregerera hapana zvandinokwanisa kuita neniwo" "Mike haana basa nemwana wake wandakatakura" "Tichaenda kumba Kwangu mwanangu tikwanise kukutarisa, Mike pamwe ari busy kwaari" Ndakavatarisa ndichishamisika "Busy nei mhamha?" "Handizivi ndiri kungotaurawo hangu" "Obvious Mike ane musikana kwaari" "Kwete Mike mwanangu Mike anokuda zvakanyanya " "Aewa mhamha Mike haachandidi what if achizouya nemusikana pamusha pano?" "Ndiwe chete muroora wangu wandinoziva" mhamha vakadaro vachindihaga. "Hande unogara kumba kwangu mwanangu haufanirwi kugara wega pano uri pa situation iyi" Chero ndaiva ndisingadi ndaiva ndisina choice I'm pregnant for the sake. What if pachizoitika something ndiri ndega. ***** Kuenda kwandakaita ndaiva ndisingazivi kuti ndiri kuitwa benzi. Mangwana acho ndakagara kwa vamwene ndakanzwa kuchekwa mudumbu. Apa shasha kana kumbobudikira zvayo. Ndakaendeswa kuchipatara Mwari vakandikomborera nemwana musikana ndakamupa zita rekuti Tadiwa Angel she's my angel ndinomuda zvekurevesa. Tadiwa Angel Ngwenya "Amanda Ari kupiko Mike?" Ndakabvunza ndakabata mwana wangu "Ari busy nebasa" "Okay" "Sezvo ndambotaura kuti usavimba nemunhu. Ini ndiri kuzvara kuno Mike iye Ari kuchata neumwe mukadzi. Mai vake zvavasipo pano vari kupemberera muchato wemwana wavo. Ini havana kumbobvira vakandida, hanzi nei mwana wake akaroora mundevere. Hameno tribalism yose iyi inobvepi. "Maiguru look kune kwandiri kumhanyira but don't worry pane munhu achaenda newe kumba" Amanda akadaro "Okay" Hapana zvandingaita,hoyu muridzi wemwana haapo saka chii chingaita kuti ava vavepo. Na Amanda wacho ari kumhanyira kumuchato wemukoma wake, hanti ari kuroora mushona Musikana aiva anzi achaenda neni akandibatsira kutora zvinhu tichibva taenda. Ndakamuti andiendese kumba kwangu. Apa ma stich ari kundirwadza. Ndakasvika kumba ndikafonera Mike asi haana kudaira Foni yangu ndakamusendera message. Mike ndabereka tave nemwana musikana ndingafara kana ukauya kuzomuona Ndapedza ndakayamwisa mwana wangu apa stress yaindiuraya. Handizivi kuti ndiite sei nehupenyu hwandiri kurarama. Manheru family yose yakauya. Handimbovabvunzi chinhu hangu ndichafira mumoyo ****** Mangwana makuseni ndipo pandakaona kuti vadzimu vandifuratira zveshuwa. Mike akapinda achifamba nemusikana vakabatana maoko uku vachisunda bag. Mapfekero avaiva vakaita airatidza kuti vaibva Ku honey moon or somewhere. Ndakaedza kusimuka ndichienda kwaari "Mike" ndakadaro ndichimutarisa ndichitarisa musikana "I was worried newe Mike" "For what?" "Mike musikana wedu asvika panyika" ndakadaro ndichinyemwerera ndichitarisa Tadi Mike akaridza tsamwa achivhura bag rake achindipa ma paper e divorce. Ndakavhunduka zvakanyanya "Mike" ndakadaro misodzi ichiyerera. Zvichakadaro Mai vake vakabva vapinda, ndakamhanya ndichienda kwavari. "Mhamha taurai na Mike asaita zvinhu zvaari kuita" "Mangwe sayina ma paper aya Ini ndasayina kare" "Please Mike Please uri kuti kudii nemwana wedu? Mwana okura asingaoni baba vake here?" Ndakadaro ndichichema ndichisimudza Tadie "Look your beautiful daughter. Our daughter Mike" "Please respect my wife takachata nezuro Saka iwe tipe space ubve pamusha pano" "No no Mike, ndichaenda kupi ini nek-- "Une imba ku Harare Luba, asi wakanganwa?" "No handingakwanisi kuparadzana nemwana wangu please Mike" "I gupuro randinokupa" "What?" Ndakadaro ndichivhura maziso "Mwana tora handimudi ndichazvara vangu. Une Mari Luba uchakwanisa kumuchengeta" "Mike it's not about money, mwana anofanirwa kukura achiziva baba vake" "Ndakakuudza kuti handidi musikana pamusha pano, unofanirwa kuzvara mukomana asi iwe uri useless uri kundizvarira hure!!!" Ndakavhunduka "Mike she's your fucken blood, ungadana mwana mudiki uchiti ihure!!* Ndakadaro ndichiswedera Pana mhamha "Mhamha please" "Mangwe hapana zvandingaita neniwo. Handingapikisani na Mike" "Look Mike handisini ndaka decider kuzvara mwana musikana kuda Kwa Mwari. Okay fine kana Tadie akura tichazvara mukomana" Ndakaita sendati ndidzingei pano. Vamwene vangu Magebede ndiye akatorongedza mbatya dzangu achidziisa muma suitcase. Ndakachema uku ndaiva mumarwadzo ema stich. Iko ndichachaira sei ndichirwadziwa kudai. Ndakatora ma bag angu ndichiaendesa kumota nekuti hapana zvandingaita. Ndakasayina ma paper e divorce uku misodzi ichiita hwepombi yemvura. Ndakatora Tadie ndichiswedera pana Mike. "Ndinokumbira umubate chete" "Enda nemwana wako Mangwe chii chandinomutira nekuti handimudi " Ndakanzwa musoro wangu uchidhuma. Ndakayeredza misodzi ndichinopinda mumota Years later Hupenyu hauna kumboita nyore kubva zvandakaparadzana na Mike. Yes pamari ndiri right ndiri owner we chimwe chipatara chiri private asi zvinondirwadza kuona mwana wangu achikura asina baba vake. Izvi zvinorwadza handidi kunyeba, hapama mwana ano deserver zvinhu zvakadai. The most pain haazivi chero maoko Ababa vake. Tadie paakaita two years ndakamboedza kudzokera Kuna Mike ndichiti pamwe achafara achiona mwana wake, asi akandidzinga sembwa ko hanti mukadzi wake akatanga kuzvara mukomana here izvi zvakakonzera kuti ruvengo pamwana wangu ruwedzere. Mwana wangu haana waanoziva ku side rekwana baba vake. Kubva zvatakaenda hapana akafona achibvunza kuti mwana ari sei. Zviri pachena kuti mwana wangu havamuverengi pavanoverenga family yavo Ini handizivi chii chinoitika when it comes to dating. Mjolo wakandiramba. Ndakamboedza kupinda murudo Tadie paaiva ne 10 years asi zvinhu hazvina kufamba mushe. Handizivi or ndini ndine problem or handisati ndawana Mr Right. Nhasi handina kuenda kubasa ndakagara neshamwari yangu Kudzai tiri kuona movie "Saka wakato resigner munyaya dzerudo nhai Mangwe?" "Eish Kudzi ndinoda kumbopora pa industry yerudo . Munyaya dzerudo zviri kuramba" "It's not like that chete hausati wawana Mr Right" "What if ndichizowanazve umwe anoita seava vandakawana kumashure?" "Varume havafanani Mangwe, Saka Mike haana kumbobvira akafona achibvunza mwana wake?" "Achimubvunza kuti adii? Hanti ane family yake here? Ini nemwana wangu tiri right Mike hatidi kumuona chero paatsika" "Okay friend at least na Tadie anoziva zviito zva baba vake" "Yes mwana wangu Ari kufara without Mike" "Mangwe iwe ndakakuona ne day 1 kuti you're a strong woman" "Mike handifi ndakakanganwa zvaakandiita" Flashback ⤵️⤵️ Pandakadzingwa na Mike ndakanogara ku Harare, Kudzai ndakasangana naye kuchipatara ndaendesa Tadie nekuti aiva asinganzwi mushe. Aiva ne five days achangozvarwa. Ndakazosangana na Kudzi tikakurukura semadzimai kusvika ndamuudza story yangu. Kudzi akandinzwira tsitsi akanditora akanogara neni kumba kwavo sezvo ndaiva ndichiri mumarwadzo uye ndisingazivi chinhu about mucheche. Mai vake Kudzi ndivo vaiva votarisa mwana wangu. Imagine panguva yacho vaifanirwa kutarisa mwana wa Kudzi. Kudzi naiyevo aiva nemwana mudiki Prim naiyevo aienzana na Tadie. Ndaiva ndisingachivi about mucheche asi Mai Kudzie vakamubata semuzukuru wavo. Ini ndaiva ndisingagoni chero kugezesa Tadie. Mai Kudzie vaiita zvose. Ndaiva ndave mwana wepamusha apa. Sad story Mai vake vakazotisiya panyika. Ini na Kudzie takakura tave ma sisters. Zvakandifadza kuti neniwo ndaiva ndave ne munhu Ari Ku side kwangu, asi chero ndikawana mufaro wakadii handifi ndakakanganwa my young sister handizivi kwaakaenda isu ndakambonzwa kuti ari kugara neimwe family. Family yacho yaimushumgurudza pandakaendako ndakanzwa kuti akatiza handizivi kwaari. Flashback end⤴️⤴️⤴️ "Rega ndiende Ini, Prim akandiwana ndisipo ndinorohwa" Ndakaseka. Panguva yacho Tadie akabva apinda "Hey mothers" "Hey darling" "Haa ndakafa nekuneta" Tadie akadaro "Uchineteswa nei?" Kudzie akabvunza "Ahh kuverenga ma book zuva rose kunonetesa ka" Tadie akadaro achinochinja "Akura mwana wako" Kudzie akadaro "14 years it's not a joke" ndakadaro "Mangwe rega ndiende Ini" Kudzie akadaro achibuda achienda. Tadie akauya kwandaiveri "How was your day at school darling?" "Not bad mommy as usual " "Ndakupakurira chikafu chako" Akasimuka achinotora chikafu chake achiuya achigara pasi achidya ini ndaiona TV. Ndakamutarisa ndichinyemwerera "Unoziva here kuti Mhamha vanokuda sei" "Neniwo ndinokudai sisi Mangwe " Ndakaseka ndichimurova ne cushion Mike Nhasi Magebede vati inviter kumba kwavo nemukadzi wangu. Tiri kugadzirira kuendako "Wow you're so handsome my husband " Rose akadaro ndakanyemwerera "Iwe wakanaka kundidarika mukadzi wangu" ndakadaro ndichimukisa tichienda Ku sitting room takawana Cleopatra atotimirira "Mommy daddy ndanguri ndakumirirai" Cleo akadaro "Unovaziva mhamha vako Princess kana vachibuda vanozora mafuta akasiyana" "Ndinovaziva daddy" "Haa Cleo newevo wave kundidaro?" Rose akaseka "Ari kupi Raymond ndisingamuoni?" Ndakabvunza "Aenda uyo ati muchamuwana Kwa mbuya" Cleo akadaro Takabuda tichinopinda mumota tichienda. Takasvika kumba Mhamha pavakationa vakafara vachitihaga "Vanangu ndakakugumai kare" "Haa mhamha kubva maita sekunge mune gore musingationi" ndakadaro "Zvagara hamuchauyi imwi pano" "Ibasa mhamha" Rose akadaro "Okay handei tinodya tafura ratomirira imwi. Cleo" mhamha vakadaro vachikisa Cleo pahuma "Hey brother" Amanda akadaro Ndakabvuma tichigara pasi tichitanga kudya. Ray ndiye akazo breaker silence "Munoziva pane zvinhu zvandanzwa" "Wanzwei Ray?" Ndakabvunza "Handifungi kuti ichokwadi ini" Ray akadaro "Taura zve" Rose akadaro "Pane vamwe Mai vanditi sisi vangu vari kupi? Kubva zvavakazvarwa havasati vambovaona?" Takavhunduka tose tichitarisana "Sisi vako?" Ndakabvunza ndichinyebera kushamisika "Yes sisi vangu" "Hauna sisi iwe une hanzvadzi chete Cleo" ndakadaro "Saka Mai ava vanga vachirevei?" Ray akabvunza "Kupenga chete ini ndine vana vaviri chete iwe na Cleo" "Mbuya ndizvo here?" Ray akabvunza "Ehe ndizvo muzukuru wa mbuya" Magebede akadaro . Ray akatarisa Mai vake "Mhamha " "Ehe Ray hauna sisi iwe kunze Kwa Cleo" "Ahh Saka Mai ava vanga vachindipengera zve" Hapana akapindura takadya chikafu chedu mhamha vaingonditarisa TADIWA Eish husimbe hwandinahwo so kana ndichifanirwa kumuka. Yes I love school asi kumuka nderimwe basa yoo "Tadie muka muka baby" Vaiva mhamha, vanogara vachindimutsa everyday nekuti ndinenge ndisingadi kumuka. "Mommy please give me at least ten minutes" "Hayi Tadie ma teacher achakumirira here vasingadzidzisisi" Ndakamuka ndichiseka. Mhamha vakandikisa padama.. ndizvo zvavanogara vachiita everyday. Ndakaenda kunogeza, ndapedza takadya breakfast yedu tichibva taenda. Mhamha vakatanga nekuendesa Ini kuchikoro. Ndakadzidza zvakanaka teacher vakazotiudza kuti tine trip Ku Gweru svondo rinouya, Gweru?ndakainzwa kupi nzvimbo iyi. Ndakavhunduka pandakarangarira, Gweru ndiko kunogara murume anozviti baba vangu. Mhamha vakandiudza zita rake nemutupo wake Mike Freddy Kuchicha okay ndakazovatsvaga pa social media zvaisava nyore kuti ndivawane ndakazovawana pa Instagram vanoshandisa zita rekuti MF Kuchicha. Mhamha havazivi nezvenyaya iyi, I love my mommy so much Saka handidi kuvaona vachichema. Baba vangu vanovavenga kwete zvekufungidzira Saka vakazonzwa kuti ndiri kutsvaga Mr Kuchicha vangarwadziwa zvakanyanya Mhamha vangu vanondipa everything handishayi chinhu but deep down ndinoda kumuona murume uyu akandiunza panyika achibva andivenga Moyo wangu unorwadza nekuti kana achiisa ma post pa Instagram anoti ndi father of 2. Which means kwaari inini I don't exist. Why me. Chiiko chandakamutadzira chinokonzera andivenge kudai. Ndakamboedza kumu inboxer ndichimumhorosa haana kundipindura. Maybe haana kujaira ma inbox or paakandiona akandifananidza akazviudza kuti handipinduri. Moyo wangu uri kurwadza shame, chinhu chandingoda kuva mubato re family yangu chete. Handidi kuti vandichengete nekuti Mhamha vane everything. Hamenho mhamha vachabvuma kuti ndiende kuGweru here sezvo vachiziva kuti ndiko kumba kwedu. Ndinofanirwa kuvanyengerera nekuti ndinoda mhinduro kumurume uye. ndinoda andiudze kuti ndakamutadzirei. Handiendi kunokumbira kuti andide kana asingandidi handinga mumanikidzi kuti andide asi mhinduro chete nekuti ndinoda mhinduro Mangwe Ndaiva ndakagara mu office mangu ndichiverenga ma novels mu foni mangu, pakapinda umwe doctor "Boss" "Hello doctor" "Are you okay" "Yah I'm okay" ",I don't think so" "I'm fine it's just kuti ndakaneta" "Okay boss kana pane zviri kukunetsa ndiripo" doctor akadaro achibuda. Shame vashandi vangu vane care neni. Ndakakomborerwa shuwa kuwana vashandi vakadai. Nguva dzekuchaisa dzakachaya, ndakabuda ndichienda kuchikoro cha Tadie. Paakandiona akamhanya achipinda mumota. Takamhorosana ndichimutsa mota "My baby mota yangu yakasviba ngatidarike pa car wash iri pedo ne garage" "Muchanditengera drink ka mambokadzi wangu?" Ndakaseka. Tadie ane ecocash yake. "Ecocash Yako yadii?" Ndiri ku saver mhamha" Ndakaseka tichibva tapinda pa car wash ndichibva ndamupa Mari kuti anotenga drink. Zvichakadaro pakabudikira umwe murume "Hey mom" "Hey" "Wauya kuzogezisa mota?" "Yes manje vanhu vaanoshanda pano handisi kuvaona" "Ndichaigezisa ini" Ndakashamisika nekuti iri basa revapfana iye nemakuriro ake hazvina kumufita. "Chii ma'am pane zvamunoda kutaura?" "No sir" Tadie akauya ne drink yake tichibva tamira takatarisa murume uya kusvika apedza. "Ndapedza ma'am" "Thank you" ndakadaro ndichimupa mari "Mwana wako uyu?" Achitarisa Tadie kwenguva yakareba zvekuti Tadie aiva asisiri comfortable "Yes mwana wangu sir" "Ohh she's so cute" "Thank you" ndakadaro tochitendeuka tichienda. Akatitarisa kusvika tapinda mumota. "Mhamha nei baba avo vachititarisa kudaro?" "Handizivi neniwo" "Pamwe vanoda kukunyengai" Ndakaseka. Mwana uyu achandiuraya I'm telling you "Achinyenga ani?" "I'm just saying " Ndakamutsa mota tichienda kumba. Takasvika umwe neumwe akananga mu room make, nhasi handifungi ndikakwanisa kubika ndakaneta, ticha order. Ndakakurura ndichienda kunogeza, ndapedza ndakaenda ku sitting room ndichi order chikafu via online End of chapter