Chapter 30 ANENYASHA Takamhanya tichibuda panze ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona Manue akarara pamusoro peropa kunge panga pachibaiwa mbudzi thank God aiva kudonhera pasi dai manje tichitaura zvimwe . Tifa ndiye anga achitambira pa mantras uyu akausiya ipapo ā€¯Manue!!!!!" ndakadaro ndichienda kwaari ndichiedza kumusimudza asi aiva akanyarara kuti zii "Manue!!!! Manue!!!!" Tafadzwa akadaro achimubata muhuro akamutora nekukurumidza "Tafadzwa what happened?" ndakabvunza "Anofanirwa kuenda kuchipatara Popo tora oxygen muroom mangu nekukurumidza nemishonga" Tafadzwa akadaro Popo akamhanya inini ndaiva ndoita kunge pfungwa dzatiza ndisingazivi kuti ndiite sei. Musoro wangu waidhuma ndingava chii shuwa kunze kwemwana wangu. ndiye akandiita kuti ndive mukadzi ndiye munhu akaita kuti ndinzi mhamha he is my everything. Nei aita zvose izvi ndakatanga kuchema. aita zvose izvi nekuda kwangu, ndaiva ndakango mubata sezvo Tafadzwa aimuisa oxygen. Musoro waiva wakatsvuka ropa ndaiva ndakmubata musoro waiiswa bandage. "Tafadzwa" ndakadaro Tafadzwa akapinda mberi achichaira ndakatarisa Popo wandaiva ndakagara naye kumashure naManue "Chii chaitika paari, nei aita zvose izvi Popo?" "Handizivi mhamha asi ini ndamuona ave pamusoro pebalcony zvinhu zvaataura ndezvekuti imi hamumudi" Popo akadaro Ndakavhunduka ndichiedza kumumutsa. "No my boy muka please ndinokuda zvakanyanya hazvisirizvo zvauri kufunga" ndakadaro Takasvika kuchipatara vachibva vamuendesa kuward ndakaona madoctor achikwira achidzika muward yake. Moyo wangu wakarwadza zvakanyanya pandakaona achiiswa michina yakawanda "Mhamha chiregai kuchema Manue achava right" "Nei afunga kuti handimudi? zvinhu zvandiri kuita it's best for iye kwete kuti handimudi ndinomuda zvakanyanya ngaasafunga kuti handimudi" Ndakaenda kunomira pawindow sezvo vaiva busy naye Tafadzwa akabuda achiuya kuzomira nesu. "Tafadzwa arisei Manue?" ndakabvunza "Achava right" Tafadzwa akadaro "Usandinyebera Tafadzwa saka nei aiswa michina yakawanda?" ndakabvunza "Hapana chinhu chichaitika paari ari mumaoko ari right for now" Ndakaenda kunogara pabench ndichichema Zvichakadaro Jay akapinda sezvo aiva afonerwa naPopo "Baba chii chaitika pana Manue?" Jay akabvunza "Anga achida kuzviuraya nekuda kwekuoma musoro kwaAne" Tafadzwa akadaro "Handisi kunzwisisa baba" Jay akadaro "Bvunza Anenyasha kuti chii chaitika ndiye anoziva kuti amuitei Manue kusvika aita zvose izvi" Tafadzwa akadaro Jay akauya kwandiri "Mhamha chinyararai musachema ndiudzei zvose zvaita kuti Manue aitirei zvose izvi" Jay akadaro Handina kumupindura "Popo" Jay akadaro "Manue ati mhamha vapamha zve kuenda kunodherera kwana Tadiwa" Popo akadaro Jay akanditarisa achishamisika. "Mhamha nei maita zvose izvi?" Akabvunza "You guys you will not understand" ndakadaro "Mhamha vana havapindi muhondo dzenyu I know kuti zvinorwadza kwamuri asi musapinza Manue naTadiwa munyaya dzenyu honai manje zvamakonzeresa pana Manue" Jay akadaro "Asi............" Ndakatadza chero kutaura ndichichema "Ane, Manue achava right okay saka ndokumbira umire zvekuchema" Tafadzwa akadaro Zvichakadaro doctor akabuda takaenda kwaari nekukurumidza "Arisei?" Tafadzwa akabvunza "Parizvino handinga tauri asi chinhu chaanoda iropa arasikirwa neropa rakawanda" doctor akadaro "Iyo haisi problem ndine ropa remagroups akawanda saka ndichamupa rangu" Tafadzwa akadaro "Okay no problem" doctor akadaro vachipinda mukati Apo ndairohwa nehana zvakanyanya kunzwa mwana wangu achinzi ari pacomma. Shuwa ndichava chii kunze kwemwana wangu kana andisiya panyika ino nekuda kwezviito zvangu handinga zviregereri. Neniwo ndinenge ndave kufanirwa kubva panyika ino nekuti handinga kwanisi kutarisana nezvose izvi. After 20mins Tafadzwa akabuda nadoctor "Pane chimwe chinhu chatawana zve pana Manue" doctor akadaro Takashamisika tose. "Chii ichocho?" ndakabvunza "Chii doctor?" Tafadzwa akabvunza "Tawana madrugs mumuviri wake" doctor akadaro Ndakavhunduka. "What?" ndakabvunza "Madrugs erudzi rupi iwayo mbanje, here?" Tafadzwa akabvunza "Ayewa piritsi" doctor akadaro "What?" Ndakabvunza Takatarisana tose. "Piritsi?" Popo akabvunza "Are you sure doctor?" Tafadzwa akabvunza "Ayewa handinga nyepi nezvinhu zvakadaro" doctor akadaro Muviri wangu wose wakabva waneta Manue ari tora kupi piritsi asi ave kuita zvemadrugs. MANGWE Maybe I was too harsh pana Cindy handifungi kuti iplan iri right kuti ndiite zvandaita mberi kwake asi neniwo ndanga ndisinga zviitisi hasha ndidzo dzanga dzichindikurira. Nei ndichifanirwa kuva nechinhu chinondisanganisa nevanhu vekwaZvayi pachokwadi Jay handimuvimbi. Munhu anokwanisa kutendeka munhu mukuru nepfuti kuratidza kuti ibhinya remukomana iri. Zviri pachena kuti akaroora Proggy rimwe zuva kana vanetsana achashandisa pfuti kwaari. I can't loose my sister ini ndichangomuwani asi handifanirwi kupinda munyaya dzake kana iye achimuda ini handipindi. Ndakabva ndaenda muroom maProggy ndakamunzwa achitaura pafoni ndakabva ndagogodza akabva ati ndipinde "Hey sisi" Proggy akadaro achikata foni "I'm sorry kukugarisa wega kwenguva yakareba" "No its fine sisi, Ndakagara naTadie tanga tichitaura hedu nyaya" Ndakanyemwerera. "Muri kuwirirana here?" "Zvakanyanya big sisi kuita kunge munin'ina wangu nenzira yatiri kutaura nayo" "Oooh that's good" ndakadaro ndichimutarisa kwenguva yakareba Ndinoziva anoda kutaura nezvenyaya yaJay asi haazivi kuti achatangira papi. Asi kana vachidanana ini ndini ani anga mira munzira yavo handizivi ndinzwe sei naJay asi Proggy nzira yaanga achitsanangura nayo hunhu hwaJay anenge munhu ari right ari protective asi mushure mezvinhu zvakaita kwandiri ndine kakusamuvimba. Kuti akaita zvinhu izvi nekuda mai vake here,? Inga wani Tadiwa akataura zvakashata pana Ane nekuti aidzivirira ini so Jay can do that also for amai vake pamwe zvinhu izvi ndazvitorera pamusoro. Asi handinga kwanisi kusvika muhupenyu hwaProggy ndokanganisa hupenyu hwake. You can see kuti haadi kundirwadzisa asi iye Jay anomuda so ini why ndichida kumurwadzisa ndiri sisi vake after all ndinofanira kumuita kuti afare. Ndichangomuwana so ndinoda kumuona achifara chete. "Unomuda Jay?" Proggy akanditarisa. "Ehe sisi zvakanyanya uye ndiye ega munhu anondipa mufaro. Kubva zvandakatanga kusangana naye hupenyu hwangu hwakatanga kuchinja akandidzidzisa akandiita munhu pavanhu ndichiri kugara naye ndaiva ndisingazivi kuverenga chero vara rimwe haro. Asi akanditsvagira munhu anondidzidzisa ndave kugona manje" "I'm sorry nenzira yandamubata nayo chete ndabva ndafunga zviito zvake zvaakaita kwandiri" "No sisi I understand no need yekukumbira ruregerero chero dai ndanga ndiri ini ndaiita izvozvo" "Okay you can call him kana uchimuda iye achikuda as long achikuita kuti ufare. Mufaro wako wakandikoshera" Proggy akanyemwerera achitora foni yake achitaura after some minutes huso hwake hwaiva husisina mufaro "Chii manje?" Ndakabvunza "Jay ari kuchipatara" Ndakavhunduka. "Aita sei manje Jay, ari kuitei kuchipatara?" "Hanzi Manue azvikandira pasi anga achida kuzviuraya" Ndakavhunduka. "What ohh my world asi ari right here?" "Hanzi madoctor achiri busy naye hapana zvavati vataura zvine musoro" "Ummm okay ngapasaita munhu anoudza Tadiwa nenyaya yose iyi" "What if achida kumufonera then yobatwa nasomeone foni yake omuudza zvose?" "No" ndakadaro ndichimhanya ndichienda muroom make Ndakamuwana achiverenga mabook ake ndakagara pedo naye "Hausati wapedza kuverenga nanhasi?" "Ayewa ndichiri kuverenga" "Okay I think yave nguva yekuti uzorore" "Ndiri right mhamha" "Ndiri doctor so I know everyone zorora ndichaenda nefoni yako ndinoziva uchange uri busy pamasocial media" "Okay" Tadie akadaro achienda pamubhedha PORTIA Mushure mekunzwa kuti doctor ati Manue adya madrugs ndatadza chero kumira chinhu chandaita kunyepa kuna mhamha kuti ndine assignment yandinofanirwa kusenda ndanga ndisingadi kuti vazofungira chimwe chinhu. Ndakaenda kumba ndakawana ana Tifa vakagara "Sisi arisei Manue?" Tifa akabvunza Apa ini pfungwa dzangu dzaifunga kure handina kumupindura "Tiri kubvunza arisei Manue" Timu akadaro "Oooh Manue ari right madoctor vachiri busy naye" ndakadaro ndichimhanya ndichienda muroom mangu Pandakavhura pasi pemubhedha paiva pasina chinhu paiva pane mbanje chete ndakabata musoro. "No no no Manue" ndakadaro ndichimbeya imba yose Manue zvaadai munhu wose achaiziva zviri kuitika pandiri ndakabvunda muviri wese ndichitora mabhora embanje aiva akasungwa ndichimona one. I'm done nababa vachandiura. nei Manue aita izvi hona manje ave kuzondirwisanisa nababa namhamha TAFADZWA I don't understand nyaya iyi Manue amatora kupi madrugs asi ndinga bvunza izvozvo munhu ave kukwanisa kunhumburisa here. Anoita chero chii apo ndaiva ndakagara musitting room maiva makati zii sezvo taiva tichangobva kuchipatara. Manue aiva asara kuchipatara sezvo situation yake isiri right ndakaona Ane achingochema neniwo ndaiva ndapererwa nesimba rekumunyaradza nekuti zvose izvi kuda kwake. Aiva asingafinirwi kupinza mwana muma problems edu "Manue amatora kupi madrugs?" Ndakabvunza hapana akapindura "Jay wanga uchiziva zvose izvi here?" Ndakabvunza "Ayewa ndanga ndisingazivi ndatotanga kuzvinzwa kuchipatara asi Manue nemadrugs zvinoshamisa izvi" Jay akadaro "Nguva yose iyi takagara naye iye ari busy kudya madrugs hake" ndakadaro "Asi ini handizvi believe kuti anga achidya madrugs pamwe anga achitotanga achiti ari kutoitawo musikanzwa" Jay akadaro "Misikanzwa yemadrugs ambomatora kupi, asi amatora kwauri here Jay?" ndakabvunza "Hayi baba ini handizivi chinhu" Jay akadaro Zvichakadaro Popo akabudikira akabata chikafu "Chikafu chenyu?" Popo akadaro "Ini ndiri right" ndakadaro "Baba hamusi right munofanirwa kudya muwane simba, mhamha chikafu chenyu" Popo akadaro "Ini ndakaguta" Ane akadaro "Ndinokumbira musadaro mhamha nababa munofanirwa kudya kuti muwane simba Manue achapora" Popo akadaro "Popo ari kutaura chokwadi hamungarari musina kudya nekuda kwenyaya iyi Manue haanga muke kana musingadyi" Jay akadaro "Ndiri right Jay" Ane akadaro "Ayewa mhamha hamusi right ndokumbira mudye please" Jay akadaro "Mwana wangu ari kuchipatara nekuda kwangu" Ane akadaro "Mhamha hapana chichachinja kuti Manue ari kuchipatara ndokumbira muve strong for Manue" Jay akadaro achimudyisa "Baba please" Popo akadaro Handisi pamood yekuti ndidye zveshuwa asi handingaregi kudya vandimirira kudai asi pfungwa yangu yaiva kumadrugs anga awanikwa mumuviri waManue. I don't believe kuti mwana uyu ari kudya madrugs under my noise. Ndapedza kudya ndakaenda muroom mangundichinogeza nekuti ndakaneta nyaya yaManue yandishungurudza zvakanyanya muviri wangu wakaneta wese. Handina kuzoenda kumba kwandangw ndichifanira kuenda ndakafonera umwe wemacleaners ndichimuudza kuti nhasi handichakwanisi kuuya nekuda kwemareasons. Ndakaona Ane achipinda muroom akaenda kunogeza paakapedza akapfeka mapjyma achikwira pamubhedha apa paiva pakati zii pasina anotaura neumwe. Ndakaisa foni patafura ndichiedza kurara "Uri kuenda zveshuwa Tafadzwa?" Ane akabvunza "Asi wanga uchifunga kuti ndiri kutamba?" Ndakabvunza "Again I'm sorry nazvino ndichiri kukumbira ruregerero nezvinhu zvandaita" "Wamuona Manue kuti arisei? nei usingadi kunzwisisa kuti chii chiri kuitika?. Nei zvinhu zvose uchingozvitira hasha usingadi kunzwisisa" Ane akanyarara "Nhasi uchanditeerera usandi disrespecta Ane ndichakuudza zvinhu zvose zvawaifanirwa kunge uchiziva before uite zvinhu zvawakaita zvakapusa. Ndinobvuma ndakarara naMangwe asi iye akandiudza kuti zvaitika nemistake ndakamuteverera kakawanda asi iye akaramba" ndakadaro ndichinyarara kwenguva "Ndakamuudza kuti ndine mukadzi ndinoda kumuita mukadzi wangu wechipiri asi akarambisisa akati anga asingazivi kuti ndine mukadzi dai anga asina kumborara neni. She kept on pushing me away asi I was persistence saka pa zvinhu zvose izvi ndinoedza kuudza kuti Mangwe haana zvaakaita asi ndini ndakaita zvose izvi" Ane paaida kutaura handina kumbomupa mukana "I'm sorry for that kuti ndakarara neumwe mukadzi iwe uripo. Asi izvi zvawave kuita hazvisi right nekuti Mangwe haana mhosva" "Ndinofanirwa kuita sei ini iwe uchigara unaye?" "Kwaiva kusiri kuti ndaigara ndiinaye Ane asi raiva basa. Ane chipatara taiwanza kuita musungano ikoko ndiko kwatakajairana kusvika paitika zvakaitika. Patakajairana akandiudza nyaya yake pamwe chete nemwana wake" ndakadaro ndichitura befu "Ndakachinja pfungwa nekuti ndakaona kuti Tadiwa ane pamuviri paManue not kuti ndaida kuroora mai vake. Ndakazviita nekuti ndaiziva nzira yaakakura nayo Tadiwa akakuriswa namai vake chete asina baba vake so ndaiva ndisingadi kuti zvinhu zvakaitika pana mai vake zviitike pana Tadiwa. Chifunga zvako zvaunofunga Mandlovu chero ukati ndinonyepa zvava zvako izvo chero ini ndakuudza chokwadi changu" ndakadaro ndichidhonza gumbezi ndichirara ndakatarisa kuside "Goodnight" ndakadaro TADIWA Nezuro ndakasvika pakurara Manue asina kumbondifonera zvinoreva kuti aterera mai vake. Saka zvinoreva kuti ateerera mai vake haachandidi zveshuwa apo foni yangu iri kuna mhamha ndinotya kuitora pamwe vanditorera nekuti havadi kuti nditaure naManue. Ndakaenda muroom mavo ndakawana vari busy ne laptop yavo "Hello mhamha" "Hey you look so tired asi unoda something?" "Ayewa mhamha ndiri right ndinokumbira mundipewo foni" Vakanditarisa kwenguva yakareba "Pane zvinhu zvatinofanirwa kutaura" mhamha vakadaro Ndakavatarisa ndichishamisika nekuti huso hwavo hwaiva serious "Gara pamubhedha" Ndakagara. "Ndokumbira unzwisise zvinhu zvandichakuudza" "Okay mhamha" "Proggy afonera Jay pane zvinhu zvaamuudza" Ndakavhunduka chinhu chekutanga chakapinda mupfungwa dzangu ndiManue "Chii chaitika mhamha?" "Hanzi Manue anga achida kuzviuraya" Ndakavhunduka asi mhamha vakauya vachindibata "Hazvisi serious ari kuchipatara manje achava right haana kukuvara panzvimbo ine hunjodzi" "Mhamha ndinokumbirawo kuno muona" "This is not good idea ndokumbira tipe family yake space and unoziva kuti zvinhu zviri sei pakati pavo nesu uye ndinokuvimbisa kuti achakurumidza kupora" "Proggy ndiye achange achitiudza kuti zvinhu zviri sei" Ndakanzwa misodzi ichiyerera pandiri. "Why aita izvozvo?" "Forget about it inyaya dzefamily yavo asi ndinokumbira usanyanya kufunga zvakanyanya just relax Manue achapora" Ndakabvuma nemusoro vachibva vandipa foni ndichienda muroom mangu ndakasvika ndichizvikandira pabed ndichichema Nei Manue anga achida kuzviuraya?if it's not for me asi anga achifanirwa kufungira mwana wake anofunga kuti akazviuraya mwana uyu achatariswa nani. Ndakatarisa number yaEric nekuti ndiye chete munhu wandinga taura naye nekuti ari close naManue ndakamufonera akadaira. Manue akambondifonera nefoni ndosaka ndine number yake "Hello" Eric akadaro "Uri kutaura naTadiwa" "Hey Tadiwa urisei" "Ndiri right ndinoda kubvunza kuti Manue arisei?" "Ndizvozvo hazvo asi usanyanya kufunga achava right" "Okay thanks ndicharamba ndichikufonera ndichinzwa kuti zvinhu zviri kufamba sei" "Okay no problem feel free kundifonera" , Ndakakata foni ndakaona baba vachindifonera. Yooh ndichine mhosva yekuti ndivaudze zviri kuitika pandiri pamwe ndikavaudza nyaya yose iyi vachabva vandirasa futi "Baba makadii" "Hey dear uri right" "Ehe ndiri right" "Good ndiri muno muharare nebasa uye ndinoda kunosigner mapaper emba" "Really?" "Yes ndanga ndichida kuenda newe kunoona imba" "Neniwo ndinga zvifarira baba" I think yave nguva yekuti ndivaudze nyaya yose asi ndinotya mumoyo "Okay regai nditange ndataura namhamha ndichakufonerai" "Okay ndichaona newe" Ndakata foni ndichabva ndaenda kuna mhamha "Mhamha baba vachangobva kundifonera vati vari muharare vati vanoda kundiona" "Vachikuonera kupi?" "Pane imba yavatenga ndiko kwatichaonerana" Mhamha vakanditarisa vachishamisika. Oooh saka vanga vasingazivi nezvenyaya iyi "Imba yaatenga?" "Manga musingazivi here?" "Ayewa it's none of my business saka afunga kutenga imba muno muharare?" Ndakanyemwerera. "Ndokumbira kuenda navo" "Akurumidze kukudzosa asi" "Okay mhamha thanks ndichavaudza" ndakadaro ndichienda muroom mangu ndichifonera baba ndichivaudza kuti vabvuma vakati vari munzira kuuya kuzonditora. Ndakabva ndaenda kunogeza JAYDEN Ndanga ndichingofunga ndichiedza kubatanidza zvinhu asi hazvisi kubatana chinhu chandinoda kuziva Manue amatora kupi mapiritsi? amatenga kunani ndiyani iyeye ari kutengesa madrugs ari kutengesera Manue? Ndaiedza kufunga asi zvairamba kubatana ndakabva ndafonera Simba "Simba" *Shoo boy" "Unoziva ndiri kuedza kubatanidza pano asi hazvisi kubatana" "Chii chauri kubatanidza?" "Kuti ndiani iyeye ari kutengesa madrugs around ndaedza kufunga ndaedza zve asi zvaramba" "Neniwo dude ndabvunza vanhu vandanga ndichifungira vati hapana zvavanoziva" "Zviri pachena kuti munhu uyu akangwara asi ndichamuwana chete" Zvichakadaro pakaita knock padoor "Okay dude shoo pane munhu ari padoor" ndakadaro ndichikata foni ndichienda kunovhura door. Ndakanyemwerera pandakaona ari Proggy akandimhorosa achinyemwerera achiuya pandiri achindihaga. "I miss you babe" "I miss you Gojasi pano hapachagariki kunze kwako" ndakadaro ndichimukisa "Manue ave sei?" "Hey zvichiri zvakaoma manje asi achava right zvake. Zvanga zvichava nani zvichinzi azvikandira pabalcony chete but iyi yemadrugs" Akanditarisa achishamisika. "Madrugs?" "Ehe madrugs madoctor ati muviri wake une madrugs ndiwo aadya asati azvikandira pasi handina kukuudza here?" "Ayewa hauna kundiudza wangondiudza chete kuti anga achida kuzviuraya" "Sorry I thought kuti ndakuudza manje ndiri kuedza kufunga kuti ndiani anga tengesa madrugs manje ndiri kumushaya" "Yoooh zvakaoma Manue haasi munhu wemadrugs kana wakamutarisa" "Yaaah neniwo ndinofunga kuti anga achitanga kuita zvemadrugs nekuti muviri wake hauratidzi kuti ari kudya madrugs" "Yaaah ngativimbe kudaro" "Arisei Tadiwa, ave kuziva here nezvaManue?" "Yaah Mangwe amuudza nyaya yose she's strong that one" Oooh okay that's good saka chimboswedera pano. Ndimborova ka half ka ndanzwa Kani babe" "Jay maan" "No babe please ndiri kufa Kani"ndakadaro ndichimusimdza ndichienda naye mu room medu uku ndichimukisa Mike Tiri munzira na Tadiwa kunoona imba, vangu vandiri kunosangana navo vatotimirira. After some minutes takasvika. Takawana laywer rangu nevachanditengesera imba. Takasayinirana mapepa. "Mapepa aya anofanirwa kuendeswa ku court nhasi chaiye" lawyer rakadaro "Thank you ndichaita sekudaro" Tadiwa aitarisa imba. Yes handisati ndagara naye kwenguva asi ndinomuona kuti haasi right. Akauya kwandiri achiratidza kuyemura imba iyi. Ndakazoti ashare room raanoda. Ndakanyemwerera nekuti ndaiva ndatoona already ndiro raachashara. Lawyer rakaoneka richienda. Tadiwa akadhonza chikosoro kuratidza pane zvinhu zvaanoda kutaura. "Pane zvinhu zvandinoda kukuudza" akadaro achitarisa pasi "Chii my princess" "I'm sorry baba" "Sorry yeyi?" Akatarisa pasi "Ndave kuzoita mwana" Ndakavhunduka. "Wave kuzoita mwana? Handisi kunzwisisa ini" "Ndine pamuviri" End of chapter