Chapter 25 JAYDEN Aiva masikati ndakarara ndakatarisa mudenga. mudiwa wangu aiva akarara pachipfuva changu sezvo tichangopedza kutamba mutambo wevakuru. "Thanks Jay" "Thanks yei?" "Kuti wanga uneni nguva yose iyi pekutanga ndaifunga Kuti unoda kunditambisa asi zviri pachena kuti hausi kunditambisa" "Handina kumbozvifunga uye handifi ndakakutambisa ndinokuda zveshuwa ndinoda kuti tivake family yedu diki" Proggy akanyemwerera. " Shuwa here?" "Handifi ndakakutambisa babe ndiri kutaura chokwadi" ndakadaro tichikisana "But I'm worried" "Nei babe?" "What about Mucha? what if anosvika kuzondi attacker zve?" "Hey ndinokumbira ukanganwe nyaya yaMucha ndakaigadzira haambonetsi zve" "Ngativimbe kudaro kuti wakagadzira zveshuwa" "Trust me my love handina kuigadzira zvehondo asi ndakaigadzira mune zvakanaka" "Okay" Proggy akadaro achisimuka achienda kukitchen Achiuya nemvura achigara pasi. Zvichakadaro Popo akapinda achimhanya achifemereka "I'm sorry nekuku disturber" Popo akadaro Ndakaenda kwaari nekuti ndaimuona kuti ari kuchema. Munhu achemedza hanzvadzi yangu ndichamuuraya Ini "Chii Popo? uri kuchemei?" Popo akabva atochema kudarika pekutanga ndakamuswededza pandiri ndichimuhaga "Nyarara hanzvadzi usacheme" "Adzoka!!!!" Popo akadaro achichema "Ani manje Popo?" Popo akachema Proggy akanomutorera mvura achimumwisa "Please calm down utaure neni waona ani ndiani adzoka?" ndakabvunza ndichimupukuta misodzi "Taura neni Popo" "Murume akauraya mhamha Munyaradzi abuda mujeri" Ndakavhura maziso ndichimuregedza kunge ndashokwa nemagetsi "What?" "Abuda mujeri ndamuona nemasizo angu maviri aya!! ndamuona anga ari mberi kwangu. Zvinhu zvose zvakaitika zvauya mupfungwa dzangu" Popo akadaro achifemera mudenga "Ndokumbira udzore moyo hanzvadzi, wamuona kupi?" "Anga achicleaner kwandino gymer" "Okay cool down stop crying wachema zvakwana manje" "Nei abuda nekuti anofanirwa kuti dai achifira mujeri murume uya akauraya mhamha vangu akanganisa hupenyu hwangu. Dai manje tina mai vedu asi manje hona manje chii chiri kuitika patiri" "Okay okay zvakwana manje" Proggy akamuhaga. "Chingava chii chakaita I'm sorry Popo ndinoziva kuti zvinorema kuti uhealer asi hapana zvinorema kuti zvidarike. Mhamha vakakosha muhupenyu hwedu saka ndinonzwisisa asi zvinhu zvose zvichava right" Proggy akadaro Munhu uyu abudirei mujeri nekuti zviito zvake anga achifanirwa kugara mujeri. Ndakatarisa Popo aichema zvinhu zvaakaona zvihombe mai vake vachiuraiwa mberi kwake it's late manje ndanga ndichaenda kunomutarisa maybe atochaisa but ndichaenda mangwana ndinoda kuzvionera nemaziso angu kuti ndione kuti ndichamuitei "Chirega kuchema Popo" ndakadaro ndichitora foni yangu luck akaidaira nekukurumidza "Hey uri kutaura naMr Jayden Zvayi" "Hie sir tinga kubatsira nei?" "Ndinokumbira kutaura naMunyaradzi Zvayi" "Mr Zvayi?" "Yes Mr Zvayi" "Mr Zvayi vave nemwedzi yakati vakabuda mujeri" "Aaaah akabuda?, Akabuda sei nekuti mutongo wake wanga usati wakwana?" "Akawana parole nekuti aiva akazvichengetedza saka court yakaona kuti zviri nani vamubudise" Ndakaridza tsamwa. "Parole my foot!! anga akazvibata? Munhu akauraya mukadzi akamusiisa vana vake vachiri vadiki anobva abuda mujeri just like that? Munoziva here imi kuti vana vemukadzi uyu vanonzwa sei nezvinhu zvakaitika izvozvo.!!! Makambofungirawo vana vemukadzi uyu or makango decider kumubuditsa chete?" ndakabvunza nehasha Paaida kupundira ndakamudistuber "We still need to heal asi imi munobudisa munhu akatiisa mavanga f*ck man!!!" ndakadaro ndichikata foni yangu ndichihaga Popo Anenyasha Ndaiva ndakarara muroom mangu handizivi kuti ndiite sei ndiri kunzwa sekunge dai ndazviraramira hupenyu hwangu ndega asi ndinotanga kufunga kumashure kwandiri kubva zvinhu zvandakasangana nazvo kuti ndingabva ndangosiya just like that. Asi ukuwo handinga gari nemunhu akandirova musoro nechidhina. zviri pachena kuti next time achandiuraya What if kune ngozi kwaZvayi!, what if havana kugadzirisa zvakanaka Munya paakauraya Mpume? Misodzi yakatanga kuyerera saka zvinoreva kuti neniwo Tafadzwa achandiuraya here? ayewa Tafadzwa haanga ndiurayi asi nei akandirova. Zviri pachena kuti anga ndiuraya zvinhu zviri pachena kuti kuuraya zviri normal kwaari. Dai aida kundirova dai akandirova nembama chete asi iye akandirova nechidhina Ndaingotarisa foni yangu chete yairinger aiva ari Tafadzwa aifona handimbomudairi. Yakanyarara Ika ringer zve ndakairega ichirira ndakazoona ari Popo anga achifona ndakamufonera back "My baby" "Mhamha murisei" "Ndiri right my baby urisei iwe?" "Ndiri right ini" "Asi unenge uri down iwe chii chaitika?" "Pane zvinhu zvandaona" " Chii chawaona mwanangu?" Ndakamunzwa ave kuchema "Popo chirega kuchema chii chaitika?" "Ndanga ndiri kugym masikati ndichibva ndaona......" "Waona ani Popo?" "Ndaona Munyaradzi Zvayi" Ndakavhura maziso. "Munyaradzi?!!!!" "Ehe mhamha ndamuona ko nei vakurumidza kumubudisa mujeri nekuti zvinhu zvaakaita kuna mhamha zvihombe" "Mutemo unoita zvinhu zvawo my love hatinga kwanisi kuupikisa asi ndokumbira usachema nhaika chero ukamuona unofanirwa kuva strong for mai vako usachema" "Zvinorema mhamha" "Ndinoziva kuti zvinorema asi edza kuzvishingisa ndinoziva kuti you're a strong girl so be strong my baby" "Ndichaedza mhamha" "I love you" Takazotaura dzimwe nyaya dzakasiyana tichibva taonekana. Yoooh zveshuwa Munyaradzi abuda mujeri yoooh anga asinga fanirwi kubuda mushure me kuuraya mukadzi mai vevana vake. Dzimwe nguva mutemo wemuZimbabwe handiunzwisisi ini kuti vanozviita sei. Ndakatora foni yangu ndichifonera Tafadzwa "Anenyasha dzaTafadzwa" "Pane zvinhu zvakakosha zvatinofanirwa kutaura" "Ndinoziva kuti unondida asi wakanditsamwira chete" "Can we talk important staff or what?" "Hasha ndedzei?" "Tafadzwa handina nguva yekutamba ini" "Neniwo handitambi Ane" "Munya abuda mujeri" "What?" Tafadzwa akabvunza achivhunduka Ndakamuudza nyaya yose sezvandaiva ndaiudzwa naPopo "Ari kuHarare now? akabuda rinhi? abuda sei?" "Neni handizivi Popo ndizvo zvaandiudza chete im sure kuti naiyevo haazivi" "Anga arisei pawanga uchitaura naye?" "Anga achichema asi tapedza kutaura ave right" "Okay ndinokumbira kumufonera" "Okay" ndakadaro ndichikata foni JAYDEN Mangwana makuseni takaenda naPopo tichienda kugym nekuti ndaida kuno ona Munya. Patakasvika ikoko takapinda muoffice ma manager sezvo tisina kumuona Munyaradzi pavanhu vaicleaner "Morning Mr Zvayi" manager vakadaro "Morning" "Ndinga kubatsirai nei?" "Tauya pano tiri kuda kuona Mr Munyaradzi Zvayi" Manager akatitarisa achishamisika. "Munyaradzi Zvayi?" Ndakatarisa Popo. "Murume anga achi cleaner apo nezuro ndatanga kumuona nezuro nekuti ndanga ndisati ndambomuona kubva zvandakauya pano pagym" Popo akadaro. Takamuratidza pic yake "Muri kureva Mr Shiri here?" Takatarisana naPopo sezvo aiva iye munhu watiri kuda. Hooo saka akachinja mutupo "Yaaah ndiye munhu watiri kuda" "Akaenda nezuro akasiya basa andiudza kuti iye haanga kwanisi kuenderera mberi nebasa nekuda kwemareason ake" Takatarisana naPopo. "Hauna here idea yekuti anogara kupi?" "Ayewa hatina ruzivo" "Tinotenda" ndakadaro tichisimuka tichienda kumota "Ooooh atozvichinja nemutupo" Popo akadaro "Don't worry hapana zvichaitika " ndakadaro ndichichaira tichienda kumba Patakasvika kumba ndakaenda kustudy room ndakatora foni yangu ndichifona "Pane picture yandichakusendera ndokumbira undiwanire munhu iyeye ndinomuda" ..................... "Ndomuda ari mupenyu" ..................... "Unoziva kwekumuendesa" MANGWE Ndakamuka mambakwedza ndine nyota asi mvura yanga isimo muroom mangu. Ndakabuda ndichinochera kukitchen pandaiva ndodzokera ndakaona muroom maTadiwa makavhurwa. Shane my princess anokanganwa kuvhara door kana achirara ndakamuona akafa nehope ndakanyemwerera pandakaona nzira yaaiva akarara nayo rimwe gumbo raiva uko rimwe uko. Apa aiva asina kufuga magumbezi apa kuri kutonhora.. ndakatora gumbezi ndichimfugidza rumwe ruoko rwaiva rwakabata picture pandakaitarisa yaiva picture yangu ndinaye. Ndakanyemwerera ndichibva ndaiisa pamusoro petable, Mwari wangu dzivirirai mwana wangu panyika ino mudzivirirei kuvakomana vakazara nhema dzega. Asi ndinovimba kuti mwana wangu haasati asvika pastage iyoyo "I love you princess" ndakadaro ndichibuda ndichivhara door ndichienda PROGRESS Handizivi kuti Jay ari kutaura nezvei ndiani munhu waanoda ari mupenyu paakandiona akashamisika nekuti ndaiva ndakamira kumashure kwake "Gojasi wasvika rinhi pano?" "Kare ndatonzwa zvose zvawanga uchitaura pafoni" "Oooooh" "Chii chaunoda kuita Jay?" "Pane zvinhu zvandinofanirwa kukuudza about vabereki vangu" Jay akadaro achindidhonza tichienda muroom medu akaenda kunomira pawindow ndakamutarisa ndikaona kuti aiva nenyaya hombe "Chii? taura neni" "Uchiri kurangarira paya pawakandiitira birthday party ndikakutsamwira?" "Yaaah" "Sezvo ndisinga celebrate birthday rangu inhau yekuti musi wacho wakaitika zvinhu zvinorwadza mukati mehupenyu hwangu" Jay akadaro misodzi yajenga kumeso Ndakaenda kwaari ndichimuhaga. "Chero chii chakaita unofanirwa kuzvipfuudza babe" "Mai vangu vakashaya musi webirthday rangu" "Vakashaya?" "Ehe vakashaya vakauraiwa nababa vangu pamberi pehanzvadzi yangu Popo" Ndakavhunduka ndichiona misodzi yaJay ichiyerera neniwo ndakaona yangu yave kuyerera "Baba vakauraya mai vangu mberi kwedu asi nhasi vanzi vabuda mujeri, vavaburitsa mujeri sei ivo vakaita zvinhu zvakadaro? Havana kuuraya mhamha chete asi vakauraya mbuya vangu mai vamai vangu nekuti kubva zvakashaya mhamha mbuya vakatanga kurwara kusvika vashaya asi mutemo wavabuditsa mujeri" "Zvinorwadza chaizvo zvakaitika kwamuri asi ruregero runodiwa. Ndinoziva kuti zvinorwadza asi ndinokumbira muzvigamuchire zvinhu zvakaitika nekuti hamufi makawana peace" "Handingazviiti izvozvo mutemo watadza kuvapa chirango chakavafanira saka ini ndichazviita. Ndinomuda ari mupenyu ndinoda kumuuraya nemaoko angu aya" "Ndokumbira usaita izvozvo. zvinhu zvakaitwa nababa vako zvakashata zvakanyanya saka ndinokumbira kuti usabvume akuchinje akuite mhondi" Ndatozviisa mupfungwa dzangu ndichazviita" "Please Jay baba vako havanga mbozvifariri izvozvo" "You mean Tafadzwa?" "Yes ndivo vandiri kureva chero chii chakaitika asi mukoma wake" "Handina basa nazvo ini" Jay akadaro achindikisa pahuma "Pane kwandinoda kuenda i love you okay" Jay akadaro achitora makey emota achienda Ndakatora foni yangu ndichifonera Popo "Gulez" "Popo urisei" "Ndiri right ini" "Ini handisi right ndiJay" "Chii chaitika kuna Jay?" "Hapana zvaitika asi andiudza zvose zvakaitika kuna mai venyu im sorry zvinorwadza" "Yaaah eish zvinorwadza" "Chinhu chinondirwadza ndechekuti anga achitaura nemunhu pafoni achiti anoda baba vake vari vapenyu pandamubvunza ati anoda kuvauraya nemaoko ake" "Ooooh that's good" "Please Popo ndokumbira umutsiure asaita izvozvo nekuti zvichamupinza munjodzi" "Jay anoita zvinhu zvaanoona kuti zviri best for him and me" "Unoziva kuti akamuuraya achabatwa nemhosva izvozvo zvichamupinza mujeri ndinoziva kuti moyo wako uri kurwadza but please taura naye" "Ndinokunzwa Proggy asi neniwo hapana zvandingaita" "Zviripo ndimukoma wako achakuteerera" "Zvinhu zvaanoda kuita ndinoona kuti zviri right zvichatipa peace of mind" "Hezvo Popo"" "Proggy pane zvinhu zvandiri kuita bye" Popo akadaro achikata foni Ndakashamisika nezvakataurwa naPopo nekuti Jay achasungwa akaita zvinhu zvaari kuda kuita. TADIWA Nhasi Manue andidana kuti ndimushanyire kumba kwavo sezvo vabereki vake vasipo vari kumusha kuMberengwa. Ndakazvigadzira asi handiendi kunorara ikoko ndichaspenda zuva rose tiri pamwe chete ndiko kuti nhasi ndizive kumba kwavo. Ndakaenda kumota ndikawana atondimirira ndakapinda mumota tichikisa "Babe" "Mudiwa" "Wave ready kunoona musha wako" Ndakablusher. "Ini ndinotya kuti pane munhu wekumba kwenyu achationa obva audza vabereki vako" "Hazvinga mboitiki izvozvo avo vana vakangwarisa havapo vaenda kumba kwebrother yangu" "Okay babe" Manue akachaira tichienda kumba kwavo after some minutes takasvika. Woow unomuona Manue kuti kumba kwavo imbinga shamemota dzaanogara achichaira ndedze pamusoro. Pamba pavo pakanaka pane swimming pool dai kuchinzi hapasi pamba pavo ndanga ndichati nga timbo swimmer but no I can't say that. Takapinda mumba. Ndaingotarisa imba yose. kumba kwedu kwakanaka zvako asi uyu uri pamber unotora award "Musha wekwenyu wakanaka" "Unoda kuroorwa pano?" Ndakanyemwerera." Ndiani angaramba shuwa" "I wish dai tiri vanhu vakuru taroorana asi tichiri vadiki Tadie" Ndakatarisa pasi handina kumupindura "Ndinofunga kuti yave nguva yekuti tiudze family yedu kuti chii chiri kuitika kunyanya mai vako" "Ayewa zvchiri pedo kuudza famiy yedu ndinovatya mhamha handizivi kuti vachaita sei pavachaziva nyaya iyi ndinoziva ndakavarwadzisa mhamha" "Babe takaita zvinhu zvatanga tisingafanirwi kuita asi hapasisina kudzokera kumashure" "Asi zvinonetsa" "Shamwari dzako dzinoziva here nezvenyaya iyi?" "Ayewa handisati ndavaudza asi ndichavaudza" "Okay" Manue akadaro tichienda muroom make Makanaka shem uye makakura kunge munogara vanhu vatatu ndakatarisa imba yose ndikaona mapictures ake ndakamatarisa kwenguva yakareba "What?" "Nei vabereki vako vakakupa zita rekuti Emmanuel nekuti iwe hausi dangwe kumba kwenyu?" Manue akaseka "Uri kusekei manje?" "Mubvunzo wako" Manue akadaro achitora album achiuya nayo achindipa short rake "Ndokumbira upfeke apa usazosvibisa mbatya dzako" "Okay" ndakadaro ndichitora short ndichipfeka ne vest yake "Uyu isister yangu and my brother asi hatizvarwe pamwe chete" Manue akadaro achivhura album "Vanozvarwa nababamukuru" "Okay ndave kunzwisisa manje, saka baba vavo vakashaya or what?" "Ayewa havana kushaya asi vanga vari kujeri ndangonzwa zvichinzi vakabuda what what" "Oooh okay" "Vaiva vasungirwa kuuraya mukadzi wavo mai vana Jay" Ndakashamisika. "Yoooh vamwe varume imhuka chaidzo" "Yaaah zvinorwadza" "Taura hako" "Asi zvakadarika now tave kufanirwa kuenderera mberi nehupenyu hapana zvekuzviita" Manue akadaro achiisa musoro wake padumbu rangu "Ave kukava kava here?" Ndakaseka. "Aaah Manue kuchiri early for that" "Aizve ndinoda kunzwa zvibhakera zvake" Manue akadaro tichiseka Akabuda muroom make achiuya nejuice nezvimwewo zviri sweet takagara pamubhedha tichidya tapedza takarara pabed tichitaura nyaya dzedu. Nhasi izuva rekugara pano chete apo taiva tisina kuvhara door takaona pachipinda sisi vake. Ndakamuka nekukurumidza akatitarisa achishamisika "Popo" Manue akadaro "Sorry for disturbing" Popo akadaro achida kubuda Asi Manue akamudana ndakazvinyarira "Ayewa hauna kuti disturber" Manue akadaro "Ndanga ndichida kuti undibatsire nesomething asi ndiri kuona kuti uri busy" "Ayewa handisi busy uyu ndiTadiwa musikana wangu" "Baba vakati kudii nekupinza vasikana pamusha pano?" Popo akabvunza "Hezvo sisi ndokumbira musaudza munhu nezvanyaya iyi ndokumbira usaudza baba" "Handina kumboti ndichaudza baba, munoshandisa protection here? Iko iwe mwana mudiki sewe iwe musikana wave kurara nevakomana haunyari" Takatarisana. "Ndiri kutaura nemwi?" Popo akabvunza Apo ndaiva ndisisadi zvekuva pano ndaiva ndave kuda kuenda kumba manje "Popo look we just chill hapana zvatiri kuita" Manue akadaro "Ndanga ndichibvunza hangu" Popo akadaro achinditarisa achidzungudza musoro achibva aenda Haayi I don't like her ndakasimuka. "Ndokumbira undiendese kumba" "Haaa babe dont mind zvinhu zvataurwa naPopo" "The way she looked at me" "Siyana naye uyo" "Please ndiendese" ndakadaro ndichikurura mbatya dzake ndichipfeka dzangu JAYDEN Manje kunze kwaiva kwasviba zvinhu zvedu zvichafamba mushe vakomana vangu vamuwana munhu akauraya mai vangu. Nhasi hatina mai nekuda kwake dai mhamha Anenyasha nabamunini Tafadzwa vasipo dai takakura zvinorwadza. Ndakanopinda mukati ndikamuwana akasungwa makumbo namaoko akavhunduka zvakanyanya paakandiona. So achiri kundiziva hake "Oooh wasvika Jayden" Munya akadaro "Yes Munyaradzi Zvayi ndanga ndisinga fungi kuti uchakurumidza kubuda ndiwe zvako" "Look Jayden zvinhu zvandaka.........." Haana kupedza kutaura ndakanzwa hasha "Hey f*ck man!!! zvinhu zvauri kutaura zvichavamutsa here mhamha!!! nhasi ndichapedza newe nekuti mutemo watadza kuzviita ini handinga mbozvitadzi" Munya akanditarisa ndakatora pfuti zvichakadaro pakapinda message mufoni mangu aiva Proggy Jay he is still your father my love ndokumbira usaita zvinhu zvichakuunzira munyama yes kutsamwa kuri normal asi kuuraya hakusi normal so ndokumbira please usaita izvozvo kwaari. Kana ukangouraya baba vako uzive kuti ini newe tinoparadzana, ukauraya baba vako newewo uchaenda kujeri ini ndichasara nani nekuti iwe ndiwe wega family yangu. Please Jay usaita izvozvo nekuti uchashungurudza ini and amai vako handifungi vachazvifarira izvozvi hapana mubereki achafarira kuti mwana wake aite mhondi chero zvichinzi pane reason yakaita sei. Kana uchindida chaizvo haungaiti mhondi Misodzi yakayerera pandiri ndichigara pasi "Nei wakauraya mai vangu? vanga vakuitei chaizvo" ndakadaro ndichibata huso hwangu misodzi ichiyerera ndichinhonga pfuti ndichimutengeka nayo ndichidhonza trigger ndichinzina misodzi misodzi ichiyerera End of chapter