Chapter 38 Proggy Ndaiva ndakarara patafura kubasa Jay aiva afona achiti anouya kuzonditora after some minutes akasvika tichibva taenda kumota "Uri kudei pano Proggy inga wani wati nhasi hausi kuuya kubasa?" "Ndangonzwa kuda kuuya kubasa" "Are you okay?" "Yah I'm fine" "No need yekundinyebera Proggy chii chiri kuitika pauri? Chii chawavinga pano?" "Jay ndinokumbira undiudze chokwadi " "Chokwadi?" "Yes chii chawakaita kumba kwana Shelley?" "Ohh avo ndakavadzinga kumba kwavaigara". "Wakazviitirei Jay?" "Kungonzwa kuda kuvadzinga hangu chero manje ndikawana mukana wekuvaita zvimwe ndinovapamha" Apo aitaura asina kutombotarisa kwandiri "Ndiani akati uite izvozvo?" "Hapana uye handizvishori nazvo I wish dai ndawana umwe mukana ndavaita zvimwe" Please Jay. Ndinobvuma vaindishunguridza asi vakandirera vakandikurisa dai vasiri Ivo dai kutaura kudai ndakafa. Ndinokumbira uvadzosere" "Kuvadzosera chii?" "Imba yavo" "Never, ngavagare kwavari kugara, plus vaiva nemazakwatira emari yavaikwereta ini ndakabhadhara meaning yava yangu imba" "Ndiani akakutuma kunobhadhara imba yacho Jay? Vaiziva kuti vane chikwereti uye vaiziva kuti vachabhadhara sei" Jay akanditarisa achiwedzera speed haana zvaakataura kusvika kumba. Akaburuka mumota ndichingomunyengerera kuti avadzosere Imba asi yoo munhu wacho ane musoro wakaoma uye anotoratidza kuti haatombochinji zvaataura. Ndakapinda Mumba ndichigara pasofa. Foni yangu yakarira ndakadaira "Hello" "Little sister" F**k ndi Shelley "Waitora kupi number yangu?" "Hazvina kukosha izvo ndiitire chinhu chimwe little sisi" ",Uri kudei?" "Ndinoda imba yekwedu back". "Ko yakatorwa neni here Imba yacho? Ndiwe wandiudza kuti Jay ndiye akaitora Saka haisi kwandiri" "Akaita nekuda kwako right? So ndiwe zve uchaita kuti idzoke" "Iwe pedzerana nemunhu akaita izvozvo usiyane neni" "What? Are you for really?" "Ndataura naye Jay aramba" "Handineyi nazvo Ini chandinoda imba yedu. Iwe unotikwereta kudarika imba iyoyo" Sheilla akadaro achikata foni. Ndakazvirovera pasofa ndichisimuka ndichienda Kuna Jay" "Jay" "Yah" Can we talk please" "Kana iri nyaya yemba save it please" "Jay please" "Wait wait iwe neyi uchindinetsa kudai hanti unogara kwasisi ino imba yako, Saka neyi uchindinetsa kudai. Ayy Proggy siyana neni ndine ma problems angu anondinetsa ini kwete zvako zvekupenga izvi" "Une hutsinye Jayden " "Ndinozviziva wapedza" Ndakaridza tsamwa ndichibuda Anenyasha I'm trying kurara asi hope hadzibati, ndiri kungonzwa mazwi a Tafadzwa achiudza umwe mukadzi kuti anomufadza. Ndakapedzisira ndanwa mapiritsi ndichibva ndarara. Ndakapeputswa na Popo "Mhamha" ndakamuka ndichigara "Mhamha muri right? Vari kupi baba" ",Ndinoda kurara" "Mhamha maziso enyu akatsvuka manga muchichema here?" "Buda Popo ndirare" "Mhamha chii chaitika?" "Portia!!!" Akabva atobuda. Ndakasara ndichizama kurara asi hope dzakaramba. Ndakamuka ndichienda pa bar ya Tafadzwa ndichotora whiskey ya Tafadzwa. Mumaziso angu epfungwa ndaingoona Tafadzwa neumwe mukadzi. Chero ndikarwadziwa sei hapana zvandinokwanisa kuita Tafadzwa a mover on. Zviri pachena kutaura Tafadzwa haachandidi, atowana umwe anomufadza waanorara naye Mumba make. Ini akaguma rinhi kurara neni. Ndiko kupera kwe marriage yangu uku. Chero ndikadii chero ndikadii ndave kufanirwa kutarisa divorce anytime. Popo akauya pandaiva ndakagara Akaedza kubvunzisisa asi ndakapedzisira ndamuudza kuti abude munyaya dzevanhu vakuru 💫💫💫💫💫💫💫💫💫💫💫💫💫💫 Ndakarara kusvika ndamuka masikati pandakatarisa Tafadzwa aiva asati asvika, doro raiva rapera kuti hwaa. "Mhamha mamuka?" Popo akabvunza "Yes my princess wabikei ndanzwa nenzara?" "Ndiri ku toster nyama" Pandaida kunhonga nyama foni yangu yakarira aiva Tafadzwa ndakadaira "Ane nanhasi handiuyi zve pane zvinhu zvandiri kuita" Ndakarohwa nehana "Wadii kuzozviitira kuno baba manue" "Anenyasha ndakuudza nezuro hanti" "Okay " ndakadaro ndichikata foni ndichikwira downstairs. Popo akandidanidzira "Mhamha nyama yave right" "Ndakaguta" ndakadaro ndichienda ndichinopinda mu room mangu ndichizvikandira pa bed. Misodzi ichiyerera. Hapana chinhu chinorwadza sekuziva kuti murume wako akarara neumwe mukadzi Jayden I wonder chii chaizvo chiri kuitika pana Proggy mazuva ano andichinjira zvandisinganzwasisi. Ko neyi achida kuti ndidzosere imba kuvanhu vakamushungurudza, kuti pane zviri kuitika here? Ndakatora foni yangu ndichifonera Simba ndichimuudza nyaya yose naiyevo akashamisika asi akangoti Proggy ane moyo wakanaka munhu asingabatiri chigumbu akazondionesa kutaura ndiite zvaanoda kana ndichiri kuda imba yangu nekuti mazuva ano na Proggy takugara tichinetsana nenyaya yeimba yandakatorera vana Shelly. Ndakafonera Ndue ndichimuudza kuti avadzosere imba. Pandakangokata foni yangu yakarira aiva Popo "Portia" "Broe uri sei?" "Ndiri right uri sei iwe?" "Mukoma handisi right ini mhamha havasi right kuno" "Asi vanorwara?" "Aewa ndinofunga kuti vari kunetsana na baba, nezuro baba Havana kuuya kumba nazvino havasati vauya" "Haa ko Ivo vanhu rudzii vanongogara vachinetsana. Ini handichadi kupindira nyaya dzavo ndakadzidza chidzidzo paya. Baba wambovafonera here" "Ehe asi foni yavo haipindi " "Pakaipa Saka asi mhamha vari strong Popo don't stress unovaziva kuti munhu akaita sei kubva kare" "Ndizvo chete zvauchataura here nhai Jay?" Ndinofanirwa kuita sei Popo ini handizivi zvavari kurwira, look Popo ini handipindiri nyaya dzavo unless paita anorova umwe. Don't worry vachagadzira nyaya dzavo vanoziva zvavari kuita" "Okay broe" "Usaita chinhu newevo" "Okay broe" Takaonekana ndichikata foni yangu ndichibva ndaenda kunogeza ndinoda kurara in peace yoo Proggy anga achiita kundiuraya nzeve nenyaya yana Shelley Tadiwa Ndakamuka makuseni ndichienda mu room mamhamha ndichinoyamwisa Tanya sezvo ndichienda kuchikoro. Ndapedza ndakaenda mu room mangu ndichinogadzirira kuenda kuchikoro. Ndapedza ndakadzika downstairs ndichinodya breakfast, Proggy aiva akagara airatidza kuti ane zvaanofunga. "Mainini are you okay?" "Yes sweetheart I'm fine" "Asi hamuratidzi" "Ndiri right love don't worry about me" Mhamha vakadzika downstairs tichitanga kudya breakfast yedu. Tapedza transport yangu yakasvika ndichibva ndabuda ndichinopinda mumota . Ndiri munzira ndakashamisika ndichiona mai Manue vachifamba netsoka. Haa mai Manue netsoka? Kuti vari kutora walk here? But how nekuti nzvimbo yavari iri kure nekumba kwavo, Iko vasvika sei pano? Apa vasara padiki kutsikwa nemota. "Driver ndinokumbira umire zvishoma" Ndakanzwa vamwe vana vakukunyunyuta "Ndinokumbira kuburuka ndichakwira kombi" Driver akamisa mota ndichibva ndaburuka ndichitora foni yangu ndichifonera Manue "My baby mama, wandifunga nhasi?" "Manue handipo ipapo okay?" "Ko ndati imhosva here ini zvagara hanti ndiri baba vemwana wako vakanaka" "Mai vako" "Vaita sei Mai vangu?" "Ndiri kuona Mai vako kuno pedo ne chikoro chedu vari kufamba netsoka uye vanoratidza kuva be stress or something zviri kuitika pavari coz havasi focus" "Mhamha vari kufamba netsoka?" "Yes Manue mhanya uuye nekuti ini handingaswederi pavari please ndinokumbira kuti uuye" "Okay ndiri kuuya manje" Ndakakata foni ndichivatarisa uku ndaingovatevera zvishoma nezvishoma. No ways ndinofanirwa kuenda kwavari apa nguva zve dzekuchikoro dzachaya. Ndakamhanya ndichienda kwavari. "Mbuya va Tanya" ndakadaro ndichisvika pavari. Vakatendeuka vachinditarisa.maziso aiva akatsvuka kuti piriviri Proggy Ndaiva ndakagara na Tanya tichiona TV. Foni yangu yakarira aiva Jay "Morning" "Hey Gojasi" "Saka neyi wanga usingadairi ma calls angu". "Unoziva kuti neyi hanti" "So everytime panoitika zvinhu zvakadaro ndizvo zvauchaita kwandiri" "Chete newe handizivi neyi uchiita zvinhu zvakadaro. Vanhu ava vakakushungurudza Proggy neyi uchivanzwira tsitsi kudaro?" "Handisisipo ipapo ini hanti waramba here" "Ndavadzosera" What. Ndakanyemwerera "Shuwa here?" "Hanti wanga wadotaura here ndanga ndichaita sei. Unoziva Proggy kuti ndinokuda Saka ndichabvuma zvose zvauchataura" "Usadaro Jay, wakuita sekunge ndakumanikidza" "Handina kudaro okay ngatichiisiya nyaya iyi" "Thank you so much Zvayi" "Anything for you" Ndakanyemwerera "Ndinoda kubuda newe out" "When babe" "Kuma two" "Okay love bye" Ndakakata foni ndichinyemwerera ndichifonera Shelley "Maiwana imba yenyu Shelley please siyana neni" "Ndanga ndichiti ndichakufonera asi ndanga ndisina nguva kutaura kudai tiri kurongedza zvinhu zvedu aewa murume wako Ari romantic shame" "Shelley ndakupai zvamanga muchida please siyana neni" Ndakadaro ndichida kukata foni "Wait wait sezvo tichidzokera kumba tiri kunotanga from A so hatina pekutanga we need grocery" "You need grocery kunani Shelley?" "700usd iri bhoo" "Handina Mari ini Shelley" Handisi kukumbira Proggy ndiri kukuudza haisi nzira yekutaura nevanhu vakakuchengeta Kubva uchiri mudiki iyi. Ndinoda USD700 now" Ndakavhara maziso "Pa number iyi here?" "Wakutaura manje, yes pa number iyi. Ukangoisa mari tinenge tapedza business redu haumbondinzwi zve ndichikunetsa" Ndakakata foni ndichisendera Shelley mari ndichimu blocker everywhere. Handichadi chinhu chinondisanganisa naye. Anoda kukanganisa hupenyu hwangu asi handingamubvumiri vakahukanganisa ndichiri mudiki vave kuda kuhupedzisa zve, no ways Tadiwa Mai Manuel vakanditarisa vachishamisika "Tadiwa" "Uhm neyi muchifamba netsoka? Muri kuenda kupi?" "Ndiri kufurwa nemhepo hangu" "Kure kuno mhamha, ndafonera Manue ndikamuudza kuti muri kuno" "Why?" "Ndanga ndichifunga kuti pamwe hamusi right" "Aewa ndiri right ndanga ndichida kufurwa nemhepo" Pavaida kuenda ndakavabata, ndichivataudza. After 20 minutes Manue akasvika. Naiyevo akashamisika achiona Mai vake "Mhamha" "Manue" "Muri kudei kuno?" "Ndanga ndichifurwa nemhepo" "Kuno here mhamha? Chii chiri kuitika?" "Hapana" "Ndinokumbira mupinde mumota tiende kumba" Havana zvavakapindura vakanopinda mumota. Manue akanditarisa "Thanks" "My pleasure" "Pinda mumota ndikuendese kuchikoro hausi late here?" "Yah I'm late already asi ndichaona yekutamba" ndakadaro tichinopinda mumota. Mai Manue vaiva vakagara kumashure ini ndakagara kumberi na Manue, ndakavatarisa pa mirror vaiva vakatarisa mudenga vakavhara maziso. You can tell kuti zvihombe zviri kuitika pavari. Manue naiyevo aiva ave worried. Mumota maiva Makati zii kusvika mota yamira pagedhi rekuchikoro. "Thanks" ndakadaro ndichiburuka ndichipinda mukati I wonder chii chiri kuitika pana Mai ava? Ndakananga mu class ndakawana muna teacher Masango "Tadiwa inguva dzekuuya kuchikoro here idzi" "Ahhm I'm sorry sir pane zvaitika pandanga ndichiuya kuchikoro" "Chii chaitika?" "I can't tell you sir but I'm sorry nekunonoka kuuya" "Wanonoka Saka subject yangu hauidzidzi nhasi " "Hezvo sir" "Buda muno" "Ndakabva ndatobuda. Handina nguva yekunyengererana naye ini. Kubva zvandakaita pamuviri anondivenga shame. Aindinyenga asi iye aifunga kuti ndingadanana naye nemakuriro aakaita here arggg. Ngaatende chete kuti handina kumu reporter Kuna headmaster. Ndakatora foni yangu ndichigara pasi ndichipinda pa Instagram ndichiona life yevanhu ko ndingaita sei hangu hanti ndadzingwa here? Tafadzwa Ndaiva mumba mangu ndichipfeka Getty aiva pedo neni "Saka wanga uchitaura chokwadi kuti hauuyi nhasi?" "Yes ndanga ndichifanirwa kuenda kumba nezuro asi handina kuzviita nekuda kwako" "But we have good time and we enjoy it" "Yes asi ndanga ndisingafanirwi kuzviita. Ndavimbisa Ane something" "Asi naye hamusisiri mose ka makangosanganiswa nevana chete" "Unenge wakuda kundifambira mberi iwe. Unopinda papi pa family yangu nemukadzi wangu" "I'm sorry" "Good" Ndakuenda kubasa ini usare mushe" "Ufambe mushe" Ndakamukisa pahuma ndichinopinda mumota ndichienda kuchipatara. Ndine surgery yakandimirira apa surgery yacho ndinofanirwa kuiita na Mangwe. Ndakasvika kuchipatara ndikawana atondimirira. Ndakapinda mu office mangu achibva auya "Good morning" Mangwe akadaro ndakabvuma "You're late" "I know" "Unoziva surgey yatichaita inorema sei, wanga uchifanirwa kukurumidza kusvika" "Kwanga kune traffic sorry for that asi pachine 30 minutes ka kuti titange" "Usakanganwa ma rules kuti anofamba sei Tafadzwa. Be ready ndichakumirira ku operation room" "Okay" Ndakatarisa foni yangu it's over manje zvekuti Ane anenge achindiitira ma good luck kana ndichiita operation. Wee chisingaperi chinoshura shuwa. . Nguva ye operation yakatanga takapinda mukati. I can say kubva zvandakatanga kuziva Mangwe ndiye chete munhu wandinoita operation naye zvakanaka. Tine connection when it comes to operation. Tinoshanda nenzira imwe chete tinonzwisisana tine communication pazvinhu zvose zvatiri kuita. Operation yakafamba zvakanaka ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Tapedza zvose ndakaenda kumba, suu ndave nemazuva ndisingaendi kumba. Ndinoziva kuti kumba hakuna Munhu vana vari kuchikoro chandinoda kuzorora shame. Pandakasvika kumba ndakashamisika ndichiona mota ya Ane iripo. Ohh maybe haana kuenda kubasa. Ndakapinda mumba ndikananga ku bedroom. Ndakawana akarara paakandiona akamuka "Hey" Akabva asimuka "Hey you're back" "Yah why usina kuenda kubasa?" "Ndakaneta " "Okay neniwo ndakaneta ndinoda kurara" ndakadaro ndichiisa bag ndichienda kunogeza. Pandakadzoka ndakawana atoisa chikafu patafura. "Chikafu chako?" "Eish handina nzara asi ndichadya hangu zvishoma" ndakadaro ndichidya. Ndakapedza chikafu chose. Haa I didn't notice kuti ndine nzara zvandave kudya kudai "I miss the old you and me" Ane akadaro ndakamutarisa "Uhhm about nyaya iya yatakati tichataura nezvayo ndinokumbira kuti tiitaure ndamuka for now i want to sleep" "Okay" Proggy Tiri out with my husband sekundiudza kwaaita kuti tichabuda out. Now tiri mune imwe restaurant chero chikafu chedu chatovapo "Thank you Zvayi nekundiunza pano" "I'm your husband ndini chete ndine kodzero yekukuunza pano kana ukasaunzwa neni uchaunzwa nani" Ndakanyemwerera "Thanks nekunditeerera zvandakakukumbira". "Ohh that " "Yes" Okay asi pachokwadi ndanga ndisingadi kuzviita ndanga ndichida kuti vambo suffer for zvinhu zvavakaita kwauri" Ndakanyemwerera "I love you wanzwa?" "I love you so much, pane zvinhu zvandinoda kukuudza about myself " Ndakarohwa nehana "Chii?" "Handifariri nhema handifariri Kunyeberwa chinhu chinonzi secret ndinochivenga" Ndakarohwa nehana ndichimutarisa "Let's hope mukadzi wangu haapo pazvinhu zvandataura" "Neyi uchindifungira zvinhu zvakadaro " "Handikufungiri ndanga ndichingotaurawo hangu" Handina kumupindura takadya chikafu chedu kusvika tapedza Ini ndaiva ndisisiri right ndaiva ndave kunyika yangu ndega. zvakawanda zvinhu zvaimhanya mupfungwa dzangu. "Are you okay?" Ndakabvuma nemusoro "Handidi zve kuti mukadzi wangu arware ndiripo" Ndakaseka tichinopinda mumota tichienda kumba. Jay ndaimunzwa kuti ari kutaura asi zvaiva zvisingapindi mupfungwa dzangu. Ndaingofunga mashoko a Jay. Handidi nhema handidi Kunyeberwa chinhu chinonzi secret ndinochivenga Ohh shit ndichaita seiko kuti nyaya iyi ibude pachena. Chero sisi vangu handina kuvaudza. Asi kwaisava kuda kwangu vanhu. Tadiwa Nazvino ndichiri kuzvibvunza kuti chii chiri kuitika pana Mai va Manue. Foni yangu yakazara ma missed calls a Manue. Handina kumupindura nekuti ndanga ndiri busy. Ndakatora Tanya tichienda mu room mangu. Ndakamugarisa pa bed ndichifonera Manue "Ndikare ndichikufonera usingadairi foni Tadiwa" "Ndanga ndiri busy vari sei mhamha" "Vave nani asi problem havandiudzi chinhu" "Mhamha munhu mukuru vane ma secrets" "Ma secrets acho anotikuvadza isu " Vape nguva" ndakadaro Manue akabvuma tichibva taonekana, zvichakadaro mainini Proggy vakapinda vachindiudza Kuti vari kunorara kumba kwa Jay nhasi. Takaonekana vachibva vaenda ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Takagara nevabereki vangu patafura tiri kudya dinner. Ohh baba vakazoenda ku Gweru kunotora Cleo na Ray vave kugara mu Harare we are big family now vanombouya pano kuzoshanya "Mike ndine good news" mhamha vakadaro "Ndedzei manje?" "Ndamuwana munhu wawanga uchitsvaga abvuma kugamuchira zvinhu zvaunoda kuendesa" Ndakaona baba vachifara apa isu taiva tisingazivi kuri kuenda nyaya "My children pane zvinhu zvatinoda kukuudzai since zvinhu zvose zvave mugwara ini na Mai venyu tiri kuchata" baba vakadaro. "What? Wow?" Ndakabvunza nemufaro "Tichachata asi unenge uri muchato mudiki panenge pane family neshamwari" "I'm so happy daddy" ndakadaro ndichivahaga Shelley "I'm so so happy imba yedu taiwana, zvagara Proggy haairega kutaura nemurume wake coz anoziva nyaya dzake. Pandaida kumufonera kuti ndimutende Mari aiva akandi blocker "Saka imba yadzoka sei?" Mhamha vakabvunza "Siyanai nazvo izvo mhamha as long imba yadzoka " "Ohh okay ko Shawn ari kupi ndisingamuoni" "Ari kumba kwake uyo" "Ko haafanirwi kuva pano?" "Hakusi kumba kwake kuno" "Asi akatibatsira mwanangu uye unoziva Shawn haakwanisi kuzviitira zvinhu" "Mhamha Shawn munhu mukuru achaona yekutamba ndichiri mudiki ini kuti ndingadanana nemunhu ari pa wheelchair kwehupenyu hwangu hwese" "Haagari pa wheelchair kwehupenyu hwake hwese achava right mwanangu ". "Makamunzwa doctor mhamha . Shawn haafi akafamba handingazvigoni ini " "Mukomana uya akatibatsira zvakanyanya mwanangu zvisinei hazvo muunze kuno ndichamubatsira ini nezvese zvaanoda" "No mhamha Shawn ava chirema ngatikanganwei nezvake tienderere nehupenyu hwedu" ndakadaro ndichibuda