Chapter 27 JAYDEN Ndakasvika muroom mangu ndikawana Proggy akagara pabed "Babe" ndakadaro ndichimukisa "The whole night and the whole day?" "I'm sorry Proggy but pane zvandanga ndichigadzira" "Hauna kurara mumba wanga uri kuparty ini wandisiya pano makuseni hauna kudzoka wave kusvika manje apo ndatoita zvekufona" "Okay ndinoziva kuti ndaita mistake ndinokumbira undiregerere nezvaitika hazviitiki futi chete pfungwa dzangu dzakasangana" "Wataura naManue here?" "Aaaah Manue anondipengera uyu ndine zvinhu zvakawanda mupfungwa dzangu ini iye anouya achindipengera pano" "Anga achiti kudii?" "Anga achindiudza kuti ane musikana ane pamuviri anoda kuti ndinoudza baba" "Saka nei usinga zviiti izvozvo?" "Aaah ndinopinda papi ini hanty iye akazviita nekuti aiziva kuti zvichava nemubairo saka ngaatarisane nevabereki vake asiyane neni" "Ko chiiko chiri kuitika pauri nhasi?" Ndakamutarisa ndichishamisika nemubvunzo wake "Hapana" "Jay teerera Manue auya kwauri nekuti ndiwe mukoma wake muhombe anoziva kuti ndiwe unomubisa mumadhaka aari kana iwe usingadi kumubisa achabiswa nani?" Handina kumupindura. "Ndokumbira uende kuna Manue unomunzwa zvakanaka kuti chii chiri kuitika kwaari usabisa mastress ako pana Manue" "Okay ndichamufonera" "Pamwe achiri downstairs enda unomutarisa" Ndakasimuka ndichienda ndakamuwana akarara pasofa ndakamubata pafudzi "Hey Manue" Akabva amuka achigara "Ko hausati waenda?" "I need your help bro munhu wangu ari munyatwa" Ndakadzungudza musoro. "Unozivei iwe nezve musikana Manue wave kuita zvevasikana zviri serious here?" "Haaa mukoma ndakura ini manje" Ndakamutarisa. "Let's hope haudanani nechembere, let's hope munhu wava nhumburisa mudiki kwauri" "Ayewa mudiki she is 16 years" "16 yoooh achiri mudiki kuti angaita pamuviri but ndozviripo hapana zvekuita" "Ndinoda mhamha nababa vazivi nezvenyaya iyi asi ndinotya nekuti baba vachandiita zvinhu zvinorwadza nezvenyaya iyi" "Yaaah havanga mboregi ndinofanirwa kuvaudza vachiri kumusha pavachasvika pano hasha dzinenge dzaserera" "Please bro" "Asi newewo Manue pane chinhu chinonzi c*ndom why usina kuri shandisa hona uchiri mudiki sei kuti ungaita mwana" "Zvinhu zvacho zvakamboitika nemistake mukoma" "Okay ndichafonera mhamha nekuti baba vako hatitaudzane" "Kusvika rinhi muchiita zvinhu zvakadaro kana mhamha vakava regerera newewo uchavaregerera kana kuti kwete?" "Please ngatisataura nezvenyaya iyi" ndakadaro ndichitora foni yangu ndichifonera mhamha "Hey my boy" "Mhamha murisei" "Ndiri right ini ndanzwa nekukufungai kani" "Yaaah mave kufanirwa kuuya manje maenda kwenguva yakareba" "Ndinouya soon" "Ito kurumidzai henyu kuuya kuno mune mhosva dzakakumirirai dzemwana komana wenyu" "Mwana komana wangu?" "Ehe mave kuzoita mbuya Manue akanhumburisa" Mhamha vakanzwikwa vachifemera mudenga. "What?" "Zveshuwa akanhumburisa" "Manue apindwa neiko anga nhumburisa sei iye achiri mudiki" "Handizivi neniwo asi iye ndiye andiudza" "Mupe foni" "No" Manue akadaro "Huyai nemurume wenyu muuye muzogadzira nyaya iyi hoyo pano ari kutiza haadi kutaura pafoni" "Asi Manue weduwe" "Munofanirwa kuudza murume wenyu nekuti ini handinga kwanisi kumufonera" "Zvakwana manje Jay ndibaba vako" "Mhamha musare mushe ndinokumbira mukurumidze kuuya muzogadzira nyaya yemwana wenyu" "Okay mwanangu usare mushe" mhamha vakadari tichionekana ndichikata foni yangu TADIWA Handizivi nekuti ndarara nguvai asi ndapepuka kwaedza. Nhasi iweekend saka handisi kuenda kuchikoro ndakaenda muroom mamhamha ndakavawana vakarara. Ndakaswedera pedo navo ndakavatarisa kwenguva yakareba ndichibva ndaenda kukitchen ndakatanga kubika breakfast yavo ndakavaona vachiuya kukitchen ndakanyemwerera "Good morning mommy" Vakangovhura fridge vachibva vatora mvura inotonhora "Ndapedza kukugadzirirai breakfast" "Thanks ndichadya macornflakes" Ndakavatarisa nemaziso ane misodzi "Please mom am sorry please forgive me" "Tadiwa handisi mumood okay" Handina kuvapindura vakagadzira macornflakes avo vachibva vanogara pasofa vachidya. Ndakanogara pedo navo ndichivatarisa Kuti vachanditaudza here mhamha kana vakadai. Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Manue mhamha vakaitarisa apo ndaive ndava kutya kuidaira yakarira kusvika yanyarara yakarira zve "Foni yako iri kuita noise" Ndakaitora ndichiisa pasilent "Ko nei uchi ignore daira foni yako" Zveshuwa ndakaidaira asi ndaingotarisa mhamha "Hello" "Morning babe warara sei" Ndakatarisa mhamha naivowo vaingonditarisa "Ndarara zvakanaka ndokumbira undifonere later now ndichiri busy" "Okay ndanga ndichida kukuudza kuti mhamha nababa vari kuuya nhasi" Ndakarohwa nehana I'm so scared chii chichaitika? "Okay bye" ndakadaro ndichikata foni yangu ndichitarisa mhamha "Manue ati vabereki vake vari kuuya nhasi" "Une mwedzi mungani une pamuviri?" "3 months" Mhamha vakanditarisa nemaziso aiva nemisodzi . Mhamha vanyanya kushungurudzika zvakanyanya "Wamuudza Mike nezvenhumbu yako here?" "Ayewa" "Waregererei kumuudza nekuti anofanira kuziva kuti ane mwanasikana asina hunhu mwana anopenga asingakwanisi kuvhara makumbo ake. Anofanira kuziva kuti aitaura chokwadi paakati ndakazvara hure, uye mwana wacho akatodza iye asingagoni kuzvifungira anofanirwa kuziva kuti mwana wake anoita zvinomufadza haana basa kuti umwe munhu achanzwa sei as long iye achifara. Anofanira kuziva kuti hure rake razoprover zvaaitaura right" Misodzi yakayerera pandiri zvinhu zvose zvaitaurwa namhamha pandiri zvairwadza zvakanyanya asi ndingaita sei nekuti ndini ndine mistake pazvinhu zvose izvi. Ivo baba vachanzwa sei pavachaziva kuti ndine pamuviri vachabva vatondirasa for good now. Ndaingopukuta misodzi yaiyerera "Mangwenya please ndiregerere zvinhu zvandakaita imistake ndino kuvimbisa hapana mumwe munhu wandakamborara naye kunze kwaManue" "Mangwana tiri kuenda kumba kwemukomana akakumitisa" "Okay" Mhamha vakasimuka vachienda muroom mavo ndakasara ndichipukuta misodzi yaiyerera. MANUE Handizivi kuti ndiite sei sezvo mhamha nababa vachiuya nhasi handina problem namhamha chero vakandituka asi havanga zoiti sababa. Apo ndiri kuinzwa mota yavo iri kupinda zvinoreva kuti havasati varegererana nekuti havafambi pamwe chete. Ndakaona vachipinda mukati apo taiva takaperera naJay "Aaah chirega kutarisa nzvimbo yose wotozvimirira" "What if baba vanondirova?" "Havambokurove" Vakapinda mukati apo tanga tagara pasofa. Ana Popo vakasimuka vachinohaga baba "My people ndanga ndichikufungai" Popo akadaro "Neniwo mwanangu" mhamha vakadaro "Mhamha" Popo akadaro vachihagana vachimhorosana vose Ndakaona baba vachingotirisa nemaziso aityisa apo ndaiva ndakati kwati pasofa vakabva vagara pasi. Jay akandipa masign nemusoro "Makadii mhamha nababa" ndakadaro "Emmanuel" mhamha vakadaro "Ndiregerereiwo mhamha nababa ndakaita mistake" "Chii chawakaita mistake?" Baba vakabvunza "Kunhumburisa I'm sorry baba" "Manue uri mudiki wave kukwanisa kuvaka munhu manje iwe" mhamha vakadaro "Wakanhumburisa iwe unozivei nekunhumburisa?" Baba vakabvunza handina kupindura "Popo enda naTiffa naTimu upstairs" baba vakadaro Popo akavatora achisimuka vachienda "Wave kurara nevasikana manje iwe wave kuzviona kuti wakura" "Kuramba muchimubvunza mibvunzo iwowo hazvina zvazvinobatsira zvakatoita so tinofanirwa kuva nesolution yazvo kwete kumubvunza mibvunzo yenyu" Jay akadaro "Ndanga ndisingatauri newe iwe" baba vakadaro "Tafadzwa please" mhamha vakadaro "Chinzwa kaa mupfanha wangu unoona pari zvino handina simba rekuti ndikurove. Wakanhumburisa nekuti wazviona kuti wakura right saka unofanirwa kutora maresponsibility pamwana wako kuti sei I have no idea nekuti hauchandi uchiri kuchikoro" baba vakadaro "I'm sorry baba ndakaita nemistake" "Kurara nemukadzi usina kuzvidzivirira waifunga kuti zvichaguma nei?" Baba vakabvunza "Zvinhu zvawakaita zviri wrong uchiri mudiki kuti ungava nemwana. Mwana wawakanhumburisa ane makore mangani?" Mhamha vakabvunza "16" "Ko zvaachiri mudiki nhaiwe Manue vabereki vake vakati kudii?" Mhamha vakabvunza handina kupindura "Dai ndiri iwe mangwana chaiye ndichinotsvaga basa kuti ukwanise kuchengeta mwana wako kuti uchadii nechikoro ini handina basa nazvo" baba vakadaro "Baba please" ndakadaro "Ndokumbira undipe makey angu emota macard ekubank hapasisina monthly allowance nekuti iwe wakura wave kuzvishandira" baba vakadaro ndakavhura maziso "And iwe Jay, Ane handidi kunzwa kuti mapa Manue mari" baba vakadaro "But baba please.........." Handina kupedza "Iwe Jay handizivi kuti mwana wawakapfuya kumba kwako handizivi wakamupfuyirei nekuti kana uchimuda zveshuwa unofanirwa kuno muroora kwete zvinhu zvauri kuita" baba vakadaro vachisimuka vachienda muroom mavo ANENYASHA Yoooh handizivi zvinhu zvaitwa naManue zvinodaidzwa kuti kudii Manue achiri mudiki kuti angaita baba ndakamutarisa "Mhamha ndiregerereiwo" Manue akadaro "Mhamha taurai nemurume wenyu zvinhu zvaari kuita zvekutorera Manue macard nenyaya yechikoro hazvisi right" Jay akadaro "Ndiite sei ini Tafadzwa aita zvinhu zvanga zvichaitwa nemubereki wese. Iwe Manue waita izvi nekuti wazviona kuti wakura kaa saka unofanirwa kumiririra hurume hwako" ndakadaro "Mhamha munoziva kuti zvinhu izvi.........." Jay haana kupedza kutaura Manue akabva asimuka achibuda ndakasara naJay "Mhamha Manue muri kumuona kuti haanga kwanisi kurarama hupenyu hwanzi nababa ararame. Manue haanga kwanisi kunoshanda asi achaita zvinhu zviri nyore kwaari. What if achaita chigeven'a achitorera vanhu zvinhu" Ndakavhunduka. "Ayewa Jay........." "Mhamha ndiri kukuudzai zvinhu zvichaitika pana Manue. Manue haanga mbonotsvagi basa munofanirwa kunge muchizviziva izvozvo nekuti mwana wenyu ndokumbira mutaure nababa nekuti muchapushira Manue muhugeven'a. Handina kuti musa mupunisher asi zvamamuita zvine hunjodzi mukati" Jay akadaro achisimuka "Ndinovimba kuti muchataura naye" Jay akadaro achibuda achienda Ndakasara ndichienda kubedroom nekuti ndaida kunotaura naTafadzwa "Tafadzwa" "Hmmm" "Ndinoziva kuti Manue aita zvinhu zviri wrong asi punishment yawamupa iyi haisi right" "Chii chisiri right Ane anhumburisa nekuti akura right?" "Asi wanga usingafanirwi kumuudza kuti asiye chikoro" "Handina basa nazvo kuti anosiya or haasiyi asi kana achikwanisa kushanda kuti achengete munhu waaunza panyika" "What if achizopinda muhugeven'a nekuti anoda maru uchafara nazvo here?" "Hakuna zvinhu zvakadaro" "Manue haafe akatsvaga basa unozviziva iwe zvinhu zvavachaita hugeven'a kuti awane mari" Tafadzwa haana kundipindura "Uri murume iwe unozviziva ndokumbira usaita zvinhu zvichaura future yemwana wako. Tose tinoita mamistake uye tinodzidza pamamistake iwayo" "Kana zvakadaro nei iwe usinga ndiregerere nekuti ndakaita mistake" "Hatitaure nezvako neni pano Tafadzwa" "Asi neniwo ndinoda undiregerere look Mandlovu ndokumbira undiregerere zvinhu zvandaiedza kuita zvaiva zvisiri right ndinoziva kuti unondida neniwo ndinokuda zvakanyanya" "Wakandirwadzisa zvakanyanya Tafadzwa wakandidherera wakandiudza kuti unoda kutora umwe mukadzi izvo zvaireva kuti ini handikugutsi" "Look babe ndaiedza.............." "Hazvina kuguma ipapo wakandirova ukapotsa padiki kundiuraya nekuda kwem umwe mukadzi wakandiratidza kuti unomuda zvakadii" "I'm sorry okay I'm sorry nezvinhu zvandakaita uye handifi ndakapamha zve. Asi pazvinhu zvose zvakaitika ziva kuti ndiwe mukadzi anotonga mumoyo wangu" "Handifi ndakanganwa mashoko akabuda mumuromo mako Tafadzwa" "Chii chandinofanirwa kuita kuti undivimbe?" "Hapana don't worry Tafadzwa hapana zvauchaita ini newe tichagara pamwe chete tichiitira vana vedu nothing more" "Ndinokumbira usandidaro Mandlovu please" "Chifunga nezve nyaya yaManue" ndakadaro ndichibuda ndichienda kukitchen JAYDEN Zvinhu zvataurwa nababa ichokwadi ndinofanirwa manje kuita Proggy mukadzi wangu she is a wife material. Ndanga ndichambomupa nguva yake asi manje ndiri kuona ndiri kuzvinonotsa achapedzisira atorwa. Ndakasvika kumba ndikamuwana ari mukitchen achigadzira chikafu ndakamuhaga kumashure ndichimukisa huro "Mama" "Hey wadzoka" "Yes babe" "Wafamba sei?" "Haaa mukomana zviri kumuomera baba vatora everything kwaari sezvo anhumburisa" "Zvakaoma asi baba vachadzora moyo ihasha chete" "Yoooh hameno asi zvinhu zvavaita zvichakonzera kuti Manue apinde muhugeven'a nekuti anenge achida mari" "Ayewa Manue haaratidzi kuti munhu angaita izvozvo" "Manue ajaira kuva nemari saka kana asina achaita chero chii kuti awane mari uku ave nemukadzi wawakanhumburisa saka anenge ane maneeds" "No baba vachadzora moyo don't worry" Ndakamutarisa kwenguva yakareba akabva aseka "What?" "Unoziva kubva zvandaka sangana newe hupenyu hwangu hwachinja zvakanyanya" "Shuwa here?" "Yes babe" " Good ndiri kukunzwai Zvayi" Ndakanyemwerera. " Handizivi kuti uchazvitora sei Gojasi asi ndiri kufunga kuti zvicharema kwauri. Yareba nguva iyi tiri pamwe chete saka ndinoona kuti tiendese rudo rwedu panext level" Proggy akanditarisa achishamisika "Ndokumbira kunoisa roora kumba kwenyu please ndokumbira kukuita mukadzi wangu ini newe tiite family yedu" Ndakaona Proggy misodzi yajenga kumeso "Please Mangwenya marry me" Proggy akanyemwerera achindihaga. "Benzi remusikana ringa ramba izvozvo kwauri" Ndakanyemwerera. "I'm ready kuti tiite family ini newe Jay" "Ndinotenda zvakanyanya" "Asi ndokumbira undiitire something" "Anything for you Gojasi" "Ndokumbira a favour ndokumbira unditsvagirewo sisi vangu nekuti roora rangu ndinoda riende kwaari hakuna kumwe kwandinoda kuti riende" "Okay babe ndichaita sekudaro I will try my best kuti ndiwane sisi vako ndinobisa roora" Proggy akanyemwerera tichihagana. KUDZAI Ndakurumidza kumuka nhasi sezvo ndichiperekedza Mangwe nekuti anofanira kuendesa Tadiwa kumba kwemukomana akamunhumburisa. Manje ndiri munzira kuenda kwana Mangwe ndinofanirwa kuenda naye nekuti ndinoziva kuti arisei. Ndakasvika kumba kwavo vatova ready kuenda takamhorosana tichibva tanopinda mumota tichienda "Nzvimbo yacho iri kupi Tadiwa?" Mangwe akabvunza Tadiwa akamuudza kuti ndekupi "Ndinoda address mhani iwe!!!"Mangwe akadaro nehasha "Please Mangwe" ndakadaro "Handiizivi ini address yacho" Tadiwa akadaro "Hauzivi chero address yekumba kwemukomana wakangoenda chete ukanorara naye usina kumbotarisa address. Anoziva here kuti tiri kuuya kumba kwavo?" Mangwe akabvunza Tadiwa akatarisa pasi "Ndati anoziva here iwe Tadiwa?" Mangwe akabvunza "Ehe anoziva" Tadiwa akadaro "Muudze akupe current location" Mangwe akadaro Ndakaona ruoko rwaTadiwa ruchibvunda achiedza kunyora. "Calm dowm baby" ndakadaro akabva atochema "Maiguru ndakaita nemistake" Tadiwa akadaro achichema "Saka kana wakaita nemistake unoda ndifare nditambe kuti zvinonakidza kuti une pamuviri. Unofunga kuita pamuviri chinhu chekutamba here zvitarise kuti une makore mangani ivo vabereki vemukomana vachati kudii?" Mangwe akabvunza "Mangwe zvakawana please, sisi handei pamusha pacho tichaona kuti tichaita sei kana tasvika ikoko. Chirega kutuka mwana Mangwe" ndakadaro Takafamba 30minutes sezvo kwaisava kure takasvika tichimisa mota pane imwe suburb yaiva ne swimming pool paside "Ndipo pano here?" Mangwe akabvunza Mangwe akadzungudza musoro pagedhi paiva pakanyorwa kuti Zvayi nation. Saka zvinoreva kuti ndekwaZvayi pano. Takasvika tigogodza pagedhi sezvo paiva neintercom pakauya umwe musikana achiuya kuzotivhurira "Makadii" musikana uya akadaro "Urisei" ndakadaro "Pindai" musikana uya akadaro Takapinda mukati maiva nevakomana vaviri vaiva vakagara pasi. Ndakaona Mangwe achivhunduka zvakanyanya pamwe chete naTadiwa ndakashamiswa kuti vari kuvhundutswa nei "Tiri panzvimbo iri right here?" Mangwe akabvunza achibvunda "Ehe" Tadiwa akadaro Vakomana vaya vakasimuka muhombe wacho naiyevo paakavaona akavhunduka pamwe chete naTadiwa vakabva vamira vakatarisana "Ndinokumbira kuti mugare pasi" Ndakaona Mangwe achibata chipfuva ndakamubata nekukurumidza "Are you okay?" Ndakabvunza ndichimubhabhadzira "It can't be possible" Mangwe akadaro achibvunda Neniwo ndakavhunduka pandakaona Tafadzwa nemumwe mukadzi. Ooooh zvinoreva kuti mukadzi wake vaidzika mastairs kana ari saMangwe aibvunda handidi kunyepa asi akaedza kuva calm. Naivowo vari vaviri ndakaona vachivhunduka "Kule Tafadzwa" ndakanzwa Tadiwa achidaro Ndakaona Tafadzwa achidikitira same time maziso ake akati njoo kuna Mangwe apo isuwo taiva tisisazivi toita sei. Pakamboita Runyararo kwe5mins pasina aitaura neumwe ndakadhonza Mangwe kuti tigare pasi "Ooooh ndimwi" Mukadzi wacho akadaro apo maziso ake aiva atotsvuka same time "No tanga tisingafanirwi kuuya pano ngatidzokerei" Mangwe akadaro achizevezera Neniwo ndakazevezera. "Please Mangwe calm down Uitire mwana" ndakadaro "Ndinokumbira kuti mugare pasi" umwe mukomana wechidiki akadaro Ndofunga ndiye mukomana waTadiwa uyu. Ndakagara pasi ndichibva ndagarisa Tadiwa pasi aiva atozara misodzi mumaziso ake "Ooooh gara hako pasi" Tafadzwa akadaro kuna Mangwe Ndakaona mukadzi wake achimutarisa nerimwe ziso "Handifungi kuti ndichavapo pameeting iyi" mukadzi wacho akadaro achida kuenda asi Tafadzwa akamubata "Ane please for mwana wako" Tafadzwa akadaro Mukadzi wacho akagara pasi asi mumba maiva makati zii kunge mafiwa. Mangwe haangambotauri zvinhu zvine musoro apa zvinoreva kuti ndini ndinofanirwa kutaura "Makadii ndinotenda nekuti gamuchira" Vakabvuma vakomana vaviri uyu muhombe wacho maziso acho aiva asingabvi kuna Mangwe "Uyu ndiTadiwa namai vake Mangwe tauya pano nenyaya yaTadiwa atiudza kuti mwana wepano anonzi Manue akamu nhumburisa" ndakadaro "Isu tichazvivimba sei Kuti mwana wenyu uyu ari kutaura chokwadi kuti Manue ndiye ari responsible panhumbu yake. How can we trust her mwana asina hunhu" Ane akadaro "Mhamha" Manue akadaro "Nyarara iwe handitauri newe" Ane akadaro "Mhamha please" mukomana muhombe akadaro "Ane ndinokumbira u.........." Tafadzwa haana kupedza kutaura "Unokumbirei Tafadzwa zvose izvi makazviplanner ka mabva matopinza mwana wangu munyaya iyi. Iwe" Ane akadaro achitendeka Mangwe "Uri kuedza nepose paunogona kuti upinde pamusha pano wakatanga nemurume wangu ukaona kuti zvinhu zvaramba ukashandisa mwana wako how cheap are you?" Ane akadaro ",Sisi pano tavinga nyaya yevana kwete zvako zvawave kutaura kura maan" ndakadaro "Ohh Saka apa uri Kuti ndiri mwana mudiki here? Tafadzwa uri kuvanzwa vakadzi vako vauya kuzondidherera pamusha pandakavaka ndega. Ohh I see now muri kuchiva musha wangu argh maan!!!" Ane akadaro "Inini zvandavinga pano inyaya yemwana wangu kwete zvawave kutaura uye hapana zvakamboitika pakati pangu nemurume wako so watch your space" Mangwe akadaro "Guys ndinokumbira tiite zvinhu zvine musoro. Tose pano tiri VAnhu vakuru kuti tingangonetsana pasina reason. Yes tose tavhunduka tanga tisingafungiri kuti ndizvo zvichaitika asi manje ngatitarisanei nenyaya iripo manje" Tafadzwa akadaro "Taura nemkwadzi wako nekuti ndiye anoonekwa kuti ane problem" Mangwe akadaro "Mangwe nyarara" ndakadaro "Manue musikana uyu unomuziva here?" Tafadzwa akabvunza "Ehe baba ndinomuziva" "Mwana waakatakura ndewako?" "Ehe baba" "Kusvika masvika pa stage iyi makazviitira kupi?" Tafadzwa akabvunza. Manue akatarisa Tadiwa haana kupindura "Manue vari kutaura newe" Jay akadaro "Neyi muchibvunza mwana wangu ega kunge aiva ega pazvinhu zvacho. Mwanasikana pindura hanti zvainakidza uchivhura makumbo. Wakavhurira kupi makumbo Ako?" Ane akadaro "Usataura nemwana kunge asina kukwana" Mangwe akadaro "Pindura iwe musikana ndati maivepi muchiita hunhubu hwenyu?" Ane akadaro. Tadi akatarisa pasi "Kumba kwe mukoma wake" Ndakaona Jay achitarisa Manue "Sorry mukoma Jay" Manue akadaro "Nhumbu yako ine mwedzi mingani?" Ane akabvunza "3 months" Tadie akadaro "Unodzidza form chii?" Ane akabvunza "Form 4" Tadie akadaro. Ane akaseka "Une makore mangani?" Ane akabvunza "Mhamha please" Manue akadaro "16" Tadie akadaro "Like mother like daughter. Unoonekwa kuti hauna kudzidziswa mutemo iwe. Unoda zvinhu zvevakuru iwe uri mudiki. Ndakakuona nezuva rekutanga kuti musoro wakazara mvura hapana zviripo samai vacho" Ane akadaro "Iwe wako mwana wakamukurisa zvakanaka here? Akura zvekuti anganhumburisa usaita sekunge mwana wangu ndiye akakwira pamsoro pemwana wako. Vose vari wrong" Mangwe akadaro "Ndinoona sekuti manje hasha dzichiri pamusoro nekuti hapana zvine musoro zvichataurwa pano better tiende hedu" ndakadaro "Tichaita zvose zvinhu zvatinofanirwa kuita for damage" Tafadzwa akadaro "Ticha-- or Manue acha,-- unorevei chaizvo Tafadzwa? Zuro uno wanga uchiti Manue anofanirwa kunoshanda kuti agomirirana nema responsibility emwana wake!!! Nhasi uno tisu tave kutarisana nema responsibility nekuti mwana anhumburisa chidochemoyobwako. Hee Tafadzwa wakakwana here mumusoro iwe!!!" Ane akadaro "Kana musingadi kuva mukati mehupenyu hwe muzukuru wangu it's fine ndichazvichengetera. Ndinokwanisa kuchengeta mwana wangu Saka ndichatadza neyi kuchengeta muzukuru wangu. Zvagara tanga tisina kuzokumbira something asi tanga tichichengetedza mutemo. Saka musingadi musazvimanikidza ndichamuitira zvose muzukuru wangu" Mangwe akadaro achisimuka achidhonza Tadiwa "Pano ndanga ndisina kuvinga kuti mwana wangu atukwe ndanga ndisingazivi kuti vabereki vemukoma akanhumburisa mwana wangu pfungwa dzinofungira kure . Dai ndanga ndichiziva dai ndisina kumbozvinetsa nekuuya pano. Anyway thanks nekusava party yemwana neniwo handaizvifarira kuti mwana wangu ave part ye family ino" Mangwe akadaro achitarisa Jay "Varume vacho ma gorilla vanobhonya vakadzi vamwe vacho vanovinga vakadzi nepfuti vachityisa nekuda kuvauraya. Saka handifungi kuti ndingabvumira kuti mwana wangu ave bato re family ino" Mangwe akadaro Nguva yacho aiva akanyarara kunge asipo. Unoramba kuti ndiye uya wekumbobatira Mangwe pfuti. Maziso aiva asingachabvi Pana Mangwe kunge pane zvaari kudzidza or zvaari kuona paari. End of chapter