Chapter 12 . Tadiwa Ndatakatora foni yamhamha ndichifonera kuchipatara chavo ndichidana Ambulance. Ndakaisa foni pasi ndichichema ndichiedza kumutsa mhamha Mhamha ndinokumbira musandisiya please. Hanti munoona kuti ndichiri mudiki sei. Hapana achasara achinditarisa ndinongori nemwi muhupenyu hwangu. Baba vangu havandidi please ndingava chii mhamha shuwa kunze kwenyu Ndaichema ndichiedza kumutsa mhamha, after 20 minutes Ambulance yakasvika "Chii chaitika mwanangu?" Driver we ambulance akabvunza *Handizivi ndangovaona vave kubuda ropa" "Havana kumbotaura here pane pari kurwadza" Havana kumbondiudza please ndinokumbira muvaendese kuchipatara" Vakatora mhamha vachivapinza mu ambulance nekukurumidza neniwo ndakapinda tichibva taenda kuchipatara. Moyo waingofunga mhamha. What if vakandisiya ndichasara nani. . Takasvika kuchipatara vakavaendesa ku ward, vakasvika vachiaisa michina yakawanda ini ndakanzi ndigare panze. Ndaiva ndisina kugarisika ndichizvibvunza chii chiri kuitika pana mhamha. Minutes later doctor Gono vakabuda, ndakamhanya ndichienda kwavari "Mhamha vari sei?" "Mhamha vari kufunga zvakanyanya uye vane stress ndiko Saka paitika izvi" "Asi vachapora ka" "Ehe vachapora mwanangu usanetseka" "Vachamuka rinhi?" "Parizvino ndavabaya injection havangamuki nhasi pamwe mangwana iwe huya ndikuendese kumba uchauya mangwana" "Aewa ndinoda kugara na mhamha" "Haungarari pano unozorwara nechando" Ndicharara mu office mamhamha" ndakadaro ndichienda mu office mamhamha Ndakasvika ndichitsvaga gumbezi, I still remember vachindiudza kuti vane gumbezi ku office kwavo. Lucky ndakakurumidza kuriwana. Ndakaedza kurara asi hope dzacho hadzipo. Dai ndine Simba ndauraya munhu wese anorwadzisa mhamha. Mhamha vane stress nekuda kwe varume, pakatanga uyu anozviti baba vangu, kozouya Farai akauya Kuna mhamha nechinangwa chemari. Thank God haana kuzoiwana asi now look zvaaita mhamha vangu. Ndakabva ndaedza kurara ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Handina kumborara shame, husiku hwese ndanga ndichingoenda ndichinotarisa mhamha asi akangorara zvake Mangwe. Pandakaenda makuseni ndakawana doctor avepo "Morning" "Morning dia unofanirwa kuenda kumba manje" "Handiendi ndega kumba ndakamirira mhamha" "Mhamha vachamuka nhanha iwe enda unogeza" "No " "Okay enda ku office kwangu unotora breakfast " "Handina nzara" ndakadaro ndichidzokera ku office kwamhamha Kuma 8 foni yamhamha yakarira aiva doctor Zvayi ndakadaira "Hello" "Hey Tadiwa ndinokumbirawo kutaura na Mai vako" "Mhamha"" ndakadaro ndichichema "Chii chaitika pana mhamha?" "Vari kuchipatara" "What? Vaita sei?" "Handizivi asi tasvika pano nezuro" "Okay okay chirega kuchema ndiri kuuyako manje" Takaonekana ndichibva ndagara pasi, after some minutes doctor Zvayi vakasvika ndakairidza mhere "Hey mhamha vachava right chirega kuchema" "Mhamha vangu!!!" "Vachava right mhamha. Masvika rinhi pano?" "Nezuro" "Nei musina kundiudza?' kule vakabvunza vachishamisika "Handina kumbozvifunga" Kule vakabva vapinda mukati "Hey tichiri busy ma visitors haabvumirwi" umwe doctor akadaro "Ndiwe doctor Zvayi weku H.P.H?" doctor Gono vakabvunza. Kule vakabvuma. Doctor wekutanga akashamisika "I'm sorry doctor " "It's fine, chii chiri kuitika pana Mangwe?" Kule vakabvunza. "Hande ku office tinotaurirako" Dr Gono akadaro vachienda neniwo vakandidana, takasvika tichigara mu office "Chii chiri kuitika?" "Eish situation ya ma'am iri munjodzi" Ndakavhura maziso Kule vakandibata "What do you mean?" Kule vakabvunza "Inyaya iri kudya ma'am ihombe vane stress vari kufunga zvakanyanya " "Chii chichaitika pana mhamha?" Ndakabvunza ndichichema "Hapana zvichaitika pana mhamha okay? I promise" kule vakadaro "Zvose zvakonzera kuti ma'am vaite depression. Vari kufunga zvinhu zvakawanda mupfungwa dzavo" "So zvose izvi zvasvika muropa rake?" Kule vakabvunza "Kufunga kwavo kwakonzera kuti ropa ravo rifambe mumusoro rasara padiki kusvika mupfungwa dzavo Saka izvi zviri dangerous" Ndakaona Kule vachivhura maziso. Yah neh, zvinhu zvinovhundutsa doctor zvihombe Shane. Misodzi yakatanga kuyerera pandiri. Ndichasara nani panyika ino. Chii chichaitika pandiri kana pakaitika zvimwe pana mhamha? Dr Zvayi vakanditarisa vachindihaga "Hapana zvichaitika okay?" Handina zvandakapindura ndaiva ndatoora moyo. "Wamu tester ropa here?" "Yah ma test ndaita asi handikwanisi ku drainer ropa kuti risasvika mupfungwa dzake" "Ndichazviita" "Dr Zvayi zvine hunjodzi izvi" "Ndinozviziva Dr Gono asi hupenyu hwake huri munjodzi. Kutaura ropa riri kufamba isu takagara pano hapana zvatiri kuita. Tinofanirwa kuita something " Dr Zvayi akadaro vachisimuka nekukurumidza. Ini ndaiva ndatopererwa. Ndiani achandipa rudo rwandaipihwa na mhamha. . Ndakagwadama pasi ndichitanfa kunamata ndichikumbira Kuna mwari kuti vaponesw mhamha vangu Tafadzwa Ndakapedza zvandaiita pana Mangwe ndichibva ndabuda mu ward make. I'm scared chero kutarisana nemwana wake. Now ndinofanirwa kunyeba kuti mai vake vari right, asi chokwadi chaicho Mangwe haasi right. I wonder chii chiri kumudya kudaro nekuti pandamutarisa ndaona kuti Ane nyaya hombe inomushungurudza now ya affecter hupenyu hwake. Yes Farai aimuda nemoyo wake asi handifungi kuti ndiye honzeri yezvose izvi. Pane zviripo chete. Ndakabva ndaenda kuna Tadiwa. Paakandiona akasimuka achiuya kwandiri. "Vari sei mhamha?" Ndakamuhaga "Mhamha vachava right okay? Now hande kumba kwenyu unogeza udye" "Handiendi ndega kumba ini ndichamirira mhamha" No unofanirwa kuva strong for mama hona uri week seyi" Ndakamutora tichienda kumota yangu tichienda kumba kwavo. Ndakasvika ndichifonera shamwari dzake. After some minutes vakauya ndika order chikafu. Ndakamirira kuti Tadie adye nekuti ndikangobva pano haazodyi. Vapedza kudya ndakaoneka ndichibva ndaenda. Ndakafonera Roland kuti auye tiende kwataendesa dzvinyu riya. Zvinhu zvarakaita harifanirwi kufa asi kuita chirema. After some minutes Roe akauya tichibva taenda. "Ari sei Mangwe?" "Eish hapana hupenyu pana Mangwe ndiri kunzwira tsitsi mwana wake, kana pakaitika zvimwe pana Mangwe mwana uya anorwara nepfungwa shame" "Eish pakaipa?" "Wauya nesando?" "Yah" Takasvika kwaiva na Farai aiva akasungirwa pa chair. Pandakangonuona ndakanzwa hasha zvakanyanya. Ndakaswedera paari ndichimupa gwati rembama "Unoziva zvinhu zvawaita zva coster hupenyu hwemunhu?" "Ndisiyeyi ndiende" "Uchasiiwa na baba vako" Roe akadaro "Uri murume rudzii anoda zvemahara sehonye!! Huh!! Nei uchitinyadzisa tiri varume?" Haana kumbondipindura akatondiwedzera hasha. But neniwo nei ndichitambisa nguva yangu. Ndakatora sando kuna Roe ndichiganda mabvi Aya. Ndakaita kushandisa Simba rangu rose randinaro. Farai akabowa achiridza mhere "Arggg maan unopenga here iwe!!!" Farai akadaro "Yes ndinopenga" ndakadaro ndimuganda mabvi iwayo. "Kubva nhasi haufi wakafamba zve. Paunoona mukadzi unofanirwa kurutsa. Haufi wanashungurudza vakadzi" Ndinokumbira mundisiye please handichapamhi" Unopenga iwe" Roe akadaro achitora pfuti achimuisa bara pabvi. Neniwo ndakawedzera nesando. Roe akamupamha rimwe ibvi neniwo ndakatevera nesando yangu. Takamurova kusvika anyarara kuti. Ndakaita sure kuti mabhonzo ose epamabvi apwanyika. Chandinongoda kuti anzwe narwadzo ari kunzwiwa na Tadiwa na Mangwe now. Handidi kuti afunge zve nemunhu anonzi Mangwe futhi "Manheru mumutore munomusiya pagedhi rake" ndakadaro ndichiridza tsamwa tichibuda na Roe. "Tafadzwa dzichiri hasha dziri normal here?" "Unorevei Roe?" "Hayi Tafadzwa ndinokuziva ini. Chii chiri kuitika pana Mangwe wako?" "Roland asi hauoni zviri kuitika?" "Tafadzwa ndinokuziva iwe, ungabva waita hasha dzose idzi? Hona maziso ako akazara misodzi. Tafadzwa usamboita hako zvinhu zvinofadza iwe chete wokanganwa Ane. Makabva kure na Anenyasha" "Unopenga Roe hazviko zvinhu zvauri kutaura" "Ubatisise mashoko angu Tafadzwa" Tadiwa I don't know what to do know. Zvinhu zviri kuitika pana mhamha zvinorwadza. Chero ma doctor anenge Ane zvaari kundivanzi. Chirwere chamhamha kashoma kuti munhu ararame. Asi ndingava chii panyika ino kunze kwa mhamha? Misodzi yakatanga kuyerera pandiri. Sheila na Prim vakaswedera pandiri vachindinyararidza. Naivowo vaingoitawo havo asi vaizviona kuti mhamha vangu hope yekuti vararame haipo . Ndaichema ndakarara pamakumbo a Prim Minutes later pakaita nock pa door. Sheila akaenda kunovhura door.. ndakavhunduka Sheila paakauya achiteverana na Manue. Ndakamuka ndichifara pasofa. Ari kudei pano "Hey guys" manue akadaro "Hey Prim akadaro Hey Tadie" "Hey Emanuel" ndakadaro ndichitarisa Sheila "Sorry chomie anga achikubvunza ndipo pandazomuudza nyaya yose akakumbira kuzokuona" Sheila akadaro "It's okay" ndakadaro Manue akauya achigara neni, aiva down. Nei Manue akadai nekuti pandakatanga kumuona aionekwa kuti aiva full of himself "Ndakuvigira maruva" Ndakanzwa moyo wangu uchinyungudija. I swallowed hard. "Thanks" "Rega tinogadzira chikafu isu sarai muchizuwa" Prim akadaro vachisimuka vachienda. Ndakavatarisa ndichisgamisika. Ndakasara na Manue. Ndakanhuhwidza maruva wow ari kunhuhwirira wena Primrose Taiva busy kugadzira chikafu, Tadiwa na Manue taingovanzwa nekuseka. Tadie aiva atokanganwa ma stress ake. Tadiwa akaramba chikafu asi Manue akamunyengerera kusvika abvuma. Hmm akamudyisa kunge mwana mudiki takatarisana na Sheila tichiseka. Tapedza kudya Manue akazooneka ave kuenda. "Wave kuenda? Why isu tichiri kutaura nyaya" Tadiwa akadaro "Mhamha kune kwavanoda kundituma" "Okay utishanyire zve" "Ndichaita sekudaro" Manue akadaro achinyenwerera "Thank you also thank you nemaruva" "You're most welcome" Manue akadaro achitora ma key emota achioneka achienda. "He's so sweet" Sheila akadaro "Taura hako" Tadie akadaro "Ndichitanfa kumuona ndaiti he's full of himself" ndakadaro "Taura hako Prim apa anotoda Tadiwa. Patamuudza nezvamai vako aratidza kurwadziwa shame" Sheila akadaro Ndakaona Tadiwa achirova smile uh shasha yapenyerwa, asi ndiani angatadza kupenyerwa pa dude uya. Manue akanaka shame "Hayi guys ini handiiti zvevakomana" Tadiwa akadaro "Hamenho asi Manue anokuda shaar" Sheila akadaro tichiseka Memory It's been 2 days now ndisingamuoni Farai. Foni yake haisi kupinda. Pekutanga yaka ringer akadaira asi haana zvaakataura. Kuti ndiende kumapurisa hazviiti pangazobuda dzimwe nyaya dzisingaiti. Vanhu vake ndaedza kuvafonera asi vose mafoni avo haadairwi. Ndakapedzisira ndafonera Rose akabva adaira "Thank God ndanga ndichiti uchandi ignore" "Usangondifonera pawadira iwe Memory unofanirwa kutanga wasenda message " Rose akadaro "Handingaregi kufona murume wangu ndisingamuoni iwe wako unaye" "Ko chii chiri kuitika paari neniwo ndikare ndichizama kumufonera asi haabatiki?" "Usandiudza izvozvo Rose hanti ndimwi muri vaviri manga muchiziva kuti plan iri kufamba sei" "Memory musamboedza henyu kuda kundivharira panze nemari yangu nekuti ndini ndakauya ne plan iyi" "Iwe Rose ini ndiri kuda murume wangu iwe uri kundiudza zvekupenga. Farai Ane mazuva maviri asipo. Maybe something bad happen to him or abatwa" "Kana abatwa musandipinza ini" "Unogorega sei uri iwe wakauya neplan" Zvichakadaro ndakanzwa mota yaidhuma pagedhi, ndakasimuka ndichidongorera pa window "Memory chii?" "Pane mota panze I think Farai auya" ndakadaro ndichibuda Pandakada mota yakamutswa ichimhanyiswa neimwe speed. Ndakavhunduka ndichienda payanga yakamira "Memory chii chiri kuitika?" "Ndiri kunotarisa rose dzikama" Ndakasvika panga pakamira mota, ndakavhunduka ndichiona Farai akarara pasi. Muviri wake wose waiva wakazara ropa. Yes husiku asi ma lights aripo ka. Ndakachema ndichiswedera paari ndichimubata "Unondidzimbira Rose" Farai akadaro nezwi raiva rakaneta "Farai chii chaitika?" Ndakabvunza ndichichema "Chii chiri kuitika Memory" "Plan yedu haina kufamba nenzira yedu, vamubata Farai vakamukuvadza" "Usamuendesa hako kuchipatara fonera doctor" Unopenga here Rose!! Munhu uyu akakuvara maan" "Memory ndiwe unopenga ma doctor unoaziva nemibvunzo. Unoda tiende kujeri or tiitwe zvinhu zvaitwa Farai" Ndakakata foni ndichidana security kuti timupinze mukati. Akamboda kuti tifonere ambulance ndakamuudza shoko rimwe akabva anyarara kuti zii. Takamusimudza tichimupinza mukati. Ndakapererwa pandakaona makumbo achiremberera zvekuti airatidza kuti haachashandi. Ndiani munhu aita izvi Kuna Farai? Nekuti Mangwe haaikwanisa kuita izvi. Ndakafonera family doctor. After some minutes aiva atosvika. Doctor akashamisika paakamuona naiyevo akati Farai anoda chipatara, ndakamboda kuramba asi doctor akandiudza kuti angaita zvose asi Farai anoda michina yakawanda. No Rose haangandiudzi zvekuita ini murume Wangu akadai , ndakatora foni ndichifonera ambulance Tadiwa Kuva ne shamwari dziri supportive ndozvazvakanira. Kubva zvasvika Sheila na Prim stress iri nani. Ndinoshuvira kuti dai pane hama inokwanisavo kumira neni pa situation yakadai, asi handina ndingori ndega. Munhu wandinoti baba akandivenga shame. Ko ini ndakatadzei panyika ino. Shamwari dzangu dzose dzinana baba vadzo uye vanovada zvakanyanyisa, dzimwe nguva ndinomboti nei Mike asingafi. Mwari vari kuchengeterei munhu Ane hutsinye kudai. Zvichakadaro kule Tafadzwa vakapinda . Hona manje ndiri kunyaradzwa nemunhu asiri hama yangu asi baba vangu varipo. Tafadzwa akapinda alandibvunza kuti ndava sei ndakamuudza kuti ndava nani. Akandipa ma hope chero hazvo ndaiona kuti ndeekunyeba ndakangobvuma. Akazooneka ave kuenda kumba kwake. Makuseni ndakamuka ndichigadzirira kuenda kuchipatara. Ndakadarika ndichitenga na flowers she's my Queen she don't deserve kuenda kuchipatara usina chawakabata. Ndakasvika kuchipatara ndikananga ku ward kwavo. Vaiva vakarara Vega doctor aiva asipo, ndakaswedera pavari "Mangwe warara sei?" Oho ndichapindurwa nani? Akazvirarira hake musikana wekwa Ngwenya "Zvakwana manje chimuka mambokadzi wangu. Yes Kule Tafadzwa ne shamwari dzangu varipo asi havafi vakatora space yako please wake up mommy" ndakadaro ndichivakisa pahuma. Misodzi yakatanga kuyerera. I can't loose my mother she's everything in my life. Pandakatendeuka kuti ndiende ndakanzwa ruoko rwavo ruchindibata. Ndakavhunduka . "Tadiwa" Ndakavhura maziso ndichivatarisa "Mhamha!!!! Mhamha!" Mhamha vakavhura maziso vachinyenwerera. Ndakayeredza misodzi yemufaro ndichivahaga "Mhamha mamuka!!!!" ndakadaro ndichibuda ndiri bara mufaro wakazara pandiri ndichinodana doctor End of chapter