Chapter 36 Narrated Jay paakanzwa kuti Makoni achiri mupenyu akafonera Simba naNdue kuti vauye vaendese vaMakoni kuchipatara. Minutes later vana Simba vaiva vatosvika vakatora Mr Makoni vakaenda navo kuchipatara. Jay akazoudza vana Simba kuti Mr Makoni better vagare kumba achatsvaga mamwe ma security asi mr Makoni achange achivahoresa. Ma doctor akati Mr Makoni Havana kabaiwa panzvimbo iri dangerous Saka zvinorema kuti vachava right. Jay akanzwa kurerukirwa nekuti anga ava kutotya kuti pamusha pake pachafira munhu Vakazodzokera kumba vakasvika vachitarisa CCTV vakaona kuti varume ava vachiisa ma camera, vakabva vatoabisa. Jay akumbira Ndue kuti atsvage varume ava nekuti vaiva vanhu vavasingazivi. Shamwari dzake padzakaenda akasara achiedza kufonera Proggy asi haana kumudaira. Nazvino achakamutsamwira ********* Portia nhasi aenda kunoshanyira mukomana wake asi anyeba kuvabereki vake akati ari kunorara kushamwari dzake. Va spender whole night vachiita zvinhu zvinoitwa nema couple asi kusangana mumagumbezi havana. JB ati acharara naye mushure mekunge vachata ****** Tadiwa hope hadzina kumbobata achingofunga zvinhu zvaitwa nemusikana wa Manue na Manue. Neyi vamurwadzisa kudaro? Akamuka makuseni achienda kuna Mai vake, akavawana vari ku kitchen vatopedza kugezesa Tanya. Akamuyamwisa vachitaura nyaya. Proggy akazobudikira achibva mu room make vachitanga kudya breakfast. Mike naiyevo akasvika . Munhu waanofarira muzukuru wake zvekuti chero na Tadiwa akuita godo baba vake vakunyanya kufarira Tanya kudarika iye. Vachangopedza kudya Manue akasvika nemhuri yekumba kwavo vauya kuzotaura nyaya yezita remwana "Kwaitikei manje?" Mangwe akabvunza "Hatiziviwo nesu Manue ndiye atiunza pano" Ane akadaro "Tadiwa ati Zita rekuti Runako haariisi pa birth certificate " Manue akadaro "Tadiwa wazvitaura here?" Mangwe akadaro "Neyi asingatauri kuti neyi ndadaro? . Manue apa mwana wangu zita rinoenderana nere musikana wake Rutendo" Vanhu vose vakashamisika "Manue neyi waita izvozvo?" Ane akabvunza "Mhamha zita iri raiva mupfungwa dzangu Kubva ndichiri mudiki kwete kuti ndamupa nekuti ndinodanana na Rue, zvangonangana chete" Manue akadaro "Manje ini handiriisi pa birth certificate zita iroro Manue haungandidhereri kusvika pa stage iyoyo never. Zvarai wenyu mwana mumupe Zita iroro" Tadiwa akadaro achienda mu room make achichema Jayden Makuseni ndakamukira kuchipatara, . Moyo warara uchirwadza nekuda Kwa baba Makoni. Chero family yavo ndatadza kuiudza. Ndakatora foni yangu ndichifonera Proggy asi haana kudaira. Uhhm Munhu achapedzisira arambwa apa, nenzira yandava kuita nayo. Asi neniwo handina choice Proggy haafanirwi kuuya pano ndisati ndapedzerana na Spikes nekuti akauya achingopesana nemabara anozofunga zvimwe. Ndakasvika kuchipatara lucky ndakawana baba Makoni vatomuka "Baba" "Mwanangu ndasara padiki kufa" "Ruregerero baba nezvaitika" "Hayi haisi mhosva yako mwanangu ibasa rangu kutarisa kuti zvigeven'a hazvipindi" "Vavengi vangu baba uye handidi kuti zvipamhe zve kuitika zvinhu zvaitika nezuro Saka ndafunga kuti muzorore kumba baba" "Hayi mwanangu achasara achitarisa musha ndiani" "Ndichatsvaga umwe baba" "Asi mwanangu unoziva Wani kuti Mari yaunondihoresa ndiyo yandinochengeta nayo mhuri yangu" "Musawara baba, makandiitira zvinhu zvakawanda Saka ndichange ndichikupai mari yamanga muchihora every month" "Ndinotenda mwanangu Kubva zvandakashanda handisati ndamboshandira munhu akafanana newe " Neniwo baba handisati ndamboshandirwa nemunhu akafanana nemwi ndinotenda zvakanyanya" Zvichakadaro Doctor akapinda akaudza baba Makoni kuti vanobuda nhasi, akavanyorera ma paper e discharge akavapa nemishonga yavo akavaudza vanofanirwa kunwa sei. Vapedza ndakabata baba Makoni tichienda kumota. Ndakamutsa mota yakananga kumba kwavo. Ndakasvika ndichimisa mota pagedhi tichipinda mukati. Mukadzi wavo akashamisika achiona baba Makoni vachikamhina. Ndakazovatsanangurira nyaya uye ndikavaudza kuti baba vari kusiya basa asi pay yavo vachaiwana chero vasingashandi. Mhamha vakatenda vasingapedzi. Ndakazooneka ndichienda kumota. Ndakaedza kufonera Proggy asi haana kudaira zve. Shit ndinofanirwa kunomuona kana ndabva kuna Simba Proggy Tjoo Tadie na Manue vachiri vana vadiki shame. Ndanakidzwa neyekuti Manue akapa mwana Zita re girlfriend asi handifungi kuti ichokwadi pamwe zvakangonangana hapana Munhu akakwana angaita zvinhu zvakadaro "Taura Manue neyi wakapa mwana Zita rakadaro?" Tafadzwa akabvunza "Ndakuudzai chokwadi pandakapa mwana zita Rue aiva asimo mupfungwa dzangu" "Musikana wako akaatora kupi ma pic emwana?" Mangwe akabvunza "Ndaaisa ku profile kwangu" Manue akadaro "Saka isu tinokuvimba sei nekuti zvinhu zvaakanyora zvinotoenderana?" Mike akabvunza "Handinyebi baba Zita iri raiva mupfungwa dzangu kubva ndichiri mudiki" Manue akadaro "I think unofanirwa kuisa mutemo pavasikana vako, usaisa mwana pavasikana vako" Mike akadaro "Proggy enda unodana Tadie mu room make" Ndakasimuka ndichienda mu room make ndakamuwana achichema. Ndakatoita busy rekumunyaradza tichibva taenda chero hake anga asingadi asi akazobvuma. Takasvika tichigara pasi "Tadie calm down my babe i don't think kuti Manue akapa mwana zita because of musikana wake it's possible" Mangwe akadaro "Izvo zveumwe musikana zvinobva kupi Manue. Wakanhumburisa Tadiwa now wave kumusiya akadaro. Iko akanyanyokutadzirei chakaita kuti umusiye" Tafadzwa akadaro. Manue haana kupindura "Ndiri kutaura newe Manue?" "I think izvo hazvina kukosha Manue kana asingamudi Tadiwa hatingamunakidzi kuti aite zvinhu zvaasingadi. Tadiwa mangwana muri kunotora birth certificate uye zita iroro munoriisa nekuti ari pihwa na baba vake" Mangwe akadaro Tadiwa haana kupindura misodzi yaiva yazara kumeso "Uri kundinzwa Tadiwa?" "Ehe mhamha" "We are sorry for zvinhu zvaitika" Mangwe akadaro "Aewa tisu tinofanirwa kukumbira ruregerero nekuti mwana wedu ndiye akonzeresa" Ane akadaro "Manue newe Tadiwa makura manje mave vabereki Saka musaita kunge vana vadiki. Imwi kana muchiita kunge vana vadiki mwana wenyu achaita sei. Hatingagari tichigadzira nyaya dzenyu munofanirwa kuzvigadzirira mega sekutanga kwamazviita" Tafadzwa akadaro Tadiwa na Manue vakabvuma. Mhuri yekwa Zvayi yakazooneka yave kuenda Muchaneta I think Spike ane kakufungira kuti ndine zvandinoda kuita, asi akandibata chete ndiko kufa kwangu but it's not like I'm spying him and staff. I just want to know ndiani Munhu akatora ma drugs ake waanotora nguva yose iyi kuti amuuraye. kubva zvandakamuziva Munhu anomufamba kutsoka haatori chero 5 hours anenge atopedza naye. Now ndakarara pachipfuva chake tichangopedza kutamba mutambo wevakuru. Yes he's really good asi pane umwe wandaimbobirira naye mumakore akapfuura handidi kunyeba Jay mumagumbezi anoziva zvaanoita. I miss him so much problem akandi blocker everywhere. Dzimwe nguva ndinomboti dai ndisina kuroorwa na spike ndakaroorwa hangu na Jay "That was crazy right?" Spike akabvunza. Ndakanyemwerera "As usually you know moos unogara uchi hyper every time" "Ndiwe unondidaro babe handidi kunyeba unourapa moyo wangu'" Ndakanyemwerera, sex naye ndinoyi enjoyer kana ari right asi kana akatsamwa yoo ndinoita sendichafa musi iwoyo. Anondishungurudza Munhu uyu kana achida. Dzimwe ndinomboda kumusiya asi hazvisi nyore ndingafa zuva risati radoka. Ndinomboshuvira kuti dai varume vose vakafanana na Jay. He was good, romantic. Haana kana zuva rimwe raakandishungurudza kunzwa kwekuparadzana neni but ndakanzwisisa hangu ndeupi murume angagara nguva yakareba nemurume wemunhu "Love" "Yes" "Ahhm mangwana tiri kuenda" Ndakamutarisa ndichishamisika. Ohh zvatanga zve. Munhu anongomutsa rwendo from nowhere apa ndinotofanirwa kuenda chero ndisingadi. Nekuti ndikaramba yoo ingaita hondo. "Rwendo rwepi manje?" "We going ku London ndine basa ikoko Saka handingakusiyi nekuti ndichagara mwedzi ikoko yoo ndinganzwa nekukufunga" "But babe ini ndine basa kuno" "Uchariita patinodzoka handingasiyi mukadzi wangu" "Okay" But hausi happy babe" "No no I'm happy ndakaguma kare kubuda out of country " "That's my wife " Mangwe Nyaya yevana ava inondinetsa ini vanogara vachinetsana chero vasipo vose handizivi kuto ndingaita sei kuti ndiite sei. "Maluluza uri kufungei?" Mike akabvunza "Shumba wakaguma rinhi kuenda ku Gweru?" "Ndanga ndichiti ndichaenda nhasi" "Hayi Mike unofanirwa kunoona vana vachafunga kuti hausisina basa navo" "Hazvisirizvo MaLuluza " "Wave neimba kuno wadii kuvatsvagira nzvimbo kuno. Ray achadzidza kuchikoro Cha Tadiwa." "Are you willing to take care of my children?" ,"Wakandiudza everything Mike so vana vako ndevangu" "I love you wanzwa?" Mike akadaro achindikisa pahuma. Ndakanyemwerera, you handina kumbozvifunga kuti rimwe zuva ndichafara especially with him. Manue Ndiri munzira kuenda Kuna Rue ndinoda andiudze chii chaaposta pa Facebook izvo zvivindi zvacho azvihodha kupi. Ndakasvika panzvimbo yatabvumirana kuti tichasangana akapinda mumota achida kundikisa asi handingamboito rubbish yakadaro ini "Hey babe" "Ndakudanira chinhu chimwe chete pano, waitora kupi mvumo yeku poster mwana wangu pamwe chete ne caption yekupenga?" "Babe I was impre--" "Save it Rue. Iwe unofunga kuti ndakapa mwana wangu Zita because of you? How can you think something like kusvika wazvi poster. Wambofunga here kuti Tadiwa achanzwa sei nazvo?" "Ohh this is all about Tadiwa? Uri kufungira Tadiwa kuti achati kudii? "She's the mother of my child dammit!!! Ndi Mai vemwana wangu, unofunga angazvifarira here zvinhu zvawaita!!" "Iwe uneyi nazvo kuti achazvifarira or achazvivenga?" "Unopenga here Rutendo? Tadiwa Mai vemwana wangu!!! "Hazvirevi chinhu izvo hanti makaparadzana?" "Hey get out my car!!" "Manue" "I said get out of my car dammit!!" "Nxaa" "Facebook my foot!!" Rue paakabuda ndakamutsa ndichiinangisa kumba kwana Eric. Ndakasvika ndichimisa mota pagedhi. Ndichifonera Eric. Paakasvika pandiri akapera nekuseka ,"Chii manje?" "Neyi wapa mwana wako Zita re girlfriend yako?" ",Usandipengera iwe, newevo unozvi believer?" "Waona here ku Facebook uno trender hanzi the only man who named his baby with his girlfriend's name,," ,"I didn't except this from you Eric. You know me better. Unoziva Wani Zita iri ndakarifarira ndisati ndatomboziva chero Rutendo iyeye," "Ndati kudii ini? Vanhu veku Facebook vadaro" Ndiko Saka ndisingaifariri Facebook vanhu vacho vanorwara nepfungwa including benzi randanga ndichidanana naro," "Rawanga? Ko hamuchadanani?" "Handingadanani nebenzi ini. Mwana uya unomuona wega kuti anorwara pfungwa" Eric akaseka "I wonder who's the next victim." "Unopenga Eric hapana victim apa" "Asi musikana wako tambo haidhonzi mushe. Unoziva ndaseka sei pandaona post yake. Ndaku tagger ndichiti uchapindura fast asi comment yazopinda ndaneta nekurinda" "Nxaa tsek Eric" "Waona here kuti comment yako yaita ma likes mangani vachiseka "Handina basa nazvo izvo ini" .eish Eric anombobhowa dzimwe nguva asi ndichamubata hangu. Rakewo zuva richasvika "I'm joking Manue, asi unofanirwa kumunhumburisa musikana uya. Avhaire zvakanaka nemwana wenyu Rumanuel" "Unopenga chete Eric" "I'm joking dude" "Ndichakubata hangu iwe wesi une vasikana vane dzungu vega " Eric akapera nekuseka zvekuti neniwo ndakapedzisira ndakuseka ,"Uri benzi iwe" "I wish dai Rue ari iye baby mama wako. Yowee drama racho ndanga ndichaonererwa pama live" "Fuck off maziteya" "Mateya a Rue " Eric akadaro tichiseka Simba Ndue aita basa rinodadisa zvakanyanya avawana vanhu vakapinda Mumba ma Jay. Now tiri kuenda kwavaiswa. Takavawana vakarara vakasungirirwa. Jay akavadira nemvura vachibva vamuka. "Mukai imbwa dzevanhu" Jay akadaro "Taitei manje?" "Kundiita benzi ikoko? Hamuzivi zvamaita here?" Jay akabvunza achivarova nezvibhekera "Ma camera amakaisa kumba kwangu ndeeyi?" Vakatarisana Jay akavakava kumeso achivasimudza "Ohh hamusi kuda kundipindura? Ndichakubatsirai kuti mundipindure!!" Jay akadaro achivarovera pamadziro "Ndakamirira mhinduro" Jay akadaro "Vanenge vasingadi kupindura" ndakadaro Jay akatora pfuti achidhonza trigger "Pfuti chikafu changu Saka handizezi kupedzera mabara aya pamuri" Jay akadaro achitendeka pfuti mumuromo meumwe wacho" "Tanga tatumwa na Zizi" "Ndinozviziva ndinoda kuziva ma camera amaisa ndeeyi?" "Kuti aone every move yaunoita uye nani ndiani anopinda achibuda pamusha pako " "Ohh Saka makatomhanya zvenyu kuzozviita?" "Hapana zvataikwanisa kuita nekuti taiva tatumwa dai takaramba aizotiuraya" "Hoo ini ndini ndisingakuurayiyi here..inoti kudii address ya Spike wenyu?" Havana kupindura vakatarisa "Ndati address!!!" Umwe wacho akataura achidedera "Good munoziva here kuti munhu wamakabaya makasara padiki kumuuraya?" "Hade dude" "Ndinofanirwa kukuitai zvinhu zvamanga muchaitwa na spice " "Hade dude fine tichava ku side kwako from now on. Tichatora information kuna spice tochiiunza kwauri" "Handidi vatengesi pedo neni ini!!!" Jay akadaro mabara achinaya mumisoro yavo "Ndue udza vapfana vauye kuzotora imbwa idzi now tiri kuenda kudzvinyu iri rinozviti Spice" Jay akadaro tichitora pfuti dzedu tichinopinda mumota takananga kumba kwa Spike Shelley Hupenyu hunorema kwatiri handidi kunyeba guys apa munhu aitichengeta ave kugara pa wheelchair handingazvigoni Ini zvekuchengetana naye. Yes iye akatibatsira zvakanyanya nekuti now tiri kugara kumba kwake nevabereki vangu. Hakuna kumwe kwatingaende. Now ndakagara pa bed iye akagara pa wheelchair "Uri kufungei ko?" Ndakabvunza "Unomuziva here munhu akaita izvi kwandiri?" Shawn akabvunza "Handimuzivi ini" "Guess anodanana nani?" "Handineyi nazvo ini zvekudanana kwake" "Unopinda manje nekuti anodanana ne munin'ina wako" ,"Munin'ina? Handina munin'ina ini" "Proggy haasi munin'ina wako here?" Ndakavhura maziso "What? Progress Ngwenya ndiye anodanana nemukomana uya?" "Yes ndiko Saka akandituma kuti ndiuye kuzokunyebera kudanana newe ndigokusiya nekuti Proggy akamuudza zvose zvamakaita kwaari Ndakashamisika. Proggy anodanana nemunhu ane Mari dzake ka. Saka zvinhu zviri kumufambira? "Hazvigumhi ipapo? Akaendeswa kuchikoro akatengerwa restaurant" "Restaurant? Proggy ne restaurant. Akadzidza? Munhu aitadza chero kuverenga book re grade 1?" "Zvinhu zvakachinja WTF!! Proggy akurarama life yepamusoro isu tichitambura? Kuti Jay wacho anoziva secret yake here? I don't think so haaimuudza zvinhu zvakadaro I know akangomuudza kuti taimushungurudza chete akasiya part yakakosha. Yesss this secret ndiyo ichaita kuti Proggy atambe ngoma yangu End of chapter