Chapter 16 Anenyasha Tafadzwa auya zve achinhuwa perfume yemukadzi uya waanogara achinhuwa zviri pachena kuti Tafadzwa ari kundiita benzi. Ndakatarisa nguva dzaiva kuma2 masikati aiva akafa nehope asvika achiti akaneta anga ane basa rakawanda, ini handichazivi ndobeliever kuti anga aenda kubasa here kana kuti kumukadzi uyu kana kuti anga aenda nemukadzi uyu kubasa kwacho. Tafadzwa angaita zvinhu zvakadaro nei mushure mezvinhu zvatakadarika here tiri vaviri. Kuti ave kundihurira here chii chaasingawani kwandiri chaari kuwana kumukadzi uyu? Nekuti angosvika achirara you can see kuti pfungwa dzake hadzipo pano dziri kune imwe nzvimbo. Ndaiva ndakagara pabed ndichirongedza mbatya dzedu ndakanzwa munhu achindiguma ohh amuka "Hey" Tafadzwa akadaro achindikisa huro "Hey" "Nei usina kundimutsa kusvika ndarara kudai?" "Wandiudza kuti wakaneta saka ndanga ndisingadi kukudisturber" "Yoo ndanga ndichikufunga mukadzi wangu" Ndakamutarisa ndanga ndisina kumbozvinoticer kuti Tafadzwa haana kupfeka ring "Chiiko kubva wanditarisa kudaro?" "Iri kupi ring yako Tafadzwa?" "Ring?" "Yes ring yemuchato nei usina kuipfeka?" "Oooh iripo ndakaguma kare kuipfeka" "Why?" "Ndakakuudza Ane kuti yave kutanga kundibata" "Then kana zvakadaro tichaenda kuno iadjusta, handinga pfeki ring yako iwe usinga pfeki yangu kana kuti neniwo ndinobvumirwa kuibisa" Tafadzwa akanditarusa. I'm sorry nekusaipfeka" "Mangwana tiri kuno iadjusta right" "Anenyasha" "Ndakubvunza mubvunzo Tafadzwa" "Okay tichaenda" "Good" "Ko nei kubva wachinja kudaro kwakanaka?" "Nyaya yekuitwa benzi inondibhowa Tafadzwa, kundiita benzi kusvika ndaona here? Unokanganwa here kuti nazvino handina kuchinja ndichiri ndakanaka sekare saka neniwo ndinokwanisa kuita zvinhu zviitike" Tafadzwa akanditarisa achishamisika. "What do you mean?" "Ndiri kureva kuti zvinhu zvauri kuita neniwo handingatadzi kuzviita" "Anenyasha" "What? Ndanga ndichingo kuudza chete hapana chinhu chandisinga kwanisi kuita asi ndiri kuremekedza muviri wangu pamwe chete nemuchato wedu unlike you Tafadzwa Zvayi. Unofanirwa kuziva kuti chero chii chauri kuita chichauya nemaresults, zvinogona kunaka kana kushata asi usakanganwa kuti unogona kurasikirwa nezvinhu zvaunazvo uchida zvausina" "Nei uchitaura uchidaro nhai Ane?" "Hapana baba Manue" ndakadaro ndichimukisa dama ndichienda kukitchen. Ndakamusiya akavhura maziso ndichamuwana mukadzi ari kurara nemurume wangu ndinoda kumudzidzisa chidzidzo kuti ndiri munhu akaita sei ini, handingabvumi mahure achiita madiro. Kana pachifanirwa kufa munhu ngaafe. Kana iri Hondo ngaitange zvayo. Ndakaedza kutora poto kuti ndibike asi yakadonhera pasi ndakaridza tsamwa hapana zvandinagite ndakadai. Zvichakadaro Popo akapinda "Mhamha hamuoni here kuti muchazvikuvadza" Ndakamutarisa "Onai kuti muri kuitei muchazvikuvadza" "Ko nhasi hausi kuenda kugym here?" "No ndatora day off nhasi ndakaneta besides pane munhu anondibhowa yoooh" "Ndakakutsiura nenyaya yako" "Mhamha anobhowa mukomana uya ndakamuudza kuti ini handisi interested paari asi haatereri zvese izvi" "I understand mwanangu asi imboedza kumbonzwa chichemo cha........." Manue akabva apinda mukitchen achiimba you can see kuti mwana wangu ari kufara I wish to hear kuti chii chiri kumufadza kudaro "Tawedzerwa" ndakadaro "Kubva nezuro mukoma wangu ari kufara I wonder kwaitikei" Popo akadaro "Chero chii chaitika mufaro wacho usapinza vasikana Manue nekuti handisati ndave kuda muroora uchiri mudiki ita focus nezvidzidzo zvako" "Mhamha ndine 18 manje handisisiri mwana" " Iyo 18 yacho waibatanidza here?" "Ndiudze ndevapi maiguru vanokufadza kudai?"Popo akabvunza "Hapana maiguru apa uri kuda ndirohwe namhamha here ndiri kungofara chete nekuti ndapasa module yandaigara ndichitadza" Manue akadaro "Ehe ngazvive zvechikoro nekuti handibati mwana pari zvino ini kana wamitisa mupfanha" ndakadaro Popo akaseka. " Hey ndinotanga kuona mukoma wangu achifarira zvinhu zvekuchikoro" Popo akadaro Ndakadzungudza musoro ndichigadzira kubika. PROGRESS Mangwana stock yose iri kusvika ndave kugadzirira kuno shanda uye ini kubika zvinhu zviri pandiri. I don't need to practice, ndaiva ndakarara muroom mangu asi hope hadzibati ndichiziva kuti Jay ane mukadzi kwaari ko handiti tave kudanana here, patakaenda ku Vic falls akandiudza zvaainzwa about so neniwo ndainzwa same thing ku Vic falls vaiitiona vaidoti vanhu vakadanana kare izvo kwani. ndinofarira nzira yaanondiremekedza nayo andiudza kuti haacharari zve nevasikana mumba sezvo pava neni. Saka zvinhu zvinofadza kwandiri nekuti akati ndimupe nguva atange agadzira nyaya dzake dzevasikana. ndiri busy kucleaner muroom mangu ndakasangana nechitupa Jay ndakashamiska kuti mangwana izuva rake rekuzvarwa ko nei asina kundiudza pamwe achazondiudza. Okay handimbo mubvunzi varume havana basa nemabirthday isu vakadzi tisu tine busy nawo ndinoda kumu supriser nesmall party. I just want to appreciate him nezvinhu zvaakandiitira ndoda kumutenda mangwana manheru. What if ane maplans ake or something? But nenzira yaakanyarara nayo I don't think he has plans. Ndakatora chitupa chake ndichichidzosera ndichinyemwerera ndichichidzosera. Ndapedza kucleaner ndakadzika downstairs ndakasvikirana naye achipinda "Hey" Jay akadaro "Urisei" "Ndiri right" Jay akadaro achienda upstairs Anenge asiri right uyu. "Are you okay?" "Yaah ndiri right" Apo aiva akabata picture muruoko ndakatadza kuona kuti ndeyani akabva aenda muroom make. Ndakarwadziwa kuona Jay akauna kudaro pane zvinhu zvamurwadza paari. Mangwana ndichaita party agofara I know achaifarira suprise yandichamuitira. Anenyasha Now nguva dzave kuma 12 husiku ndanga ndakatsamwira nyaya yaTafadzwa ndikanganwa kuti nhasi izuva rinorwadza pavana vaMpume izuva ravakasiiwa naMpume ndinofanira kuti dai ndarara naPopo nhasi asi ndabva ndakanganwa zvoseizvi. ndakamuka ndichienda muroom make. Ndakamuwana akagara pamusoro pebed akabata picture yaMpume achichema. Zviri pachena kuti haafi akakanganwa nezvinhu zvakaitika pana mai vake ndakapinda mukati asi akabva atochema achibuditsa izwi ndakamuhaga "Hey chirega kuchema nhanha Mpume haangafari kukuona uchichema kudai" "Nei mhamha vakatisiya? nei zvose izvi zvakaitika pavari?" "Chinyarara mwanangu zvinhu zvose zvichava right okay. Mpume akazorora murugare kwaari kana muchingochema kudai haafi akawana zororo anenge achingofunga iwe ndinokumbira upukute misodzi urare manje. Ndinoziva kuti zvinorwadza sei asi ndinokumbira udzore Moyo" Ndakadaro ndichimupa mvura "It's okay my baby" ndakadaro ndichimurarisa pamakumbo angu ndichimunyaradza "I wonder Jay ari kunzwa sei kwaari ikoko?" MANGWE Ndaiva ndakagara patafura ndatopedza kugadzira breakfast ndakamirira Tadie auye tidye foni yangu ichiri kungorira nazvino ndiTafadzwa asi handifi ndakaidaira ndinofanirwa kutambira kure naTafafzwa handinga mbomuvimbi just like that. Ndakama ignore macalls ake kusvika asenda message. Handizivi kuti nei usingadairi macalls angu asi ndanga ndichida kukuudza kuti nhasi ndiri kuenda kuMberengwa kumusha Ndakaverenga message iya handina kuimpindura handisisina interest handichadi kurwadziwa futi akakwana marwadzo andakanzwa not anymore. Vakandirwadzisa zvikakwana Tadiwa akabudikira achindikisa padama "Morning mhamha" "Hey my Angel warara sei?" "Zvakanaka mhamha ko imi?" "Zvakanaka mwanangu" "Kule Tafadzwa vanga vachindifonera vachiti ndikupei foni ndikare vachiedza kukufonerai" "Breakfast yava ready baby" Tadie akanditarisa achishamisika. "Okay mhamha" Takatanga kudya chikafu chedu "We are running out of food tinofanirwa kuenda kutown kana tapedza kudya" Tadie akabvuma. tapedza kudya Tadie akaenda kuno chinja muroom make neni ndichiendawo muroom mangu ndakatora foni ndichifonera Tafadzwa "Finally" "Tafadzwa ndinokumbira usiye kufonera mwana wangu ndinokumbira kuti ubise Tadiwa munyaya yose iyi" "Ndaitei manje ini?" "Ndinokumbira usiye kufonera Tadie kana uchida ini. Kana ndisingadairi foni zvinoreva kuti handidi kutaura newe so there is no need yekufonera umwe munhu" "Saka kana ndichida kutaura newe ndinofanirwa kuita sei?" "Ndakuudza zvinhu zvakaitika yaiva mistake" "Ini ndiite sei nekuti kwandiri yaisava mistake?" "Ayy handichazivi ini Tafadzwa ndinokumbira zvinhu zvigare zviri professional patiri please" ndakadaro ndichikata foni Tadiwa akauya achinja "Mhamha ndave ready" "Okay my baby" ndakadaro tichienda kumota Ndakamutsa mota tichienda mutown takasvika tichitenga chikafu chose chemumba "My baby wakanganwa mapads ako" "Shit handizivi kuti ndamakanganwa sei" Tadi akadaro achinomatora tichibhadhara tichienda JAYDEN Nhasi tiri kuenda kumberengwa kunoshanyira mhamha kuguva ravo. Unoziva kana ndichifunga zuva riya ndinoona mahorror ega mubereki wako achiuraya umwe mubereki wako mberi kwedu ichi chironda chisingafi chakapora. Handidi chero kuiona nzvimbo iya ndiri kuenda chete nekuti ndiri kuitira mhamha. Kubva zvavakatisiya tinoenda kamwe pagore zuva ne ravakatisiya naro. Zuva iri ndakarivenga ndinofanirwa kunge ndichicelebrater birthday rangu asi zuva iri rinobva rachinja kuita marwadzo nekuti ndiwo musi wakashaika mhamha. Manje tiri mumota ini ndiri kugaya ma horror ega ndaiva ndakagara mberi nababa mhamha vaiva vakagara naPopo kumashure vamwe tavasiya kumba sezvo tichakurumidza kudzoka "Champion chirega kufunga zvakanyanya" baba vakadaro Ndakavatarisa ndichiedza kunyemwerera asi izvi hazvingaitiki handidi kana kuona huso hwevanhu vekwaZvayi. Mhamha vangu havasi panyika nekuda kwavo vainyatsoziva kuti mwana komana wavo anoshungurudza mhamha asi vakanyarara havo havana kumboita action nekuti Munyaradzi izai ravo Dai vasina kumuendesa kujeri dai ndakamuuraya kare nemaoko angu kusungwa kwake its not enough for kuuraya kwaakaita mhamha vedu I wish dai abuda mujeri ndigomuuraya zvakanaka. Hatina mhamha nekuda kwake asi ini naye yangu haiperi tichasangana chete rimwe zuva. "Jay are you okay?" Mhamha vakabvunza "Yes mhamha" "Ari kutaura chokwadi Tafadzwa chirega kufunga zvakanyanya ucharwara" Ndakabvuma nemusoro. Takasvika kuMberengwa nzvimbo iyi yakatanga kundifungidza mhamha ndosaka ndichiivenga kudai. Zvinhu zvose taizviita pamwe chetena mhamha asi Munyaradzi iye akafunga hake kuti paradzanisa. Takasvika kumusha kwamhamha tikapinda mukati takawana family yatakapa musha iripo sezvo pasingacha gari munhu ohh ndakakanganwa kukuudzai mbuya vedu vakazoshaya tika adoptwa na baba Tafadzwa na mhamha Anenyasha "Makadii masvika" vaChitoro vakadaro "Yaaah tafunga kusvika makuseni sezvo tisingarari kuno tichidzokera nhasi" baba vakadaro Ndakanzwa misodzi yàngu ichipisa kumeso kwangu ndakasimuka ndichienda muroom mamhamha Popo akanditevera. Mapic amhamha aiva achiripo pamadziro ndakagara kwenguva tichibva taenda kuguva ravo tichiisa maflowers "Masithole urisei takaushanyira nhasi ndinovimba kuti uchafara nekutiona tiri pano nhasi. Tichiri kukufunga Masithole zuva hariviri tisina kumbofunga nezvako uchagara uri mumoyo medu zorora murugare Masithole ugare uchiziva kuti vana vako vanokuda zvakanyanya" ndakadaro "Nhasi mhamha izuva rinorema kwatiri we experience zvinhu zvatisingafi takanganwa muhupenyu hwedu makatisiya tiri vadiki zvakanyanya asi takura manje nazvino hamusati mabuda mupfungwa dzedu ndinoziva kwamuri ikoko makatitarisa tinokudai zvakanyanya Mastole tichagara tichikudai" Popo akadaro achiisa maruva Mhamha nababa naivowo vakaisa maruva tichibva taoneka tichidzokera kumota. Baba Tafadzwa akachaira ndakaona vachifambisa mota vakananga kumba kwavo ndakavatarisa "Tiri kuenda kupi?" ndakabvunza "Munofanirwa kutaura nefamily yenyu Jay chero zvakadii ifamily yenyu" baba vakadaro "Handiendiko ini" ndakadaro "Ndokumbira musiye nharo Jay" baba vakadaro "Ini handipindi pamusha paya" ndakadaro "I'm sorry asi neniwo handipindi handidi kuvaona" Popo akadaro "Popo munofanirwa kuvaona" mhamha vakadaro "Ayewa mhamha ini handinga kwanisi kuita izvozvo" Popo akadaro Baba vakafambisa mota vachiimisa pagedhi mhamha nababa vakabuda ini naPopo hatina kubuda. Zveshuwa hatipindi kwaZvayi vakagara kwenguva vachibva vabuda vave kufamba namai vavo nababa vavo "Ini handidi kutaura navo Jay" "Hautari navo kana usingadi" Vakasvika kumota baba vakavavhurira door vakaedza kuti taudza asi isu tanga tisina kana nguva navo. Eish handichaidi nzvimbo iyi tinofanirwa kubva pano "Popo, Jay" baba vakadaro "Baba please ndokumbira kuti tiende or tonokwira hedu lift" ndakadaro "Vanangu ndinokumbira mubude mumota titaure tinoziva kuti tanga tiri wrong pazvinhu zvose asi..........." Mai Munyaradzi havana kuzopedza kutaura Ndakabva ndabuda ndichigara pachinzvimbo chadriver ndichimutsa mota "Mhamha, baba tave kuenda isu" ndakadaro Hapana zvavangaita vakabva vapinda mumota tichibva taenda vanoda kundikanganisira mood yangu ini ndagara ndisiri mumood. TADIWA Nguva dziri kuma3 manje masikati ndatokanganwa kuti ndavimbisana naManue kuti ndichamuona nhasi akandifonera achindiudza kuti asvika pamba asi amisa mota kumashure zvishoma. Ndakabva ndaenda muroom mamhamha "Mhamha ndinokumbira kupinda mutown ndinotenga icecream" "Hezvo Tadiwa tiri kubva kutown wani nei usina kutenga uye icecream irimo fridge?" "Mhamha handidi type iya munoziva nemiwo yandiri kuda uye paya ndanga ndisati ndakuida" "Ukurumidze kudzoka unoziva kuti kunze uku hakusi safe" "Yes mom ndinoziva ndichakurumidza kudzoka" "Good" Ndakatendeuka ndichienda muroom mangu ndakasvika ndichichinja ndichibva ndaenda kuna Manue pandakabuda ndakaiona mota yake ndakasvika ndichipinda mukati tichikisana nekumhorosana "Wati uri kuenda kupi kuna mhamha vako?" "Ndati ndiri kunotenga icecream mutown" Manue akaseka. "Thanks babe nekuuya kuzondiona" Ndakamutarisa ndichinyemwerera tagara mumota kwenguva tichitaura. "Ndakambokuudza here kuti ndinokuda sei?" "Unogara uchindiudza wani" Takatanga kukisana kwenguva yakareba takagara mumota kusvika nguva dzekuti ndidzokere kumba dzachaya. "Ndave kuda kuenda" "Okay tichatanga nekunotenga icecream yako" Ndakanyemwerera Manue akamutsa mota tichienda "Nhai Manue ndokumbira kubvunza something" "Go ahead babe" "Unoera chii?" Manue akaseka. "Nhai Tadie tadanana nguva yose iyi unoreva kuti mutupo wangu hauuzivi here, what if ndiri mukoma wako?" "Hakuna zvakadaro nekuti mutupo wangu unouziva" "Handiuzivi ini mutupo wangu ndewe kwaZvayi" "Kumusha kwenyu ndekupi?" "kuMberengwa" "Okay" PROGRESS Nguva dzave kuma6 manje, ndakafonera Jay akandiudza kuti achasvika within 10minutes im happy ndakamhanya kunotarisa zvinhu zvose kuti zviri mugwara here. Ndakagadzirira zvose zvandaiona kuti hazvisi right. 10 minutes padzakakwana ndakanzwa mota pagedhi ndakadongorera nepawindow ndikaona iri mota yababa vake yaimusiya pagedhi ndakamhanya ndichienda kwaari "Hey mafamba sei?" "Tafamba zvakanaka Gojasi" "Okay good I have something for you" ndakadaro ndichinyemwerera "Dai waiziva kuti handisi mumood yechinhu" "Asi ndichakuvhara maziso" "No problem" Ndakamuvhara maziso tichibva taenda kubalcon "Are you ready?" "Yes Gojasi" Ndakanyemwerera ndichimuvhura maziso "Suprise!!!" Jay akanyarara ndakanyemwerera ndichimutarisa "Happy birthday Jay" Jay akanyarara achiita seari kufunga kwenguva yakareba asi akaratidza kusazvifarira "Birthday?" Handina kumupindura ndakamutarisa "Birthday my foot!!" Jay akadaro nehasha achipidugura tafura yaiva necake richidonhera Pasi Ndakavhunduka ndichimutarisa "Birthday? birthday rekupenga!!" Jay akadaro nehasha Ndakavhunduka ndichichimutarisa "But it just a surp---" "Just shut up!!!" Jay akadaro nehasha Ndakazvipeta panzvimbo imwe chete. Ma champagne akawaputsira pasi. Ndakavhara nzve e dzangu ne noise apa ndaiva ndave kutya. Apedza akaswedera pandiri, ndakadedera zvekuti ndakasara padiki kuzviitira wiwi "Waziva sei kuti I birthday yangu nhasi!!!?" "I'm sorry ndaona ID yako pandanga ndichi cleaner mu room mako" "Ndiani akakuudza kuti ubate zvinhu zvangu!!! Huh!! Ndambokukumbira here kuti undiitire matuzvi awandiitira aya?!!!" Handina kumupindura "Answer me demet!!!!" "Aewa I'm sorry!!!" "Ndanyanya kukuisa muhapwa mangu wakufunga kuti ndiri shamwari yako wakuda kundijairira manje" Jay akadaro achindibata huro achinditsimbirira pahudo "I'm sorry Jay" "Kana uchiri kuda kugara mumba mangu ucharega kundijairira!!! Ucharega kuita zvinhu ndisina kukumbira wandinzwa!!!" Ndakabvuma nemusoro "Birthday my foot!!!!" Jay akadaro achirova madziro nechibhakera achindisundira pasi achienda achindisiya ndakangoti rabada pasi ndichichema End of chapter