Chapter 34 MIKE Manje nguva dziri kuma7 ndaenda kunotora Mangwe sezvo tiri kuenda out. Asi hatina kuenda kurestaurant ndamuendesa kumba kwangu ndinoda kuspenda nguva naye pasina umwe munhu. Ndakasvika kumba kwake ndakamufonera kuti ndiri panze akabva atobudikira yoooh nzira yaakanaka nayo handikwanisi cheto kuvhara muromo. Rokwe raakapfeka kana uri semusoro kuita sekunge haasi Mangwe ane mwana anoenzana naTadiwa. Ndaingomutarisa ndichitadza kana kuzvibata ndakaburuka ndichino muvhurira door apo aiva akaisa make up. Yoooh mwana akanaka uyu paakapinda mukati neniwo ndakapinda mukati *Woow you're so beautiful Maluluza" Akatarisa pasi. "Thanks hanty ndiProggy wese uyu anga achindizora zvinhu zvose izvi zviri kumeso kwangu" "Akuita zvakanaka kuita kunge makore anoenzana neaTadiwa" Mangwe akaseka. "Usada kundinzwa Mike" "Ichokwadi zve Maluluza you're so beautiful" "Thanks ndanga ndichifunga kuti uchandiseka" "Ndichikuseka sei?" "Nezvinhu zvandakaisa kumeso" "Aaah ndinenge ndiri benzi kaa kana ndikaseka munhu akanaka sewe kuita sekunge ndepaya pataichata ko paya vaiva vakakugadzira zve" "Watanga Mike" Apo taitaura mota ichifamba ndaiva ndisinganeti nekumuyeva. Ayewa mwana wevanhu akanaka zvake apa neniwo ndakaporonga kusiya munhu akanaka kudai Cheri kudai chero akura. Takasvika ndakamisa mota mberi kwemusha wangu akanditarisa achishamisika "Ko hatisi kuenda kurestaurant here?" "Ayewa coffee tichaimwira mumba mangu" "Ndiyo date yacho iyi?" "Asi haikunakidzi here?" "Ayewa handina kudaro ndanga ndichibvunza hangu" Ndakabuda ndichinomuvhurira door "Ndanga ndichazvivhurira" "No Maluluza you deserve it" ndakadaro tichipinda mukati "Woow musha wako wakanaka" "Thanks musha wedu hanty" Mangwe akanditarisa nerimwe ziso ndakanyemwerera. Takapinda mukati tafura ndasiya ndagadzira. Ndakamudhinzera chituru achibva agara achitarisa nzvimbo yose. "Ooooh uchine that style yefurniture?" "Iwe waifunga kuti ndikaparadzana newe ndichashaya style" ndakadaro ndichiseka Akanditarisa nerimwe ziso "Ayewa ndiri kutamba Maluluza" ndakadaro ndichienda kukitchen ndichitora zvinhu zvose zvecoffee ndichinoisa patafura I can say handikwanisi kuziva kuti zvemaromantic zvinoitwa sei asi neniwo ndaiva ndazama. Uye ndaiva ndakadzidziswa naiye Mangwe pataigara tose aifarira zvinhu zviri simple. Asi nazvino handizivi kuti akafanaan nekare here kana kuti akachinja ndakamuitira coffee ndichibva ndaita neyangu "Here you go" "Thanks, hausati wachinja style yako here?" "Hapana chachinja pandiri chinhu chakachinja ndakawedzera runako" Mangwe akaseka. "Really?" "Unoona newewo kuti wanaka sei" "Watanga Mike" Takatanga kumwa coffee yedu "Thank you so much nezvinhu zvawaitira Tadiwa dai wanga usipo dai mwana wangu next year achidzokotodza nekuti kwandiri headmaster varamba" "Usanditende Maluluza ndanga ndichifanirwa kuita something kuti awane mukana. Tadiwa haazivi chinhu chinobva kwandiri kubva zvaakazvarwa zvinhu zvose aingoitirwa newe" Mangwe akanyarara "Ndinokumbira upe ini mukana kana pane zvinhu zvaanoda iwe umbomira zvishoma ambopihwa neni" "Unozvishora nezvinhu zvawakaita?" "Ndinozvishora zvakanyanya Maluluza asi izvi haunga zvione nekuti wakanditsamwira asi ndinonzwisisa nekuti dzimwe nguva zvinorema kuti undiregerere" "Hmmm" "Maluluza ndinoziva ndakakushungurudza asi ndinokumbira undipe mukana ndiedze kukumbira ruregerero kwauri. Ndinoziva hazvinga dzosere makore awakakurisa mwana wedu uri wega asi ndinoda kukuratidza kuti ndinozvishora sei" "Mike wakandirwadzisa zvakanyanya ndinotya kukuregerera nekuti ndinenge ndichifunga kuti uchaita same thing" "Ndinokuvimbisa Maluluza handipamhe zve" Haana kundipindura. "Ndokumbira undivimbe mai vaTadiwa hapana chinhu chakafanana nekare handipamhi ndinokumbira undibvumire tikurise mwana sikana wedu tiri pamwe chete" "Hauzo ndirwadzisi here?" "Ndinopika Ohh handipamhe zve Maluluza" "Okay we can try" Ndakavhura maziso. "What?" "Wandinzwa kuti ndati kudii" Ndakaenda paari ndichimuhaga "Oooh thank God ndinotenda zvakanyanya Mangwe Maluluza wangu" ndakadaro JAYDEN "Ayewa tashanda nekuuraya dzvinyu tiya nekuti family yako yanga ichapinda pane umwe problem" Simba akadaro "Problem hombe zviri nani takurumidza kumuwana nekuti anga achatoenda kunovhura muromo kuna boss vake vaya vekupenga" "Asi haisati yapera munhu anofanirwa kugara ari alert" "Yaaah taura hako boss wake anondida shem haatambi neni, asi pandichamuwana ndiko kuchava kupera kwake" Takaenderera mberi nekumwa hwahwa hwrdu tichiri busy kudaro baba vakabudikira apo taivaona vachipinda pagedhi sezvo taiva takagara papool its obvious vauya kuzondiudza nezvekuMberengwa. Handidi ini kuenda kunzvimbo iya handidi zveshuwa vakasvika vachimira papool "Muri busy pano" "Yaaah kuri kupisa baba" Simba akadaro "Yaaah Iko kuri kupisa, ndauya kwauri shaa" baba vakadaro Ndakavatarisa "Uve ready svondo rinouya tiri kuenda kuMberengwa" baba vakadaro Pandaida kutaura vakabva vataura "Handinganzwi newe Jayden ini nemwi tiri kuenda handingaudzirwi zvekuita nevana ini" baba vakadaro "Baba munoziva..........." "Ndinozivei ini chii chandinoziva Jay?!! Handisi kukubvunza Jay ndiri kukuudza svondo rinouya tiri kuenda kuMberengwa tinogadzira zvinhu zvose zvisiri right" Handina kupindura "Uri kundinzwa" baba vakadaro nehasha "Ehe baba" "Tiri kuenda right?" "Ehe tiri kuenda" "Good" baba vakadaro vachitendeuka vachienda Simba akandiseka. "Wapindwa nemvura mumabvi" "Baba vanoda kuti ndiende kuMberengwa handidi ini" "Asi kumba kwenyu Jay haunga gari uchitiza kumba kwenyu unofanirwa kuenda' "Musha wangu ndeuyu handina umwe musha ini" "Uko ndiko kume vadzimu vako kuMberengwa pano zvakangofanana nekuti uri mushanyi. Kumberengwa ndiko kune rukuvhute rwenyu" "Ahh iwe unozvizivira kupi zvauri kutaura?" "Aaah isu takakurira muchivanhu usandione ndiri mudhorobha kudai asi ndiri kutaura chokwadi shaa enda unoita zviri kudiwa" "Hazvisi nyore shaa' "Ndinoziva I can imagine dai ndiri ini asi usawara zvinhu zvose zvichafamba mushe" Simba akadaro tichikwazisana "You can do this my friend' "Fine ndichaenda" "That's it my guy" Takaenderera nekumwa I don't believe kuti ini ndinofanirwa kuenda kumba especially kwaZvayi. FADZAI Ndaiva ndakagara muroom mangu ndichiona tv apo pakapinda Lorraine "Ko sei usina kundiudza kuti uri kuuya?" "Handina kumbozvifunga unoziva ndakuvigira imwe nyaya inorwadza' "Nyaya yei?" "Unoziva ndanga ndichida kukufonera husiku asi ndaona kuti no ndofanirwa kuuya kuzotaura newe" "Wave kundivhundutsa manje, chii chaitika?" "Wanga uchiziva here kuti Popo munhu akaita sei?" Ndakashamiska, "Munhu akaita sei? Handisi kunzwisisa ini Loraine?" Akandiudza nyaya yose ndakavhunduka asi handina kuzvi believer "What? Popo ingochani?" "Imagine" "Yoooh inga zvakaoma Popo apindwa nei nekuti ini ndinoziva kuti ari straight anozvipengesa uyo haadi kugamuchira destiny yake" "Tinofanirwa kuita something pachiri early pasati pakanganisika" "Got now tinofanirwa kuenda kumba kwana Popo" "Please' Hatina kupedza nguva takabva tatoenda kumba kwana Popo takawana mai vake vari kukitchen vakatiudza kuti ari kubedroom kwake. Takabva taenda kwaari tikamuwana akarara pamubhedha akatarisa mudenga. "Popo" ndakadaro Akabva atomuka chinhu chaakatanga kundiita kundihaga "Hey" "Ndanga ndashanyirwa naLoraine" "Okay akuudza?" "Unoziva haairega kundiudza. Tose tinoziva kuti zvinhu zvawanga uchida kuita unoda kubvisa vakomana mupfungwa dzako" "Hazvisiriz...........' "Usataura zvinhu zvisipo Popo ndinoziva kuti iwe uri straight asi unovenga murume. Ndokumbira usiye izvozvo zvauri kuedza kuita" Paida kuedza kutaura ndakabva ndamugama nekuti handidi nhema dzake "Kana ukasazvirega ndichaudza vabereki vako" Akavhunduka. "Please ndokumbira usavaudza okay fine ndichasiya handichazviiti" "Good wakangopamha ndinovaudza uye ndichaudza naJay" "Fadzai please" "Ndati ukapamha" Ndakaoma maziso ake achizara misodzi ndakaswedera paari ndichimuhaga "It's okay shaa I understand your pain asi ndinokumbira ugamuchire kuti uri mukadzi" ndakadaro ndichimuhaga ANENYASHA Ndaiva ndakagara muroom maManue sezvo doctor achimutarisa nyaya yake yemusoro yave kutanga kundinetsa manje nei achigara achirwadziwa nemusoro. Doctor apedza kumutarisa ndakabuda naye "Doctor pane zvinhu zvisiri right here?" "Ndinofunga kuti akanyanya kuroverera nemusoro nekuti akagarara unomuka zve musoro wacho" "Chii chatinofanirwa kuita kuti musoro upere?" "Anofanirwa kumwa medication yake kana achimamwa zviri right uye in time achava right" "Saka anofanirwa kutanga manje?" "Yaaah anofanirwa kutanga adya" "Tinotenda doctor ndichaita sekudaro I will make sure kuti achateedzera mainstruction" "Okay" doctor akadaro achienda Ndakaenda kunopakurira chikafu ndichibva ndamuendesera muroom make "Boy" Akabva amuka. "Mhamha" "Wave sei musoro?" "Wave nani" "Okay ndinokumbira udye ugonwa mapiritsi" "Ndinotenda mhamha" Ndakamutarisa achidya ndakasara padiki kurasikirwa nemwana wangu munhu akandiita kuti ndive mai munhu akandiita kuti ndizive kuti ndinozvara ndakamapuruzira musoro "Mhamha" Manue akadaro achiseka "Unoziva kuti iwe ndinokuda zvakanyanya" "Ndinoziva mhamha neniwo ndinokudai zvakanyanya" "Tadiwa anga afona achida kutaura newe zviri right here" Manue haana kundipindura "Ndiri kutaura newe' "Ndichamuona not manje" "I'm not a fan of her asi I can imagine feeling yaari kunzwa manje uye munhu uyu akatakura mwana wako" "Ndichamuona kana ndave right for now ndinoda kurara" Zvichakadaro Tafadzwa akapinda "Wave kunzwa sei?" Tafadzwa akabvunza "Ndiri right baba" "Pane zvaunoda kuti tikuitire here?" "Hapana baba" "Pane zvinhu zvandinoda kutaura newe" Tafadzwa akadaro akanditarisa "Okay" ndakadaro ndichibva taenda kuroom kwedu "Chii chaunoda kutaura neni Tafadzwa?" "Ndafonerwa na baba hanzi tiuye kumusha" "Tiri kuenda rinhi?" "Weekend ino" "Oky doctor ati musoro waManue wakamukanganisa so anofanirwa kugara achimwa mapiritsi ake nenzira iri right" "Amwa here manje?" "Yes" "Mangwana tinofanirwa kuendesa madamages kumba kwana Tadiwa sezvo ane pamuviri" "Nei wataura nhasi?" "Hanty takambotaura nezvazvo here so ndanga ndichingo kurangaridza" "Ooooh I totally forget, no problem saka tinofanirwa kunotenga zvinhu zvacho?" "Yaaah" Takaenda kuna Manue ndichimuudza nyaya yose. FADZAI No man handinga regi Popo achikanganisa hupenyu hwake ndinofanirwa kuita something ndakatora foni yangu ndichifonera Jabulani sezvo aiva andipa number yake but I'm scared what if isisa pindi luck yakapindq akabva atodaira same time "Hey" "Princess" "Uri kutaura naFadzai shamwari yaPopo" "Yaaah ndinawo manumber ako ndinga mamabisa sei?" "I need your help" "Chii manje?" "Ndanga ndichikumbira tisataurira pafoni kana usiri busy ngatisangane papark" "Oooh no problem when?" "Within 30 minutes ndinenge ndatosvika" "Oooh now okay no problem' Ndakatora makey emota yamhamha ndichinochaira ndakananga kupapark ndakagara kwemaminutes achibva asvika. Airatidza kuti ari lost mybe aizvibvunza kuti ndamudanirei pano. Takamhorosana tichibva takagara pasi "Unoziva wandivhundutsa handizivi why ndiri pano' "Ndanga ndisina choice asi kuti ndikufonere tionane. Ndinoziva kuti Portia unomuda zvakanyanya zviito zvako nekushungirira kwako" Ndakamuona achinyemwerera. "Yaaah ndinomuda Popo uye kana zvichibvira kana kumuroora ndingazviita" "Ndiko saka ndichida rubatsiro rwako' ndakadaro ndichimuudza story yose nekuti nei asingadi varume pandakapedza kutaura misodzi yaiva yajenga kumeso kwake "Saka ini ndoita sei nekuti haadi kutaura neni?" "Ndichatanga ini then iwe wozopedzisa uye unofanira kumuratidza kuti varume havafanani" "Yaaah story yake inorwadza ndiko saka asingandidi pedo naye" "Yaaah ndichakubatsira kuti mudanane' "Don't worry ndichaita zvinhu zvauchandiudza handimbo kanganisi' "Ndichamukumbira kuti tinodya dinner asi dinner yacho inenge iri yako' TADIWA Handisati ndambofara zvakadai kuona baba namhamha vari pamwe chete again. Ndanga ndisati ndamboona rudo rwavo asi ndave kuriona ndaiva ndakagara muroom mangu pakabva pasvika vanhu vekwana Manue vauya kuzobhadhara madamages asi Manue haana kumbondifonera kundiudza izvozvo zvinoreva kuti ndiko kwatova kupera kwerudo rwedu. Ndakatora foni yangu ndichimufonera asi yakadairwa nasisi vake "Hello" Portia akadaro "Hello ndinokumbira kutaura naManue" "Okay asi akarara manje" "Ndokumbira mumutse please" "Okay" Ndakamira kwemaminutes asi ndakanzwa Manue ave kutaura asi aitaurira kuhope "Portia ndakauudza kuti ndinoda kurara usadaira macalls angu please" Manue akadaro "Please Manue" Portia akadaro "Handisi right" Manue akadaro "I'm sorry" Akabva anyarara "Ndanga ndichiedza kukufonera usingadairi macalls angu" "Nekuti handidi kutaura newe Tadiwa" "Thanks for zvinhu zvaitwa nevabereki vako kumba kwedu" "Vanga vachifanirwa kuzviita" "Hmmmmm okay ndanga ndichikufonera ndichida kukuudza kuti ndave kudzidza online" "Ndizvo zvinhu zvawandimutsira here Tadiwa? Tadiwa ndakuudza kuti ndakarara asi unondimutsira zvinhu zvekupenga kudaro" "Hezvo Manue" "Nei usina kundiudza kuti nezuro wanga waenda kuna doctor" "Ndanga ndichakuudza sei nekuti wanga usinga dairi macalls angu" "Nezuro wakambondifonera here, waiziva kuti tine appointment nadoctor asi waenda wega ndanga ndisinga fanirwi kuvapo here?" "Ndakufonera kuswera nezuro asi ndakatadza kutaura newe" "Ndiri kutaura nezvanezuro ini?" "Ndanga ndichakufonera sei Manue iwe wanga usingadi kutaura neni" "Saka wandifonera sei? Tadiwa wakatakura mwana wangu saka unofanirwa kundiudza everything zvemwana not zvekupenga zvauri kundiudza" Manue akadaro achikata foni yake Misodzi yakayerera pandiri 6 months later Tadiwa Eish nhumbu yakundiremera ini, zuva racho richasvika rinhiko? Coz ndaneta zveshuwa..now tiri muna February mwedzi wangu wekubereka. Relationship yangu na Manue yakangoperera mumhepo I think now ndine 5 months ndisingatauri naye kana pane zvaanoda kubvunza about kwana anotuma sisi vake kuti vafone. Now I understand neyi kuchinzi varume imbwa. Ndozvavanoita kana vanhumburisa. . Ndaizviona zvichiitika kune vamwe vanhu asi handina kumbofungira kuti zvingaitika kwandiri . Ndinongonzwa nevanhu kuti ane musikana waanodanana naye ku university. Handizvitevereri hangu asi tinongozviona pama social media. It's obvious Manue haachandidi coz chero Kuma social media akandi unfollow. That's life. Ndakazvigarira pasofa baba vakapinda "My princess" "Daddy" "Unenge wakaneta" "Eish daddy ndaneta manje chero kurara chaiko ndaneta" "Don't worry soon achabuda munhu anokushungurudza uyo" Zvichakadaro mhamha vakapinda ndofunga vanga vasara kumota. Vaiva vakabata ma plastic. Vakaswedera pandiri vachindipa mbatya. "Ohh ndedza sisi" "Mwedzi wake Saka tave kutogadzirara" Ndakanyemwerera ndichidzitarisa. Ko hanti ndakaita scan tikaona kuti musikana. Rudo rwandinopihwa nevabereki vangu runoshamisa shame. Mwana wangu haasati azvarwa asi already atova ne room rake muno nekumba kwa baba nekwana Manue. Sisi va Manue vakandiratidza pic racho. Chero kumba kwana Manue vanomuda shame mwana wangu chete baba vacho havasisiri interested on me. "Mandivigirei ku town" "Mango" baba vakadaro "Haa ndanga ndichida ma banana ini" "Mai vako varamba ndanga ndichida kukutengera" "Wave pedo nekubereka Tadiwa hauchafanirwi kudya chero chii. Ma banana achaita mwana achiremberera sema banana" Zvichakadaro Mainini Proggy vakapinda vachibva kumba kwa Jay..ko hanti akatoroorwa here kwangosara muchato. Ndaifunga Kuti Mai va Manue vacharamba kuti Jay aroore Proggy sezvo ari hama ya mhamha asi akabvumira pamsoro. Ndakatora foni yangu ndichipinda pa Instagram. Pandakangopinda dhuma dhuma nema pictures a Manue nemusikana wake. Aiva akaiswa nemusikana wake, kuna Manue handioni chinhu sezvo akandi blocker Asi neniwo ndaideo ku munhu anodzidza ku university ini ndichiri ku secondary. Maybe that's why Mai vake vachindivenga nekuti vanoona kuti handisi level yemwana wavo Portia Welcome back home. Ohh guys I was in America for 5 months . Jay akandiendesako nekuti akati pana doctor achandibatsira for counseling. Now ndiri pa airport ndakamirira Jay auye kuzonditora. Ndakagara kwema minutes ndichibva ndaona mota yake. Paakangobuda ndakamuhaga "Big brother" he hug me so tight "Hey ndanga ndichikufunga sister" , "Me too brother also my friends haa" "Wauya manje uchavaona wombozorora kudzidza online" Ndakanyemwerera tichipinda mumota "Wakunzwa sei?" "Ndave bhoo manje ndiri kunzwa kunge mutoro wanga uri pamafudzi waturwa" "That's good. Fadzai akandiudza zvose" "Zvose zveyi?" "Zvakaitika pakati pako na Lorraine" Ndakatarisa pasi "I'm sorry brother handizivi ndaiva ndapindwa neyi but I promise hazvichaitiki zve" "That's good coz ndingarwadziwa" Foni yangu yakarira aiva JB ohh ndakazomubvuma zve. Asi ndakamubvuma ndiri ku America handizivi kuti pandichamuona ndinofanirwa kuita sei . Anga achida kuzonditora ku airport asi ndamuudza kuti Jay achauya kuzonditora Takatanga kutaura pa Whatsapp ndichimuudza kuti ndave mu Zimbabwe ndiri mumota kuenda kumba. Hamenho or ichokwadi ndakanzwa Jay ava kundibvunza kuti nyemwerero iyi asi wakawana murungu ku America ndakaseka. Takasvika kumba, vanhu vaiva vakandimirira vose. Pandakangobuda mumota vakandihaga tichimhorosana vachindiitira ma welcome bla bla Manue Ndaiva ndakagara na Rue pa park ",Babe" Rue akadaro ,"Yah" "Gara zviya mwana wako anoberekwa rinhi?" ",Mwedzi uno shuu I can't wait kuona musikana wangu'" I'm sure anenge akanaka sewe" Ndakaseka. "Zvagara anofanirwa kufanana neni kwete neumwe munhu coz she's my daughter " ndakadaro ndichimutarisa "Ndinoziva Kuti uri kunzwa seyi about whole thing asi unofanirwa kuziva Kuti ndinoda iwe chete" "Ndinoziva asi ndinotya Manue" "Kutyei manje?" "What if you leave me?" "For what?" "Wakambondisiya pekutanga wakudanana naye nazvino uchatadza neyi kundisiya?" "Babe ndakakumbira ruregerero hanti. Plus Tadiwa handingambodzokerani naye takarambana, chinhu chinondisanganisa naye paari mwana uye hatitauri chero pafoni. Kana pane zvandinoda kuziva pamwana ndinotuma sisi vangu. Musikana uya akanyatsondiudza kuti Mai vangu anovavenga. Ndinoendepi ini nemunhu anovenga Mai vangu. Haungati unovenga Mai vangu asi ini wondiudza kuti unondida, zvakaitika kupi izvozvo?" "Okay okay I understand babe" Ndakakuswededza pandiri ndichimukisa pahuma. Foni yangu yakarira vaiva mhamha. "Mhamha" "Manue Tadiwa Ari kuchipatara rasvika zuva riya rataiva takamirira" "What? Ndiri munzira manje" ndakadaro ndichidhonza Rue tichinopinda mumota tichienda kuchipatara Narrated Vanhu kumba Kwa Mangwe vari kumhanya mhanya sezvo Tadiwa Ari kuchema marwadzo "Saka tiite sei Mangwe?" Mike akabvunza "Ngatimuendese kuchipatara" Mangwe akadaro vachisimudza Tadiwa vachimuendesa kuchipatara Cha Mangwe. Vakasviks vakamupinza mu ward vachibva vabuda. Mangwe naiyevo aiva ave kuchema "Hayi Mangwe usachema hanti nhumbu zvagara inorwadza here?" Mike akadaro "Ichokwadi sisi Tadiwa haarwari asi inhumbu ka" ,"Ari kuchema ka meaning Ari kurwadziwa" "Nemwiwo sisi maichema pamakazvara iye" "Hazvifanani Tadiwa mudiki" "Maluluza hapana zvichaitika pamwana wedu" Mike akadaro Mhuri yekwa zvayi yakasvika ichifemera mudenga "Ari sei Tadiwa?" Ane akabvunza "Ari mukati nesuwo hatisati taudzwa chinhu" Mike akadaro. Pakamboita runyararo umwe neumwe aityira Tadiwa nekuti achiri mudiki. Chinhu chinonzi kuzvara hachizi nyore it's die or live. Zvichakadaro Manue akasvika nemusikana wake. Ane akavadanira pa side "Manue chii chiri kuitika pauri?" "Ndadii mhamha?" "Ndiani wauri kufamba naye uyu?" "Ohh it's Rue she's my girlfriend" "Munopenga here imwi? Mwana wako ari kuzvarwa iwe uri kuuya nemusikana wako pano. Makakwana here?" "Sorry mhamha" "Unoziva zvaunofanirwa kuita. If hauremekedzi Tadiwa then respect her parents " "Okay mama" Ane akatendeuka achienda. "I'm sorry babe" Manue akadaro "I understand I love you okay" Rue akadaro. Manue akamuperekedza achinokwira kombi. Paakadzoka Jay akamuchingamidza "Iwe mupfana uri kumboita sei chaizvo!" "Ndaitei?" "Musikana wawauya naye pano unoti vabereki va Tadiwa vaite seyi nazvo?" "Handina kumbozvifunga" "Wakanhumburisa mwana wevanhu achiri mudiki pedzezvo wakumusiya" "Manje Kuti ndakamunhumburisa imhosva here? Tadiwa handimudi hapana chichachinja" Jay akadzungudza musoro achidzokera kune vamwe. Manue akatevera kumashure. Vakasvika vachigara pamabhenji. Ma doctor aingonhanya mhanya hapana zvavaitaura kwavari. "Ko chii chiri kuitika pamwana wangu'?" Mangwe akabvunza "Calm down Tadiwa ari right" Ane akadaro Zvichakadaro doctor akabuda achinyemwerera. "Congratulations Tadiwa abereka mwana musikana vose vari vari right" Tadiwa Yoo ndaisaziva kuti kuzvarwa kunorwadza kudai. Ndachema kusvika princess yangu yabuda vanhu vose vakapinda vakandiita makorokoto. Manue aingonyemwerera nonstop akagara pedo achingonditarisa hamheno chii chinosetsa ipapa "She's Runako Zvayi". Vanhu vose vakatsrisa "Wow what a name I like it" mhamha vakadaro "Aewa wamupa Zita rakanaka Manue" Mai vake vakadaro. Munhu wese akarifarira zita remwana wangu raaiva apihwa na Manue. Baba vakanditarisa "I love it baba" ndakadaro "Ndimupevo rangu?" Baba vakabvunza , "Yes baba I will be happy nekuti ini handina Zita rekumupa" ndakadaro "Tanyaradzwa" baba vakadaro "Wow I like it baba" ndakadaro ndichihaga baba "Aewa rakanaka Kuchicha " baba Manue vakadaro. "Thank you for kundizvarira princess" Manue akadaro achinyemwerera Ndaka faker smile, handina nguva yekutsamwa nhasi I zuva rangu so save it. Vanhu vose vakabuda. Manue akatora Tanya achibuda naye ini ndakasara ndichichinja. Ndapedza ndakabuda. Pandakabuda dhuma dhuma ne BMW itsva tsva from store. "Baba" ndakadaro ndakabata muromo "Imota ya Tanya iyi" Ndakaswedera pavari ndichivaha "Thank you so much daddy I'm so happy" "Wow congratulations Tanyaradzwa" mhamha vakadaro "Wow this is so sweet congrats Tanyaradzwa unema minutes uchangozvarwa asi you're owner of BMW" Mai Manue vakadaro vanhu vakaseka "Aewa washanda mr Kuchicha" baba Manue vakadaro vachikwazisana na baba Takapinda mumota takuenda kumba. Manue aiva akangoti kwati kwati neni. Imwe miedzo shuwa. Akamutora ma pic paaida kuisa pa social media Mai vake vakaramba hanzi achiri mudiki kana achida kumuisa anofanirwa kuviga face. Takasvika kumba vanhu vakafara vachiyeva runako rwemwana wangu. Vanhu vekwa Zvayi vakazooneka vave kuenda. Manue akamboda kusara asi vanhu vakuru vakamurambidza Jayden Patakabuda kwana Tadiwa vakaenda kudzimba dzavo neniwo ndakaenda kumba kwangu. Pandakasvika foni yangu yakarira with unknown number "Hey pane zvinhu zvandinoda kukuudza it's urgent" ",Yes" "Spic----" haana kuzopedza kutaura ndakanzwa noise yepfuti "Hello!! hello!! hello!!" pandakatarisa foni yaiva yatokata Ndakaedza kumufonera asi yaiva isisapindi Shiiit!!!!!! End of chapter