Chapter 4 Mangwe Nei Mike arova mwana wangu? Anomuvenga zvekudaro here kuti angasvika pa stage yekumurova? Iye Tadiwa anga achimboenda kupi nekuti ndakamuudza munhu akamuunza panyika haadi kumuona chero paafamba. Misodzi yakayerera pandiri. Mwana wangu anga asingafanirwi kuona zvose izvi. Zvichapfuura sei achiziva kuti baba vake vamuramba mberi kwevanhu. Zvanga Zviri nani achiudzwa neni kuti baba vake havamudi. Ndakachaira kusvika ndasvika Ku Harare handina kumbomira munzira, vana ava vandirwadzisa wee. Vandivimbisa kuti havazoiti zvinhu zvinobuda munzira. Ndakanosiya Prim kumba kwavo ndichibva ndaenda kumba kwangu. Ndakabuda mumota ndichipinda Mumba "I'm sorry mommy" "Tadiwa wanga uchinoitei kumba Kwa Mike?" "Ndanga ndichida mhinduro mhamha" "Mhinduro dzei Tadiwa? Mhinduro dzei dzauri kutaura?" Haana kundipindura akatarisa pasi "Zvino wadziwana here mhinduro dzawanga uchida?" "Aewa" "Ndakakuudza zvose about murume uya Tadiwa, Saka Ini haundivimbi munhu waunovimba ndi Mike" "Aewa mhamha" "Pane zvauri kushota here? Pane chisingakufadzi" "Aewa mhamha munondiitira zvose uye appreciate that hapana munhu anondida semwi" "Waziva sei kwaanogara?" Tadiwa akandiudza nyaya yose. Argg mwana uyu anopenga here? Ndakamutarisa kwenguva yakareba ndichibva ndamuhaga "My baby I love you usapamha zve kuita zvinhu zvakadaro" "I promise mhamha handipamhi zve" "Usateeverera Mike pama social media siyana naye haakudi uyo" "I promise mhamha uye ndamuona kuti haandidi" Shit mwana wangu anga asingafanirwi kuona ruvengo runa Mike paari. Ndakaenda kunotora mushonga wekumurabha padama, Mike anga achiita kunge ari kurova size yake nxaa maan Tadiwa Munhu akandiunza panyika ino ndiye anondidai. Ndakaenda pa mirror ndichizvitarisa padama paaiva andirova. Ndakatanga kuchema, handimuzivi murume uyu, kubva zvandakazvarwa ndanga ndichitanga kumuona Saka ndiyo nzira yaandimhorosa nayo iyi. Mhamha vakandiudza kuti kubva zvandakazvarwa haana kumbobvira andigumha Saka andigumha nekundirova. I hate that man with all I have. I hate his voice I hate zvaari I hate everything iri paari. Ndakatora foni yangu ndichimu follower pa Instagram ndichi deleter nema picture evana vake andaiva ndato saver. Handidi chinhu chinondisanganisa naye Mangwe Handina kurara nhasi ndichingofunga mwana wangu kuti arara sei kwaari. Ndakamuka makuseni ndichigadzira breakfast ndichimuendesera mu room make. Ndakamuwana achangomuka "Morning my mommy" "Morning my baby warara sei?" "Mushe mommy" That's good ndakuvigira breakfast in bed" Akaenda kunokwesha mazinyo achiuya achidya. "Kana wapedza ugadzirire tiri kuenda ku town". "For really mommy?" "Yes my baby" Akanyemwerera akanditarisa. Ndakabuda ndichienda kunogadzirira. After some minutes Tadi akauya ave ready neniwo ndaiva ndatova ready. Ndakatora ma key emota tichinopinda mumota tichienda. Takasvika akatenga zvinhu zvose zvaaida . Ndaingoda kuti akanganwe zvinhu zvose zvaiva zvaitika paari nezuro. Tapedza takaenda pane imwe restaurant kunodya. Taka order chikafu chedu tichitanga kudya, zvichakadaro Farai akapinda. Hezvo ari kubvepi manje. Ndanga ndisingafungiri kuti ndingaona munhu akafanana naye pano. Paakationa akauya kwatiri "Hey beautiful ladies" "Hey Farai I didn't expect kuti ndingakuona pano" "Ndanga ndanzwa nenzara ndikati rega ndiuye kuzodya pano unoziva nyaya ye hubhahuchura can I join you?" "Yah sure" Farai akagara pasi achi order chikafu chake vachimhorosana na Tadie. Chikafu Cha Farai chakauya. Ndakatarisa Tadie ndichida kuona anonzwa sei nekuvapo Kwa Farai asi airatidza kuti aiva right nekuvapo kwake. Handidi kuti mwana wangu arwadziwe zve. Takapedza kudya tichibva tabhadhara bill yedu. Ndakaona Farai achitanga kubata Bata homwe dzake "Eish I think ndakanganwa wallet kumba" Farai akadaro achingobata Bata homwe Ohh shame ndakamubhadharira tichibva taonekana tichinopinda mumota. Ndakatarisa Tadie airatidza kuti aiva nezvaaifunga "Are you okay my baby?" "Munhu anga achienda kupi asina mari?" "Ohh no my baby akanganwa wallet kumba hanti?" "Haa dai ndanga ndiri ini ndanga ndisingambomu bhadhariri" "Usataura uchidaro baby" "Varume vanofungwa kuti vakangwara nxaa" "Baby Farai haana kufanana nevamwe varume okay?" "Mhamha musavimba munhu hamusati maziva background yake Farai" Tadie akadaro achirara pachituro achitarisa mudenga. I understand nei ave kuvenga varume kudai Tadiwa Handidi munhu wechirume pana mhamha nekuti at the end anozomurwadzisa. Asi ndini ndingaitira mhamha ma decision nekuti wega unoona kuti mhamha vanomuda murume uyu. You see matarisiro avanomuita kuti vari murudo. Let's hope haazorwadzisi mhamha vangu. Enough now varwadzisa mhamha zvakwana handichadi kuvaona vari mumarwadzo nekuda kwemurume Ndapedza kuverenga ndakavhara laptop yangu ndichibva ndanogeza ndichiuya ndichipfeka ma pj angu. Pandakaenda pa window ndakaona varume vaviri vaiva vakabuda pfuti vachipinda pagedhi. Ndakavhunduka ndichi sticker panzvimbo imwe chete. Nguva dzaiva Kuma 9 asi ma light panze aiva akabatidzwa Ndakamhanya ndichienda mu room mamhamha ndakapinda ndiri short. "Hezvo Tadiwa chiiko?" "Mhamha panze pane varume vakabata pfuti" "What!!!" Mhamha vakabvunza vachitora foni vachida kufona asi vakanzwa pfuti ichirira Havana kuzofona vakanditora vachienda neni ku guest house vachisimudza mubhedha vachiti ndipinde. Ndakapinda naivowo vachibva vapinda "Shhh chirega kuchema okay? Hapana zvichaitika pauri dzima foni" mhamha vakadaro vachindihaga. Ndakadzima foni naivowo vakadzima yavo. Vakatanga kunamata asi vainamatira pasi pasi kuti varume ava vasavanzwa nekuti vaiva vatopinda mumba. Takavanzwa vachipinda mu room mataiveri ndakadedera zvakanyanya mhamha vakandivhara muromo. Vakatanga kugwedebudza zvinhu vachitarisa nzvimbo yose "Havapo vanhu ava" "Asi vanenge vanga varipo" Vakabva vaenda. Takagara pasi pemubhedha for 30 minutes tichibva tabuda. Mhamha vakafonera Mai prim vachivaudza zvaiva zvaitika. Mai prim vakati vari kuuya na baba Prim "Are you okay?" "Yes mommy and you?" "I'm fine my baby" mhamha vakadaro vachindihaga. Minutes later Mai Prim, Prim na baba Prim vakasvika mhamha vakavaudza nyaya yose "Hazviiti kuti murare pano zvakawanda tichazviona mangwana" baba Prim vakadaro Takanopinda mumota tichienda Kwana Prim. Shuu handisati ndambovhubduka zvakadai. Saka dai tisina kuhwanda kutaura kudai tatofa na mhamha Mangwe Hapana umwe munhu angaita izvi ndi Mike chete, handizivi kuti anodei patiri inga Wani takabuda maari. Kusvika rinhi shuwa mwana wangu achishungurudzika. "Shuwa ndiani angaita izvi?" Kudzi akabvunza "Ndatozvishayavo neniwo". Jeffrey murume wa Kudzi akadaro "Hapana umwe ndi Mike chete" ndakadaro Jeffrey na Kudzi vakatarisana vachivhura maziso "Shuwa here?" Kudzi akabvunza "Mike handizivi kuti anodei kwandiri Ini" ndakadaro Misodzi ichiyerera "It's okay my love everything gonna be fine stop crying" Kudzi akadaro achimupurudzira musana "Baba Prim ndokumbirawo unditsvagire masecurity icha guarder imba yangu" "Okay ndichaita sekudaro" Jeffrey akadaro "Ndinoda kuti vatange mangwana, pamwe zvingatibatsira nekuti Zviri pachena Mike anoda kupedza nesu Month later It's been a month now kubva zvakaitika drama hapana zve zvakaitika zvimwe now pamba pava ne security I know very well kuti ndi Mike akatitsvagira vanhu kuti vatiuraye,handizivi kuti anodei kwatiri Mike. Saka tofanirwa kugara tichitya nekuda kwako. Ndichiri mundangariro Tadie akapinda achiuya achigara pedo neni "Mhamha ndinokumbira mundiudze chokwadi nhasi" "Ndakateerera" "Ndi baba vaiva vatuma vanhu kuti vatiuraye?" Ndakavhura maziso "Ndakakuudza kuti tisataura nezvake zve" "I know she hate us Saka chero kutiuraya angazviita" "Ngatisayane naye mwanangu iwe una mhamha vanokuda right" I know mommy I love you too" Tadie akadaro achisimuka achida kuenda "Tadie" Akaswedera pandiri "Gara pasi pane zvandinoda kutaura newe" Akabva agara pasi. "Ini na bamnini Farai pane zvatiri kuita" Tadie akanditarisa , "Tiri kuzama kuvaka relationship " "Anokudai here?" "Ehe anondida neniwo ndinomuda" Okay mommy I don't have problem chandisingadi kuti akurwadzisei?" "I promise my baby Farai munhu ari right" Tadie akabvuma nemusoro achienda Paakabuda ndakatora foni ndichifonera Farai kuti auye kuzodya nesu dinner akamboda kuramba ramba achiti Tadie achati kudii asi ndakazomu tsanangurira kuti anzwisisa akazondivimbisa kuti anouya. Ndakasimuka ndichinogadzira chikafu Tadiwa Ndakasvika mu room mangu ndichifonera shamwari dzangu ne video call tichitaura about exams. Takataura nguva yakareba ndakazokata mhamha pavakandidana. "Mhamha muri kubika? Nei musina kundidana ndizokubatsira" "Wanga uchiverenga my baby" "Ndanga ndichauya mhamha" Ndatopedza baby nhasi tine visitor " "Ndiani?" "Farai ati achadya nesu dinner" "Okay" "Tadie hausi right" "Ndiri right mhamha " Handidi kunyeba murume uyu handimufiriri. Handisinunguki kana ndichimuona pedo na mhamha but what can I say mhamha vanomuda so I don't have choice kunze kwekuzvigamuchira Ndakatanga kubatsira mhamha. Kumaseven bamnini Farai vakasvika taiva tatopedza chikafu chiri patafura. Takamhorosana tichitanga kudya. "Tichauya rinhi kumba kwenyu kuzodya dinner?" Ndakabvunza "Tadiwa" mhamha vakadaro ", Anytime dia ndinokugamuchirai nemaoko anodziya" "Mune vana here?" "Tadiwa chiiko newe" mhamha vakadaro asi handinyarari shame "Ko mukadzi?" "Hayi hayi Tadie wave kuenderera manje" "Dai ndine mukadzi handaiteverera mhamha vako, Mai vako ndiye chete mukadzi ari muhupenyu hwangu" "No need to explain Farai. Tadiwa chiiko newe?" Mhamha vakadaro. "When it comes to you ndichaita chero chii, chero zvichiratidza kuti handina respect" ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room mangu sezvo ndaiva ndapedza kudya. Rose Ndaiva ndakagara pasofa ndichicheka nzara dzangu. Ray akabva apinda "My boy" "Ari kupi?" "Ari kupi Ani zve?" "Sisi vangu Tadiwa" "Raymond please ndinokumbira usandibvunza nyaya dzisinei neni" "Ko nei muchiita hutsinye hwakadai nababa?" "Raymond ndisiye please " Zvichakadaro Magebede akapinda, Ray akabva aenda mu room make "Mhamha " "Mwana wako uyu haasi kumira kupindira nyaya dzisingamudi" Magebede akadaro "Haangaregi mhamha Tadiwa iropa rake ka" "Ropa rake? Nderipi ropa rauri kutaura nekuti ropa ra Tadiwa na Raymond imvura nemafutha" Ndakavhura maziso ndichitarisa Magebede "Tadiwa na Raymond havana hukama Saka usamboedza hako kundipusisa. Ndinoziva kuti Raymond haasi mwana wa Mike" Ndakabudisa maziso ose ndichitarisa Magebede mabvi ave kudedera "Nyebera vamwe kwete ini" Ndakadikitira same time ndichisimuka maziso akangoti njoo kuna Magebede End of chapter