Chapter 7 TADIWA Handina kurara nhasi husiku ndichiona mhamha vasiri right zveshuwa havasi right. Ndinoshuvira kuziva kuti chii chiri kuitika pavari kuti inyaya yaFarai here kana kuti inyaya yemabusiness. Ndakabva ndamuka mhamha vaiva vakarara ndakamuka zvinyoro nyoro kuti ndisavamutsa. Ndakaenda muroom mangu ndakasvika ndichigeza ndapedza ndakabva ndaenda kunogadzirira breakfast ndichaendesera muroom mavo ndakavawana vamuka "Morning mommy" "Morning my baby" "Breakfast in bed" Mhamha vakanyenwerera. "Thanks my baby" Ndakavasiya vachidya ndichienda kunochera mvura yekumwa nemapiritsi avo maziso avo airatidza kuti akatsvuka. Vanga vachichema here? Asi handimbovabvunzi hanty vakati ndisapindira nyaya dzevanhu vakuru ndakapinda nemvura ndichigara kwenguva "Ndaguta ndinotenda zvakanyanya" Ndakatora ndiro ndichiendesa kukitchen. Zvichakadaro pakaita munhu akagogodza ndakaenda kunovhura. Ndakashamisika ndichiona vari bamunini Farai "Good morning" bamunini Farai vakadaro "Morning" Handina kumbovapa attention yangu ndakaenda kukitchen asi vakanditevera "Mai vako vari kupi?" "Vari muroom mavo uye havasi right vanoda kuzorora saka hazviiti kuti ndivadane" "Ndinokumbira uvadane zvakakosha ndinoda kutaura navo" Ndakavatarisa kwenguva yakareba asi hapana zvandingaita ndinofanirwa kunovadana. Ndakaenda muroom mavo "Mhamha pane munhu anoda kutaura nemwi" "Ndiani manje?" "Ndibamunini Farai" Ndakaona huso hwavo huchinja vakabva vatosimuka ipapo. Ndakavatarisa ndisinga believe zveshuwa vanomuda murume uyu smile yavaiva vave kurova so. Ndakavatevera kumashure vakasvika vachihaga bamunini Farai "Where were you yesterday?" "Ndinokumbira tigare pasi" bamunini Farai vakadaro "Ndaedza kukufonera husiku hwose asi wanga usingawanikwi pafoni uye hauna kumbondifonera back" "I'm so sorry ndanga ndisinga fanirwi kudaro asi basa ndiro randidaro. Nezuro ndaiva kune imwe meeting about my business so mafoni aiva asingadiwi. Unoziva newewo kuti business rinotenderedza musoro worse part problem iri yangu ndanga ndatokanganwa kuti ndine foni nehubusy hwandanga ndiri. I am sorry love ndanga ndichifanirwa kukufonera ndapedza meeting yangu but anyway ndakasvika kumba kusina magetsi ndatadza kukufonera foni yangu yakadzima" "Unoziva ndatadza kurara ndine stress yanezuro" "I'm sorry Mangwe wangu hazviitiki zve zvinhu zvakadaro" Ndakanzwa kubhoekana nazvo nekuti ndinoziva bamunini Farai vari kunyepera mhamha. Vaiva busy nemukadzi wavo I don't know asi who am I ndinopindira nyaya dzavo chero ndikada kuisa shoko rangu hapana achandinzwa. Nezuro ndanga ndichavaudza asi nezvavanga vari nezuro ndatadza kuvaudza kuti ndaona mukomana wavo ane mumwe mukadzi. Handisi mwana mudiki ini ndinoziva vanhu vasingadanane nevanodanana ROSE Now nguva dzave kuma12 asi kana kumbonzwa nenyaya yaMagebede. Ko nei mapurisa asingawani chitunha chavo handizivi kuti ndingaita sei Kuti ndiudze Mike kuna mai vake achandibvunza kuti ndaziva sei zvichazondipinza mune imwe problem. Ndaitenderera imba yose ndichida kuwana plan yekuti ndivaudze kuna mai vavo. Ukuwo Amanda haana zvaanotibatsira nazvo ari kungochema. "Ndinoda kuziva kuti chii chaitika kuna mhamha" Amanda akadaro "Mhamha vachauya I'm sure kwavari vari safe" "Asi vambori kupi?" Zvichakadaro Mike akadzika mastairs achimhanya takamhanyira kwaari "Babe chii manje?" "Ndafonerwa nemapurisa vachiti ndiuye kune rimwe sango riri pedo nemashop" Mike akadaro "Kusango uko?" Amanda akabvunza "I'm confused neniwo handizivi kuti vanga vachinotsvagei ikoko" Now zvinhu zvave kufamba mugwara manje "Tiri kuenda newe" ndakadaro tichimhanyira mumota Mike akaimutsa achiimhanyisa mota achienda kwaaiva arairwa nemapurisa takawana mapurisa ari busy. Takaburuka tichimhanya tichienda ikoko chakandishamisa chitunha chaMagebede handina kuchiona "Sajeni chii chaitika?" Mike akabvunza "Hatizivi shuwa kuti ndivo here mai vako vanga vari pano" Ndakavhunduka vanorevei kana vachiti vanga vari pano. Zvinoreva kuti munhu uyu atiza here kuti haana kufa here? Oooh God no no no ndakadikitira same time im done now "Sajeni unorevei?" Mike akabvunza "Neniwo I'm lost" Amanda akadaro "Tasvika pasina munhu pano asi ropa rinoratidza kuti nderemunhu uye zviri pachena kuti pane munhu anga ari pano" Mupurisa 1 akadaro "Tawana scarf yake pano" Mupurisa 2 akadaro Amanda akaitora achiitarisa akabva atanga kuchema. Worried yangu yaiva yekuti ari kupi manje Magebede? kuti atiza here? "Mhamha Mike mhamha" Amanda akadaro achichema asi Mike akamunyaradza "Chirega kuchema Amanda tichavawana mhamha" Mike akadaro "Ndeyavo scarf iyi vauraya mhamha vangu hona ropa rakazara pasi" Amanda akadaro achichema "Ayewa hazvisirizvo" Mike akadaro "Mr Kuchicha handifungi kuti mai vako vachiri vapenyu" sajeni vakadaro "What do you mean?" Mike akabvunza "Sango rino rine mhuka dzinotyisa makambowanikwa shumba pamwe ndiyo yadya muviri wamai vako sango iri harisi safe" Mupurisa 1 akadaro "Ayewa hazvingaitiki izvozvo" Mike akadaro Ndakanzwa kusununguka obvious shumba yavadya. Nemabairo andavaita there is no way yekuti vanga rarama. Ndakanohaga Mike "Don't worry babe tichavawana mhamha" "Mhamha havangatisiyi just like that" Mike akadaro "Ayewa hazvingaitiki" Amanda akadaro vachichema Ndaiva ndasununguka manje mumoyo chinhu chaiva chave kundirwadza kuona Mike achichema. "mai venyu vanga vane vavengi here, kuti pane munhu wamunofungira? Sajeni vakabvunza "Mhamha vanga vasina vavengi ndiani angaita zvinhu zvakadaro kuna mhamha?" Amanda akabvunza "Ndinomuziva munhu angaita izvi" Mike akadaro Ndakavhura maziso. "Ndiani?" "Hapana umwe kunze kwaMangwe ndiye chete" Mike akadaro PROGRESS Ndakamuka makuseni ndakaneta kunge ndini ndanga ndiri busy neparty apo ndaiva ndakazvihwandira pamasteps. Noise yanga iri pamba pano shem handina kumborara ndanga ndichifanhirwa kuti dai ndamuka masikati. Ndakaenda kusitting room kwaiva kwakasviba Jesus handizivi vanga vachimwa doro rakadii vanhu ivava Vaiva vakarara pasofa vasikana vakomana umwe neumwe aiva akatarisa kunzvimbo yake. Ndakatarisa imba yose asi Mr Owner Mupengo vaiva vasipo zviri pachena kuti ari muroom make nemusikana wake handizivi ndichavamutsa sei kuti ndicleaner. Imba yose iri kunhuwa doro. Ndakaenda kukitchen zvichakadaro Popo akabudikira Oooh naiyewo arara kuno "Hey" Popo akadaro "Hey" ndakadaro "Ko uri muno mumba kana kuti wasvika makuseni?" "Ayewa ndanga ndiripo" "Saka nei wanga usipo paparty?" Handina kupindura zvichakadaro Jay akabudikira achibata musoro idoro kaa ndizvo zvarinoita "Ko Proggy aripo pano pamba usina kundiudza here?" Popo akabvunza "Imember yefamily here kana kuti ishamwari?" Jay akabvunza "Hezvo ko kuzoita rude nhaiwe Jay?" Popo akabvunza "Ndiri kubvunza hu rude hwandaita ndehupi. Yanga iri party yefamily and friends iye ifamily yani or shamwari Yani?" Jay akabvunza "Hayi Jay problem yako ndeyei party yanga iri yangu saka inini ndanga ndichida avepo" "Chiita iwe party wozomukoka then" Popo akadzungudza musoro "I need two cups of coffee in my room" Jay akadaro "Okay sir" ndakadaro "Hezvo imwi hamukwanisi kuzviitira here udza musikana wako auye aite coffee unomushurira Proggy" Popo akadaro achitora mvura mufridge "Proggy ndiri kutaura newe hanty" Jay akadaro achienda "Okay ndichaita sekudaro sir" Popo akanditarisa. "Hakuna coffee yauchaita kuti uri mushandi wake hazvirevi kuti uchaita chero chii chaada" Ndakanyemwerera ndichinyebera kuva happy "Don't worry Popo ndichaita sekudaro" ndakadaro ndichitora 2 macups Popo aingova akanditarisa dai achiziva kuti basa iri ndinorida sei kana ndikabva pano hakuna kwandichaenda nekuti handinga dzokeri kuvanhu vaya vaindishungurudza. Ndakagadzira coffee yaSir naMadam ko ndingadii hangu mari ndoida kaa. Ndakavaendesera, ndakavawana vari busy kukisana ndakadhonza chikosoro vachibva varegedzana "Wanga uchifanirwa kugogodza" Jay akadaro "Door ranga rakavhurika saka handina kumbofunga kuti muri busy nesomething" "It's okay" Muchaneta akadaro achitora macoffee avo Ndakadzika downstairs ndikawana munhu wese anga ari musitting room atoenda. Vabatsira vakaenda ndava kuzocleaner manje ndichiri busy nekucleaner Popo akabudikira ave kuenda "Usare mushe ndave kuenda ini" "Newewo ufambe mushe" "Usabvuma kuitiswa naJay anopenga" Ndakabvuma nemusoro ndichiseka Popo akabuda ndikasara ndichicleanerm after an hour ndaiva ndatopedza. Ndakaona Jay nemusikana wake vachidzika mastairs I think musikana ndiye ave kuperekedzwa. Vakasvika pedo neni akandiudza kuti ave kuperekedza musikana wake. Oooh thanks to do that anotondiudzawo kana ane kwaari kuenda. Ndakaenda kuno cleaner kukitchen ndapedza ndakatanga nepoto dzangu. Yoooh Mr Mupengo vakasvika ndisati ndabika vachandidherera zve unoziva pandakatanga kusvika pano Jay aiva sweet but mazuva ano yoooh ndangova chikorobho kwaari I think musikana wake uyu waanaye ndiye anodaro. Ko iye nei achidaro nekuti family yake iri sweet vanin'ina vake Tifadzei, Tikudzei, Manue vari right ayyy nxaaa handinga pedzi ndikaramba ndichingofunga nyaya dzamr Mupengo. Ndapedza kubika zvose ndakavhura fridge haaaa vasiya doro rose iri rega ndimboba one bhodhoro ndimwe ndakaneta mybe kuneta kungadzikira. Ndakatora one savannah ndichienda nayo pasofa TADIWA Haaaa shem varume vane madrama yoooh munhu uyu anonzi Farai ane zvaari kuda chete pana mhamha. Mhamha vakanditarisa neniwo ndakavatarisa bamunini Farai vaiva vatoenda "Pane zvandaita here?" "Not today" "Okay mhamha hanty maona kuti handina zvandaita Mangwe wangu" Mhamha vakaseka. "Mave kunyemwerera nekuti maona bamunini Farai?" Mhamha vakanyenwerera vakabva vasimuka vachinobika kuma4 manheru takaona mota yemapurisa panze pagedhi neimwe mota ndakatarisa mhamha naivowo vaive confused pamwe varasika pamwe something ndakadongorera pawindow "Manners baby" Ndakabva pawindow ndichinogara pasi ndichiendereraberi nekudya ivo vachidyawo. Ooooh bamunini Farai ndivo vasiya vasina kuvhara gedhi avo vanhu vari kupinda vasina kumbogogodza. Takasimuka namhamha nekuti vaigogodza pagedhi ndakavhunduka zvakanyanya pandaona murume anozviti ndibaba vangu ndakatarisa mhamha asi vaionekwavo kuti vaiva confused "Tinga kubatsirai nei?" Mhamha vakabvunza "Vari kupi mai vangu iwe?" Mike akabvunza Takavhunduka namhamha "Mai vako? ndinopinda papi ini pana mai vako" mhamha vakadaro Ndakabata mhamha ruoko, what if vachizotirwadzisa sezvavakaita kumashure. Ndakaenda kumashure kwamhamha makamboona munhu anohwanda baba vake here ndinofanirwa kunge ndichifarira kuona baba asi ndinotya "Miss Ngwenya tiri pano kuzokusunga neku kidnapper Mrs Kuchicha pedzezvo womuuraya" Mupurisa akadaro Mhamha vakaseka vachitarisa Mike "Imimi muno dherera muri kudei pamba pangu ndisina kumbokukai munoziva ndogona kukuvhurirai docket" mhamha vakadaro "Tiri mapurisa" "Kuti muri mapurisa hazvirevi kuti munofamba muchipinda mudzimba dzevanhu muchivapa mhosva dzavasina kuita. Ndinopinda papi ini panyaya dzamai vaMike makandiona ndichimuuraya here" mhamha vakadaro "Nekuti ndiwe wega muvengi wake" Mupurisa akadaro Mhamha vakaseka. "Muvengi wake?" Mhamha vakabvunza "Hatina nguva yako Mangwe unoziva kuti mai vangu vari kupi, ndinokumbira mhinduro please" Mike akadaro "Ini kuita muvengi wamai vako inzwa pano Mike ndini muvengi wenyu kumba kwenyu ikoko ini handina nguva yenyu pamwe munoda kuti ndirambe ndichipindira mumadrama enyu. Inzwa mukomana handisi interested in anything of you Mike unondijairira iwe ungasvika pamusha pangu uchindibvunza nezvamai vako" mhama vakadaro "Wave kudherera iwe Mangwe" Mike akadaro "Ndine zvinhu zvandingaita ini handina nguva nevanhu vekumba kwenyu chiiko chakuunzai pano kubva Gweru kwese uko muchiuya pano? Iko chii chingaita kuti ndibve kuHarare ndichienda kuGweru kunouraya munhu ndinowanei? Kubva zvawakandidzinga pamba pako wakambondiona ndichiuya kuzoita drama here wakandiona ndichimbouya kufamily yako. kuti mai vako vari kupi handizivi uye handina basa nazvo nekuti hapana chinondisanganisa navo Yaaa uri kubhadhara zvinhu zvose zvawakandiita ndisina kukuita chinhu havasi mai vako chete vachabhadhara asi family yose yekwaKuchicha. Mwari vari kutamba ndima yavo enda unotsvaga mai vako usiyane neni please" mhamha vakadaro "Yaaa iwe mwana unodherera" mupurisa akadaro "Imi mungabva kwose uko muchiuya kuzondisunga nekuti Mike akuudzai kuti ndauraya mai vake musina kana evidence yacho muri mapurisa akadii. Ini ndakauya panyika pano kuzoponesa vanhu kwete kuuraya" mhamha vakadaro "Mangwe hati........" Mike haana kupedza kutaura "Mira mhani iwe nditaure, chiiko chandakakuita ivo mapurisa ako wamaudza here kuti wakarasa mwana ane zuva rimwe azvarwa, unovaudza here mapurisa kuti hauna kumbobvira wachengeta mwana wako kusvika akura kudai. Chinhu chakawakakwanisa kuita kwaari kumurova kunge uri kurova umwe murume anoenzana newe ndiudze uri murume payi? Why uchiita zvinhu zvose izvi kwandiri ndino kurespecta Mike ndokumbira ubude pamusha pangu" mhamha vakadaro Ndakanyemwerera wow what a wonderful mom "Isu ta........." Haana kupedza kutaura "Ndifonere mapurisa enzvimbo ino auye pano here ndiaudze kuti muri kundishungurudza pamusha pangu. Ndivaudze kuti iwe Mike Kuchicha wakatumira vanhu kuti vauye kuzotiuraya sies man enda unotsvaga mai vako uko usiyane neni" mhamha vakadaro Mapurisa pavaida kuenda mhamha vakataura "Enda unobvunza mukadzi wako pamwe iye anoziva zviri nani sezvo vanga vari mate nerurimi namai vako" mhamha vakadaro Mike akavatarisa achipupuma nehasha ndakaseka pavakabuda ndakaenda kunamhamha ndichivahaga "Wow!!! Mangwe wow!! I like your side ndanga ndichifunga kuti munobva mavabvunda asi mavaisa panzvimbo pavo wow mom I love you" Mhamha vakanyemwerera "Yaaa iri rezimusoro rinozviti baba vangu marigadzika panzvimbo paro" "He is your father my baby usamudana uchidaro" "But mommy" "Hausi iwe uchamupanisher asi wekudenga ndiye achaita. Kuti akakuitei usazviisa mumusoro mako iwe mupe chinzvimbo chake chekuva munhu mukuru kwauri" Ndakanyemwerera. "I love you Mangwe okay" "I love you too my baby" mhamha vakadaro tichihagana JAYDEN I won't lie ndiri kuzvitongesa nemabatiro andiri kuita Proggy kungoti naye dzimwe nguva anombobhowa mhani ndanga ndisiri mumood asi iye anoita zvimwe. Pandakadzoka kubva kunoperekedza Muchaneta chinangwa changu changa chiri chekukumbira ruregerero. Pandakapinda mumba ndakamuwana akarara pasofa achitaura ega pandakatarisa pasi paiva nemabhodhoro four esavannah asina chinhu. Musikana uyu achandi driver crazy, ndakasvika ndichimubata pafudzi "Proggy! Proggy" Akanditarisa achiseka "Yaaaa mupfanha wekwaZvayi wadzoka" "Waitei manje Proggy?" "Yes ndatora doro mufridge ndikamwa" Proggy aitaura neizwi raiva rakadhakwa "Wamwa doro Proggy?" "Hanty iwe wandinyima saka ndaona kuti ndizvimwire hangu" Ndakadzungudza musoro. "Simuka uende muroom mako" "Handiendi ini" "Hezvo mwana wekwaNgwenya ucharara pano here?" "Iwe uchanditora wondiendesa muroom mangu" "Unondipengera ndini ndakumwisa doro here?" Ndakabvunza ndichitendeuka ndichienda asi akanditevera achimira pasimbi dzemastairs "Unopenga here Proggy hauoni kuti uchadonha ipapo?" "Then iwe wobva wasungwa kuti wandiuraya" "Dzika ipapo" "Tanga wandikumbira ruregerero nezvinhu zvauri kundiita kana wave kuona musikana wako" "Handitambi newe Proggy" "Ko ini ndati ndinotamba newe here Mr Mupengo, say you're sorry Gojasi" "Gojasi wei manje?" "Okay handibvi pano pamastairs kusvika ndadonha" Ndakatsinzina, mwana uyu anondipengera "Sorry Gojasi" Akafara achibva andihaga "Ndinokuregera Mr handsome" akadaro achindikisa padama "Chienda muroom mako mhani" ndakadaro ndichimubata ruoko ndichimuendesa muroom make ndichibva ndaenda mangu Pandaiva ndave kuda kurara ndakanzwa noise yake ndakamuka ndikamuwana achitamba pamasteps mwana uyu achadonha chiiko naye? Ndakaenda kwaari ndichimira mberi kwake handina kana kumbotaura chinhu ndakamutora ndichienda naye muroom mangu. Ndikamuendesa muroom make acharamba achingonetsa ndakamuradzika pamubhedha wangu. Ndave kuzorara pasofa manje mumba mangu nekuda kweumwe munhu argg FARAI Ndaive ndakarara pamubhedha zvichakadaro Memory akabudikira akapfeka mapjyma akakwira pamubhedha achindikisa "Chii babe uri kufungei kudaro?" Memory akabvunza "Ndiri kufunga mwana uyu anozviti Tadiwa" "Aitei manje?" "Akangwarisa ave kuziva nezvako I'm sure kuti achaudza mai vake. Ndinofanirwa kuita something" "Asi neniwo handichazvidi izvi zvatiri kuita ndinokumbira ukurumidze zvipere" "Jealous kaa" Akanyemwerera. "Handinga regi kuita jealous pamurume wangu ka" Memory akadaro Ndakamuswededza pandiri ndichimukisa. "Don't worry babe unodiwa neni ndiwe wega wandinoda" End of chapter