Chapter 26 . Jayden Handingarasikirwi na Proggy nezvinhu zviri useless. Ndakamutarisa Munya kwenguva y ndichibva ndadzorera pfuti yangu muchiuno. "Musiyeyi aende" ndakadaro ndichitendeuka kuti ndiende asi ndisati ndafamba matanho matatu "Jayden mwanangu" "Baba vangu ndi Tafadzwa na Anenyasha avo vawakapfura uchida kuvauraya" "Ndinoziva mhosva dzangu uye ndakadzidza ipapo. Pano handina kuuya for bad intention, ndakura for kuti ndingadzokorora zvinhu zvakadaro. Chinhu chandiri kukumbira kuti iwe ne hanzvadzi yako mundiregerere" "Usapamha zve kupinza hanzvadzi yangu muzvinhu zvose izvi. Ini tiri right kunze kwako. Hatikudi muhupenyu hwedu" ndakadaro ndichibuda. Ndakasvika mumota ndichiisa musoro pa steering ndichitora pic ya mhamha shame aoa vainyemwerera. Ko neyi mwari vakavatora vachiri vadiki. Nesuwu vakatisiya tiri vadiki. Zvichakadaro foni yangu yakarira aiva Proggy ndakanyemwerera ndichiidaira.. "My Gojasi" "Ndinovimba kuti hauna kuzoita zvinhu zvawanga uchida kuita?" Haa ndanga ndichazviita sei iye mambokadzi anga atotaura" "Shuu thank God" Proggy akadaro " "Hapana chinhu chandichabvumira kuti chipinde pakati pedu hapana Gojasi" Ndakamunzwa kuti ave ku blasher "Saka neyi uchi blasher?" "Wandiona sei?" "Inhema here?" Akaseka, "Goji pane zvinhu zvandinoda kuita ndichakuona manheru" "Okay munhu wangu". "Ndinokuda" "Unodiwa neni" Takaonekana ndichimutsa mota ndichienda kwana Simba ndinoda kumbozorodza pfungwa mbichana. Ndakasvika gedhi ratovhurwa sezvo ndaiva ndamuudza kuti ndiri munzira. Ndakapinza mota, at least mukadzi wake haapo. Ndakapinda mumba ndikamuwana achinwa heiken neniwo ndakaenda mu fridge ndichitora yangu. Suu kuri kupisa unoshuvira kuti dai wagara uchinwa iyo everyday "Dude" ndakadaro "Sure dude uri sei" "Ndizvozvo hazvo" "Let's hope hauna kuita zvinhu zvawati uri kuita" "Bhebhi rako randidzora Saka ndakusiya" "Thanks to your bhebhi" "Ndinorida bhebhi riya Saka handidi chinhu chichapinda pakati pedu" "Ohh that's good asi unofanirwa kuziva kuti haasi wako sezvo usati wamuisa ring pachigunwe uchasara wakangoti vava vatora vasinganonoki" "Ihh ndingauraya munhu ipapo. She's mine alone" "Ukasa acter fast uchasara na she's mine" "Ndakambozvifunga asi ini ndinoona sekuti haasati ave ready" "Wakambotaura naye here?" ",Saka usamumhanyira mberi iye ndiye achakuudza yes or no" "Ko kana akati no?" Simba akandiseka "Possible asi kwete kuti anenge asingakudi asi anenge achiona kuti haasati ave ready kuita mukadzi wemunhu" "Asi zvakangofanana nekuti mukadzi wangu anogara neni tinoita zvinhu zvinoitwa nevanhu vakaroorana" "But still achiri wekwa Ngwenya kwete Zvayi saka kuti Ari kugara newe muchinyovana everyday hazvirevi kuti atova mukadzi wako pane musiyano ipapo" "Yah ndakunzwa ko imbondipawo fodya ka" "Mazuva ano hauchasvuti yindava?" "I respect my woman, ndinoona sekuti fodya anoivenga asi haangandiudzi" "Wakura mpfana" "Ndinoda chinhu chichapisisa muviri wangu" "Like pills" "Shoo ko fonera vapfana ava vaunze ndimborirova ndakariguma kare uye nhasi ndinoda something ine noise like party pamwe zvinhu zvose zvandiri kufunga zvingapera" "Kwave na ma'am manje" "Asi haapo Wani " "Ndidane vana Suzy?" Simba akadaro achiseka "Kana uchivadanira iwe no problem ini usandipinza ipapo I have a decent girl" "Yowee wakura Jayden mwana wa Tafadzwa " "Nxaa siyana neni " Iwe Tafadzwa ndi baba vako vaya zvako zvekuti vakaku adopter zvatova zvimwe. Dai uri umwe uchitoita tsvakurudzo nekuti pane secret iripo. Tafadzwa is your biological father uchandiudza one day" "Ayy siyana neni Simba" ndakadaro ndichimwa doro rangu. Takafonera Shawn nemusikana wake we fake Shelley "Simba" "Don" "Hayi maan usandidana nezita iroro" "Ahh tsek haungandiudziri zvekuita. What happen?" "Unoziva ndave ku noticer kuti Shawn ave kumuda zveshuwa mwana uya" "Chero ini ndazviona ndanga ndichiti ndichakuudza" "Plan yangu yaiva yekuti amurwadzise musikana ade aiye kwete kuti iye ade musikana" "Zvino plan yave ku backfire" "Ndinoda ku confirma. Ndikangobata kuti haachaiti zvinhu zvandakamutuma achandiona mushe mupfana uyu" "Anenge achipenga zve" "Zvakanyanya " Ndakabva ndatorega kufonera Shawn ndikafonera Proggy ndichimuudza nezve party, I know achanditsanwira but I really need kurohwa nemhepo. Dai zvaibvira ndanga ndichamudana zvino hazviiti pano panoitwa zvakawanda zvandisingadi azivem she's too good to experience zvinhu zvakadai beside handidi kumujaidza ma party Manuel Zvinhu zvaitwa na Popo pamusikana wangu handizvifariri hangu. Kana anga ane zvaasingadi adii kumirira Tadiwa aenda ozotaura neni. Now takagara patafura tiri vaviri tichidya chikafu. Tifa na Timu vakapinda vachiita noise vachibva kumba kwa Jay. Takamhorosana vachigara pasi tichidya chikafu chedu. Tapedza umwe neumwe akananga kwake. Handingarari ndisina kutaura na Popo ndakabva ndaenda mu room make. Ndakamuwana akagara pa bed "Portia zvinhu zvawataura pamusikana wangu handizvifariri" "Ndaitei manje ini" "Wadii kumira Tadiwa aenda wozotaura neni" "Baba havana kutaura here kuti havadi nyaya dzemujolo pamusha pavo!" "Popo usada kuzviita innocent pano, iwe hauiti here zvinhu zvinobuda munzira. Usafunga kuti handizivi zvaunoita behind his back" Popo akanditarisa achishamisika "Ndaitei?" "Ndiwe unoziva zvaunoita. Handifungi kuti baba vakazvinzwa vangafara nazvo. Unoda kuzviita mutsvene uchikanganwa kuti une dzako zvekuti dzikabuda vanhu vakuru vanofa ne bp" "Usandijairira Manue" "Pamha zve kushungurudza musikana wangu or kuudza baba nezva Tadiwa uchaziva kuti ndotaura nezvei" ndakadaro ndichibuda ndichienda mu room mangu. Ndakasvika ndichifonera ruva remoyo wangu Mike Ndaiva ndakagara ne mwana wangu pane imwe restaurant. Ndamudana kuti ndizo spender naye nguva sezvo ndiri around Harare "Mhamha vako vanoti kudii?" "Yuwii ini ndaifunga Kuti ndimwi munovaziva zviri nani kudarika ini. Havadi kana kunzwa Zita renyu" "I understand asi ndichamupa nguva to heal" "You have to make fast nekuti pane umwe munhu anoda mhamha zvino iye ave kukanganisa hupenyu hwa mhamha" Tadie akadaro achindiudza nyaya yose sezvo Mangwe paaiva kuchipatara aiva asina kundiudza zvose "Don't worry ndichataura naye, ndinoziva ndichinayo nzvimbo diki mumoyo make asi hasha ndidzo dzichiri kumutonga" Tadiwa akanyemwerera "Shuu ndingafara zvakanyanya kuona vabereki vangu vari pamwe chete" "Shuwa here?" "Yes tave family imwe chete" Takadya chikafu chedu tichitaura nyaya "Pane imba yandinoda kutenga muno mu Harare " Wow really? " "Yah asi ndinobva ndafunga kuti mhamha vako vanozofunga kuti ndiri kuteveravivo" "Ko imwi muri kutevera ivo here?" "Aewa" "Saka neyi muchifunga izvozvo. Come ohhn daddy chero neniwo ndingafara kuti baba vangu vane imba mu Harare" Okay ndichaku updater ne everything " Tapedza kudya takaenda Kuma shop embatya. I will do everything kudzosa bond pakati pangu nemwana wangu Mangwe Tadiwa kubva zvaaenda haasati adzoks. Ndiri kubhowekana ndega ayy. Ndakasimuka ndichienda mu room make. Mwana uyu ave simbe manje, Mumba kubva masviba kudai. Ndakatanga ku cleaner, mbatya mu wardrobe dzaiva dzakasangana sangana. Ndakadzibvisa ndichitanga kudzirongedza zvakanaka. Ndakavhunduka pandakaona ma pads atakatenga 3 months ago, anofanirwa kuti dai akapera akatenga amwe. Apa ose aiva asina kuvhurwam ndakatanga kutsvaga wardrobe yose. Ndakavhunduka pandakaona card Ra doctor. Pandakarivhura Tadi akabva apinda. "Mommy" Ndakaswedera paari akavhunduka paakandiona ndakabata card nema pads "Tadiwa neyi ma pads Ako asina kushandiswa?" Akatanga kubvunda achiyeredza misodzi "Ndiregerereiwo mhamha" akadaro achichema "Ndikuregerere waitei tadiwa?" "I'm sorry mhamha I didn't mean to disappoint you I'm pregnant" Ndakanzwa musoro wangu' uchivaviwa. Ndakazvibata chipfuva. Akabuda achimhanya achidzoka nemapiritsi nemvura. Ndakazvirasira pasi ndichimupa mucheka wempama "Unepamuviri peyi Tadiwa?!! Ndiani mukomana wacho?!!!" Haana kundipindura aingochema "Ndati ndiani mukomana wacho Tadiwa!!!!!" "Manue" Ndakanzwa hasha ndichitora iron yaiva pa iron board ndichida kumutema nayo asi ndakazvidzora ndichibva ndabuda "Mhamha I'm sorry" Tadiwa akadaro achichema Asi mwana uyu anondiitei shuwa? Pamakore ake aya ave kuzoita mubereki. Shuwa inyaya yandichaita sei nayo? Neyi hupenyu hwangu huri hwemarwadzo chete. Ko ini ndichafarawo rinhi? Chii chaizvo chandisingamuitiri Tadiwa Kuti angabvava andirwadzisa kudaro. Haasati atombosvika chero 18 years, achiri under age asi ave kuzodaniwa achinzi mhamha. Vanhu vachinditarisa sei? Nekuti havamboshori Tadiwa asi vachashora ini kunonzi ndiri Mai vasina mitemo pamwana wangu. Ndiri kunzwa Moyo wangu uri kupera . Ndakakurumidza kutora mapiritsi angu ndichimwa. Neyi Tadiwa andirwadzisa kudaro? Ndakaedza kupukuta misodzi yangu asi yakatowedzera kubuda. Anga asingafanirwi kundirwadzisa nenzira yakadaro. Nhumbu here? Unoziva Tadi ndaisamufungira izvi. Ndaitoti imhandara izvo ndiri kujambiwa ne computer. Ndakamuona achipinda mu room mangu "Mhamha I'm sorry" Ndakasimuka ndichiswedera paari ndichimupamha zve neimwe mpama "Unozivei iwe nekurara nevakomana!!! Akakumanikidza?!!" Haana kundipindura "Ndiri kutaura newe Tadiwanashe!!! Ndati akakumanikidza here?!!!!" "Aewa" Ohh Saka iwe wakatomuvhurira makumbo. Okay fine wakarara naye hauzivi here pane zvinhu zvekuzvidzivirira!!" "I'm sorry mhamha!!!" "Vangani varume vawakarara navo?" Akanditarisa achishamisika "Mhamha" "Ndakubvunza mubvunzo handina kuti undidane,!!! Vangani varume vawakavhurira makumbo!!!!" "Umwe chete Manue" "Unomuvimba zvakadii Manue wacho? Sezvo wave nenhumbu haazokusiyi here!!!" Haana kundipindura. Misodzi yakayerera pandiri ndichigara pasi "Chii chaizvo Tadiwa chandisingakuitiri? Neyi uchindidaro? Handisi mhamha vari right kwauri here?" "Aewa mhamha muri mhamha vari right ndini chete ndakaita mistake?" "Why why Tadiwa? Pamsoro pe Marwadzo andakasangana wakaona kuti mashoma ukati better undiwedzere amwe?" "Aewa mhamha?" "Neyi wafunga kundinyadzisa pavanhu.Tadiwa chikoro uchaita sei nacho? Uchasiya here chikoro? Iko unoziva kuti kuva nemwana ibasa rakakura sei?" Akanditarisa nemaziso aiva akazara misodzi "Wakavhura makumbo uchiziva kuti kuchikoro chako hakudiwi vana vane nhumbu. Saka iwe watova ready kusiya chikoro?" "Aewa mhamha" Waizviziva Tadiwa, pawaivhura makumbo hauna kumbofungira future yako? Zvinhu zvawakaona zviri right wakazviita . Wakatodza ani Tadiwa? Ini ndakapedza chikoro ndakarara nemukomana ndave ne more than 21 iwe chii chawandiitira?" "I'm sorry mhamha" "Mukomana wacho anoziva here nezvenhumbu?" "Ehe mhamha" "Right now tiri kuenda kumba kwe mukomana tinoudza vabereki vake" "Parizvino havapo vakashanya kumusha" "Ane makore mangani mukomana wacho?" "Ane 18" Ndakadzungudza musoro "Mose hamushandi Saka munhu wamuri kuunza panyika muchamuchengeta neyi?" Haana kundipindura "Well mwanasikana decision yawatora iyi yekuva mubereki I'm sure uchaimirira. You're on your own daughter. Wakura hanti iwe wave kugona kuita mwana Saka uchaona yekutamba ini handipo" ndakadaro ndichitora ma key emota "Wakura Tadi hapana chandinoziva iwe chausingazivi Saka uchaona yekutamba" ndakadaro ndichibuda ndichinopinda mumota. Misodzi yakatanga kuyerera. Yes ndaiziva kuti zuva iri richasviks asi ndanga ndisingafungiri kuti ringasvika manje. Yes ndakazvara musikana Saka ranga richasvika but it's too early kuti risvike. Nguva yose iyi ndaifunga Kuti Tadi achiri mwana mudiki izvo ndiri kuitwa benzi mwana ari kujamba ma speaker achinorara nemukomana. Ko neyi ndisina kuzviona zvose izvi? Ndakamuvimba zvakadarikidza ndikavharika pfungwa. Ndakamutsa mota ndakananga kumba kwa kudzi. Ndakamuwana akagara na Prim Primrose Taiva takagara na mhamha tichiona TV. Mai Tadiwa vakapinda vachichema. Ndakavhunduka. Munhu akatanga kusvika mupfungwa dzangu ndi Tadiwa? Asi pane zvaitika here Pana Tadie,? "Mangwe uri kuchemei?" Mai Tadiwa vakachema vachihaga mhamha, ini ndakamhanya ndichinovacherera mvura mhamha vakavamwisa "Mangwe calm down uthi what's going on? Tadiwa Ari right here?" "Ndi Tadiwa?" Ndakavhunduka "Aita sei Tadiwa?" Ndakabvunza "Tadiwa?" Mhamha vakadaro "Tadiwa andirwadzisa, andiita chisekiso pavanhu. Vangu vachafunga kuti ndanga ndisingamurairi" Ndakavhunduka kuti Mai Tadiwa vave kuziva here kuti Tadi haasisiri virgin? Asi vanga vachema kudaro?" "Look Mangwe whatever yaitwa na Tadiwa hazvirevi kuti ndiwe honzeri vana vedu vanoita zvavanoda chero tichivatsiura kuti vasazviita" mhamha vakadaro "Tadiwa ane pamuviri?" "What?!" Mhamha vakadaro tichitarisana "Ane pamuviri Kudzi ave kuzoita Mai ne age yake" "Tadiwa nepamuviri?" Mhamha vakadaro vachinditarisa "Wanga uchiziva nezve pamuviri pa Tadiwa?" "Aewa mhamha ndanga ndingazivi ini haana kumbondiudza" "Haana kukuudza sei imwi muchiswera mose? Obvious munenge muchitaura nyaya dze vakomana musingaiti basa rechikoro" "Hayi kudzai siyana nemwana usamupinza muzvinhu zvaasingazivi " Mai Tadiwa vakadaro "Hapana chaasingazivi uyu, anoziva zvose" mhamha vakadaro vachinditarisa. "Hunza foni iyo" Ndakavhunduka ndichitarisa mhamha "Ndati hunza foni iyo kuno!!!" I don't have choice kunze kwekuti ndivape, ndakavapa maoko achiita kubvunza. Pavakavhura foni chinhu chekutanga chavakaita kuenda ku Whatsapp. Munhu aiva pamusoro I number yaiva yakanzi Bongani wangu" "Ndiani Bongani wangu?" Ndakavhunduka, pandaida kusimuka kuti nditize ndakanzwa negwati rembama. "Unozivei nezve vakomana Primrose? Zera rako iri ringaita mukomana!!! Handingashimisiki kana newevo uchitori nepamuviri!!!!" Handina zvandakataura ndakaramba ndiri zii "Buda muno!!" Ndakabuda ndichimhanya ndichienda mu room mangu Narrated "Vana vemazuva anonhandizivi vakadii ini?" Kudzai akadaro "Eyy ini zvakandiomera handizivi ndoita sei nenyaya ya Tadiwa" "Calm down Mangwe zvaitika zvatoitika isu chatinofanirwa kuita ku supporta Tadiwa" "Handiiti zvinhu zvakadaro ini. Tadiwa akura achaona yekutamba" "Usadaro Mangwe hanti unoziva kuti munhu ane nhumbu haadi stress" "Ayy ndinoda kurara manje ndiratidze room for now handidi kuona huso hwa Tadiwa " Manue Ndaiva ndakagara pa swimming sezvo ndichakubva ku swimmer, foni yangu yakarira. Ndakanyemwerera pandakaona ari Tadiwa, ndakadaira. Ndakarohwa nehana pandakanzwa Tadiwa achichema. Akazondiudza kuti Mai vake vave kuziva nezvepamuviri uye vati Ivo aone yekutamba Ivo havaipindo chero kuchikoro haachaendi. Ndakamuvimbisa kuti ndichaita plan. One munhu achandibatsira panyaya iyi ndi Jay chete. Ndakabva ndatosimuka ndichienda kwa Jay. Handingatauri na baba asi jay ndiye ari nani than baba. Ndakasvika kwa Jay ndikadzika mumota ndichipinda mukati. Maiva na Proggy ega. Takamhorosana ndichibva ndakubvunza Jay "Jay haana kurara pano handizivi arara kupi, andifonera makuseni handizivi ati Ari kuenda kupi" Ndakazvibata musoro "Eish ndanga ndichida kutaura naye nezvinhu zvakakosha" "Okay Rega ndimufonere" Proggy akadaro achitora foni achimufonera apedza akanditarisa "Jay ati achasvika after 30 minutes" Okay ndinokumbira kumumirira " "No problem juice or coffee " Juice" Akasimuka achienda ku kitchen Jayden Nxaa hapana chinhu chinondibhowa semunhu anondi betrayer, Shawn ndakamupa basa asi ave kundi betrayer hake. Ndakamupa basa asi iye otofunga hake kundi betrayer. Ndinogara ndichimupa Mari yangu iye achindiita benzi hake ave kutoda Sheila zvemachokadi. Chinhu chinonyanya kundibhowa family iyi akatoitsvagira nzvimbo yekugara nemari yangu. Nhasi ndinoda kupedza naye. Now nguva dzave Kuma 5 kumba ndakaguma nezuro ndakagara pano ndinoda kupedza nenyaya ya Shawn. "Iwe Shawn unondijairira unozviziva izvozvo?". "Imhosva here kupinda murudo, unoda ndiite sei coz I can't control ma feelings" "Unopenga here? Hanti unoziva kuti neyi wakava pedo nemusikana uyu?" "Neniwo handizivi chii chakaitika asi ndakangonzwa ndave kumuda zvechokwadi" "Ndakavabisa Mumba muya for the reasons asi iwe unoona sewakangwara unovatsvagira pekugara. Pamsoro pacho nemari yangu!! Hauoni kuti kundijairira ikoko?" "You deserve bara iwe Shawn" simba akadaro "Please guys " " Saka neyi usina kundiudza kuti wave kumuda musikana uya zvechokwadi!!! Wakaramba uchingo demander Mari kwandiri kuti uchengete dzvinyu riya raishunguridza musikana wangu!!!!" Paaida kupindura ndakanzwa kusvotekana ndichiburitsa pfuti ndichimupfura zvidzva. Handichadi kumuuraya asi ndinoda kuti agare ari mumarwadzo. Akaridza mhere achikumbira ruregerero. Handina kumboita shungu nazvo. Ndakatendeuka ndichienda ndichinopinda mumota ndichienda kumba. Ndakasvika kumba ndikawana Proggy ana Manue "Hey guys" ndakadaro "Broe pane zvinhu zvandinoda kutaura newe" "Eyy eyy handina nguva iyoyo ini". Proggy akanditarisa "Hezvo Jay unotaura sei neumwe, ndikare Ari pano akamirira iwe" Proggy akadaro achisimuka "Ndichakusiyai muchitaura" Proggy akadaro achisimuka achienda "Chii chaunoda kutaura neni?" "Musikana wangu ane pamuviri " Ndakaseka "Musikana wako?" "Ane pamuviri uye Mai vake vakuziva. Ndinotya kuudza baba nezvenyaya iyi" "Saka unoda kuti ini ndivaudze kuti ndini ndakakutuma kuti unhumburise here?" "Hezvo" "Udza baba vako wega usandipinza munyaya dzako ini. Nxaa unondipengera iwe Manue" ndakadaro ndichisimuka ndichienda mu room mangu End of chapter