Chapter 8 . Progress Yoo I wonder chii chandaita nezuro, I still remember ndichitaura na Jay asi kuti ndanga ndichiti kudini handichazivi. Asi zvandinoziva ndezvekuti ndanga ndichidherera. Jesus ndiwo magumo ehupenyu hwangu aya. I'm sure achindidzinga, ndichaenda kupi shuwa akandidzinga? Mazuva agara haandiiti munhu neniwo ndobva ndaita zvinhu zvakadaro. Pandakavhura maziso angu ndakavhunduka ndichiona ndakarara pakubhedha wake asi iye aiva asipo. ndakamhanyira kuzvitarisa muviri wangu aewa ndaiva ndakapfeka mbatya dzangu, hapana zvaiva zvaitika. Ndakaona pasofa pachiratidza kuti pane munhu ararapo I'm sure ndiye Jay. Ko chii chaitika kuti ndirare mu room ma Jay. Pandaida kusimuka akabva apinda akabata cup "No need for that" Ndakatarisa pasi ndichinyara shame. Ndaitya kuti achanditongesa nezvinhu zvandataura chero ndisingazivi ndaitei. "Ahhm nd---" "Ohh tora umwe udzikise doro" Ndakatora cup iya mukati maiva ne coffee "Thanks" ndakadaro. Jay akanditarisa achidzungudza musoro "Doro rine varidzi Proggy haringomwiwi chero nani" Handina kumupindura coz I'm not ready kuziva zvinhu zvandanga ndichiita nezuro "I'm sorry nekumwa doro rako" "Wakambondiona ndichimwa savannah here?" "Aewa" "Saka sei uchiti nderangu?" "Ranga richimwiwa neshamwari dzako, ranga riri mu fridge mako, zvinoreva kuti nderako" "Rega ndikupe free advice, doro siyana naro" "Why?" "Uchiri kurangarira zvawaita nezuro?" Ndakatsinzina ndichifunga, asi hapana chakauya mupfungwa dzangu "Aewa" "Ndiko Saka ndichiti Siya doro nekuti hautozivi chii chaitika nezuro, rimwe zuva uchamwa une varume vagorara newe, uchamuka makuseni usingazivi warara nani" "Haa hwaa izvo hazvingaitiki" "Tinomwa nevakadzi vakasiyana Proggy so I know everything do yourself a favor usiyane nedoro nekuti richakunganisira hupenyu hwako one day" "Chero ndichimwa ndiri pamba here?" Imwa hako asi usabuda panze ayy chero mumba usamwa nekuti ungandipinzisa mujeri iwe, kana wamwa ma steps handizivi unenge wave kuaona sekunge ibhazi here?" Ndakanyarara nekuti ndakaona aiva oda kutaura zvinhu zvandaita nezuro. Akanyemwerera achinditarisa. What? He just smile or what? "But I can say you cute kana wakadhakwa" Whuu nyaya yacho haiperi neiko. Iko ndamboitei nezuro? "Pazvinhu zvose zvandaita nezuro I'm sorry " "It's okay Gojasi" "Gojasi?" Ndakabvunza ndichishamisika "Hanti ndiwe wanga uchingonetsa nezuro uchiti ndikudane ndichiti Gojasi" Ohh gosh ndakazvibata musoro "I'm sorry " Nguva yose iyi ndaiti u shy izvo wakavanza zvihombe pauri" "Haa hanti ndanga ndamwa here?" "Hanti uri kunzwa mu room mangu muri kunhuhwa doro unofanirwa ku cleaner Gojasi" Ndakaseka "Ndinokumbira usandidana nezita iroro" "Okay ngatichisiyana nayo nyaya iyi so sisi vako Sheila anodzidza kupi?" "Ari kuita first year ku university" Jay akanditarisa achishamisika "What? Asi wave kuda sisi vangu?" "Ndoridiu bheya bheya riya Ini? Ndiri kushamiykuti neyi iwe usingadzidzi?" Ndakabva ndatosimuka "Ndinoda kunogeza pamwe kuneta kungapera" "But tichiri kutaura Gojasi" Jay akasara ave kutaura ega ini ndaiva ndatova ku door. Handidi kutaura nezve family iyi. Vakakanganisa hupenyu hwangu. Vaifunga kuti vachauraya hupenyu but I'm strong uye ndichava strong kusvika ndawana sisi vangu. I wonder achanzwa sei pandichamuudza nehupenyu hwandakararama kubva ndichiri mudiki Mike Mangwe ndiye ataura neni achidaro here. Handisati ndambodhererwa na Mangwe nenzira iyoyo. Now ndiri kumba, kubva zvandasvika ndakarara handidi kutaura nemunhu, ndinoda kumbonyatsofunga nyaya ya mhamha ko vambori kupi nhaimwi? . Nyaya yamhamha inondiuraya pfungwa. Kuti mapurisa anga achitaura chokwadi here kuti vakadyiwa nezvikara? No ways ndingafunga sei zvinhu zvakadaro? Ndinoziva kuti kwavari vapenyu asi chinhu chinondishamisa vaitsvagei Musango riya. Ndichiri kufunga Rose akapinda "Babe" "Rose ndakuudza kuti ndinoda kuva ndega" "Aewa babe zvakwana. Ndikare uri wega pano. Wafamba sei kuna Mangwe? Asungwa here?" "Yoo uyo andituka" "Ko ati kudii kwauri?" "Ataura zvakawanda asi ati haazivi chinhu" "Saka mabva mamusiya just like that?" "Ndamuona mumaziso kuti haana zvaaita. Yes anga angavenga mhamha asi handifungi kuti anoziva Kuna mhamha" Rose akanditarisa achishamisika "Iwe Mike wave kuziva zviri mukati ma Mangwe?" "Asi wakanganwa kuti ndakagara na Mangwe kwe makore? Saka ndinoziva" "Mike uchiri kumuda here Mangwe? Muka ku hope Mike, hapana munhu angaita izvi kunze kwa Mangwe " "Handizivi chinhu ini Rose, asi chokwadi ndichachiwana. Ndichamuziva munhu aita izvi. Ndichada kuziva honzeri yezvinhu zvose izvi" "Ahhm rega ndinopedzisa kubika" Rose akadaro achibuda achienda ndakasara ndichitora foni yangu ndichifona Narrated Portia aiva akarara achiverenga ma novels pa Facebook foni yake yakarira. "Hello" "Champion " Popo akarola maziso nekuti aiva asingazivi kuti Ari kutaura nani. Number yaiva isina iusevhiwa mufoni make. "Ndiri kutaura nani?" "Zita rangu haurizivi asi unondiziva kana uchindiona" "Ndinokuzivira kupi?" "I was your biggest fan ku boxing match remember " Popo akstarisa mudenga achiedza kufunga kuti ndiani "I think ndakuziva chero ndisiri sure" "That's good" "Thanks ne support asi number yangu waitora kupi?" "I'm sorry asi ndakaipihwa ne one of your friends. Congratulations once again" "Thanks" "Ndinokumbura kukuita congratulations nekubuda newe out" "I don't know you but you want to take me out?".... "Ohh sorry for that my name is Shawn Mhuri. Ndingafara kana ndikapedza mari yangu kwauri" "Thank you but I can't go with you" "Please hatimbotori nguva yakareba, look ndakanakirwa nemakandiro awaikanda chibhakera pa boxing" "Thanks but this days ndiri attend ku campus" "Weekend please my champ" "I can't accept that offer mukoma beside I'm not interested in you or any other men" Popo akadaro achikata foni achiridza tsamwa Mangwe Few days later Nhasi izuva remusangano, finally razosvika. Ndakamuka ndichigadzirira . Ndakaona Tadiwa atopedza, takagara patafura tichidya chikafu chedu "My baby" "Yes mhamha" "Nhasi handikwanisi kuuya kuzokutora kuchikoro basa rinenge rakawanda. Ndine meeting Saka ndichachsisa na 6 kwira kombi my baby" "Okay mommy musangano wacho unotanga nguvai?" "Na 2" "Okay mommy no problem ndichakwira kombi" Tapedza kudya takaenda kumota, ndakachaira tichienda kuchikoro Cha Tadiwa. Ndakamisa mota pagedhi. "Udzidze zvakanaka my baby ndinokuda wanzwa" Nenwiwo mushande zvakanaka ndinokudai mangwe" Ndakamukisa padama achiburuka mumota achipinda mukati. Ndakachaira ndichienda kubasa. Mangwana kuri kuzvarwa mwana wangu, kana ndachaisa ku meeting ndinofanirwa kumuitira party. Zvinofadza izvi mwana akura shame. Ndakatarisa nguva dzaiva Kuma 10. Ini na doctor zvayi tabvumirana kuti tisangane musangano usati watanga tionesane kuitira musangano paunozotanga zvinhu zviite nyore kwatiri. . Ndakasvika pachipatara ndikaona mota yandisingazivi I'm sure murume uyu asvika. Achandiona semunhu asingabati nguva izvo traffic ndiyo yanga yakandigara bhamba kubva kuchikoro cha Tadie nguva ndanga ndadzibata shame. Ndakaenda ku office kwangu ndikamuwana akagara pasofa achimwa juice. Ndizvo zvandinodira vashandi vangu, chero kuchinzi handipo asi ma visitors vanoabata zvakanaka. Ndakapinda mukati "Good morning" ndakadaro "Ini handifariri kushandidzana nevanhu vasingachengetedzi nguva" Ohh ndiko kumhorosa kwake uku? "I'm sorry asi ndanonotswa ne traffic ndichibva kuchikoro kunoendesa mwana" "Iyo I excuse yemunhu wese anenge anonoka" Ndakagara pasi "Dr Tafadzwa Zvayi" akadaro achindipa ruoko rwake for kukwazisana "Dr Lubelihle Ngwenya" "Ndinovimba kuti tichashandidzana zvakanaka" "Me too" ndakadaro tichibudisa ma file edu Now I don't blame vanhu vanoramba chikoro. Too chikoro ibasa chairo, asi tingaita sei nyika yedu iyi hausi munhu kana usina kudzidza. Ndaka requesta tax sezvo mhamha vasingauyi kuzonditora nhasi. "Bye guys" ndakadaro ku shamwari dzangu "By chomie" Prim akadaro "Bye mo girl haa ndakanganwa kukuudzai, vakomana Vaya vakazofona that day" Sheila akadaro ndakaseka "Nxaa Sheila unoda vakomana iwe bye tax yangu yauya" ndakadaro ndichienda paiva ne tax Ndakapinda mumota ichibva yaenda, yakanondisiya pagedhi rekumba. Ndakabhadhara ndichibva ndabuda. Akamutsa mota yake achienda. Pandaida kuvhura gedhi pakabudikira imwr mota yaimhanya neimwe speed . Ndakamira ndichitarisa mota iyi. Zvichakadaro yakamira pedo neni,, pakabuda umwr murume akamhanya achiuya kwandiri achinditora achindipinza mumota. Ndakaridza mhere ndichichema. "Ndisiyeyo mhani!!!!" Haana kunditeereda akaivhetesa mota achienda kwauzivikanwa naiye chete Narrated Mike aiva akagara mu studying room ari mundangariro dzake ega. Aiva avatsvaga Mai vake nzvimbo yose asi haana kuvawana aiva avatsvaga muzvipatara nemuma mochari, aiva atorasa tariro kuti achazovaona zve Mai vake. Zvinhu zvaiva mupfungwa dzake zvakawanda. Akatora foni yake achienda pa Instagram achienda pa page ra Tadiwa achitarisa pic yake Happy birthday in advance my Angel. Papa never stop loving you, situation yandanga ndiri ndiyo yaikonzera zvose izvi, but I promise from now on I will protect you with everything on me. Papa love you my Angel Mike akadaro misodzi ichiyerera Zvichakadaro Amanda akagogodza. Akazvipukuta misodzi achibuda pa page ra Tadiwa nekukurumidza. "Mukoma muri kuvigei?" "Hapana" "Saka makato give upper nekutsvaga mhamha?" "Amanda nei uchitaura uchidaro unoziva Wani ndiri kuvatsvaga siku nesikati" "But for now wa relaxa broe" "Eyy Amanda ndisiye ini ndine stress dzangu Saka usada kundiwedzera" Mike akadaro achisimuka achibuda On other side Farai aitaura parunhare "Basa raitwa" Farai akadaro "Okay manje unofanirwa kufonera Mangwe umuudzevzvinhu zvatinoda" "Okay don't worry haanetsi uyo, ari sei mwanakomana wangu?" "Ndakakuudza Farai kuti haasi mwana wako uyo, ko unoda kunzwa nei? Ray ndewekwa kuchicha" "Unondipengera manje Rose, boorangoma rako rinozvizivirepi zvekuzvara vakomana" "Unoda ndiudze mukadzi wako here zvauri kuita?" "Tichataura" Farai akadaro achikata foni Mangwe I can say nyaya yekuti tisangane na doctor Zvayi yandibatsira zvakanyanya, zvinhu zviri nyore pamusangano. Tichiri pakati pemusangano foni yangu yakapinda message. Ndakavhunduka pandakaona Tadie achiita sea kidnepiwa akagara pa bhenji achichema. Ndakadikitira same time. "Is everything fine Dr Ngwenya?" Tafadzwa akabvunza Ndakabvunda muviri wese ndichitora ma key ndichimhanyira kumota yangu. End of chapter