Chapter 9 TADIWA Mota yakaenda neni, ndaingochema ndichikumbira kuti vandisiye ko nei vachindiita izvi? vari kuenda neni kupi? vari kunondiitei? Ndaingochema ndichifunga mhamha vangu kuti vachanzwa sei kana vasingandioni. Mushure mekuchaira nguva yakareba ndakanzwa mota yave kumira. Vakandibuditsa mumota vachindipinza muimba yaiva yakasakara zvayo. "Ndinokumbira musandiita chinhu muchauraya mai vangu nemoyo I am the only person muhupenyu hwavo please" Vakandigarisa pasi manje vaiva vave vaviri "Ndinokumbira mundisiye please" Vakandisunga makumbo nemaoko "Iwewe une bvepfepfe zvirinani tikudai" umwe wacho Akadaro Pandaida kuchema vakabva vandiisa celltape mumuromo ndaichema. Munhu aiva ave kundirwadza ndimhamha vangu ndiani munhu achavabatsira kuti vandiwane. Mai Prim nababa Prim havamo muZimbabwe ndivo vanhu vanga vachabatsira mhamha. Ndakaedza kuzvisunungura asi handingakwanisi apa chero ndichida. Chii chichaitika apa handina baba munhu anga achandibatsira nezvinhu zvose izvi. Ndinoziva mhamha vangaita chero chii kuti vandiwane asi pari zvino panodiwa munhu rume. Pandakasimudza musoro handina kana kuvhunduka nezvandakaona nekuti ndinoziva kuti zvakamufita akabva andibvisa celltape mumuromo. "Ndakakuona nezuva rekutanga kuti hausi murume iwe urimukadzi mbavha zvayo yakapusa inobira vakadzi" "Ooooh my stepdaughter dai ndiri iwe ndisingataure zvese izvi" "Ndiri right ndisina baba ini pane kuti ndiite baba vakafanana newe you disgusting" "Unoziva dai uri mwana asinga pindiri nyaya dzevanhu vakuru dai wakagara kumba kwenyu pasina anokunetsa. Asi kuti unoda kuonesa that's why uri pano. Nei Uchida kupinda nyaya dzevanhu vakuru kudai?" "Handingabvumi kuti urwadzise mhamha vangu une chivindi chekusiya mukadzi wako mumba uchinorara neumwe. So tell me unodei kuna mhamha?" Akaseka. "I want everything" Ndakavhunduka. "Everything that she have" "Uri imbwa Farai munhu wepi anoda zvinhu zvevakadzi. Unofanira kushanda semurume kuti uwane zvinhu zvina mhamha sies unosemesa mhani hautombonyari nezvinhu zvauri kuita. Zvino haufe wakazviwana" Akapera nekuseka hake. "Ndotadza nei kuzviwana?" Handina kumupindura "Atotanga kundipa zvishoma nezvishoma. Unoziva here kuti mai vako vakandipa 120K USD so anozotadza nei kundipa zvimwe zvandinenge ndichida. Your mother is desperate for love so she can do anything achinyengerera" Misodzi yakayerera kwandiri. "Mhamha havasi desperate chete vane moyo wakanaka ndiripo ini ndinovada so havadi rudo rweumwe munhu" Akapera nekuseka Farai. "Poor her vese varume vaanowana vanongomusiya for no reason I'm sure newewo une munyama una mai vako" "Mai vangu havana munyama chete vanowana varume vakafanana newe imbwa dzevarume uye hapana kana cent rauchawana pana mhamha" "Shuwa here Mangwe angaita chero chii for you. She can give me everything that she has kuti awane iwe so don't worry I will call her and demand for money and everything that she has ndinoziva kuti achazviburitsa nekukurumidza" Zvinhu zvaari kutaura ichokwadi mhamha can do anything for me chii chandichaita kuti mhamha vabude munyatwa iyi havangatore simba ravo ravakashandira kudai vongopa munhu just like that. Ndakatanga kuchema ndichimunyengerera. "Please usaita izvozvo kuna mhamha ndisiye ndiende ndinokuvimbisa kuti hapana wandichaudza" "Unofanirwa kuziva kuti ndiwane zvinhu izvozvo ndiwe saka iwe uri bank yangu" Farai akadaro achindiisa celltape mumuromo zviri rough. PROGRESS Haaa life yandiri kurarama hainakidzi chero padiki zvapo ndinorara ndichimuka ndichichidya thats my routine mazuva ose. ko hapana chinhu chandiri kushandira mumba maJay. Tinogara tiri vaviri saka mumba munenge musina tsvina munosviba maweekends nekuti vanenge vachimwa neshamwari dzake. Dzimwe nguva baba Tafadzwa ndivo vanombosvika masikati ndombobika. Speaking of Tafadzwa hamenho or ndini ndiri kuonesa asi Pakati pa Jay na Tafadzwa pane secret iripo chete. Yes Tafadzwa ndi baba vakamukurisa asi havasi biological father vake. But kamufananiro kacho kanozonyanya. Zviito zva Jay ndi Tafadzwa chero Tafadzwa unomuona matarisiro ake Kuna Jay kuti pane zviripo chete. Vana va baba Tafadzwa vanofanana naye asi Jay ari wesi. Pane zviripo chete zvakavanzika. Anyway pano ndakavinga basa so rega ndisiyane nedzisingandidi. So Pakati pesvondo ndendisina zvekuita changu kugara ndichiona TV naiyowo inopedzisira yave kubhowa ndinobva ndarara No ways ndichapedzisira ndave kurwara kana zvadai bad part of it handina kana shamwari yandinotaura nayo Jay ndiye chete munhu wandinotaura naye nevanin'ina vake kana vashanya. Iko kunonakidza kana vari pano vapengo chaiwo. Kuma 4 Jay akapinda achibva kubasa "Gojiyasi" Ndakaroller maziso ayy ndakazviparira kubva musi uya ave kundidana achiti gojasi "Hey Jay" "Ndauya yooh ndiri kufa nenzara" Ndakasimuka ndichienda kunomupakurira ndakauya ndichimupa "Thanks gojasi" Jay akadaro achinhuwidza chikafu Ndakashamisika. "Chii?" "Ndinoda kuziva kuti hauna kundiisira love portion here" "Love portion why ndichifanirwa kuita izvozvo kwauri?" "Hameno zve. Ko nei mazuva ano ndich--" "Dai ndaida kuzviita ndakazviita kare nekuti unobikirwa neni siku nesikati" Jay akanditarisa. "Can I ask you something?" "Yaaah" "Ndinokumbira usanditora neimwe nzira" "Okay" "Wakaguma form chii kuchikoro?" Oooh mubvunzo wandisangadi chero kunzwa nezvawo chero zuva rimwe chete Haro "Its okay kana usingadi kundiudza" "No hazvisirizvo ini zvakangofanana nekuti handina kumboenda kuchikoro nekuti ndakaguma grade 1" Jay akanditarisa achishamisika. "Ummm okay" Ndakatarisa pasi "Chikafu chako chinonaka" "Thanks" Apo ndainzwa misodzi yangu yave kuda kubuda "Ndinoda kunozorora manje" ndakadaro ndichisimuka ndichienda nekuti ndaitiza kumira mberi kwake ndichichema Ndakasvika muroom mangu ndichizvikandira pamubhedha ko ini ndinomboraramirei panyika ino nei ndakatorerwa hupenyu hwangu nenzira yakadaro MANGWE Musoro wangu wakangosangana kubva zvandaona mwana wangu akasungwa. Ndakapinda mumota ndikaimutsa ndichiimhanyisa ndakananga kumba. Handizivi ndichasvika kumba ndichiitei ndakapinda mumba ndichimhanya nespeed "Tadiwa!!!! Tadiwa!!!" ndakadaro ndichimudana uku ndichichema Kwaingovawo kudana asi ndaiziva kuti haamo mumba. Ndakadzika masteps ndichimutsvaga mumakamuri ose. Zvichakadaro foni yangu yakarira ndakaona iri mumber yandisingazivi ndakadaira nekukurumidza "Mhamha!!! mhamha" Tadiwa akadaro achindidana zvairwadza "Mwanangu" Tadiwa haana kupindura "Tadiwa!!!! Tadiwa taura neni" "Dr Ngwenya" izwi rakadaro Ndakanzwa izwi remurume ndakatanga kuchema "Ndinokumbira usakuvadza mwana wangu please" "On terms and conditions " "Chii chauri kuda kwandiri, okay anything you want I will give you undidzosere mwana wangu" "Wave kutaura manje kana uchidaro" "Ndokumbira mwana wangu" "Tinofanirwa kumbokurukura ini newe. We want everything you've" Ndakavhunduka. "Everything?" "Mari yose iri kubank kwako imba yako chipatara chako" Hapana chinhu chakakosha kudarika mwana wangu muhupenyu "Okay ndichazvigadzira zvose mangwana ndokumbira mudzose mwana wangu" "Hatingaunzi mwana wako tikatanga kuunza mwana wako hauzotipi zvinhu zvatiri kuda" Ndakatanga kuchema. " I promise please I will give you everything" "1m USD" Ndakavhura maziso. "Aaah ndinoiwana kupi mari yose iyoyo ini?" "Hameno zve kuti uchaiwana kupi asi isu tinoida zuva ramangwana risati ravira nekuti uchaparadzana nemwana wako forever" Ndakatanga kuchema. " Please mangwana ndinoisa half yemillion imwe ndichakupai ndokumbira mwana wangu musamukuvadza" "Hatina nguva yekutamba newe isu you've money saka unokwanisa kusanganisa 1 million pazuva" "Handina 1 million ini ndinokumbira kukupai 500k yacho" ""Mangwana masikati pasina mapurisa ukangofunga kuti wakangwara mwana wako uchamuviga. I will send you location pauchaunza mari" Pandaida kutaura foni yaiva yatokatwa pandakafonera number dziya dzaiva dzisingachapindi ndakamhanya ndichitora laptop yangu ndichitarisa kuti ndine marii muchipatara. Ndikatora mari muchipatara vanhu vakawanda vachasuffer. Vashandi vangu even varwere vacahpedzisira varasikirwa nehupenyu hwavo. Handinga kwanisi kupinza vanhu ava munjodzi nekuda kwembavha idzi handingavi selfish nenzira yakadaro. Yes Tadiwa ndinomuda akakosha kwandiri asi vanhu vari pachipatara vane family yavo yavanoda seni nenzira yandinoda Tadiwa. Ndakatarisa mari yaiva mubank mangu asi yaiva isingasviki mari yaivada chero ndikaedza kutengesa something hachingatengwi nekukurumidza nekuti ndoda mari nekukurumidza. Zvichakadaro ndakanzwa munhu aigogodza ndakasimuka ndichinovhura door zvinhu zvose izvi ndaizviita ndichimhanya ndaiva ndoita sedzisimo pandakanovhura door ndakaona ari Farai ndakabva ndamuhaga ndichichema "Hey hey what's going on?" "NdiTadiwa Farai" ndakadaro ndichichema "Aita sei Tadiwa?" "Mwana wangu vamukidnapper Farai ndinokumbira undibatsire kumuwana" "Please calm down undiudze nyaya yese zvakanaka. Unomuziva here munhu amu kidnapper?" "Ayewa handimuzivi asi andifonera achitu anoda 1million USD kuti ndiwane Tadiwa handina mari iyoyo yakawandisa" "Saka uchaita sei?" "Handizivi kuti ndichaiwana kupi mari yose iyi" "Haufungi here kuti tiende kumapurisa at lea..........." Haana kupedza kutaura "No no no andiudza kuti ndisatomboenda kumapurisa nekuti achauraya mwana wangu" "Saka chii chauchaita sezvo uchiti mari haikwani?" "Handizivi Farai mari iripo ine maneeds ekuchipatara" "Hupenyu hwemwana wako Mangwe kana mari iripo endesa uchawana imwe mangwana" "Yaaah asi ndikaishandisa mari chipatara chinokanganisika hupenyu hwevanhu vakawanda tingauruza" "Saka vanhu ivavo vakakosha kudarika mwana wako here?" "Ayewa asi Handi........" "Be selfish once babe unoziva kuti Tadiwa ndiyo family yako chete yaunayo" Zveshuwa now inguva yekuti ndive selfish. Mwana wangu ndinomuda handingamuruzi Proggy Ndaguma ndichichema handizivi kuti ndazobatwa nguvai nehope ndakanzwa ndave kumutswa neruoko rwemunhu aiva Jay "Wabva watorara just like that?" "I'm sorry handizivi kuti ndarara sei" "Nei uchikumbira ruregerero?" Jay akabvunza achigara pedo nemubhedha achindipa ruoko rwake kunge ari kundimhorosa ndakashamisika "Friends can you be my friend" Ndakavhunduka ndisingazivi kuti ndoti kudii "Friends ungaita shamwari yakafanana neni here iwe?" "Ko uri sei iwe? ndokumbira usatambofunga izvozvo ndinoziva kuti unonzwa sei asi ini ndinoda kuva shamwari yako" Ndakanzwa kunge ndiri kurota nekuvhaira kwake kuya "Okay fine ungave hako shamwari yangu" Jay akanyemwerera. "Thanks unoziva here meaning yekuva friend?" "Yes ndinoziva chete kungoti handisati ndamboita friend" "Okay shamwari munhu anogara achikusupporta nguva dzose munhu anomira newe munguva yakaoma, munhu anorwadziwa kana uchirwadziwa shamwari munhu waunoudza masecret ako ose kuti ago kusupporter" Ndakanyarara "Tiri shamwari hanty saka ndokumbira tiudzane zvose zviri mumoyo medu zvinotinetsa" Ndakatarisa pasi "Ndinokumbira undiudze zvakaitika pauri, nei usina kuenda kuchikoro? I know hazvisi nyore kuti undiudze asi ndinokumbira undiudze" Okay munhu uyu andibatsira nezvakawanda. Saka ndinofanirwa kumuudza zvose "Well wakandibatsira zvakawanda so I think you deserve to know zvakaitika pandiri" Ndakanzwa misodzi ichipisa kumeso kwangu "Kubva zvakashaya vabereki vangu Mhuri yekwa Nzuza yakanditora ikandichengeta. Hanzi vabereki vangu vakashaya ndine mwedzi ndazvarwa. Well mukukura kwangu handina kukura zvakana ndaishungurudzwa ndichiitwa mushandi. Kuita mabasa emumba ndakatanga ndine makore manomwe. Ndaiwacha ndichi cleaner mumba ndichiwachira vana vana Shelly. Kuchikoro ndaienda ndisina lunchbox asi vana Sheila vaitakura" ndakadaro ndichipukuta misodzi "Vakandishungurudza kusvika vandisiisa chikoro nduru grade 1 vachindiitisa mabasa evanhu vakuru. Hapana zvandaikwanisa kuita kunze kwekutamba iri kurira, ndaitovawo neshuviro yekuita something ndapedza chikoro asi zvaka disappear. I still remember ndichiona Sheila na Thabani vachienda kuchikoro moyo wangu wakarwadza zvakanyanya. Ndairara ndichichema husiku hwese. Ndakaedza kuvanyengerera kuti vandiendese kuchikoro asi vakarovera dombo mumusoro. Asi Ivo vakandichengeta havo chero hazvo vaindishungurudza" Jay akaswedera pandiri achindipukuta misodzi "It's okay" "Ndakura ndave nemakore 14 kwakasvika umwe mukomana aiva hama yavo ainzi Alex akand--" Ndakatadza kutaura . Part yacho inondirwadza zvakapfurikidza. Jay akanditarisa nehuso hwaida kunzwa zvinhu zvandaida kutaura. "Alex akasvika ashanya akand---" Ndakatanga kuchema "Akarara neni!!!!" "What?" "Akatora humhandara hwangu tisina kubvumirana, akandirepa!!" "Wtf!! Vanhu vakuru vakato kudii pawakavaudza" "Pandakavaudza Alex akati ndini ndauya mu room make ndikati tirare Saka havaimbo believer ini kudarika hama yavo" "Siis" "Mazuva akafamba I think ndaiva ndakazvarirwa kuti vakomana vekwa Nzuza vaite madiro nemuviri wangu" "Unorevei?" "Alex naiyevo aiva ave kuita madiro pandiri" "Shit!!! Vabereki vake vakati kudii pawakavaudza?" "Handina kuvaudza nekuti ndaiziva kuti havambondi believe" ndakadaro ndichichema. Jay akandiswededza paari achindihaga "Okay okay chirega kuchema kubva nhasi wave surf hapana zvichaitika pauri" Jay akadaro achindibhabhadzira musana Mangwe Vashandi vangu vachandiregerera havo. Mwana wangu ndinofanirwa kumuponesa zvimwe ndichazviona auya. Ndaiva ndakatsamira pachifuva Cha Farai foni yake yakarira "Ku restaurant ndinokumbira kuidaira" Ndakabvuma achibva aenda ku kitchen. Paakadzoka haana kuzogara pasi "Ku restaurant vari kunditsvaga" "Okay babe ndichakuona wadzoka" "Asi handingakwanisi kukusiya wega" "No love I will be fine pamwe zvakakosha zvauri kudanirwa" "Asi ndichakurumidza kudzoka" Ndakabvuma nemusoro achibva andikisa pahuma achibuda achienda. Ndakatora foni ndicifonera number dziya asi hadzina kupinda. Nhai mwari ndichararama sei ndisingazivi kuti mwana wangu ari sei. Ndichiri mundangariro ndakanzwa knock pa door . Ndakamhanya ndichinovhura, ndakabhowekana ari doctor Zvayi "Hey" Tafadzwa akadaro Ndakanogara pasofa naiyevo akauya achigara pasi. "I'm sorry kuuya ndisina kukokwa address yako ndaitora pama details Ako. Is everything okay " "No" ndakadaro ndichichema ndichimuudza nyaya yose. Naiyevo akati kanha nazvo "I'm sorry asi mwana wako uchamuwana" "I know kuti hatisati tazivana asi apa ndinokumbirawo rubatsiro rwako " "Rubatsiro rwangu?" "Yes ndinokumbirawo mari inokwana 500k USD I promise mwedzi miviri ichinosvika ndinenge ndaibhadhara yose. Munhu atora mwana wangu ati anoda 1m USD" "Haungapi munhu mari yose iyo iwe in---" "Ndinoda mwana wangu ini!!! Handina basa nemari. Ndinoda mwana wangu!!!" Ndakadaro ndichichema "Okay okay calm down haisi nguva yekuchema ino. Ndichakubatsira ini kudzosa mwana wako" "No vachamuuraya mwana wangu" "Hazvimboitiki izvo. Ivo vanongoda mari chete ndipe number dzakufonera" "But n--" "Please, uye usaudza munhu nezvangu chero munhu ari close newe" Ndakabvuma nemusoro achibva andihaga End of chapter