Chapter 11 MANGWE Ndakaramba ndakahaga Tadiwa "My baby" "Mom" "I'm so sorry my baby" "And then iwe uri kudei pano?" Tafadzwa akabvunza akatarisa Farai Ndakamutarisa nemisodzi. "You" ndakadaro Farai akanyarara "Ndiwe wakidnapper mwana wangu?" ndakabvunza "Mangwe look" Farai akadaro "Ndiwe wandikidnapper uchida mari yamhamha vangu" Tadie akadaro Ndakaswedera pedo naye. "Nei Farai wakadaro nei wakatamba nepfungwa dzangu zvakadaro? Ini ndaifunga kuti unondida izvo waiva watozvionera bank" ndakadaro "Iwe waifunga kuti........" Farai haana kupedza kutaura Aiva atodonhera pasi Dr Tafadzwa vaiva vatomupa gwati rembama "Uchataura izvozvo pamunhu kadzi here?" Dr Tafadzwa vakabvunza "Farai wakadanana neni nekuti waida mari yangu mwana wangu aida kundiudza kuti uri munhu akaita sei asi ini ndaikuvimba uri imbwa Farai" ndakadaro ndichichema Akabva asimuka Ndakaswedera paari ndichimurova nembama "Hausi murume iwe unoda kubudirira nevanhu vakadzi unosemesa Farai. Zvinhu zvose zvawaita izvi uchafira mujeri" ndakadaro apo ndaiva ndisingadi chero kumuona I don't believe kuti munhu wandanga ndakavimba angaita zvinhu zvakadaro kwandiri. Nguva yose iyi anga achindi scammer zviri pachena kuti 120K yangu handichafi ndakaiwana. Ndakanzwa moyo wangu uchirwadza asi neniwo ndaiva ndapindwa nei kupa munhu wandaiva ndisati ndambova nemwedzi tichidanana. Ndakanzwa musoro wangu uchirwadza neimwe nzira. "Iwe waifunga kuti ungadanana neni here? Look at me I'm not even your type muka mhani muka kuhope handina kumbobvira ndakakuda kubva musi wekutanga. Kwauri ndakazvionera mukadzi aiva desperate for love" Farai akadaro Misodzi yakayerera pandiri "Mai vangu havasi desperate" Tadiwa akadaro "Haaa mupfanha unodherera iwe ndiri kuona pane zvaari kuda chete" Roe akadaro "Yaaa uri kutaura chokwadi anodherera zveshuwa" Tafadzwa akadaro Ndakatora foni yangu ndichida kufonera mapurisa "Uri kuitei?" Dr Tafadzwa vakabvunza "Ndiri kufonera mapurisa anodeserva kunofira mujeri uyu" ndakadaro "Ayewa zvose zvisiire ini" Dr Tafadzwa vakadaro Ndakamutarisa ndichishamisika iye akabvuma nemusoro. Chero vakamuitei handina basa nazvo. Dai Dr Tafadzwa vasina kundibatsira nezvinhu zvose izvi dai ndatoruza mari yakawanda kutaura kudai. Zvichakadaro vanhu vaTafadzwa vakapinda vachifamba neimwe mota vakatora Farai vachimuendesa kune imwe mota isu takanopinda mumota yedu. Apo ndaiva ndakabata mwana wangu I don't believe kuti ndasara padiki kurasikirwa nemwana wangu nekuda kwemurume. Ndinoda kuziva kuti problem yangu iri papiko nei varume vose vandinodanana navo vachindirwadzisa zvakadai? Kwakatanga Mike kwakauya vamwe now ndiFarai "I'm sorry my baby ndinofanirwa kudai ndakaku believer pekutanga look now" ndakadaro ndichiyeredza misodzi Tadie akandipukuta misodzi. "It's fine mom ndavepo manje ndiri mupenyu handina kukuvara" Tadi akadaro "Havana zvavakuita here?" Ndakabvunza "Ayewa mhamha chiregai kuchema" Tadi akadaro "Happy birthday my baby" ndakadaro tichihagana "Thanks mom" Tadiwa akadaro Dr Tafadzwa vakamutsa mota tichienda kumba ndaiona kuti mwana wangu akaneta. Chero birthday rake haimbopembereri semakore ose. Patakasvika kumba Sheila naPrim vaiva vatogadzira zvose "Happy birthday" vakadaro vose Tadiwa akanyemwerera asi maziso ake aiva akaneta anenge asina kumborara uyu. Vakamuhaga kwenguva yakareba "Ndinotenda shamwari dzangu" Tadiwa akadaro "Are you okay?" Prim akabvunza misodzi yakazara kumeso kwake "I am fine" Tadiwa akadaro "We were worried about you" Sheila akadaro "Am fine now wow ndezvangu zvose izvi?" Tadie akabvunza "Yes my darling" Prim akadaro Tadi akanditarisa achindihaga. "Thank you mommy" Tadiwa akadaro ndichimuhaga "Ndinokumbira uende kunogeza uuye ucelebrate zuva rako asi kana uchida kuzorora enda hako unorara will celebrate tomorrow" ndakadaro Tadie akanyemwerera. "Ayewa ndoda kucelebrater nhasi" Tadie akadaro Ndakanyemwerera ndichimuhaga achibva aenda kuna Tafadzwa naRoe "Ndinotenda zvakanyanya vana Kule handizivi ndinga kutendai nei" Tadie akadaro Dr Tafadzwa kamuhaga. "Its okay dear tinotenda kuti uri mupenyu hauna kukuvara here?" Dr Tafadzwa akabvunza "Yaaah wave safe manje" Roe akadaro "Happy birthday ndinokushuvira makore akawanda" Tafadzwa akadaro "Ndinotenda zvakanyanya ndingafara kana makavapo paparty yangu" Tadie akadaro "Sorry dear ini ndine basa rakandimirira randinoda kunoita uchasara naKule Tafadzwa" Roe akadaro Ndakatarisa Tafadzwa "Okay its fine tichacelebrater tose" Tafadzwa akadaro Ndakanyemwerera, Tadiwa neshamwari dzake vakaenda muroom maTadiwa ndakasara naTafadzwa "Are you okay?" Tafadzwa akabvunza Ari kuzviona kuti handisi right uye ari right handifunge kuti ndicharecover ini pane zvinhu zvandaitwa naFarai. Moyo wangu uri kurova rova but ndinofanirwa kuva strong pazuva remwana wangu but I'm not fine chero kufa ndingafa anytime. Ndiri mumarwadzo Ndinoshuvira hangu dai ndafa ndizorore nhamo yepanyika ino asi ndikafa ko mwana wangu anosara nani panyika ino nekuti anongova neni chete. "Usanyanya kufunga ucharwara" Dr Tafadzwa vakadaro "Ndinotenda zvakanyanya nekundibatsira handizivi kuti ndotenda nei asi uno deserver zvakawanda" "Chinhu chimwe chete chaunga nditenda nacho" Ndakavhunduka. "Chii?" "Kuva necoffee date neni" Ndakasununguka ndanga ndatova nezvinhu zvakawanda mupfungwa dzangu. "Mazuva ano ndinoda kuzorora asi ndinokuvimbisa tinoenda" Tichiri kutaura Tadi akabudikira neshamwari dzake ndakanyemwerera aiva anaka mwana wangu unoramba kuti aiva akidnapper. MIKE Nhasi handisi right zvechokwadi kwete zvekunyepa kubva zvakwaedza ndakarara handina kana kuenda kubasa. Ndamuka makuseni ndichigeza ndichibva ndarara now nguva dzave kuma, Cleo akabva apinda "Daddy daddy" "Cleo handisi right ndokumbira usandiitira noise" "Daddy ndikare makarara kasi muri kurwara?" "Ayewa handisi kurwara ndakaneta chete" "Okay ndichakusiyai kana muchiti makaneta" Ndakamuka ndichida kunofurwa nemhepo pabalcon ndakawana Rose achimbeya panzvimbo imwe chete you can see kuti ane zviri kumunetsa. Ndakamubata pafudzi akavhunduka zvakanyanya ndakashamisika nazvo "Hezvo chii manje?" Akatura befu. "Ko uri kuvhundukei nhai Rose?" "Haaa Mike uri kundivhundutsa mhani" "Iwe kubva wavhunduka kunge waona chipoko chiiko?" "Zvakawanda zvandiri kufunga Mike" "Yaaah kune kwawakanya kaaa?" "Please Mike not now" "Uchandiudza here nei wavhunduka kudai pandakubata?" "Uchandiudza here kuti sei warara zuva rose usina kuenda kubasa? nekuti wanga uchifanirwa kuenda kubasa?" "Ndakaneta ndiri weak ndosaka ndisina kuenda kubasa. Chero kuchinzi dai ndaenda kubasa hapana zvandanga ndichaita" "Nekuti ibirthday remwana wako Tadiwa wawakarasa" "Please ndokumbira usataura nezvanyaya iyoyo kana uchiri kuda kuzviona uri happy vhara gaba rako" ndakadaro ndichitendeuka ndichimusiya Mukadzi uyu anonditester shuwa handichadi kuziva kuti avhundutswa nei kudai. Ndakatora foni yangu ndichipinda paInstagram ndaida kuona kuti hapana zvapotswa here asi paiva pasina pangori nemapictures ekare. Ndakatarisa Mangwe ndoziva anoshandisa Instagram ndakaona akaposta Tadiwa ari pedo necake rake. Ndinotenda Mwari wangu ndanga ndasarirwa padiki kurasikirwa nemwana wangu nezuva rake rekuzvarwa happy birthday Mangwe wangu mudiki Chii chaitika pana Tadiwa nei anyora zvakadai ndakasimuka nekukurumidza ndichienda kuna Rose ndichimubata ruoko ndichimutaridza kwandiri "Waitei?" Akashamisika. "Ndaitei kupi?" "Unoziva waitei nei nhasi usiri right chii chauri kuita?" ndakabvunza nehasha "Hauzivi iwe zvaunotaura nezvazvo iwe Mike" akadaro achida kuenda asi ndakamubata ruoko "Haunga mboendi usina kundipa mhinduro dzandinoda" "Mhinduro dzei nhai iwe Mike?" "Uchataura neni kunge uri kutaura naRaymond?" "Unoda nditi kudii nhai Mike?" Ndakamupa gwati rembama achidonhera pasi akanditarisa achishamisika ANENYASHA Heee Tafadzwa ave kundihurira mazuva ano achinja zvakanyanya ave kungoita zvinhu zvandisinga nzwisisi ave kuuya achinhuwa perfume yevanhu kadzi kutaura kudai haasati auya kwaaenda. Ndafonera kubasa vakati haasi kubasa uye haana kumbosvika nhasi zvichireva kuti ari busy nemukadzi wake mutsva. Vanhurume so havafe vakagutsikana nekuti akandizvarisa akaita zvose zvaanoda nemuviri wangu nhasi ave kuona kuti handisi munhu waanoda ave kuenda kune vamwe vakadzi nekuda kwake. Ndine mastrech marks nekuda kwaTafadzwa ndine vana vake asi iye anoona zviri nani andisiye mumba muno achinoona vari nani kuneni. Nguva dzave kuma8 asi Tafadzwa haasati asvika ndakafonera Vee asi haapo kumba kwake. Kumufonera chinhu chekupedzisira chandichaita handiti iye ari kuona zviri right zvaari kuita. Taidya nevana vangu asi kwandiri chaiva chisingapindi ndaingotambisa chikafu nespoon. "Mhamha nei musiri kudya chikafu chenyu?" Tifadzei akabvunza "Ndakauguta" "Asi mhamha mangauchindiudza kuti mune nzara patanga tichibika yaenda kupi nzara yacho?"Popo akadaro "Handisisina appetite" "Chikafu hachipindi kaa murume haapo" Manue akadaro achiseka "Mhamha idyai baba vachauya" Popo akadaro "Siyai mhamha imwi ndivo vakuudzai here kuti havadyi nekuti baba havasati vasvika" Timukudzei akadaro "Haaaa mhamha's boy" Manue akadaro "Yaaah Popo ari kutaura chokwadi mhamha baba vachauya ngatidyei chikafu chedu chikafu hachipindi baba vasipo" Tifadzei akadaro vachindiseka Vana ava ndaivanzwa vachitaura vachiseka asi pfungwa dzangu dzaiva dzisimo mumba umu. Zvichakadaro ndakanzwa door richivhurika Tafadzwa akapinda "Baba mauya" Popo akadaro "Ye my baby" Tafadzwa akadaro achiswedera patafura " Sorry guys ndauya late" Tafadzwa akadaro achinditarisa ndakazvinyararira "Tinokuregererai baba chigari pasi mudye tichangotanga kudya" Popo akadaro "Ndakaguta my baby chinhu chandiri kuda kunogeza ndizorore" Tafadzwa akadaro Saka zvinoreva kuti mukadzi wake mutsva amubikira ndiko saka akaguta. Tafadzwa akatanga rinhi kudya panze nekuti haamboiti mistake yekudya kunze. Vana vakadya vakapedza vachibva vanosuka ndiro ini ndakaenda muroom mangu ndakawana Tafadzwa ari mushower Ndakanotora mbatya dzake dzaanga akapfeka ndichidzinhuwidza. Achiri kunhuwa mukadzi uyi zviri pachena kuti anga ari kwaari nhasi futi. Ndakanzwa misodzi yangu Ichizara kumeso kwangu ndichibva ndaipukuta nekukurumidza. Nei Tafadzwa achindidaro, pazvinhu zvose zvakadarika here nhasi ave kufunga kuti andihurire zvakadaro? Ndakapukuta misodzi ndichipfeka mbatya dzekurara ndichienda pamubhedha. Ndakamunzwa achibuda mushower akauya kwandiri achindikisa padama "Babe ndanga ndichikufunga zvakanyanya" Tafadzwa akadaro Handina kumupindura akaenda kunozora mafuta "Ko unenge wakanditsamwira?" "Wanga waenda kwaari nhasi zve?" "Uri kutaura nezveiko Ane?" "Mukadzi wauri kugara uchiona mukadzi ari kukupakurira chikafu then pamba pano hauchadye" "Mandlovu ndokumbira usandifungira izvozvo hapana umwe mukadzi ndiwe wega mukadzi ari muhupenyu hwangu handizivi kuti uri kutaura nezvei" Misodzi yangu yakayerera pandiri "Mbatya dzako dziri kunhuwa iye, ndafonera kubasa kwako vakati hauna kumbosvika nazvino asi kwandiri wati uri kuenda kubasa. Ndafonera Vee ndichifunga kuti una Roe asi ati hauko" "Anenyasha handizvidi ini zvekuti kana ndisipo wofonera vanhu uchibvunza nezvangu" "Saka unoda kuti ndinyarare uchindiita benzi uchindisiya pamusha pako uchinora.........." Handina kupedza kutaura "Anenyashadzangu handihuri ini handifi ndakaita izvozvo kwauri look babe" Tafadzwa akadaro achiswedera pandiri achigara pedo neni achindipukuta misodzi "Okay fine ndichakuudza chokwadi chaunoda kuziva kuti ndiwe wega mukadzi ari muhupenyu hwangu" Ndakabva ndatarisa paside asi iye akanditaridza kwaari. "Nezuro taiva nemusangano and iwe unouziva so umwe mudzimai watanga tinaye kumusango akanzwa kuti mwana akidnapper tiri pakati pemusangano. So ini ndaona zvisingaiti kuti ndisamubatsira so mwana uyu haana baba vanga vachamuponesa ndosaka ndamubatsira" "Saka nei wakandinyepera nezuro nehug yekumusangano?" "I'm sorry nekukunyepera asi ichi ndicho chokwadi chandiri kukuudza. I understand pain yemukadzi uya nekuti neniwo ndine vana sikana" Shit why ndanga ndichimufungira zvose izvi asi naiyewo zviito zvake handairega kumufungira "Mamuwana here mwana?" "Ehe Roe andibatsira kumuwana" "I'm sorry babe pfungwa dzangu dzabva dzafungira kure I'm so sorry nekukufungira" "Ndokumbira usapamha kuita izvozvo babe" "Handipamhi, saka mwana anga asina kukuvara here?" "Ayewa anga ari right" "Waita zvakanaka nekumubatsira asi kana newewo uchiita zvinhu undiudze chokwadi kwete kundinyebera" "I'm sorry babe" "Okay" Tafadzwa akaswedera pandiri achindikisa "Ndine nzara ini" "Wati wakaguta wani?" "Handina nzara yechikafu ndine nzara yechikafu changu chemubedroom" Tafadzwa akadaro achinyemwerera Neniwo ndakanyemwerera tichibva tatanga kukisana TADIWA Nhasi imonday handisi kuenda kuchikoro ndiri kurwara kubva zvandaka kidnappwa handisi kurara ndega muroom mangu ndiri kutya ndiri kurara namhamha. Kana ndiri ndega ndinobhoekana nekuti handisina foni ndine laptop chete asi inobhowa nekuti maseries ese aripo ndinomuziva. Ndakamutswa namhamha makuseni seni tichifanirwa kuenda kuchipatara asi ndave nani kuneta chete "Baby wake up" "Morning mom" "Morning baby, huya udye breakfast then wogeza" Ndakabvuma nemusoro ndapedza ndakaenda kunogeza. Makuseni handigezi nguva yakareba, ndapedza kuita zvose ndakaenda kumota mhamha vakamutsa mota tichienda kuchipatara "Morning ma'am" musikana wepareception akadaro Mhamha vakabvuma takaenda kuoffice kwavo tichinoisa mabag tichibva taenda kuna doctor achandirapa takapinda mukati "Ma'am" Dr mhuri vakadaro "Hey doctor" mhamha vakadaro "Ndiri ma'am mwana ari right here?" "Ndiri right" ndakadaro "Wava sei manje?" Dr vakabvunza "Ndava nani chete ndiri kunzwa kuneta chete ndava right now" ndakadaro "Okay nhasi ndinofanhirwa kukupa injection" Dr vakadaro Ndakatarisa mhamha kubva ndichiri mudiki ndaitya injection "Uchava right haborwadziwi" mhamha vakadaro Ndakaswedera pana doctor ndichivhura maziso "Don't worry hazvimborwadzi" Dr vakadaro Ndakavhara maziso vachibva vandibaya injection ndakanzwa marwadzo asi ndakurumidza kupora. Tapedza takaenda mutown namhamha "Mommy" "Yes darling" "Ndinoda kutengera Kule Tafadzwa something nice just to appreciate him" "Kule" "Yes Kule he is so sweet handifungi kuti iye anofanana nevamwe varume" "Yes he is nice" "Ndoda kuvaita suprise" "Thanks nekufunga izvozvo" "Vanoshanda kuchipatara chipi kana ndatenga ndoda kuvaendesera" Mhamha vakanditarisa vachishamisika "Chii mhamha ndinoshuvira kuti dai ndina baba vanofanana naivo" "Usataura izvozvo futi Tadiwa zvinhu zvakadaro hazvitaurwi" "I am sorry mhamha asi he is so charming" Vakadzungudza musoro vachiseka. Takasvika mutown takapinda mushop ndakatarisa mhamha "And then?" "Hausisina foni saka unofanirwa kutenga imwe" Ndakafara ndichivaga takazopinda mushop yemafoni ndakatenga foni ndakavatenda zvakanyanya vakanditengera best foni yandinoda. MIKE Chero kuchinzi kudii Rose pane zvinhu zvaari kuita chete mazuva ano anogara ari lost achiratidza kuti ane zvinhu zvaari kufunga zviri pachena kuti pane zvinhu zvisiri right paari ndinoshuvira kuziva kuti chii ichocho. Kana ndachiwana handidi kumbofunga nezvinhu zvandichamuita "What?" "What yei?" "Chii chauri kuvanza?" Rose akashamisika. "Chandiri kuvanza ndichichivanza kupi?" "Unoziva iwe zvauri kuvanza chandisingazivi ndosaka ndiri kubvunza?" "Babe sei uchidai mazuva ano?" "Ndini ndinofanirwa kukubvunza izvozvo chii chiri kuitika pauri mazuva ano unokwira uchidzika haugariski kasi wakauraya munhu?" "Hezvo ndingauraya munhu kuti zvadii unondiona semhondi here?" "Rosemary gara uchiziva kuti kana ndikaziva kuti pane zvawakaita ndichakuuraya nemaoko angu ndinokuvimbisa mwana sikana" Akabva asimuka achindisiya chero kuchinzi kudii ane zvaari kuita asi ndichazviwana chete. TADIWA Ndaiva muroom mangu foni yangu iri pacharger I can't wait kuti izare nditange kuibaya baya. Okay ndinofanirwa kunopa mhamha good night kiss sezvo nhasi ndichirara muroom mangu vanoideserva. Ndakabuda ndichienda muroom mavo "Mangwenya" ndakadaro ndichipinda muroom mavo Ndakaona vakarara pamusoro pemubhedha asi vasiri mumagumbezi vaiva vakangopfeka mbatya dzavanga vakapfeka Ndakaswedera pavari "Mhamha nei makarara kudai?" Havana kundipindura chinhu chakandishamisa vaiva vakarara vakanditarisa pasi ndakavabata musana "Mhamha mukai" Havana kundipindura ndakavarova musana ndichivamutsa "Mhamha mukai mupfeke mapjyma enyu murare zvakanaka" Asi havana kumbopfakanyika ndavakatendeudza ndichivataridza kwandiri ndakavhunduka zvakanyanya ndichivaona vakavhara maziso vachibuda ropa mumuromo ndakavhunduka zvakanyanya zvekuti ndakadzokera kumashure ndichidonhera pasi. Ndakamuka ndichiswedera pavari ndichivadzungudza "Mhamha mhamha chii?" Ndaidaro ndichiedza kuvamutsa asi vakaramba vari zii "Mhamha mhamha mukai kani, help help" ndakadaro ndichimhanya ndichidanidzira Hapana achandinzwa kuno kunasuburb vangu vanominder business avo hapana anga ndibatsira ndakadzokera kuna mhamha nekukurumidza "Mhamha mukai musandisiye" ndakadaro ndichitarisa foni yavo nekukurumidza kuti ndifonere vekuchipatara End of chapter