Chapter 22 TADIWA Ndaiva ndakamira pawindow yemuroom mangu ndakatarisa mukadzi wa kule Tafadzwa achibuda. Anofunga kuti chii chaizvo zvekuti angauya pamusha pano kuzorova mai vangu I hate her nemoyo wangu wese. ndakaendaa muroom mamhamha ndikavawana vakagara pamubhedha vachiedza kuzvicleaner pavaiva varohwa. Ndakatora zvinhu ndichi vacleaner "Muri kunzwa sei?" "Ndiri right" "Mhamha hamusi right she must be arrested how dare she comes to our house achiita zvose izvi" "Tadiwa wanga usingafaniri kupinda munyaya dzangu" "Handairegi mhamha kupindira dai manga muchitaura kwete zvekukurovai haasi boss wenyu wekuti ane simba rekukurovai imi. Nei asina kurova murume wake?" "Tadiwa wanga uri wrong bvuma izvozvo wanga usingafanirwi kutaura nemunhu mukuru nenzira iya just accept you were disrespectful" "Ayewa mhamha naiyevo haana kuratidza kuti munhu mukuru dai aiva munhu mukuru haaingosvika nekukurovai chete manga muchifanirwa kutaura sevanhu vakuru asi iye zvaangoita kukurovai" "Usapamha zve kuita zvinhu zvawaita" Ndakavacleaner kusvika ndapedza. "Munofanirwa kuvasungisa" "Handingaiti izvozvo ndinokumbira usatora masmall issues umaite mahombe" Ndakavatarisa ndichishamisika. "Small issue? Munhu uyu dai anga ane chombo chinokuvadzai Anga achakukuvadzai imi muri kuti small issue" "Tadiwa buda munyaya dzangu" "Mhamha handingabudi munyaya dzenyu ini handingatarisi vanhu vachiita madiro pamuri what if vanga vachakuurai ndanga ndichasara nani ini" ndakadaro ndichibuda muroom mangu ndichipupuma nehasha Nei mhamha vane moyo wakadai munhu anotambira pavari nekuti ivo havakwanisi kutaura. Handinga zvibvumi izvozvo she is my mom hapana umwe munhu wandinaye kunze kwavo. Ndakapinda muroom mangu ndikawana pane missed call yaManu ndakabva ndamufonera back. "Hello" "Hie babe unenge usiri right kwakanaka here?" "Ayewa hakuna kunaka. Pane umwe mukadzi asvika pano pamusha akarova mhamha saka handisi right" "Hezvo hanzi chii?" Ndakamuudza nyaya yose. "Mhamha vari right here?" "Ehe vari right asi vakuvara ndanga ndichiti vamusungise asi mhamha havadi. Handizivi why vasingadi nekuti she deserve jeri" "Mhamha vako vane reason yekuti nei varamba kuno vasungisa saka iwe usatsamwira decision yamai vako" "Asi iye mukadzi wacho anochitora kupi chivindi chekupinda mumba mekwedu achiita zvaanoda" "I understand babe kutsamwa kwako please calm down" "Ndinomuvenga mukadzi uya ndinomuvenga nemoyo wangu wese. Ndinoshuvira kuti ndisapamha zve kumuona muhupenyu hwangu nekuti handizivi chii chaichaitika paari ndikamuona" "Usadaro babe dzora moyo handidi kukuona mangwana uri mumarwadzo okay" "Sezvo uri iwe wataura no problem" ndakadaro ndichinyemwerera Takazotaura nyaya dzakasiyana tikaonekana ndave kurara. ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Mangwana makuseni ndakamuka ndave kunoita breakfast payaiva yava ready ndakaenda kunotarisa mhamha muroom mavo ndakavawana vasipo. Ndakadzokera muroom mangu ndichinotora foni ndakaona pane message Pane mapepq andinofanirwa kusigner kuchipatara ndichauya ndichikuendesa kuchikoro message yaiva yasendwa namhamha Ndakaisa foni pamubhedha ndichibva ndanogeza, ndanga ndichida kuva mutsa nebreakfast in bed but anyway. Ndapedza kuzvigadzira ndakamirira mhamha ndakatora foni yangu ndichifonera Kule Tafadzwa nekuti ndinoziva mhamha havanga mbovafoneri "Hello" "Hey dear urisei" Kule Tafadzwa vakadaro "Ndiri right, Kule pane zvinhu zvandinoda kukumbirai" "Anything for you my princess" "Ndinokumbira mutarisane nemukadzi wenyu uye mumutsiure asauya kumba kwedu achirova mhamha" Ndakanzwa Kule Tafadzwa vachishamisika. "Mukadzi wangu handisi kunzwisisa?" "Ehe mukadzi wenyu akasvika pano nezuro manheru" ndakadaro ndichivaudza nyaya yose "Ane aita zvinhu zvose izvi?" "Ndinokumbira mutaure naye handinga kwanisi kutarisa mhamha vachishungurudzwa ndinoziva handifanirwi kupindira munyaya dzenyu asi kana zvina mhamha mukati ndinopindira zvino affecta ini ndinokumbira mutambire kure namhamha nekuti vachafira zvinhu zvavasingazivi" Pavaida kupindura ndakabva ndakata foni ndakanzwa mota yamhamha ichidhuma pagedhi ndakatora bag rangu ndichienda kwavari. Anenyasha Nhasi ndiri kumba kwangu mushure mekubva kumukadzi uya ndadzokera kumba kwangu handinga bvumi kuti umwe mukadzi atore murume wangu. Angafara paanonzwa kuti ndaenda izvo handinga zvibvumi nguva dziri kuma 3 Tafadzwa ari kubasa asi haunga muziviri munhu uchati ari kubasa izvo aenda kunzira dzake dzisina kunaka. Ndakashamiska ndichiona mota ichipinda nei nhasi abuda early kubasa kudai pandakaenda padoor ndakasangana naye akabva amira mberi kwangu "Yoooh nhasi wakurumidza kuuya" "Why?" "Why chii manje?" "Waitirei matuzvi awaita Anenyasha?" "Ukutaura nezvei Tafadzwa handina matuzvi andaita?" "Usandiita benzi iwe Anenyasha wanga uchinotsvagei kumba kwaMangwe wave John Cena manje iwe?" "Ooooh uri kutaura nezve hure iro ratokuudza kuti chii chaitika" "Usade kundinzwa Anenyasha wanzwa" "Haiwe unopinda papi panyaya dzevakadzi" "Right now uri tiri kuenda unokumbira ruregerero kuna Mangwe nekuti wamurovera zvinhu zvisipo. Iwe unoreva kuti vasikana vose vandichadanana navo uchavarova here?" "Handiiti zvinhu zvakadaro ini hapana munhu wandinokumbira ruregerero uye handizvishore nekumurova kwandaita" "Uri kuno kumbira ruregerero Anenyasha" "Kanganwa Tafadzwa" "Unodherera iwe" Ndakanzwa nembama kumeso kwangu for the first time ndichiwana mbama yaTafadzwa kubva zvatakatanga kudanana haana kumbobvira andirova. Takachata tine vana vatatu asi handiizivi mbama yaTafadzwa nekuda kwemukadzi uyu ave kuona kuti better andirove "Tafadzwa uri kundirovera umwe mukadzi!!! uri kundirova zveshuwa?" "Ndati uri kunokumbira ruregerero nekuti handizivi chii chaita kuti uende unorova Mangwe" "Ndakuudza kuti handiendi kuno kumbira ruregerero usapamha zve kundirova uye handidzokeri ikoko" "Uchaenda" Tafadzwa akadaro achida kundidhonza Asi ndakamupa gwati rembama kumuso akanditarisa achishamisika "Anenyasha uri kundirova?" "Ooooh zvinonakidza kana uchirova ini asi kana zvave kwauri zvinorwadza" "Unondijairira iwe Anenyasha" Tafadzwa akadaro achida kundirova Asi ndakamupa rimwe gwati rembama akapupuma nehasha achibva andibata huro ndakaedza kumurwisa asi handinga kwanisi Tafadzwa ari strong kudarika ini. Ndakabva ndamupa chibhakera kuma tools ake akabva andiregedza nekukurumidza achidonhera pasi ndakaona misodzi kumeso kwake. Yaah zvinorwdza kana ari iye asi kana zvave kwandiri zvinonakidza Akamuka achibva andipa gwati rembama rakandidonhedza pasi ndakamuka ndichinhonga bhodhoro raiva pedo neni ndichiri putsira mumusoro make akaswedera pandiri ndichibva ndablockwa nemadziro "Uri kurwa neni Anenyasha?" Handina kumupindura "Ndati uri kurwa neni Anenyashadzashe" Tafadza akadaro achindirova magwati embama maviri aipisa Ndakaedza kumudzorera asi akandibata achibva andipamha imwe mbama achibva andisiya ndakarara pasi ndichibuda ropa mumhino. Ndakanovhura drawer yake ndichitora pfuti yake ndichimutevera ndakamuwana ari mukati mumota ndakatanga kupfura matyre ose kuti asamboenda kwaari kuda kuenda. Akabva abuda nekukurumidza "Unopenga here Ane musoro wako wakwana here?" "Usadaidzira zita rangu iwe nekuti ndichaiisa mumusoro mako pfuti iyi nekuti mota iyi ndiyo inoita kuti uhure wakura kudai" ndakadaro ndichipfura mota yake Akaedza kundirwisa asi ndakatendeka pfuti kwaari, ndichibva ndaenda kune imwe mota yake ndichiipfura Zvichakadaro ndakanzwa nechinhu mumusoro mangu chakaita kuti ndinzwe dzungu. Pfuti yakadonhera pasi sezvo ndainzwa kuneta ndakatarisa kwaari ndikamuona akabata chidhina maziso angu akazara misodzi "Tafadzwa" ndakadaro ndichizvibata musoro wangu ndichitarisa ruoko rwangu rwaiva rwazara ropa "Anenyasha!!!!!!!!" Ndakabva ndaona rima TADIWA Pandabuda kuchikoro Manue auya kuzonditora sezvo tabvumirana kuti achauya kuzonditora kana ndapedza chikoro. Now tiri mumota asi handizivi kuti tiri kuenda kupi "Manue tiri kuenda kupi?" "Ndinoda kuti tinowana nzvimbo yatichagara takasununguka like hotel" "Manue waona here kuti inguvai? Kana ndikasvika kumba late mhamha vachandituka" "Don't worry ndichabhuka just for 2hours" "Okay no problem" Takasvika kuhotel tikapinda mukati achibva abhuka room asi ndainyara nekuti ndaiva ndakapfeka uniform. At least badge rekuchikoro ndaribvisa vanhu havambozivi kuti ndodzidza kuchikoro chipi nekuti uniform yedu inofanana neye zvimwe zvikoro. Takaenda kuroom yaiva yabookwa naManue tikagara muroom asi Manue aionekwa kuti haasi right "Chii manje?" "I think tinofanirwa kuenda kumba manje" Ndakamutarisa ndichishamisika. "Hezvo why Manue? Ini ndanga ndichifunga kuti ndizvo zvaunoda ku............" "I'm sorry babe asi tinofanirwa kuenda kumba handizivi kuti why asi ndanga ndichida kuva newe nhasi" "Okay no need yekutsanangura I understand ndinokumbira utevedzere zvinodiwa nemoyo wako pamwe pane something iri kukupusha kuti uende kumba" "Thanks for understanding" Takabuda muhotel tichinopinda mumota aiva busy achichaira asi aionekwa kuti pfungwa dzake dziri kure "Manue ndokumbira usafunga zvakanyanya" "No handisi kufunga babe" Ndakasvika kumba achibva andisiya pagedhi tichibva takisana "Ufambe mushe my love" "Thanks babe" Ndakabuda mumota achibva aimutsa akananga kumba kwavo ndakamutarisa kusvika ndisasamuone ndichibva ndapinda mukati ndakawana mhamha vari pagarage "Ndeyani mota yawaburuka iyo?" "Ooooh ndeye shamwari yangu iya yakambosvika ndichirwara" "Nei wauya nguva dzino nekuti wanga uchifanirwa kuuya kare?" "Tanga tine maextra class yemaths" "Pavana vose vechikoro abva apa iwe lift?" "Haaa mhamha" "Tadiwa ugare uchiziva kuti grade inovapo kamwe chete pagore. Unofanirwa kuziva izvozvo saka ziva kuti vakomana vanenge vachida zvavanoda once vakazviwana vanotiza" Ndakarohwa nehana "Ngativimbe kuti iwe hausati wasvika pastage iyoyo nekuti ndikanzwa kuti wakasvika ndinga rwadziwa zvakanyanya mwanangu" "Mommy" "Handisi kuti kudii ndanga ndichikuudza chete kuti hupenyu uhu unofanirwa kuzvitarisa zvakanyanya. Uchiri mudiki pavakomana nekuti vachakukanganisira future yako, ngatipinde mumba ndinoziva kuti unenzara" Ndakavatarisa misodzi yajenga kumeso kwangu asi handidi kuvaratidza kuti pane zvinhu zvandakaita. Ndakapinda mukati ndichibva ndaenda muroom mangu ndakazvikandira pamubhedha. NARRATED Tafadzwa akamhanyira kuna Anenyasha sezvo aiva ave kudonhera pasi akamubata "Anenyasha!!!! Anenyasha!!!muka!!!!" Tafadzwa akadaro achidanidzira Asi Anenyasha akabva adonhera pasi Tafadzwa akasimuka achibata musoro asi pfungwa dzaiva dzatiza achibva adzokera zve kuna Anenyasha "Ane!!! Anenyasha!!! muka please!!!" Aao ropa raiva razara paari akamhanya achipinda mukati achinotora bandage achimusunga nekuti aibuda ropa rakanyanya. Akamubata achiteerera chipfuva Zvichakadaro Manue akapinda akashamisika achiona situation yevabereki vake akamisa mota achiburuka achimhanya achienda kwavari "Mhamha!!!! mhamha!!!! baba chii chaitika?" Tafadzwa haana kumupindura aingosunga Ane nebhandi aiva akarara asisa pfakanyike "Hande kumota" Tafadzwa akadaro Manue akatarisa chidhina chaiva neropa achibva atarisa baba vake. Tafadzwa akaisa Ane kuback seat Manue akagara pedo namai vake Tafadzwa akamutsa mota achienda kuchipatara. Manue akagara kumashure aingoedza kumutsa mai vake asi vaiva vakati zii "Mhamha!!!, mhamha!!! mukai please" Manue akadaro Tafadzwa akachaira achirohwa nehana aifunga zvinhu zvakaitwa naMunya pana Mpume aizviudza kuti naiyevo Kuti aita zvinhu zvakafanana naMunya here "Baba mavaitei mhamha?" Tafadzwa haana kupindura after some minutes vakasvika kuchipatara. Tafadzwa akasimudza Ane achimhanya achipinda naye mukati mamwe madoctor akauya achimubatsira "Sir chii chaitika?" Dr akabvunza "Ndinoda zvinhu zvose zveku cleaner mavanga" Tafadzwa akadaro achiisa Ane pamubhedha achibva amuisa drip pamwe chete nemuchina Manue aiva akamira panze achibvunda muviri wose aifunga mai vake vanga vasingacha pfakanyike. Zvichakadaro akafunga kufonera vamwe avaudze nyaya yamai vake paakavaudza vakavhunduka vose. Manue aona kuti vabereki vake vanga vachirwa nekuti achiona chidhina chaarohwa nacho mai vake. Jay na Popo vakasvika pachipatara "Manue chii chaitika pana mhamha?" Jay akabvunza "Mhamha vari kudei pano Manue?" Popo akabvunza "Neniwo handizivi asi ndawana baba vachiedza kumutsa mhamha" "Vanga vari kupi?" Jay akabvunza "Kumba panze pagarage asi ndinofunga kuti baba ndivo varova mhamha" Manue akadaro "Usafunga zvinhu zvakadaro Manue unoziva kuti baba havafe vakarova mhamha" Popo akadaro "Ndinodzoka" Jay akadaro achibuda achinopinda mumota achienda Manue naPopo vakasara vakamira vachida kunzwa kuti mai vavo varisei. After some minutes Tafadzwa akabuda "Popo" Tafadzwa akadaro "Varisei mhamha?" Popo akabvunza "Hapana zvakaipa zvaitika pavari chete vavhunduka zvakanyanya asi musawara vachamuka soon" Tafadzwa akadaro "Chii chaitika pana Mhamha?" Popo akabvunza Tafadzwa akatarisa pasi "Taurai baba, ndimwi marova mhamha?" Manue akadaro "Ndinokumbira tinotaurira kuoffice kwangu" Tafadzwa akadaro "Tinoda kunzwa pano kuti mhamha vakarara pamubhedha nekuti zvaita sei?" Popo akabvunza Tafadzwa akavasiya achienda vakasara vachitevera kumashure vachipinda muoffice "Chii chaitika pana mhamha?" Popo akabvunza "I'm sorry vanangu ndaita mistake asi mai venyu vachamuka soon zuva ranhasi risati ravira" Tafadzwa akadaro Vana vakavhunduka. "Baba marova mhamha?" Popo akabvunza "Vavarova nechidhina" Manue akadaro Popo akavhunduka. "Baba marova mhamha nechidhina?" Tafadzwa akatarisa pasi. Popo akatanga kufunga zvinhu zvakaitika pana mai vake pamwe chete nababa vake "Nemwiwo mave kuda kuuraya mhamha? hamudi kutiona tina mhamha imwi chii chaakakupai mukadzi uyu chinoita mude kuuraya mhamha kudai?. Baba handina kumbofungira kuti mungarova munhu wechikadzi especially mhamha zvino tinofanirwa kuvimba ani manje" Popo akadaro nehasha "Zvaitika yanga iri mistake handina kumbofungira kuti ndinga rove Ane" "Asi mazviita baba mungabva marova mhamha nechidhina here" Manue akadaro "Zvinoreva kuti makafara nezvinhu zvakaitwa nemukoma wenyu mave kuda kutipa zve amwe marwadzo mave kuda kuti torera zve vamwe mhamha" Popo akadaro "Ayewa hazvisirizvo my princess" Tafadzwa akadaro Popo akabva atanga kuchema. "Handina kumbofungira kuti zuva rakafanira neiri ndichariona zve" Popo akadaro achisimuka achibuda achienda kuward yaiva ina Ane achimutarisa akarara. JAYDEN Ndakasvika kumba kwababa ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona mota dzine maburi zvinoreva kuti panga pachipfurwa. I'm so confused handizivi kuti chii changa chichiitika asi ndakaona chidhina chaiva neropa pasi. Ko chii chamboitika? Ndakapinda mumba nekukurumidza ndichimhanyira kucomputer ndichitarisa CCTV ndakatanga kuona zvose zvaitika. Ndakashamiska pandakaona mhamha nababa pagarage vachirwa mhamha vakabata pfuti vachipfura mota. Ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona baba vachitora chidhina vachirova mhamha mumusoro. Ndakasemeswa nazvo zvakanyanya nei baba vaita zvinhu zvakadaro kunhonga chidhina vachirova munhu wechikadzi mumusoro baba vave kurwara here? Zvinoreva kuti ndeuyu mukadzi wavanoda kumuroora anovapengesa kudai. Chero zvakadaro vanga vasingafaniri kurova mhamha nenzira yakadai chero mhamha vachinzi vaitei asi vanga vasingafaniri kuita zvavaita. Vanga vachida kuuraya mhamha ka kuvarova nechidhina?. Ivo havana kudzidza here pamukoma wavo Munya paakasungwa asi ndinoshuvira kuti dai mhamha vangu vasina kufa havo. Asi for now ndiri kuda kupedzerana nehure iri rinoda kuparadzanisa vabereki vangu ndakamhanya ndichinopinda mumota ndakainangisa Kuchipatara. Ndakasvika kuchipatara ndikaona baba vasipo. Manue naPopo vakandiudza kuti baba vabuda ndakavafonera ndichivabvunza kuti varipi asi havanga mbondiudzi. Ndakatracker mota yavo ndikaiona kuti iri kupi. Ndakavatevera kwavaiva ndichiita kumhanyisa mota, Oooh vari mumugwagwa vari kuenda kuhure ravo mhamha vakarara kuchipatara nekuda kwavo. Asi ivo vanovasiya vachienda kuhure ravo. Ko handiti ndave kuziva musha wemukadzi uyu ndakauziva musi wandakaudzwa nezvebarika. Pandinopedza nemurume wacho ndiri kuenda kwaari ndakaiwana mota yababa nekuti ndanga ndichimhanya zvekupenga. Ndakasvika ndichivablocka vakabva vamisa mota vachivhura window pavaida kutaura ndakabuditsa futi yangu "Jay unopenga here iwe?" Handina kupindura ndakapfuura mota yavo ndichirova mawindow screen, ivo vakavhara window nekukurumidza. Chinangwa changu chaida ivo chaivo ndakanzwa noise yemota ndichibva ndaswedera pavari pandaida kuvhura door raiva risinga vhuriki asi ndinoziva kuti ndavapfura chete. Ndakaramba ndichingopfura kusvika ndaita sure kuti vafa. ndakanopinda mumota ndichibva ndaenda TADIWA Ndaedza kufonera Manue asi haadairi foni yangu ndakadzika downstairs kuna mhamha sezvo yanga yava nguva yekudya. Pandaida kugara pasi pakabva papinda umwe murume aiva akabata pfuti ndakavhunduka zvakanyanya ndichienda kuno bata mhamha "Hey ndiwe ani iwe? uri kudei pano?" Mhamha vakabvunza vachindiisa kumashure kwavo "Ndiwe Mangwe right?" mukomana uya akabvunza "Yes ndini Mangwe nei wakabata pfuti? Ndokumbira usati kuvadza" mhamha vakadaro Akabva atendeka mhamha nepfuti "Unomuziva Tafadzwa?" Mukomana uya akabvunza Ndakaona mhamha vachifemera mudenga sezvo munhu uyu aiva akavatendeka nepfuti. "Ndokumbira usavauraya please ndokumbira" ndakadaro ndave kuchema Ndakaona mhamha vachibata chipfuva chavo "Iwe naTafadzwa muchanochata kudenga" mukomana uyu akadaro Paaida kupfura ndakagwadama nemabvi ndichimubata makumbo "Please mukomana ndinokumbira usaite chinhu ndiye ega munhu wandinaye kana ukavapfura ndinosara ndave ndega panyika inovplease please usavauraya" ndakadaro Akatarisa mhamha kwenguva yakareba achibva anditarisa achibva aridza tsamwa achibuda. Ndakatarisa mhamha ndikaona vasisakwanisi kufema, vakabva vadonha ndakascreamer ndichienda kwavari End of chapter