Chapter 13 MANGWE Minamato yangu inogara ichikumbira kuna Mwari kuti andichengete ndikwanise kuchengeta mwana wangu ndinogara ndichibamatira hupenyu hwakareba ndikwanise kuchengetedza mwana wangu anova iye ega. Asi zvanga zvave kuitika nhasi ndasara padiki kumuruza mwana wangu satan anga atohwina ave kutotora nzvimbo yake nemuviri wangu. Mwana wangu ndanga ndichimunzwa achichema achikumbira kuti ndimuke asi ndanga ndisingakwanisi kumupindura. I'm thankful Kuti ndazomuka "Tadiwa" Tadiwa akapinda achimhanya achiteverwa nadoctor Gono pamwe chete naTafadzwa "Mhamha" Ndakanyemwerera ndichimuhaga pandaida kumuka "No no no uchazvidzimbira" Tafadzwa akadaro Ndakanyemwerera. "Ndiri right manje" ndakadaro "Ayewa hausi right Mangwe" Tafadzwa akadaro "Hey ndiri doctor neniwo" ndakadaro "Ayewa uchiri weak" doctor Gono vakadaro "Ayewa handisi weak ndine mwana wangu pano manje ndiri kukuudzai kuti ndiri right ndarapika" ndakadaro "Ndanga ndichitya mhamha" Tadie akadaro achichema Ndakamupukuta misodzi. "Handimbokusiyi mwana wangu" ndakadaro tichihagana kwenguva yakareba "Ko hamuhagi Kule Tafadzwa here vanga vani nguva dzose idzi vanga vachindi comforter" Tadie akadaro "Ndinotenda zvakanyanya nekutarisa mwana wangu" "Ndanga ndichifanirwa kuzviita" Tafadzwa akadaro Okay handizivi ini kuti anga achifanirwa kuzviita ndakatarisa Tadiwa. Nhasi izuva rekuti aende kuchikoro asi haana kuenda asi zvakangofanana nekuti hapana zvavachaita kuchikoro chero dai anga aenda. Pfungwa dzake dzinenge dzingori pandiri. "Ndaneta nemubhedha uyu manje ini Dr Gono" ndakadaro "What do you mean ma'am" dr Gono vakadaro "Ndokumbira kubuda nhasi ndinoda kuenda kumba kwangu ndinozorira" "Unofanirwa kutanga wapora ma'am" Dr Gono vakadaro "Ndichaporera kumba ndinokuvimbisa handinga kwanisi kugara pano ndinga pedzisira ndave kurwara zveshuwa" Tadiwa akaseka "Ko muri kunyepera kurwara mhamha here?" Tadie akabvunza Vanhu Vose vakaseka, Asi ndichiri kunzwa ndiri weak ndinoda kunoporera kumba handinga gari panzvimbo ino "Yaaa asi uri kutaura chokwadi Mangwe kugara pano hakusi right chero ini handifariri nzvimbo iyi" Tafadzwa akadaro "Asi anofanirwa kuzvichengetedza" Dr Gono vakadaro "Okay ndichaita sekudaro Dr" ndakadaro Vakabva vabuda panze ndikasara ndichirongedza mbatya dzangu. Dr Gono vakauya achindipa mapiritsi nezvinhu zvandinofanirwa kuita akandiudza kuti Tafadzwa achandiudza zvose asi ndinoziva kuti nei ndichirwara kudai. Tafadzwa naTadiwa vakapinda vachindibatsira kuenda kumota. Simba harisati ravapo ndakanopinda mumota Tafadzwa akamutsa mota tichienda mutown "Why mutown?" Ndakabvunza "You need something uri kuona here kuti uri weak sei?" "Ndanga ndichanodya kumba" Tafadzwa haana kundipindura takasvika mutown Tafadzwa akabuda naTadie kunotenga ini ndaiva ndakarara mumota. Chinhu chandiri kuda manje kugeza ndirare ndizorore now yave nguva yekuti ndikanganwe zvinhu zvakaitika muhupenyu hwangu. Ndinofanirwa kukanganwa zvose nekuti ndinga pedzisira ndave chirema. After some minutes vakauya nemaplastic. Takabva taenda kumba ndakasvika nekupinda muroom mangu vachibva vaburitsa maheu. Kuita kunge vanga vachiziva kuti ndiwo andiri kuda nekuti chimwe chikafu handifungi kuti chichapinda "Thank you so much" ndakadaro Zvichakadaro Prim naSheila vakapinda vakapfeka uniform vakafara zvakanyanya pavakandiona "Mainini" Prim akadaro vachiuya kwandiri vachindihaga "Mainini tiri kufara zvakanyanya nekukuonai pano" Sheila akadaro "Ndinotenda zvakanyanya vana vangu nezvinhu zvamaita pana Tadiwa" "Isu tinofara nekuti mamuka mainini" Sheila akadaro achindihaga "Okay guys handei muroom medu mundiudze kuti manga muchidzidzei" Tadiwa akadaro vachibuda vachienda Ndakasara naTafadzwa ndakamutarisa nemaziso aiva akazara misodzi "Thank you so much" "You're welcome" "Handizivi kuti chii changa chichaitika pamwana wangu dai iwe wanga usipo. Hakasi kekutanga kuti itira zvakanaka" "Hanzi maoko anogezana munhu munhu pavanhu saka zvinhu zvandanga ndichiita izvi ndizvo zvinonzi rudo" "Izvi zvawaita pafamily yangu uzviite kune vamwe" "Hmmm" Tafadzwa akadaro achinditarisa "You look so beautiful" Tafadzwa akadaro "Thanks" ndakadaro apo ndaiva ndave nehope ndichida kurara "Zvinhu zvose zvave right manje" Tafadzwa akadaro apo aiva atondiudza kuti chii chiri kuitika pandiri Asi chero andiudza handifi ndakamuudza nezve nyaya yemari yakatorwa naFarai "Thank you so much again" Akabva asimuka achibuda asi akadzoka achinditarisa "Take care of yourself, and don't hesitate to call me when you need something" "Okay ndiri kukunzwa" Tafadzwa akabuda ndakasimuka ndichienda kushower. TAFADZWA Ndakabuda muroom make but you can see achiri weak asi chero amuka zvinofadza nekuti mwana wake ari kufara. Ndakapinda musitting room ndichibva ndafonera Tadiwa kuti auye ndaida kuti kumubvunza kuti pane zvinhu zvaanoziva here pana mai vake after some minutes akapinda "Kule mave kuenda?" "Yes darling" Akandihaga. "You're welcome to come to our house chero nguvai" Tadie akadaro achiseka neniwo ndakaseka "I will come, iwe kana uchiona mai vako vachabvuma here?" "Forget about my mother this is my house" Ndakaseka vana vemazuva ano isu tinoshanda zvinorwadza asi pekupedzisira ndivo vanenge vave kutonga padzimba dzedu. But she is so sweet "I want to ask something' "Yes you can ask Kule ndinokuvimbisai kukuudzai zvose zvamunoda kuziva" "Pane zvinhu zvakaitwa naFarai here kuna mai vako kunze kweizvi zvatiri kuziva?" "I'm not sure asi paakandi kidnapper akandiudza kuti mhamha vakamupa 120K USD asi haamboibhadhari" "Oooh okay I see now yestress iri kubva pamari" "Handizivi neniwo sei ndisina kumbozvifunga" "It's fine ndichazvigadzirisa" "Thank you so much Kule nezvinhu zvamatiitira namhamha handizivi tanga tichava chii kunze kwenyu" " It's fine dear" ndakadaro ndichimuhaga ndichibva ndaenda kumba Ndakasvika kumba vana vari musitting room "Daddy is back" Popo akadaro "Yes my baby" ndakadaro ndichiswedera pavari ndichigara pasofa Ndakaona Portia achinditarisa achishamisika "What?" "Handifungi kuti mhamha vanga fara nesmell yandiri kunzwa iyi" "Ko ndiri kunhuwei ini?" "Handisati ndambokunzwai muchinhuwa perfume iyi before" Manue akadaro Ndakasimuka ndichienda muroom medu ndakawana Ane ari busy mbatya kuisa muwardrope ndaitya chero kuswedera paari nekuti aizondinzwa ofunga kuti zvandakamuudza inhema "Mandlovu" "Hey" Ane akadaro asiri interested pandiri Ndakakurura mbatya dzangu akanditarisa "Ndinoda kugeza ndakaneta" Ane akanditarisa achienderera mberi nezvaaita "Do you mind kugeza neni?" "Thanks ndatogeza" "Okay" ndakadaro ndichitora mbatya dzanga ndakapfeka ndichienda nadzo kubathroom ndichidziisa mumachine wash kuti Ane asanzwa perfume iyi. Ndakapedza kugeza ndakapfeka mapjyma angu ndichimukisa pahuro "Nei uri busy kudai haufungi kuti uzviite mangwana here?" "It's okay" "Ndikubatsire here kurongedza?" Ane haana kundipindura ndakatanga kumubatsira asi anga asiri mumood "Asi uri kumaperiod?" "Nei uchibvunza izvozvo?" "Ndiri kuona kuti nhasi hausi mumood yangu" "Ko chii chandinofanirwa kuita nekuti kwasvika iwe, ndofanirwa kumhanya mhanya ndijambe pamubhedha here?" "Hezvo" Ane akatora mbatya achidzikandira pasofa achibva akwira pamubhedha achirara hake mwana wekwa Zhou "Nhasi handisi kudya here?" "Handina kubika" "Why?" "Ndabika asi tapedza chikafu chose nevana nekuti ndanga ndichiziva kuti iwe uchauya uchiti wakaguta" "Why ndichifanirwa kuuya ndakaguta Anenyasha?" "Hanty wave kuuya wakaguta mazuva ano here" "Ndine nzara ndinoda kudya" "Handinga kwanisi kumuka ndinobika kechi2 ini" "Uchibika kechi2 wanga uchipedzerei chikafu?" Ane haana kundipindura "Anenyasha ndiri kutaura newe?" Ane akanyarara hake haana kumbondipindura "Ane ndine nzara" "Okay" Ane akadaro achitora gumbezi achizvifugidza kumeso Zveshuwa ndine nzara ndakasimuka ndichienda kukitchen ndakawana vana vasisimo musitting room ndakatarisa mumacupboard maiva musina kana chingwa even pachinogara paiva pasina. Ndakavhura fridge maiva musina kana chikafu chandingadye. Zvinhu izvi zvinotanga nhasi kuti pashaiwe chero chinhu. Apo mapoto aiva clean pachiita kunge pasina kumbobikwa ndakabva ndatora macornflakes. Popo akabudikira "Baba macornflakes husiku here?" "Ndine nzara hapana chikafu" "Asi mhamha vati muchauya makaguta" Handina kumupindura. "Ndikuitirei here chikafu chinokurumidza kuibva? Chingwa chiripo" "Hapana chingwa apa" "Aaah changa chiripo wani" Popo akadaro achinovhura bin "Ndiani aisa chingwa mubin nekuti chatengwa nhasi?" "Eyy baby don't worry ndichadya zviripo" Popo akanditarisa suspicious. "Okay" "Wagyma sei nhasi?" "Zvakanaka daddy good night ndave nehope ini ndanga ndauya kuzotora mvura" "Good sweet I love you" "I love you more" Ndapedza kudya ndakaenda mubedroom ndakasvika ndichipinda mumagumbezi. MIKE Ndaiva ndakarara pamubhedha ndakatarisa mudenga ndichifunga zvinhu zvakawanda handichazivi manje kuti ndichaita sei nekuti ndiri kuona kuti Rose ane something yaaita kuti chii neniwo handizivi "Babe" Ndakavhunduka "Kusvika rinhi tichirarama hupenyu hwakadai nhai Mike?" "Unondikanganisa ndiri mupfungwa dzangu mhani Rose" "Haunga kwanisi kundiignore just like that" "Ndichiregererei kukuignore?" "Hapana zvinhu zvandaita Mike" "Ko ini ini ndamboti pane zvinhu zvawaita here?" "Ayewa" "Okay" Zvichakadaro foni yake yakarira akaitarisa haana kumboidaira "Handinga gariri noise pano daira foni yako" "Haina kukosha" Ndakamubvutira foni paaida kuitora ndakamurova negwati rembama achidonhera pasi "Mike chiiko newe" Ndakaidaira ndichibva ndaisa foni paloudspeaker "Hey Rose" Ndakanzwa voice remukadzi "Rose uri kundinzwa here?" Handina kutaura "Handizivi kana uchindinzwa asi ndichakuudza kuti Farai ndamuendesa kuchipatara handikwanisi kufurirwa newe iwe zvinhu zvandakatarisana nazvo hauzvione uye ndinoda kukuudza kuti yave ngu.........." Rose akabva abvuta foni yake "Ndiani Farai?" "Handimuzivi" Ndakamubata ndichimutsimbirira pamadziro "Uchandiita benzi here?" Paida kutaura ndakamupa gwati rembama. Ndaneta nemukadzi uyu kusvika rinhi achidai, dai vasiri vana ndatomupa divorce kare "Uchandiudza here kuti Farai ndiani yes or no?" Rose akanyarara ndakamupa rimwe gwati rembama. Okay izvi hazvibatsiri ndirove munhu asinga tauri zvandinoda, ndinofanirwa kuita something. TAFADZWA Ndakamuka makuseni asi Ane aiva asipo pabed. Ndakaenda kunogeza ndichibva ndaenda kukitchen asi aiva asiko ndakatora foni yangu ndichimufonera "Ane uri kupi?" "Ndiri kubasa" "Nanhasi zve hapadyiwe pamusha pano kana kuti ndini ndega ndisingadyi breakfast" "Tafadzwa pane zvinhu zvakakosha zvandinofanirwa kuita ndichiri busy now" Ane akadaro achikata foni Ndakamunyorera message. Anenyasha attitude yako ndinoivenga iyi Ndapedza ndakatora macornflakes ndichibva ndagadzira ndapedza ndakaenda kubasa. 10 payakachaya ndakaenda kumba kwaFarai anofanirwa kudzosa mari yaMangwe at any cost mukadzi wake anofanirwa kubhadhara iye handisisina basa naye nekuti angova chinhu chisina rubatsiro. Pandakasvika ndakawana mukadzi wake aripo "Hey ndinga kubatsira nei?" Mukadzi wake akabvunza "Yes pane zvinhu zvaunofanirwa kundibatsira" "Chii?" "I know kuti uri kuziva kuti why murume wako ari pasituation yakadai" "Handizivi haana kutaura" "Pfutseki!! iwe hure usandipedzera nguva yangu ndauya kuzotora 120k USD murume wako yaaka scammer umwe mudzimai" "Handizivi chinhu ini Farai haapo" "Ooooh I know everyone kuti wanga uchishandidzana nemurume wako saka mari iyoyo ndinoida ndisati ndaita zvinhu zvamuri kundituma kuti ndiite" "Handi........." "Now" ndakadaro nehasha Mukadzi wake akavhunduka kumeso ndaiva ndisinga jairirike ndichipupuma nehasha. ANENYASHA Ndaiva ndakagara pachair muoffice mangu ndakatarisa mudenga ndichifunga nyaya yaTafadzwa. Chero zvichinzi kudii Tafadzwa ane mukadzi waanodanana naye ndichiri kufunga kudaro one of my friends watakasangana pabasa akapinda "Chommie" ndakadaro "Ane urisei" happiness akadaro "Ndiri right ini" "Ndanga ndichiti pamwe hausi kuuya kubasa" "Ndogoregererei kuuya kubasa nhai?" Ndakabvunza tichihagana "Ane hausi right chii?" "Tafadzwa anondihurira" Akanditarisa achishamisika achibva aseka. "Tafadzwa Tafadzwa Zvayi kana kuti uri kureva umwe munhu?" "Yaaa ungafunga kuti ndiri kunyepa asi ndiri kutaura chokwadi" "Ini sekuziva kangu Tafadzwa haafi akaita zvinhu zvakadaro anokuda zvakanyanya zvekuti haambo kuhuriri Anenyasha" "Asi zvinhu zvaari kuita zvinondisvoresa" "Uri kufungira hauna zvawaona nhai Anenyasha please trust your husband" Ndakamuudza nyaya yose "What? Ane waitei chero chingava chii chiri kuitika murume haanyimwe chikafu mupakurire wakatsamwa sei" "I feel so bad nezvinhu zvandaita asi neniwo ndanga ndakatsamwa pfungwa dzangu dzaita kurasika chaiko" "Usaita zvinhu izvozvo Ane murume haanyimwe chikafu chero zvaita sei nekuti unopedzisira wave kumusundira kuvakadzi chero asingazviiti" "Yaaah ndinofanirwa kukumbira ruregerero nezvinhu zvandaita" "Iwewe zvinhu zvaunofanirwa kuita kubikira murume wako chikafu chaanofarira then womukumbira ruregerero" Ndakanyarara. "Thanks chommie for your advice" "That's my friend" Happy akadaro tichihagana Takazotaura nyaya dzakasiyana siyana. Nhasi ndichakurumidza kuchaisa kubasa kuti ndinobikira murume wangu chikafu ndinoda kumubikira chaanofarira. Pandakachaisa ndakabva ndaenda kumba ndakasvika ndichiita busy nepoto vana vechikoro vakauya nguva dzaive dzava kuma3 "Mommy madzoka kubasa?" Popo akabvunza "Yes darling" "Yoooh mumba muri kunhuwirira chikafu, chii chamuri kubika?" "Chikafu chababa vako" Akaseka. "Wow mom what a good news ini ndanga ndisinga zvifariri kukuonai muchirwa" Popo akadaro Ndakanyemwerera. "Manyima baba chikafu nezuro?" "I feel bad nezvinhu zvandaita hameno ndanga ndapindwa nei" "Its fine mhamha musapamha zve kuita izvozvo, apo baba vanga vachifa nenzara" "Handipamhi my baby, nhasi hausi kuenda kugym here?" "Ndauya kuzochinja ndave kuenda" "Okay uchadzoka ndapedza kubika" "Okay mom bye I love you" Popo akadaro achibuda achienda "I love you more" TADIWA Takabuda kuchikoro neshamwari dzangu apo ndinofanirwa kukwira kombi nhasi. Zvichakadaro ndakaona mota yakamira pedo negedhi ndakatarisa Prim "And then?" "Neniwo handizivi kuti chii chiri kuitika" Tichiri kubvunza Manue akabuda "Ko ari kudei pano?" "Hey ladies" Manue akadaro "Hello" takadaro "Tadiwa Ngwenya" Manue akadaro Ndakaroller maziso "Ndokumbira kukupa lift yekuenda kumba kwenyu" Manue akadaro "Thanks ndichakwira kombi" "Please" Manue akadaro Ndakatarisa Prim naSheila "Enda shaa hauchamuzivi here Manue nhasi" Prim akadaro Ndakanopinda mumota make kwete yake asi yekumba kwavo apo ndiye akandivhurira door "Wow mukati muri kunhuwirira" "Chocolate" Manue akadaro achiburitsa chocolate achindipa "Thanks" "Wakachena wena" "Thanks ko iwe haudzidzi here?" "Ndiri kuuniversity ini igore rangu rekutanga iri" "Wow okay isu tichiri kumaform 3" "Uchasvika usatya babe" Ndakamutarisa nehuso hwaishamisika "Ndatadzei manje?" "Hapana " Akamutsa mota tichienda. Tati fambe akabva amisa mota, ndakamutarisa "And then?" Manue akanditarisa achifemera mudenga "Tadiwa ndinoziva kuti zvinhu zvandichakuudza pamwe hauzofambidzani nazvo asi kutaura chokwadi ndinokuda. Ndakakuda nezuva rekutanga randakakuona. Ndinokumbira undipe mukana tizame relationship iyi ini newe" "Hayi Manue handiiti zvevakomana ini" "Ndazviziva kuti ndiyo mhinduro yandichawana asi please. It's not like I'm pushing asi ndichakupa nguva umbofunga nezvazvo" "Hapana zvekufunga apa hapana zvichaitika Pakati pangu newe Manue" Haana kundipindura akamutsa mota achindiendesa kumba. Akamisa mota pagedhi ndichibva ndaburuka "Thanks for your time usazondi blocker ka" "Kana handingaiti zvinhu zvakadaro " Takaoneka ndichibva ndapinda mumba. Ndakanoisa bag rangu mu room mangu ndichibva ndaenda Kuna mhamha. Takamhorosana ndichivakisa pahuma. Ndakavatarisa kwenguva yakareba "Taura zvaunoda kutaura" "Pane mukomana ati anoda kuti tidanane" "Anokuda here?" "Ndizvo zvaandiudza" "Anonyeba. Look baby uchiri mudiki iwe for zverudo . For focus pazvidzidzo zvako. Munhu wekudanana naye uchamuwana kana wapedza chikoro for now iva focus pazvidzidzo zvako" "Don't worry mom I won't disappoint you" Please my baby don't make things hard on me. Ndiwe chete munhu ari muhupenyu hwangu. Munin'ina wangu handizivi kwaari kuti mupenyu here" Ndisati ndapindura takanzwa knock pa door. Takadzika downstairs namhamha ini ndichibva ndanovhura vaiva Kule Tafadzwa, vaiva vakabata bag diki "Kule makadii?" "Hey nana uri sei?" "Ndiri right Kule " "Good" takanogara pasi "Hey ndanga ndisingafungiri kuti ungasvika nhasi" mhamha vakadaro "Ohh I'm sorry nekungosvika ndisina kukuudzai" "No it's fine" "Tadiwa andiudza kuti Farai akatora 120k USD yako uye akati haakudzoseri" Kule vakadaro. Ndakaona misodzi pana mhamha "No need for that" Kule vakadaro vachivhura bag ravo "Iyi mari yako ndaifambira kusvika aibudisa" Takatarisana na mhamha tichishamisika "Haa Tafadzwa" mhamha vakadaro vachibata muromo. Wow ndakarova. Kule Tafadzwa vakatarisa mhamha vachinyenwerera. As long kule vari pedo na mhamha hapana munhu achavarwadzisa zve. Pavarume vose vakambosangana na mhamha handifungi kuti aripo anofanana navo. I think vangaita perfect couple. Ndiri kuaona maziso a Kule pana mhamha anotaura zvakawanda. "Thank you so much Mr Zvayi" mhamha vakadaro vachiyeredza misodzi "Haisi nguva yekuchema iyi inguva yekufara" kule vakadaro "I don't believe kuti wandiitira izvi thank you so much" mhamha vakadaro "Thank you uncle you're the best uncle" ndakadaro "You're welcome ndinofara kukuonai muchifara kudai" Kule vakadaro "Zvinhu zvawandiitira zvawandisa Tafadzwa handizivi kuti ndingakutenda nei" "Zvakwana manje chirega kutenda. Ini ndave kufanirwa kuenda manje" kule vakadaro vachisimuka. Mhamha vakavaperekedza. Maziso a Kule aiva asingabvu pana mhamha. Uhhm hamenho ikoko Ndakazoenda mu room mangu ndichitora foni yangu. Pandakangoivhura ndakawana ma message hobho aibva Kuna Manue. Haa mukomana uyu Ane dzungu shame but he's so sweet End of chapter