Chapter 6 . Rose I don't believe kuti ndaita zvinhu zvakadaro. Ndauraya Vamwene vangu. Asi ndanga ndisina choice nekuti mukadzi uyu anga achandiraramisa life yemujeri. Ndakananga kurwizi ndichinogeza ropa ndichigezisa nebanga rangu ndichibva ndarirasa ndichidzokera Kumba. Ndakasvika Kumba Mike asati asvika, ndaiita kubvunda ndichingofunga zvinhu zvandaiva ndaita. What if Mike achizoziva nezvenyaya iyi hanti angandiuraya here. But I don't think achaziva kuti ndini. Ndichiri mundangariro Ray akapinda achienda ku fridge achitora mvura "Raymond" "Mha" "Haumhorosi neiko?" "Ndakanganwa muri sei?" "Hauna kuvaona here baba vako?" "Vati vari kuenda kubasa" "Vaenda nguvai?" "Karesa" "Okay" Ndapedza kubika ndakagara pasofa ndakamirira Mike. Ndakavhura TV ndichiteerera news dza 6 ndichiti pamwe ndichanzwa nezvekufa Kwa Magebede asi tsve. . Kuma seven Mike akasvika "Baba Ray" "Hey" Mike akadaro Ari down "Babe hausi right?" "Ndafonerwa na Amanda achindibvunza kuti mhamha havako kuno here. But now ndiri kuona kuti havapo" ,"Eish nei usina kundifonera?" Mike akanditarisa achishamisika "Ndikare ndichikufonera asi usingadairi runhare rwako" Ndakatarisa foni yangu ndikawana ine hobho yema missed call aibva Kuna Mike "Eish sorry babe foni yangu yanga iri pa silent " "Okay eish nyaya ya mhamha inondinetsa manje, havasi munhu anongoenda asina kuudza munhu kwaari kuenda "Babe mhamha vakura vachadzoka kumba. Pamwe kune kwavari asi vachauya" "Asi neyi vasingafoni" "Babe don't worry mhamha vachauya, Rega ndinopakura chikafu" "Handina nzara ini at least juice" "Une nzara Mike unofanirwa kudya" "Okay fine" Ndakasimuka ndichienda ku kitchen. I wonder Magebede achawanikwa rinhi. Handaikwanisa kumupa Mari yose iyi. Kana yapera anga achadzoka zve Tadiwa Ndakamuka makuseni ndichigadzirira kuenda kuchikoro, nhasi I Friday handidi kuti mhamha vauye kuzonditora, kana tabuda tinoda kumbo enjoyer hudiki hwefu. Ndapedza ndakadzika downstairs mhamha vaiva vatopedza kugadzira breakfast, ndakaswedera pavari ndichivakisa pahuma Morning mommy" "Morning my angel" Takagara pasi tichitanga kudya. Mhamha vaingotarisa foni yavo kunge pane call yavakamirira "Is everything ok?" "Yes my baby chete pane call yandakamirira" "Okay" Takapedza kudya tichibva taenda kumota, maziso avo aiva akangoti njoo pafoni yavo "Mhamha" "My baby" Nhasi ndinokumbira musauya kuzonditora" "Why?" "Tine ice cream date neshamwari dzangu" "Okay asi usauya kwasviba" "I promise ndichava musikana anoteerera" " Mhamha vakaseka vachimutsa mota vachinondisiya kuchikoro. Ndakamhorosa shamwari dzangu tichipinda muma class. Eish hapana chinhu chandinovenga se maths apa ndiyo subject yatiri kutanga nayo manje ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Tabuda chikoro takaenda ku ice cream date yedu, asi hatingatangi nekudya ma ice cream ndine nzara ini "Guys tadii tatanga nekudya something isiri ice cream ndine nzara ini" "Taura hako kana neni ndine nzara" Shelly akadaro tichienda pane imwe restaurant tichitenga chikafu chedu tichidya. Tapedza takaenda kunotengeswa ma ice cream. Takatenga 3 ma ice cream sezvo nesuwo taiva vatatu tichibva taenda pane imwe park tichinogara ikoko Takagara kudaro tichidya pakasvika vamwe vakomana vaviri "Can we join you?" "Sure why not?" Shelly akadaro Ndakamutarisa Shelly, eyy vakomana vanodiwa apa "Sisi avo vanenge vasingadi kuti tikujoyineyi?" Umwe wacho akadaro achinditendeka "Nei uchiti handidi" "Ndiri kuona uchifinyamisa huso" "Pamwe kushata" ndakadaro "Yah Iko wakanakira kure asi kana wozofinyama newevo ayy ayy unobva watotyisa" Handina kumupindura nekuti ndakaona kuti munhu wacho ane kakuzvida kaanako "By the way ini ndinonzi Tawedzerwa Emanuel asi zita rinonyanya kushanda ndi Emanuel in short you can say Manue uyu I shamwari yangu Eric" "Ohh tafara kukuzivai" Prim akadaro "Nesuwo tafara kukuzivai. Saka nekunaka kwenyu uku makangogara muri mega vasikana mashaya anokuvaraidzai here?" Eric akadaro "Sezvauri kuona" Shelly akadaro "Tinokumbiravo kukupai offer" Manue akadaro Ndakatarisa Prim "Sisi veku finyama chiiko newe asi hauna kuguta ice cream?" Manue akadaro ndakadzungudza musoro. Manue akaenda kunotenga ice cream achiuya achindipa "Tora ice cream pamwe unganakavo newe, coz zvauri izvi ayy" Ndakadzungudza musoro asi ice cream ndakaitora shame "Ndeipi offer yamunoda kutipa?" Prim akabvunza "Nhasi I Friday so izuva remafaro kumba kwedu kune party not kumba kwedu kumba kwemukoma wangu kune party vari ku celebrater sisi vangu vahwina champion" Manue akadaro "Haa Popo ndi sisi vako?" "Yes ndi sisi vangu so kuchange kune party yake ndinokumbira muuye se shamwari dzedu" "Party yacho iriko rinhi?" Prim akabvunza "Tonight " Eric akadaro "Tonight? Yoo vabereki vedu havangatibvumiri" ndakadaro "Munovanyengerera zve chiiko nemwi ko nei makapusa kudaro" Manue akadaro "Ini I'm already out nekuti chero mhamha ndikavanhanzwa makumbo havambobvumi" ndakadaro "Ohh sorry guys husiku hatikwanisi kuuya dai ari masikati " Shelly akadaro "Ohh eish but anyway " Eric akadaro "Zvisinei hazvo tipei number dzenyu tigotaura pafoni" Never hapana wandinopa number dzangu kuti zvadii. Prim na Shelly vakavapa. Ndakatarisa mhiri kwe mugwagwa, ndakavhunduka pandakaona munhu wandakafananidza . Ndakabva ndatosimuka. Chero kuchinzi kudii ndi Farai ka uyo nemukadzi wake "Tadie uri kuenda kupi?" Shelly akabvunza Handina kuvapindura ndakamhanya ndichitora foni yangu ndichida kuvatora pic asi ndakavharirwa nemota yakapfuura . Ndakamhanya ndichida kuyambuka mugwagwa asi prim na Shelly vakandibata "Tadie chiiko newe? Hauoni here kuti uchatsikwa nemota?" "Ndinoda kuvatora ma pics" "Vanani?" "Farai nemukadzi wake" "Chiiko newe? Waudzwa nani kuti mukadzi wake" Shelly akadaro "Ndiye zvagara. Anoita Mai vangu benzi iye ane mukadzi argg" "Zvinhu zvauri kuita zvichakurwisa na Mai vako siyana nenyaya dzevanhu vakuru Tadiwa" Prim akadaro "Ichokwadi Tadiwa siyana nenyaya dzevanhu vakuru" Shelley akadaro ndakapukuta misodzi "Kubva wachema Tadiwa uchichemera zvinhu zvisipo" Shelly akadaro "I need to go home" ndakadaro maziso angu akangoti njoo kwaiva kwaenda bamnini Farai Munzira ndaingofunga bamnini Farai. Munhu uyu ane mukadzi Saka chinangwa chake pana mhamha ndechei. Ndakasvika kumba ndichingopiringishana pfungwa. Ndakawana mhamha vakarara pasofa. Mhamha havasi munhu anongororara masikati asi vanorwara? "Mhamha?" Vakamuka vachiita zvekuvhunduka "My baby wauya?" "Ehe mhamha neyi makarara pasofa?" Ndanga ndichiona TV ndichibva ndabatwa nehope" "Asi TV yakadzimwa?" Havana kundipindura vakatarisa zve foni yavo "Ndiri kunzwa musoro ndinoda kunorara ndiri kunzwa musoro" Apo nguva dzaiva Kuma 6 "Madya mukamwa mapiritsi here?" "Aewa Ndanga ndisati" "Okay endai munorara ndichakumutsai ndapedza kubika" ndakadaro ndichivabatsira kusimuka tichienda mu room mavo. Ndakabika chikafu chinokurumidza kuibva after an hour ndaiva ndatopedza ndichibva ndavaendesera mu room mavo. "Mukai mudye mhamha" "My baby handina nzara" "Aewa idyai mhamha" ndakadaro ndichivadyisa kusvika vapedza ndichivapa mapiritsi. Maziso aiva asingabvi pafoni pavo asi ndaitya kuvabvunza "Nhasi ndicharara nemwi " ndakadaro nekuti ndaiona mhamha vangu havasi right "Thanks my baby " mhamha vakadaro. Takazogara ndichavaudza ma stories emabhuku andinosimboverenga, kwaingovawo kuita mhamha vaiva kunyika yavo Vega. Zvihombe zvavaifunga shame Progress Now nguva dzava Kuma 7 vanhu vauya ku party ya Popo, ichaitirwa pano, haiitirwi kumba kwevabereki vavo nekuti vanoda kuita pungwe, apo ini ndini ndinenge ndisipo pa party yacho. Iko ndicharara sei ne noise yacho. Eyy nyaya yehu house girl iyi yakangooma wee. I wonder sisi vangu muri kupi ini ndichitambura kudai. But one day is one day ndichasanga newe chete Now ndapedza kugadzira zvinhu zvose zvandanzi na Jay ndigadzire, zvichakadaro Jay akabudikira achiuya kwandiri. "Good waita zvose zvandati uite" Jay akadaro "Yes ndapedza sir" "Okay Popo Ari munzira ne shamwari dzake" Apo iye shamwari dzake dzaiva dzatozara imba yose "Chienda hako mu room mako" "Ndinokumbiravo kuva pa party " "This is a family and friends.saka iwe uri chii ipapo, you're my house helper besides unozondinyadzisa pavanhu kana wadhakwa " Ohh okay last ndamwa ndakarutsa "Ndaitanga kumwa sir handichapamhi " "The answer still no" "Fine ndichanwa juice chete" "Ehhh musikana wekwa Ngwenya ndati handikudi pa party wee" Ndakapesvaira ndichida kubuda, pakabva papinda umwe musikana achienda Pana Jay vachikisana "Hey Memory wauya?" Jay akadaro "Yes babe" "Okay ndafunga kuti hauuyi ini sekuya" "Unoziva kuti Chii chakaita kuti ndisauya ndaiva ndisina choice not kuti ndaiva ndisingadi" Memory akadaro vachibatana maoko vachiuya kwandiri "Hey" Muchaneta akanditarisa kubva kutsoka kusvika kumusoro "Your sister?" Muchaneta akabvunza "No my house helper " "Nei wakatsvaga munhu wechidiki?" Muchaneta akabvunza ndakarola maziso. "It's a long story ndichazokuudza nyaya yacho hande kune vamwe " Jay akadaro vachienda ❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️❤️ Vanhu vose vakasvika ku party apo ini ndaiva kumusoro ndakamira pama steps, ndaiva ndakahwanda ndisingadi andione mupengo uyo. Miss party akazosvika nevabereki vake ne vanin'ina vake. Party yakatanga vakamuitira ma congra ekuti ahwina boxing. Anenyasha ndiye akazotaura "Ndinofara mwanangu nekuhwina kwako kubva uchiri mudiki waigara uchitaura nezve boxing uye waigara uchitaura kuti rimwe zuva uchahwina champion" Ane akadaro Popo akanyemwerera achihaga Mai vake. "Zvose izvi zvakaitika nekuda kwenyu mhamha na baba maigara muneni nguva dzose. Ndinoshuvira kuti dai Mai vangu varipo vachiona zvose zviri zviri kuitika pandiri asi havan--" Popo haana kuzopedza kutaura misodzi yaiva yave kuyerera. Ane akamuhaga "Ini na baba vako tine chipo chatinoda kukupa" Ane akadaro "I can't wait to see chipo chacho" Popo akadaro achipukuta misodzi achinyemwerera "Usamhanya Kani" Tafadzwa akadaro achinyemwerera vachimupa something. Aiva ma key emota. Popo aka screamer "Mota? Wow!!!!" "You deserve it my girl" Ane akadaro "Audi?" Popo akadaro "Your favorite car" Taffy akadaro Ndakayerekana ndave kunyemwerera pandakahwanda. Mufaro una Popo hautsananguriki kani Vakazobuda vachinoratidza Popo mota yake. Ini kuti ndibudewo zvaisaita Mr mupengo angandidya ndiri mupenyu. Kuma 9 vabereki va Jay vakaenda asi Popo akasara "I'm proud of you sisi" Jay akadaro vachihagana "Mhamha pavari vanodada newe shame" Jay akadaro "Don't even mention it" Popo akadaro "Ndakazvitaura Ini kuti uchaita champion yangu" Manue akadaro "Thank you young brother" Popo akadaro "Ohh Popo this is my girlfriend Muchaneta" Jay akadaro "Ohh nice to meet you Muchaneta" Popo akadaro vachikwazisana "Neniwo ndafara kukuziva" Muchaneta akadaro "Congratulations chomie " Liana shamwari ya Popo akadaro vachihagana "Thanks chomie " Vanhu vakazotanga kutamba radio vachimwa doro nema drinks. You can see vari kufara shame. Neniwo handibvi pano, ndichapembera party ya Popo ndiri pano End of chapter