Chapter 18 PROGRESS Madiro andinoita icecream yoooh. ndakatora Jay ndichinomutengera icecream "Tiri kuenda kupi manje?" "Tiri kunotenga icecream" Jay akanditarisa achishamisika. "Haaaa handichidyi icecream ini" "Asi ini ndinoida rangarira kuti wati ndikuitire chero chii chandinoda" Jay akavhara maziso. "Okay okay asi ini handiidi" "Inokurwarisa here?" "Ayewa icecream ndeye vana" Ndakaseka. "Sezvo isinga kurwarisi uchaidya nhasi" ndakadaro ndichitenga maicecream maviri. Takabva tadzokera kumota yake. Zvinondifadza kuti anozvishora nezvinhu zvaaita kwandiri, chimwe chinhu chinondifadza tiri vaviri tiri kuspenda time yedu. Akachaira tichienda kumba kwake takasvika umwe neumwe achienda muroom make taiva takaneta mumwe nemumwe anofanirwa kuzorora. Ini ndinofanirwa kugadzirira nekuti ndiri kunotanga basa mangwana stock yangu yose yasvika kuti nditange basa. Yoooh handisati ndambofara zvakadai muhupenyu hwangu ndichaita kuti Jay adade neni. Ndinofanhirwa kumuratidza kuti handifi ndakatambisa mari yake MANUE Ndikare ndichizama kufonera Tadiwa asi foni yake haisi kupinda I'm getting worried now. "Mukoma Manue chii munenge musiri right?" Tifadzei akabvunza "Pane munhu wandiri kuedza kufonera asi haadari foni yake" "Ndiani ndimaiguru?" Tifa akabvunza "I'm sure ane umwe munhu ikoko iwe uri busy kumufonera" Timukudzei akadaro "Handisi pamood yako Timukudzei wanzwa" ndakadaro "Haaa tiri kutamba isu" Tifa akadaro "Endai munotamba neshamwari dzenyu kwete neni" ndakadaro Zvichakadaro Popo akabudikira "Ungabva wadaro vana vachitamba newe here" Popo akadaro "Vanopinda munyaya dzisingavadi ava" "Chiiko kubva waita hasha kudaro?" Popo akabvunza "Pane munhu akavhara foni yake manje ndinoda kutaura naye" Popo akaseka. "ndiGulez right?" Handina kumupindura akagara pedo neni "Hauna number yeshamwari yake here kana kuti munhu ari close naye?" "Ooooh" Shit ndakanganwa sei kufonera Prim ndichimubvunza Tadiwa ndakabva ndatobuda panze. Pandakabuda ndakasangana nababa "Hezvo unopenga here iwe mupfanha hauoni kuti wasara padiki kudonhera pandiri" "Sorry baba" ndakadaro ndichienda kumota Baba vakadzungudza musoro. Ndakapinda mumota ndichibva ndafonera Prim asi akandiudza kuti Tadiwa ari kurwara. Zvino ndichamuona sei? Asi ndofanirwa kumuona chete. Ndakamutsa mota ndichiinangisa kumba kwavo ndakasvika ndichimisa mota pandogara ndichiimisa kana ndakamirira Tadie. Mai vake vachabvuma here kuti ndimuone ndichati kudii kwavari kuti vabvume kuti ndimuone. Zviri nani nditi kwavari ndinodzidza naye same class asi vakanditi nei ndauya kuzomuona ndichati kudii, asi handina basa nezvinhu zvese ini as long ndakwanisa kuona Tadiwa. Ndakapinda mukati ndikaona mai vacho vachienda kukitchen pavakandiona vakauya kwandiri "Hey ndinga kubatsira nei?" Apo nguva dzanga dzava manheru. "Makadii mhamha zita rangu ndinonzi manuel ndinodzidza naTadiwa" "Yes" "Ndanga ndati ndiuye kuzomuona kuti ava sei sezvo abva kuchikoro achirwara" "I'm sorry asi haunga kwanisi kumuona uri munhu rume iwe handinga kwanisi kukuvimba pamwana wangu" "Ndinonzwisisa mhamha hapana zvinhu zvakaipa zvichaitika ini naTadiwa tiri shamwari ndangova worried naye ndikati regai ndiuye kuzomuona kuti arisei" Vakabva avanyatsonditarisisa. "Huya ndikuratidze room yake" "Ndinotenda" ndakadaro ndichienda muroom make Ndakaona Tadiwa akarara pamubhedha "Tadiwa" mai vake vakadaro Ndakavhunduka pandakamuona akavharika maziso" "Mhamha" Tadiwa akadaro "Emanuel auya kuzokuona" mai Tadiwa vakadaro Ndakaona Tadiwa achivhunduka. "Manue?" Tadiwa akabvunza "Yes ndimuvhurire auye here?" Mai Tadiwa vakabvunza "Yes mhamha ndinomuziva ishamwari yangu" Tadiwa akadaro "Okay" mai Tadiwa vakadaro vachinditarisa vachibva vabuda Pavakangobuda ndakamhanya ndichihug Tadiwa "Manue" "Babe babe chii chaitika?" "Handizivi Manue ndangomuka ndakadai" Tadiwa akadaro achiyerera misodzi "Hey hey chirega kuchema uchava right hanty zvinhu zvose zvichava right" "Handifungi ndichava right ini Manue maziso angu akavharika" Tadiwa akadaro achichema "No no no achavhurika chirega kuchema anovhurika maziso ako" ndakadaro ndichimuhaga" PROGRESS Nazvino ndichiri kunyemwerera ndichirangarira nyaya yazuro ndaspenda time yakareba naJay the way yaanga ari inondifadza. Now ndiri kugadzira breakfast ndakaona Mucha achipinda kumeso achipupuma nehasha "Jay!!! Jayden!!! iwe Jay!!" Mucha akadaro achidanidzira Yaaah paipa manje paakandiona akauya kwandiri ndakavhura maziso ndichimutarisa. Oooooh Mwari wangu ndiregererei handina simba rekurwa ini "Iwe ari kupi murume wangu?" Ndakanyarara ndaiva ndisingazivi kuti nditi kudii "Ndiri kutaura newe hauchagoni kutaura here?" "Handisi bodyguard yaJay ini saka handizivi kuti ari kupi enda unomutarisa muroom make" "Ndinodzoka kwauri" Mucha akadaro achikwira upstairs Ndakasiya zvose zvandaiita ndichinozvivharira muroom mangu yoooh ndirohwe hangu ndoti ndafirei" ndakamborwa nani zvekuti ndinga misidzana naMuchaneta Ndakamira pawindow ndichivateerera vaitaurira pamusoro "Taura zvakanaka handisi kukunzwa kuti uri kuti kudii" Jay akadaro "Nguva yose iyi uchindinyepera uchiti mushandi izvo unoziva kuti musikana wako, unomupinza uchimuburitsa muma restaurant" "Handizvizivi zvauri kutaura ini Mucha chinhu chandiri kuziva ndechekuti Proggy anoshanda pano" "Saka anga achidei kurestaurant mushandi kana kuti ishamwari yako? Uno mutreater semusikana wako" "Hayi wave kunyanya kutaura iwe Mucha pedza uende" "Handisati ndapedza kutaura nei manga muri kurestaurant?" "Tanga tanodya zve" "Nemushandi wako?" "Kuti mushandi zvinoreva kuti haasi munhu here?" "Jayden zvinhu zviri kuitika pamusha pano handitombozvidi kana ka1 hako. Mwana uyu anokuda unomuona kuti achinja sei, unomuona kuti ave kuda kuva palevel yako" "Usanyebera mwana wevanhu ndini ndamudaro uye ndamuendesa kusalon" Mucha akascreama. "What?" "Muchaneta ndakura ini usandiitira madrama hauzvioni kuti wakura sei pakundiitira madrama ose aya wanzwa. kuti ndanga ndine musikana kurestaurant wabva watomhanya kuzoita drama pano" "Drama ?ndiri kuita drama manje?" "Iwe hausati wamboenda kurestaurant nemurume here?" Mucha haana kudaira "Usada kundipinza pamuedzo Muchaneta unoziva situation yangu newe kuti yakamira sei saka handisi ready kuva nerecord yekurova munhu wechikadzi. Idai so Mucha tora makumbo ako uende kushamwari yako yakuudza rubbish iyoyo uende" "Rega ndinoona kahure kako" Ndakamunzwa achibuda muroom maJay ndakatarisa padoor kuti pakakiwa here paiva pakakiwa "Unopenga here iwe Muchaneta wave kupenga manje" "Proggy!!! iwe Proggy!!" Mucha akadaro achidanidzira Haaa kupi kwacho kwandichamudaira handibudi muno better ndihwande pasi pemubhedha ndakatanga kubaya baya foni yangu ivo vaingonetsana panze. After 10 minutes ndakanzwa munhu achigogodza ndakabva ndanyarara kuita kunge ndakafa ndakanzwa Jay achiseka "Vhura iwe gwara ndiJay" Jay akadaro achiseka Ndakabuda pasi pemubhedha ndichinovhura door achibva apinda mukati achiseka "Saka wakiirei door?" "Aaaaah handina kumbokiya,door ini" Jay akaseka. "Unonyeba wanga wakakiya hauna kudaira pawanga uchideedzwa na Mucha" Ndakanyebera kushamisika. "Mucha anga ari pano? hee ini handina kumunzwa kuti anga ari pano ndanga ndakaisa maearphones" Jay akanditarisa achidzungudza musoro achiseka "Unoziva ndaifunga kuti unonyeba pawakati uchatiza kana Mucha asvika" "Nei ndanga ndichifanirwa kutiza kunge ndinomutya and staff ari kupi ndimurove izvozvi ini handina nguva yekutamba zve" "Hayi apa shuwa ndine mukadzi shuwa" Ndakaseka nekuti akaona kuti ndainyeba hangu "Ndine nzara ini newewo I think une nzara" "Zvakanyanya hanty mabasa aMucha iwaya ndanga ndichiti ndiri kuuya kuzodya" "Musikana wako hanty" "Haasi musikana wangu" Ndakamutarisa. "Mukadzi wako" "No" Ndakadzungudza musoro tichibva taenda kukitchen "Wait wait" Jay akadaro achiseka "Saka wasiya kugadzira breakfast uchitiza Mucha" Jay akadaro achiseka "Jay siyana neni hayi" Jay akandiseka neniwo ndakapedzisira ndave kuseka. MEMORY Nhasi ndiri kunosangana naRose kuManyame park ndinoziva kuti Rose munhu akadii haana kundidanira kundipa mari asi anoda kundiuraya. Akanganwa kuti ini ndinonyatsomuziva ndakachaira ndikasvika kwaaiva ati tisingane. Taifonerana ndichipihwa madirection asi ndakaona kuti kuzvimbo kwacho kusango kwaaiva ati tisangane Pandakaona kuti ndave kusvika ndakatanga kugadzira pfuti yangu ndichiisa kumashure kwangu ndichinomira paaiva aka paparka mota yake ndakaburuka mumota ndichienda kwaari. "Ndasvika Rose" "Zvagara hawaimboregedza kusvika nekuti mari unoida" "Ko ndinga rega kuda mari here? Haunga rarami hupenyu hwepamusoro ini ndichirarama hunorwadza unoziva ndiwe uri responsible necondition yemurume wangu" "Shuwa here?" Rose akabvunza zvekundisvotesa "Rosemary usandiita benzi rako unofunga kuti zvinonakidza here murume wangu ari pacondition yaari nekuda kwako" "Ndinopinda papi inini murume wako ndiye akabhaiza anga bhaiziswa nemukadzi here saka handizvipindi izvozvo" "Rose unza mari" "Unofunga kuti ndine mari yekutambisa here unofunga kuti ndine mari yekupa murume wako akaita kuti ndirasikirwe nemari yakawanda" Rose akadaro achiburitsa banga rake raanouraya naro vanhu but not this time around "Kwandiri hakutambirwi uchanobvunza amwene vangu nekuti nhasi ndiri kupedza newe" "Kwete ini iwe pfambi" ndakadaro ndichiburitsa pfuti yangu Akavhunduka paakaona pfuti. "unofunga kuti handikuzivi kuti uri munhu akadii unofunga ndanga ndichatakura musoro wangu ndichiuya kwauri. Wagona wandiudza kuti ndiwe wakauraya amwene vako I'm sure Mike achaifarira nyaya iyi paachainzwa" "Memory haungaiti izvozvo" "Ndiudze kuti ndicharegererei?" "Mike haambo teereri zvinhu zvose zvauchataura anonnzwa neni zvose zvandinotaura" Ndakapera nekuseka. "Hello sisi unenge unokanganwa kuti n'anga yako yakashaya kare I'm sure nekuti mushonga wako hauchashandi manje Mike haachafanani nekare I wonder kuti iye achati kudii paachanzwa kuti akarasa family yake nekuda kwako. Pedzezvo wakamunyebera kuti Ray mwana wake" Rose akavhura maziso. "Ndichamuudza zvinhu zvose izvi Mike ndanga ndakanyarara kwete kuti ndiri benzi asi ndanga ndichida kuti zvose zvawakaisa pana Mike zvitange zvapera ndigomuudza hupombwe hwako" "Unoda marii?" "Unoziva kuti ndauya kuzotora mari yangu" "Okay" Rose akadaro achindipa bag Ndakariisa kuboot asi ndaiva ndakangotendeka pfuti kwaari "Good" "Hapana chinhu chinofanirwa kuzivikanwa naMike" "Okay ndazviwana zvandanga ndichida" ndakadaro ndichipinda mumota yangu ndichiimutsa Anondijairira musikana uyu anofunga kuti Mike handimuudze here handinyaradzwe netumari twake. Now handina murume nekuda kwake Rose haafe akawana zororo ndichasununguka kana aparadzana naMike. MANGWE Taiva tagara pasofa naKudzi naTadiwa tichitaura nyaya ini ndaidyisa Tadiwa "Achava right Tadie mushonga uyu uchamubatsira" ndakadaro "Unoziva Mangwe kuti achizi chokwadi ichocho" "Kudzai please" Zvichakadaro ndakaona Tadie achitanga kuchema "My baby" ndakadaro "Maziso angu ari kuvava mhamha ari kurwadza" Ndakatora mushonga ndichimuisa "Mangwe unoziva kuti unofanirwa kuitei kuti mwana uyu ave right" "Handina number yaMike ini" ndakadaro ndichienda kufacebook ndichitarisa company yake Ndakawana number yekuoffice kwake ndichibva ndafona yakadairwa nemunhu wechikadzi "Kuchicha industry hello" "Ndinokumbirawo kutaura naMike" "Boss havapo manga muchida something here?" "Ari kupi?" "Ari kuHarare" "Ndokumbira undipe number yake please its agent" "Handikwanisi kukupai number yaboss handikuzivii" "Ndiri mai vemwana wake please" Paaida kutaura Kudzai akatora foni. "Sisi nyaya iyi ine rufu mukati please ndokumbira mutipewo number dzaMike" "Okay okay" akadaro achibva atipa number Ndakabva ndatofonera Mike apo ndairohwa nehana nekuti ndaiziva kuti Mike acharamba. Ndakabva ndamufonera achibva atoidaira "Mike urisei" "Mangwe" "Pane zvinhu zvakakosha zvandinoda kukuudza please ndokumbira kukuona" "Zvakakosha?" "Yes inyaya yaTadiwa ari ku.........." Handina kupedza kutaura "Aita sei Tadiwa?" "Ndokumbira tisangane face to face nyaya yacho inoda iwe dai isingadi iwe ndisina kumbokufonera" "Ndiri muHarare ndiri kuuya kumba kwako" "Sure huya" "Okay I will be there in the next 20mins" "Okay" Handina kumbozvifunga kuti ndichafonera Mike muhupenyu hwangu asi mwana wangu akakosha kudarika ini MIKE Pakapedza kufona naMangwe ndakavhunduka zvakanyanya kuti chii chaanoda kundiudza nezvaTadiwa kuti pane rufu here or something kuti chii chingaita kuti Mangwe andifonere. Kubva Tadiwa zvaakavapo haasati ambonditsvaga zvakadai chinhu chinondivhundutsa anga achitaura achichema. I wish dai ndisina kumborasa mwana wangu asi neniwo ndaiva ndisina choice ndaifanirwa kuzviita izvi. Kuda zvinhu kwangu uku kwakapedzisira kwandiparadzanisa nevanhu vandinoda ndinoshuvira kuti dai ndisina kumbozviita zvinhu izvi. Kutaura kuno dai ndine mwana wangu dai ndichigara naye tichiita zvinhu zvose zvinoitwa nababa nemwana asi kusagutsikana nezvandinazvo ndizvo zvandisvitsa pano nhasi. ndinoshuvira kuti dai ndakumbira ruregerero kumwana wangu asi handizivi kuti ndichatangira papi Asi ndinoziva kuti haafi akandiregerera nezvinhu zvandakaita. Ndakazoita zvinhu worse nekumurova kwandakaita paakatanga kundiona and I understand chero akasandiregerera nekuti ini handimboregereri munhu akandidaro. Ndakasvika pagedhi paMangwe ndichibva ndatora foni ndichimufonera akavhura gedhi ndichibva ndapinda Ndakagara mumota ndakamumirira honestly handizivi kuti ndichati kudii kumwana wangu chero ndikadii handifungi kwaari achandiregerera u know anondivenga zvakanyanya. Neniwo zvinhu zvandakaita handizivi ndakazviitirei nekuti ndakapedzisira ndarasikirwa nemhuri yangu ndaiva ndisingafanirwi kuzviita. Asi ndaifanirwa kudzivirira mwana wangu ndosaka ndakazviita I know kuti zvinhu izvi hazvichagadziriki asi ndichaedza kuzvigadzira. Ndakaona Mangwe achibuda. ndakabuda mumota ndichiswedera paari. Maziso ake aiva akazvimba zvekuti anga achichema "Hey" ndakadaro "Tadiwa ari mumba" Mangwe akadaro tichipinda mukati Mangwe asina kumbondimhorosa Ndakapinda maiva naTadiwa maiva nevakadzi vaviri umwe ndingamuisa pamakore aTadiwa umwe aMangwe. Ndakanogara pedo naTadiwa pasofa. Ndakavhunduka zvakanyanya pandakaona maziso ake akavharika I'm sure kuti haaone uyu ndakamubata maziso achibva aridza mhere ndakatarisa Mangwe achibva ayeredza misodzi. Ndinoziva kuti haadi chero kunditaudza "Chii chaitika paari?" Ndakabvunza "Ndakaona Tadiwa achimuka achigara "Mhamha maziso angu ari kurwadza" Tadiwa akadaro achichema Ndakagara pedo naye mumba maiva makanyararwa kuti zii hapana aida kutaura "Tadiwa ari kurwara sezvo uchimuona maziso ake arisei" umwe mukadzi akadaro Moyo wangu wakarwadza zvakanyanya pandakaona situation yaTadiwa. Kuti ari kurwara nei? maziso zvaakavharika kudai. kuti zvinhu zvakaita ndimutizise zvakamutevera here? "Hey Tadiwa" ndakadaro Akatarisa kuside kwangu . "Mr Kuchicha right" Tadiwa akadaro You know the pain yekuti mwana wako akudane achiti Mr instead yekuti baba. Pain iyoyo inorwadza ndakanyima mwana wangu kodzero yekuti handidane kuti baba kubva zvaakakura haana kumbonditi baba. "Yes ndini" ndakadaro Akabva anditarisa kwenguva yakareba "Uchava right ndinokuvimbisa" Misodzi yaingoyerera paari "Ndinokumbira kutaura newe Mike in private" Mangwe akadaro Ndakasimuka tichinotaura panze "What happened to her?" "Vadzimu vekwenyu hanty" Mangwe akadaro achipukuta misodzi "Tadiwa amuka achirwara ndikamuendesa kuchipatara pandasvika kuchipatara vatadza kuona problem yake, then pazoita vandionesa kuti ndimuendese ku n'anga ndiyo yasvika ichindiudza kuti vadzimu vekwenyu vanoda kuti mwana aziviswe kwavari" Ndakapererwa kuti ndomupindura ndichiti kudii "Vadzimu vekwenyu neyi vachipanicha mwana wangu nezvinhu zvaasingazivi. Nei vachirwadzisa mwana wangu ivo vachinyatsoziva kuti ndiwe wakakonzera zvose izvi. Vanofanirwa kuti dai vazviita kwauri not pamwana wangu asina chaanoziva." "Ndinoz--" "Please help my daughter nezvinhu zvose zvaanofanirwa kuitwa. Don't worry nema expensive ndichabhadhara zvose" "She's my daughter so there is no need for that" Mangwe akanditarisa achishamisika I understand neyi achishamisika. Mangwe Pamwe ndini ndisinganzwisisi zvataurwa na Mike. Anofunga kuti pane munhu angamukurisira mwana ongouya achiti she's my daughter asanditester ini Mike. Asanditester hake ndisati ndakanganisira mwana wangu. "Your daughter?" "I know Maluluza kuti uri kunzwa sei and I understand" "Then if you understand stop calling mwana wangu nekuti mwana wako. Unofunga kuti pane angangokuchengetera mwana iwe wongouya nekuti mwana wako. Ndinoshuvira kuti dai zvose izvi zvisina kuitika. Dai usipo pano manje. Dai vadzimu vako vandisiya ndazvigarira nemwana wangu sezvakaita pawakandidzinga mwana ane zuva rimwe chete azvarwa dai tisipo tose pano nhasi. Havana zvavakaita pawakandipa bepa re divorce nekuti waiva usingachadi chinhu chinokusanganisa nesu nekuti waiva wawana mwana mukomana kwete rangu. Mike Kuchicha mashoko aya haafi akabuda mupfungwa dzangu" ndakadaro misodzi ichiyerera "Mike handina kumbofungira kuti ungandirwadzisa nenzira yakadai. Ndaiti unondida nemoyo wako wese, waigara uchindivimbisa kuti uchandiwanira munin'ina wangu" ndakadaro ndichipukuta misodzi naiyevo akazvipukuta misodzi haiwavo misodzi yenhema iyo "Anyway handipo ipapo ndinokumbira undibatsire nekuitira mwana wangu zvinodiwa zvacho" "Ndichaita sekudaro Maluluza " "Usambofunga hako kuti wawana mapindiro pamwana wangu hanti wakamuramba" "Ndirikikunzwa Maluluza, nhasi ndiri kudzokera kumusha ndichaenda naye" "How can I trust you with my daughter " "Maluluza she's my daughter als---" "She's not your daughter!!! Secondly unenge watokanganwa zvawakaita kwatiri. Wakatitumira vanhu kuti vauye kuzotiuraya Saka ndingakuvimba sei munhu akadaro pamwana wangu apa haaoni kumeso kuti achazama kana wave kuda kumuita zvimwe" "Ndinozvishora nezvinhu zvandakaita Maluluza. Ndinoziva ndakatadza asi mwana hapana chandichamuita okay kana usingandivimbi wadii kuenda nesu" "Hakuna kwandinoenda ini. Haufi wakandiona ndichiisa gumbo rangu kumba kwako. Izvi ndatozviitiswa nekuda kwehure rangu riri kurwara" "Ndinokumbira usatauta uchidaro Maluluza sometimes tinoyerekana tangotaura mashoko anorwadza nekuda kwe situation yatinenge takatarisana nayo" "Argg save it Mike Tadiwa uchauya kuzomutora manheru. Hamenho why ndichifanirwa kukuvimba pamwana wangu" I'm her blood father" Ndakaridza tsamwa tichidzokera kune mu room muna Tadiwa "Tadie" "Mhamha" "Muchaenda ku Gweru nhasi manheru" "Imwi hamuendi here mhamha?" "Aewa tichange tichitaura pafoni" Tadiwa akanditarisa "Don't be like that my baby" "Tadiwa ndichauya manheru kuzokutora" "Ndokuvimbai sei kuti muchadzoka?" Mike akanditarisa "Trust me ndinoziva kuti uri mumarwadzo" Takabuda na Mike ndichimuperekedza. Patakangobuda panze dhuma dhuma na Tafadzwa. Tafadzwa akachinja kumeso achinditarisa achitarisa Mike "And then?" Tafadzwa akabvunza "Then what?" "Ndiani manje uyu wawave kubuda naye mudzimba?" "Tafadzwa wasvika pamba pangu usina kukokwa wave kuda kunditongesa pamba pangu. Are you for real?" Tafadzwa akaswedera pana Mike "Let me guess kuti ndiani?" Tafadzwa akadaro "Hazvinei newe izvo Mr kuti ndini ani" "Chero uri president wenyika asi zvichakubatsira kuti utambire kure na Mangwe. Ndiri kukuona maths dzako" "Ayy handina kuvinga Mangwe wako ini ndavinga mwana wangu" Mike akadaro "Good nekuti uchafira mahara" "Iwe mupfana usandityisa nenyoka yakafa hauzivi munhu wauno dealer naye kuti anoita nezvei" Mike akadaro achinopinda mumota yake . Ndakatarisa Tafadzwa ndichishamisika "Are you crazy?" "Wadzokerana naye manje" "Ndine chimiro ini na Tafadzwa handifanani newe unosiya mukadzi wako uchinorara nevakadzi vevanhu" "Uri mukadzi Wani iwe?" "Hazvinei newe izvo chingava chii chauri kufunga pandiri the answer is still no. Handingambodanani hewe ini. Ndakarara newe ndisingazivi kuti une mukadzi now ndave kuziva handifi ndakapamha zve kurara newe. " "Mhosva yangu ndeyeyi Mangwe? Ini ndinokuda please " "Ini handikudi" "Nekuda kwebenzi richangobva pano?" "Zvinei newe izvozvo. You know what Tafadzwa, ndichaku reporta ku department ndivaudze kuti handichakwanisi kufema nekuda kwako" "Usasanganisa personal yedu nebasa " "Wakandiziva through basa Saka ndine kodzero yekuku reporta" "Zvino tiri pabasa here pano? Hayi maan Mangwe stop behaving kunge mwana mudiki. We know kuti tinozvida zvinhu izvi" "Unozvida wega" ndakadaro ndichitendeuka ndichida kupinda mumba. Pandakati ndivhare door aiva atova mukati akashamisika achiona mumba mune vanhu "Hey guys" "Kule Tafadzwa " Tadiwa akadaro nezwi rine mufaro Tafadzwa akashamisika achiona huso Hwa Tadie akaswedera paari "Hey Tadi waita sei mumaziso?" Tafadzwa akadaro achimuhaga "Wamuendesa kuchipatara here Mangwe" "Tafadzwa hazvinei newe izvi iwe" "Mhamha musataura muchidaro kuna kule Tafadzwa please " Tafadzwa akadaro "Eish rega ndiende hangu zviri pachena kuti handidiwi pano" "Nhasi manheru ndiri kuenda ku Gweru hanzi zvinhu zvose izvi ndinofanirwa kuenda kumba kwa Baba" Tadiwa akadaro Tafadzwa akahaga Tadie achibva aoneka achienda. Varume vanondishamisa ini. Munhu ane mukadzi nevana kumba asi busy kuteverana nevamwe vakadzi. Dzimwe isu ma single tinombotukirwa mahara varume ndivo vanotori ne problem. End of chapter