Chapter 2 Tadiwa I wonder mhama vachati kudii pavachanzwa kuti tine trip ku Gweru. I'm praying kuti vabvume but I don't think so. Ndakadzika stairs ndichienda ku sitting room mhamha vaiva vakagara vachiona TV. Ndakatora remote ndichichinja, ko mhamha vanofarira kuona zvinhu zvisina basa. Ndaishaya kuti ndovatangira papi kuvaudza. Ndakanzwa huta pagedhi ndakaenda kunotora chikafu chedu ndichiuya nacho mumba "Wow ma order my favorite?" "Yes my darling anything for you" Ndakaisa chikafu patafura tichitanga kudya. Ndaingovatarisa ne talking eye. ndichavamirira vatange vapedza kudya. Tapedza kudza ndakadhonza chikosoro ndichivatarisa. "Mhamha tine trip yatiri kuenda nesuwo teacher vatiudza nhasi" "Trip kupi,?" "Ku gweru" Mhamha vakavhura maziso "Hauendiko Tadiwa" "Nei mhamha hanti tinenge tichinodzidza here?" "Uchadzidza pano WiFi iripo. Ku. Gweru ndati hauendi" "Mhamha nei muchindirambidza? Tiri kunodzidza, neniwo ndinodawo kuziva zvinhu zvinoitika panyika asi imwi hamudi kuti ndizive" "Tadiwa let's change topic uzviise mumusoro mako kuti ku Gweru hauendi" Misodzi yakapisa kumeso kwangu, ndakasimuka ndichienda mu room mangu ndichizvikandira pa bed Mhamha havangandirambidzi kuenda ku Gweru ndinofanirwa kuenda. Ndakatora Foni yangu ndichipinda pa Instagram. Everytime pandinopinda pa Instagram ndeumwe chete munhu wandinotarisa. Mike Kuchicha. Pandakapinda pa wall pake aiva achangoisa post. Aiva akaisa iye nevana vake vaviri achibva anyora kuti my lovely family akaisa zve imwe nemukadzi wake nevana vake. Moyo wangu wakarwadza zvakanyanya. Ko ini ndiri chii pamurume uyu? No Gweru ndinofanirwa kuenda, handidi kudiwa naye asi ndinoda mhinduro kuti nei achindivenga kudai. Chii chandakamutadzira? After that pamwe ndingawana peace. Everytime handina peace ndichizvibvunza kuti nei akandivenga kudai? Nei achindisema kunge handisi mwana wake. Ndakaisa foni yangu pasi nekuti ndakaona kuti ndikaramba ndakatarisa wall yake ndingafa ne stress ukuvo mhamha havadi ndiende ku Gweru argh Narrated Mike aiva akagara na Rose. Rose aiva akamutarisa "Ko kunditarisa?" "What if anozoziva chokwadi?" "Chokwadi? Ani iyeye?" "Come ohn Mike you know ndiri kureva Ray, what if achazoziva chokwadi kuti ana sisi vake?" "Sisi vake? Ari mwana Wani iyeye? Look Rose handina mwana musikana muhombe ini. Mwana uya ndakamupa Mangwe Saka haasi wangu" "Inini I think nyaya ichanetsa Ray zvaatotanga kuva nemibvunzo kudai" "Anofanirwa kuzviisa mumusoro make kuti handina umwe mwana musikana ini kunze Kwa Cleo" "Okay enough about that kuri sei kubasa?" "Kubasa kuri bhoo mudiwa wangu" "Okay my love" Mangwe Husiku hwose handina kurara ndichingofunga nezvenyaya ya Tadie. Mwana wangu handidi kuti aende ku Gweru. What if Mike achizomuona omuita zvimwe. Kana kumuuraya chaiko nekuti Mike anomuvenga mwana wangu haadi kuona chero paafamba Ndakamuka ndichienda ku kitchen ndakawana Tadie achidya "Morning my baby" Tadie haana kundipindura "I'm sorry my baby ndanonoka kumuka nhasi hona wazvigadzirira breakfast" Tadie akasimuka achida kuenda ndakamubata ruoko "Mhamha ndisiyeyi ndinoda kuenda kuchikoro" Tinofanirwa kutaura Tadie" "Ndinotaurei nemwi imwi musina basa ne future yangu" "Tadiwa nei uchitaura uchidaro?" Akatora bag rake achibuda "Ndichakuendesa Tadie" ndakadaro ndichimutevera kumashure asi akamhanya achinopinda mukombi. Ndakadzokera kumashure moyo wangu uchirwadza. She's my only Angel I can't loose her. Nhasi handisi kunzwa mushe so i handisi kuenda ku basa. Ndakafonera P.A yangu ndichiiudza. Ndakazogadzira Mumba ndapedza ndakaenda kumba kwaKudzi naiyevo aiva asina kuenda kubasa. "Sisi" Kudzie akadaro tichihagana "Kudzie" "Hausi right chii?" "Ndi Tadie" "Aitei Tadiwa" "Anoda kuenda kuGweru ku trip yavo" "Yes Prim andiudza Saka problem iri papi?" "Gweru ndiko kumba Kwana Tadie what if Mike achizomuona omuita zvimwe" "Nonsense Mangwe, haungapinzi mwana muma past Ako, Tadie Ari kuenda ku trip zvekuzosangana na Mike yatovawo imwe nyaya" " I'm scared Kudzie" "Mangwe siya mwana aende nevamwe vana achasarira muzvidzo" I don't know what to do. Ko nei trip yacho yanzi iri ku Gweru. I'm scared I don't want to lie. What if vanosangana na Mike **** Ndakamutswa na Kudzie sezvo ndaiva ndarara pasofa. Nguva dzekuti ndinotora Tadie dzaiva dzachaya. Ndakatora ma key emota ndichioneka ndichienda. Ndakasvika kuchikoro vana vatobuda. Ndakatarisa mwana wangu handina kumuona. Ndakaona Prim ndichibva ndamudana ndichimubvunza Tadie akati akwira kombi pandaiva ndave kuenda Prim akaswedera pandiri. ",Maiguru Tadie haasi right zuva rose kuchikoro anga achingochema ati mamurambidza kuenda Ku trip" Ndakanyarara ndichitura befu "Please maiguru ndinokumbira musamurambidza. Hapana zvakashata zvatichanoita tiri kunodzidza chete" "I'm scared Tadie achiri mudiki" Prim akaseka "Haa maiguru Tadie tinoenzana Wani. Okay ndichamutarisa ini" "Fine but please take good care of her" Prim akabvuma ndichibva ndamutsa mota ndichienda. Mwana wangu ave kukwira makombi nekuti ndamurambidza kuenda Ku Gweru. Shit but ndiri kubatsira iye chete haazvioni. Ndakadarika nepa shop yaiva pedo nepa garage ndichida kutenga drink sezvo mumba tisina. Ndakasvika ndikaburuka ndichienda mu shop, pandakabuda dhuma dhuma nemurume uya agezisa mota yangu nezuro. Takamhorosana, pandaiva ndave kuda kuenda "Ahhm nezuro hatina zvakawanda zvatataura wanga uchifamba nemwana wako, ini Zita rangu ndinonzi Farai Zhou" "Ohh okay ini ndinonzi Lubelihle Ngwenya" "Ewuu ndinoda kukuudza kuti wakanaka Mangwe handidi kukunyebera" "Ohh thanks" ""You're welcome. Ndokumbirawo number dzako pane nyaya yandinoda kutaura newe" "Handifambi ndichipa vanhu number yangu ini" "Unenge usingapi vanhu asi unenge uchipa Mhukahuru " Farai akadaro achinyemwerera Pfungwa dzangu dzaiva Kuna Tadie Saka ndakaona kuti munhu uyu haambondisiyi ndisina kumupa number dzangu. Ndakamupa ndichibva ndanopinda mumota ndichienda. Ndakasvika kumba ndikananga mu room mangu, ndakasiya bag ndichibva ndaenda mu room ma Tadie, ndakamuwana ari pa laptop yake akaisa ma headphones. Pandakapinda akabisa ma headphones "Mommy please you disturbing me I'm busy" "Handigari ndinoda kukumbira ruregerero nezvinhu zvandaita nezuro " "Izvo hazvichinji kuti mandirambidza kuenda ku Gweru" "Uchaenda Ku trip my baby" "Shuwa here?!!" Tadie akabvunza nezwi riri pamusoro "Yes my baby" "Wow thank you mommy I love you" Tadie akadaro achindihaga "I love you too my baby Rega ndinogadzira chikafu" "Ndinokubatsirai" "Wati uri busy wani?" "Handisi busy Ini ndanga ndichingoda kuku ignowayi chete" Ndakaseka tichibva taenda Ku kitchen Tadiwa I don't like it kana ndichinyebera mhamha asi hapana zvandingaita. ndinoda kuvaona Mr Kuchicha vondipa mhinduro dzandinoda pamwe ndingawana peace. Ndakatevera mhamha Ku kitchen tikagadzira chikafu. Tapedza takanodya Ku sitting room. tapedza zvose umwe neumwe akaenda mu room make,. Ndakasvika mu room mangu ndichitora foni yangu, ndichienda pa Bio ya Mr Kuchicha pamwe ndingawana something ingandisvitsa kumba kwavo like Address. Ndinoda kuenda ndave kuziva everything 🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷🩷 Mangwana ndakamuka mhamha vakandiendesa kuchikoro. I'm so happy sezvo mhamha vabvuma kuti ndiende Ku trip. Pa break ndakanogara na Prim ndikamuudza kuti mhamha vabvuma kuti ndiende naiyevo akafara zvakanyanya "Chomie pane zvinhu zvandinoda undibatsire nazvo" "Ndakateerera" "Kumba Kwa baba vangu Ku Gweru" "Haa ndiko Saka maiguru vanga vachiramba kuti uende" "Yah Saka ndinoda kuti undiperekedze ndinoona baba vangu" "Tadiwa unopenga here? Unoziva mhamha vako vakanzwa vachanetsana nesu" "Handiendi kunokumbira kuti vandide ndinoda mhinduro chete kwavari" "I don't think you're doing the right thing Tadie mhamha vako vati ndikutarise" "Trust me Prim mhamha havambofi vakaziva kuti taendako" "Hamenho Tadie asi Mai vako vakainzwa nyaya iyi muchanetsana" "Havamboinzwi chomie trust me" Break yakachaya tichibva tadzokera muma class Mike Ndaiva ndiri busy mu office mangu, Ray akapinda achimhanya "Ray chiiko newe kubva wapinda kunge uri kupinda mu toilet" "Sorry baba pane zvandinoda kutaura nemwi" "Ndakateerera" "Mai Evans naivowo vandibvunza kuti sisi vangu vanotishanyira rinhi" Ndakaridza tsamwa ndichiswedera Pana Ray "Ray ndakakuudza kuti une hanzvadzi one chete iwe kwete sisi, Saka neyi uchifamba uchiteerera nhema dzevanhu?" "Baba vanhu vaviri here vanotaura zvinhu zvakafanana?" "Ray une makore 13 chete iwe kuti ungandibvunza zvinhu zvakadaro. For now unofanirwa kuva focus pazvidzidzo zvako usiyane nenhema dzevanhu. Buda muno unoverenga uri kundikanganisa" Ray akabva abuda. Shit!!! Neyi vanhu vachifarira kupindira nyaya dzisivangavadi. Kuti Mangwe akaenda kupi nemwana uya handina basa nazvo handidi kuona chero huso hwake. Demet, ndinofanirwa kuti dai ndakamuuraya kare hamenho chii chandakaregera. Now ndinofanirwa kupedzisa basa randakasiya munzira. Ndakatora foni yangu "Hey pane basa randinoda undiitire. Ndichakusendera pic" Okay boss" Mangwe Nhasi izuva rekuenda kwemwana wangu ku trip. Ndakatanga kufunga past yangu. Mike achindidzinga mwana ane zuva rimwe chete azvarwa. Achindiudza kuti Tadie haamuvengi asi anomusema. Akandiudza kuti anondipa mwana uyu haadi kumuona chero paafamba. Ko nei Mike akaita zvinhu zvinorwadza kudai. Ndakatora foni yangu ndichifonera Prim "Maiguru makadii?" "Ndiri right Prim. Pane zvinhu zvandinoda kukuudza " ndakadaro ndichimuudza kuti Tadie ndeweku Gweru ndiko Saka Ndanga ndisingadi kuti aende Saka ndinokumbira amutarise vasatombobuda havo vabude vachienda kumashop chete uye kana vachibuda vabude na teacher vasabuda vega. "Okay maiguru ndichaita sekudaro" "Please Prim ndiye ega munhu wandiri kuraramira Saka handidi paitike chinhu paari" "Musatya maiguru" Prim akadaro tichibva taoneka. Ndakaenda mu room ma Tadie ndikamuwana achirongedza mbatya. Ndakamubatsira "Mhamha hamusi right" "Ndichabhowekana nekuti unenge usipo my baby" "Haa mhamha only two days" "Kwandiri igore" Tadie akaseka tichihagana. Misodzi yaiva yave kuyerera ndakaipukuta nekukurumidza kuti asandiona. I'm scared handidi kunyeba asi hapana zvandingaita. Handingatori past yangu ndoiisa pamwana wangu Primrose Handizivi kuti ndiite sei ini. Maiguru vakatarisira kwandiri kuti nditarise Tadie. Hazviiti kuti ndisavateerera ukuvo Tadie I shamwari yangu handizivi kuti ndomuperekedza here kunoona baba vake. But I shamwari yangu so shamwari dzinobatsirana but what about maiguru Mangwe shit. Ndaiva ndakamira pedo nebhazi ndakamirira Tadie sezvo aiva asati asvika. After some minutes ndakaona mota ya maiguru ndakaenda kwavari "Finally wasvika?" "Unomuziva Tadie rwaivhi chairwo" Takaseka tichihagana maiguru ndichimubatsira ne bag tichioneka maiguru tichipinda mubhazi "Tadie" "Uhhm" "Ndinokumbira usiyane nenyaya ya baba vako hona Mai vako vanokuda sei" "Usamboedza hako kundichinja pfungwa" "Tadie please" "Fine ndichapinda ndega Prim" "No handingakubvumiri kuti upinde wega" "Hanti ndiri kuona kunge unotya" "Handityi Tadiwa but ndiri kutyira Mai vako, zvichavarwadza zvose izvi" Don't worry about mhamha havamboinzwi nyaya iyi" Handina kuzomupindura nekuti ndakaona kuti aitova serious nenyaya yake. Bhazi rakafamba kusvika tasvika pane rimwe hotera. Takanzi tiburuke tisiye ma bag edu. Takaita sekudaro tichibva tadzokera mubhazi tichienda pane chimwe chikoro. Tadie paakaona chikoro ichi misodzi yakayerera "Pamwe dai ndichidzidza pano?" "No chomie siyana nevanhu vekwa Kuchicha Mai vako vanokuda kudarika zvose" "But nei vachindivenga kudai. Ndakavatadzirei kudaro? Nhasi ndinoda vandipindure zvose zvandinoda kuziva" End of chapter